Ngwarira Kusava Nokutenda
“Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu.”—VAHEBHERU 3:12.
1. Iidii rinokatyamadza iro mashoko aPauro kuvaKristu vechiHebheru anodanira kungwariro yedu?
MUFUNGO unotyisa zvakadini—kuti vanhu vakambofarikanya ukama hwomunhu oga naJehovha vaigona kutanga kuva “nomwoyo wakashata” ndo‘kubva kuna Mwari mupenyu’! Uye iyi inyevero yakadini! Mashoko aya omuapostora Pauro aitaurirwa, kwete vasingatendi, asi vanhu vakanga vatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha pahwaro hwokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu.
2. Mibvunzoi yatinofanira kurangarira?
2 Munhu ari mumamiriro ezvinhu omudzimu akakomborerwa kudaro aigona sei kutanga kuva “nomwoyo wakashata usingatendi”? Zvirokwazvo, munhu upi noupi akanga amboravira rudo nomutsa usakafanirwa zvaMwari aigona sei kubva kwaari noune? Uye izvi zvingagona kuitika kune upi noupi wedu here? Iyi mifungo inopengenutsa, uye inoita kuti zvive madikanwa kuti titsvake kuti nei nyevero iyi yakapiwa.—1 VaKorinte 10:11.
Neiko Zano Rakasimba Rakadaro?
3. Rondedzera mamiriro ezvinhu aitapura vaKristu vomuzana rokutanga ramakore mukati nemakapoteredza Jerusarema.
3 Kunoratidzika kuti Pauro akanyorera tsamba yake kuvaKristu vechiHebheru muJudhea muna 61 C.E. Mumwe wezvenhau akacherekedza kuti iyi yakanga iri nguva apo “kwakanga kusina rugare kana kuti kuchengeteka nokuda kwomunhu upi noupi wapachokwadi, vakatendeseka, mungave muguta reJerusarema kana kuti kupi nokupiwo zvako muruwa rwose.” Yakanga iri nguva yokusateerera mutemo namasimba masimba, yakanyandurwa nomuvhenganiswa wamauto eRoma anodzvinyirira aivapo, kubatanidza Vanyanyisi vechiJudha vairwisana neRoma, uye mibato youtsotsi yembavha yavakati zvavanakira panguva dzacho dzenyongano. Zvose izvi zvakaita kuti zvinhu zviomere vaKristu zvikuru, avo vaiedza zvakaoma kuti vasabatanidzwe munhau idzi. (1 Timotio 2:1, 2) Kutaura idi, nemhaka yokusatora rutivi kwavo, vairangarirwa navamwe savasina kukodzera munzanga, kunyange vapandukiri. VaKristu kazhinji kazhinji vaibatwa zvisina kufanira, uye vakatambura pachavo pamwe nokurasikirwa kwomunhu oga.—VaHebheru 10:32-34.
4. VaKristu vechiHebheru vakapinzwa mudzvinyiriroi yorudzi rworudzidziso?
4 VaKristu vechiHebheru vaivawo pasi pedzvinyiriro yakakomba yezvorudzidziso. Shingairo yavadzidzi vaJesu vakatendeka nokuwedzera nokukurumidza kwakaguma kwaita ungano yechiKristu somugumisiro zvakanyandura godo nehasha zvavaJudha—zvikurukuru vatungamiriri vavo vorudzidziso. Hapana chavasina kuita kunetsa nokutambudza vateveri vaJesu Kristu.a (Mabasa 6:8-14; 21:27-30; 23:12, 13; 24:1-9) Kunyange kana vamwe vaKristu vasina kutambudzwa zvakananga, kunyange zvakadaro, vakazvidzwa nokunyombwa navaJudha. ChiKristu chaizvidzwa sorudzidziso ruchangotanga rusina runako sorwechiJudha, rusina temberi, rusina vaprista, rusina mitambo, rusina zvibairo zvakarongwa, zvichingodaro. Kunyange mutungamiriri wavo, Jesu, akaurawa setsotsi rakashurikidzwa. Kuti vashandise rudzidziso rwavo, vaKristu vaifanira kuva nokutenda, ushingi, uye tsungiriro.
5. Neiko kwaikosha kuti vaKristu vaiva muJudhea varambe vakasvinurira mumudzimu?
5 Kupfuura zvose, vaKristu vechiHebheru vaiva muJudhea vairarama panguva inokosha munhau yorudzi irworwo. Zvinhu zvakawanda izvo Ishe wavo, Jesu Kristu, akataura kuti zvaizoratidza mugumo wegadziriro yezvinhu yechiJudha zvakanga zvatoitika. Mugumo waisagona kuva kure. Kuti vapukunyuke, vaKristu vaifanira kuramba vakasvinurira mumudzimu ndokugadzirira ku‘tizira kumakomo.’ (Mateo 24:6, 15, 16) Vaizova nokutenda nesimba romudzimu raidikanwa kuti vaite chiito chokukurumidza, sokurayira kwakanga kwaita Jesu here? Pakaratidzika kusava nechokwadi.
