-
Unogona Kutsungirira Kusvikira KumugumoNharireyomurindi—1999 | October 1
-
-
10 Munhangemutange youpenyu yakapindwa nevaKristu, vanhu vanenge vachiona ndivanaani? Adudza zvapupu zvaJehovha zvakatangira chiKristu, sezvakanyorwa muchitsauko chechi11 chavaHebheru, Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, . . . ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” (VaHebheru 12:1) Pakushandisa dimikira regore, Pauro haana kushandisa shoko rechiGiriki rinotsanangura gore rakanyatsoratidzwa makurire nerudzi rwaro. Asi akashandisa rimwe iro maererano nomunyori weduramashoko W. E. Vine “rinoratidza gore guru risina kurongeka rakafukidza denga.” Zviri pachena kuti Pauro aifunga nezvezvapupu zvizhinji-zhinji—zvakawanda zvikuru zvokuti zvakanga zvakaita segore guru.
11, 12. (a) Zvapupu zvakanga zvakatendeka zvakatangira chiKristu zvinogona sei kuita sezviri kutikurudzira, kuti timhanye nhangemutange tichitsungirira? (b) Tingabatsirwa sei zvakakwana ne‘gore guru rezvapupu’?
11 Zvapupu zvakanga zvakatendeka zvakatangira chiKristu zvinogona kuva vanhu chaivoivo vanenge vachiona vomuzuva rino here? Nyangwe. Zvose zvakarara murufu, zvichimirira kumuka. Zvisinei, izvo pachazvo zvaiva vamhanyi vaibudirira pazvaiva zvipenyu, uye mienzaniso yazvo irimo mumapeji eBhaibheri. Sezvatinodzidza Magwaro, ava vakatendeka vanogona kuva chaivoivo mupfungwa dzedu uye vanogona kuita sevari kutikurudzira, kuti timhanye nhangemutange kusvikira yapera.—VaRoma 15:4.a
12 Somuenzaniso, apo mikana yenyika inotiedza, kufunga nezvokuti Mosesi akaramba sei mbiri dzeEgipita hakungatikurudziri here kurambira munzira yacho? Kana muedzo unonangana nesu uchiratidzika sowakanyanyisa, kuyeuka muedzo wakanga wakaoma uyo Abrahama akatarisana nawo paakaudzwa kuti ape mwanakomana wake Isaka chokwadi kuchatikurudzira kuti tirege kuneta mumakwikwi okutenda. Makurire akaita kukurudzirwa kwatinoitwa ne‘gore guru’ rezvapupu izvi munzira iyi anotsamira pakuti tinozviona zvakajeka sei nemaziso edu okunzwisisa.
13. Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva rino zvinotikurudzira munzirai munhangemutange youpenyu?
13 Takakomberedzwawo neZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvikuru mumazuva ano. Mienzaniso mikuru yakadini yakaratidzwa nevaKristu vakazodzwa pamwe nevarume nevakadzi ve“boka guru”! (Zvakazarurwa 7:9, NW) Tinogona kurava nyaya dzavo dzoupenyu nguva nenguva mumagazini ino nemamwe mabhuku eWatch Tower.b Sezvatinofungisisa nezvekutenda kwavo, tinokurudzirwa kutsungirira kusvikira kumugumo. Zvinofadza sei kutsigirwa neshamwari dzepedyo nehama dzedu chaidzo dziri kushumirawo Jehovha nokutendeka! Hungu, tine vakawanda vokutikurudzira munhangemutange youpenyu.
Mhanya Nokuchenjera
14, 15. (a) Nei zvichikosha kuti mamhanyire edu ave okuchenjera? (b) Nei tichifanira kunzwisisa pakuronga vavariro?
