RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Tevedzera Kutenda kwaMosesi
    Nharireyomurindi—2014 | April 15
    • 1, 2. (a) Mosesi akasarudzei paakanga ava nemakore 40? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei Mosesi akasarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari?

      MOSESI aiziva kuti aigona kuva neramangwana rakanaka muIjipiti. Aiona dzimba dzembozha dzaiva dzakanaka uye dzakakura. Aiva weimba youmambo. “Akarayiridzwa muuchenjeri hwose hwevaIjipiti,” uye izvi zvinofanira kunge zvaisanganisira kudzidza nezvenyeredzi, masvomhu, sayenzi nezvimwewo zvakasiyana-siyana. (Mab. 7:22) Mosesi aikwanisa kuva nechinzvimbo, pfuma uye simba zvaisawanikwa nevamwewo vanhu vomuIjipiti!

      2 Asi paakanga ava nemakore 40, Mosesi akaita chisarudzo chinofanira kunge chakatadza kunzwisiswa neveimba youmambo vaimuchengeta. Haana kunyange kuda kuva noupenyu hwevaIjipiti vaisava veimba youmambo, asi akatosarudza kuva muranda! Nei akasarudza izvozvo? Nokuti aiva nokutenda. (Verenga VaHebheru 11:24-26.) Kutenda kwakaita kuti Mosesi aone zvaisaonekwa nevamwe. Mosesi aiva nokutenda muna Jehovha, “Uyo asingaoneki” uye aitenda kuti zvainge zvavimbiswa naMwari zvaizozadziswa.—VaH. 11:27.

  • Tevedzera Kutenda kwaMosesi
    Nharireyomurindi—2014 | April 15
    • 6. (a) Nei Mosesi akaramba “kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao”? (b) Nei uchifunga kuti Mosesi akaita chisarudzo chakanaka?

      6 Kutenda kwaMosesi kwakamubatsirawo pakusarudza basa. “Nokutenda Mosesi, paakanga akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao.” (VaH. 11:24) Mosesi haana kufunga kuti aigona kushumira Mwari ari muimba youmambo uye ozoshandisa upfumi hwake nechinzvimbo chake kubatsira hama dzake dzechiIsraeri. Asi aiva akatsunga kuda Jehovha nemwoyo wake wose, nemweya wake wose uye nesimba rake rose. (Dheut. 6:5) Zvakasarudzwa naMosesi zvakaita kuti asazorwadziwa. Pfuma yakawanda yeIjipiti yaakaramba yakazotorwa nevaIsraeri! (Eks. 12:35, 36) Farao akanyadziswa uye akaurayiwa. (Pis. 136:15) Asi Mosesi akaramba ari mupenyu uye Mwari akamushandisa kuti atungamirire pakununura rudzi rwose rwaIsraeri. Chokwadi upenyu hwake hwaiva nechinangwa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe