-
“Akanga Anyatsofadza Mwari”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 1
-
-
“AKATAMISWA KUTI ASAONA RUFU”
Inoki akazofa sei? Mafiro ake haanzwisisiki uye anoshamisa. Muna Genesisi tinongoudzwa kuti: “Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi. Haana kuzovapo, nokuti Mwari akamutora.” (Genesisi 5:24) Zvinorevei kuti Mwari akamutora? Muapostora Pauro akazozvitsanangura achiti: “Nokutenda Inoki akatamiswa kuti asaona rufu, uye haana kuzomboonekwa nokuti Mwari akanga amutamisa; nokuti asati atamiswa akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” (VaHebheru 11:5) Pauro airevei paakati Inoki “akatamiswa kuti asaona rufu”? Mamwe maBhaibheri anoti Inoki akaenda kudenga. Asi handizvo, nekuti Bhaibheri rinoratidza kuti munhu wekutanga akamutswa kubva kuvakafa achibva aenda kudenga ndiJesu Kristu.—Johani 3:13.
Saka zvinorevei kuti Inoki “akatamiswa kuti asaona rufu”? Zvimwe Jehovha akaita kuti Inoki afe rufu rwusingarwadzi, panzvimbo pekumusiya achiurayiwa zveutsinye nevavengi vake. Asi Inoki asati afa, “akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” Zvakaitika sei? Nguva pfupi Inoki asati afa, Mwari anogona kunge akamuonesa nyika yava paradhiso. Izvozvo zvairatidza kuti Mwari aimufarira uye Inoki akabva azorora. Muapostora Pauro paainyora nezvaInoki uye varume nevakadzi vakavimbika akati: “Ivava vose vakafa vachitenda.” (VaHebheru 11:13) Vavengi vake vanogona kunge vakatsvaga chitunha chake, asi ‘hachina kuzomboonekwa,’ zvimwe nekuti Jehovha akaita kuti chinyangarike kuti vasaita zvavanoda nacho kana kuti vasachishandisa pakunamata kwenhema.b
Tichifunga zvataurwa izvi zvinobva muMagwaro, ngatichifungidzirai kuti Inoki anogona kunge akafa sei, asi ngatizivei kuti anogona kunge ainewo mamwe mafiro aakaita. Inoki akanga achitiza uye akanga ava kufemera pamusoro. Akanga achidzingirirwa nevanhu vaimutambudza uye vakanga vachipupa nehasha nemhaka yeshoko raaiparidza. Inoki akawana pekumbohwanda achibva amboti zororei, asi aiziva kuti vachapedzisira vamubata chete. Ainge atarisana nerufu rwunorwadza. Paanga akazorora, akanyengetera kuna Mwari wake. Akabva anzwa kakugadzikana. Zvaakaoneswa naMwari zvakaita kuti ambokanganwa zvanga zvichiitika, achibva atozviona ava muparadhiso.
Inoki anogona kunge aida kuurayiwa zveutsinye Jehovha paakamutora
Fungidzira achiona nyika yakasiyana nekure neyaakanga ajaira. Yainge yakanaka semunda weEdheni, asi pakanga pasina makerubhi aichengetedza nzvimbo iyi kuti vanhu vasapinda. Maiva muzere varume nevakadzi vakanga vaine utano uye vachiratidza kuti vachiri kuzvinzwa. Vose vaigarisana zvakanaka. Makanga musina zvinhu zvaakanga ajaira kuona zvakadai sekuvengana kana kuti kutambudzwa nenyaya yekuti uri munamati waJehovha. Inoki akanyatsoona kuti Jehovha aimuda uye aifarira zvaakanga achiita. Akanyatsoona kuti nzvimbo iyi ndiyo yainyatsoenderana naye; uye kuti rimwe zuva aizoigara. Inoki zvaairamba achiwedzera kugadzikana, akabva atsinzina achibva abatwa nehope, ndiye sarai.
Nanhasi achakafa, uye Jehovha Mwari achiri kumuyeuka! Sekuvimbisa kwakazoita Jesu, pachasvika zuva rekuti vose vanoyeukwa naMwari vachanzwa inzwi raKristu, vomuka kubva kumakuva, voona nyika itsva yakanaka ine vanhu vanogarisana zvakanaka.—Johani 5:28, 29.
-
-
“Akanga Anyatsofadza Mwari”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 1
-
-
b Ichi chinogona kunge chiricho chikonzero chakaitawo kuti Mwari anyangarise chitunha chaMosesi nechaJesu.—Dheuteronomio 34:5, 6; Ruka 24:3-6; Judha 9.
-