14 Paanenge achimhanya nhangemutange yedaro refu, yakadai semakiromita anoverengeka, mumhanyi anofanira kumhanya nokuchenjera. “Ukatanga uchimhanyisa zvingaita kuti ukundikane,” inodaro magazini inonzi New York Runner. “Zvingangoguma zvaitika ndezvokuti zvimwe ungazotamburira mumakiromita anoverengeka okupedzisira kana kuti kurega.” Mumwe aimhanya makiromita anoverengeka anoyeuka kuti: “Akataura pahurukuro yandakateerera pakugadzirira nhangemutange akanyevera zvakajeka kuti: ‘Usamhanyidzane nevanomhanyisa. Mhanya nemamhanyire ako. Nokuti ungazoneta uye zvimwe wofanira kurega.’ Kuteerera zano iri kwakandibatsira kuti ndipedze nhangemutange yacho.”
15 Munhangemutange youpenyu, vashumiri vaMwari vanofanira kuzvishandisa nesimba. (Ruka 13:24) Zvisinei, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kuchenjera, kunobva kumusoro . . . ku[“nonzwisisa,” NW].” (Jakobho 3:17) Nepo muenzaniso wakanaka wevamwe ungatikurudzira kuita zvakawanda, kunzwisisa kuchatibatsira kuisa vavariro chaidzo maererano nezvatinokwanisa nemamiriro edu ezvinhu. Magwaro anotiyeuchidza kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.”—VaGaratia 6:4, 5.
16. Kuzvininipisa kunotibatsira sei pakuronga mamhanyire atingaita?
16 Pana Mika 6:8, tinobvunzwa mubvunzo uyu unoita kuti tifunge: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti . . . ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” Kuzvininipisa kunosanganisira kuziva zvatisingakwanisi kuita. Utano husisisina kunaka kana kuti kukwegura zvava kuganhurira zvatinogona kuita mubasa raMwari here? Ngatiregei kuora mwoyo. Jehovha anogamuchira zvatinoedza kuita nokurega zvimwe zvinhu ‘maererano nezvatinazvo, kwete zvatisina.’—2 VaKorinte 8:12; enzanisa naRuka 21:1-4.
-
-
Unogona Kutsungirira Kusvikira KumugumoNharireyomurindi—1999 | October 1
-
-
Mugumo Zvaunoswedera Pedyo
20. Nhangemutange youpenyu ingaoma sei zvikuru sezvo mugumo wayo unoswedera pedyo?
20 Munhangemutange youpenyu, tinofanira kurwisana nomuvengi wedu mukuru, Satani Dhiyabhorosi. Sezvo tava pedyo nomugumo, ari kuedza aedzazve kutipingirisha kana kuti kutinetesa. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Uye hazvisi nyore kuti tipfuurire sevazivisi voUmambo vakatendeka, vakazvitsaurira tichifunga nezvehondo, nzara, zvirwere, uye dzimwe nhamo dzose dzinoratidza “nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4; Mateo 24:3-14; Ruka 21:11; 2 Timotio 3:1-5) Uyezve, mugumo dzimwe nguva ungaita souri kure zvikuru kupfuura zvataitarisira, kunyanya kana takapinda munhangemutange yacho makumi emakore akapfuura. Asi, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti mugumo uchauya. Jehovha anoti hauzononoki. Mugumo wava kutooneka.—Habhakuki 2:3; 2 Petro 3:9, 10.
21. (a) Chii chichatisimbisa kuti tirambe tiri munhangemutange youpenyu? (b) Tinofanira kutsunga kuitei sezvo mugumo unoswedera pedyo?
21 Saka, kuti tibudirire munhangemutange youpenyu, tinofanira kuwana simba pane zvatakagoverwa naJehovha norudo kuti tidyiswe mumudzimu. Tinodawo kukurudzira kwose kwatinogona kuwana pakugara tichiwadzana nevatinotenda navo, vari kumhanyawo munhangemutange yacho. Nyange kana kutambudzwa zvakanyanya uye zvinhu zvisingafanoonwa munzira zvikafanira kuita kuti nhangemutange yedu iome zvikuru, tinogona kutsungirira kusvikira kumugumo nokuti Jehovha anopa “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinte 4:7, NW) Zvinopa chivimbo sei kuziva kuti Jehovha anoda kuti tipedze nhangemutange yacho nokubudirira! Nokutsunga kwakasimba, “ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa,” tichivimba zvakazara kuti “tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VaHebheru 12:1; VaGaratia 6:9.
-