6. VaKristu vaiva muJudhea vaidei nokukurumidza?
6 Mukati memakore gumi okupedzisira kuparadzwa kwegadziriro yose yezvinhu yechiJudha kusati kwaitika, vaKristu vechiHebheru nenzira yakajeka vaiva pasi pedzvinyiriro huru inobva kunze nomukati meungano. Vaida kurudziro. Asi vaidawo zano nenhungamiro zvokuvabetsera kuona kuti nzira yavakanga vasarudza yakanga yakarurama uye kuti vakanga vasina kutambura nokutsungirira pasina. Nenzira inofadza, Pauro akashanda nesimba pachiitiko chacho ndokuvayamura.
7. Neiko tichifanira kufarira izvo Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru?
7 Izvo Pauro akanyorera vaKristu vechiHebheru zvinofanira kutifadza zvikuru. Neiko? Nokuti tiri kurarama munguva yakafanana neyavo. Zuva nezuva tinonzwa dzvinyiriro dzinobva munyika inodzorwa naSatani. (1 Johane 5:19) Huri kuzadzikwa pamberi pamaziso edu uporofita hwaJesu navaapostora pamusoro pamazuva okupedzisira ne“okuguma kwenyika.” (Mateo 24:3-14; 2 Timotio 3:1-5; 2 Petro 3:3, 4; Zvakazarurwa 6:1-8) Kupfuura zvose, tinofanira kuramba takasvinurira mumudzimu kuti ti“gone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa.”—Ruka 21:36.
Uyo Ari Mukuru Kupfuura Mosesi
8. Kupfurikidza nokutaura zvakanyorwa pana VaHebheru 3:1, Pauro akanga achikurudzira vaKristu biyake kuitei?
8 Achitsanangura mufungo unokosha, Pauro akanyora kuti: “Fungai zvakanaka muapostora nomupristi mukuru wokupupura kwedu, iye Jesu.” (VaHebheru 3:1) Ku“funga” kunoreva “kunzwisisa zvakajeka . . . , kunzwisisa zvizere, kusanorangarira.” (Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words) Nokudaro, Pauro akanga achikurudzira vaaitenda navo kuita nhamburiko yokushingaira kusvika pakuonga zvechokwadi basa iro Jesu akaita mukutenda noruponeso rwavo. Kuita izvi kwaizosimbisa kutsunga kwavo kumira vakasimba mukutenda. Ipapoka, nderipi rakanga riri basa raJesu, uye neiko tichifanira kumu“funga”?
9. Neiko Pauro akanongedzera kuna Jesu so“muapostora” no“mupristi mukuru”?
9 Pauro akashandisa mashoko okuti “muapostora” no“mupristi mukuru” kuna Jesu. “Muapostora” munhu anotumwa uye pano rine chokuita nomitoo yaMwari yokukurukura norudzi rwomunhu. “Mupristi mukuru” ndeuyo kupfurikidza naye vanhu vanogona kusvika Mwari. Gadziriro idzi mbiri dzinokosha mukunamata kwechokwadi, uye Jesu ndiye hwaro hwedzose dziri mbiri. Ndiye akatumwa kubva kudenga kuzodzidzisa rudzi rwomunhu chokwadi pamusoro paMwari. (Johane 1:18; 3:16; 14:6) Jesu ndiyewo akagadzwa saanofananidzira Mupristi Mukuru mugadziriro yetemberi yomudzimu yaJehovha yokukanganwira zvivi. (VaHebheru 4:14, 15; 1 Johane 2:1, 2) Kana tichionga zvechokwadi zvikomborero zvatinogona kuwana kupfurikidza naJesu, tichava noushingi uye tichatsunga kuramba takasimba mukutenda.
10. (a) Pauro akabatsira sei vaKristu vechiHebheru kunzwisisa ukuru hwechiKristu kupfuura hwechiJudha? (b) Pauro akadudza chokwadii chikuru kuti asimbise mufungo wake?
10 Kusimbisa ukoshi hwokutenda kwechiKristu, Pauro akaenzanisa Jesu naMosesi, uyo vaJudha vairangarira somuporofita mukurusa pakati pamadzitateguru avo. Kudai vaKristu vechiHebheru vaigona kubvuma nomwoyo wose idi rokuti Jesu mukuru kupfuura Mosesi, vaisazova nechikonzero chokusava nechokwadi nezvoukuru hwechiKristu pachiJudha. Pauro akajekesa kuti mufungo wokuti nepo Mosesi akarangarirwa saakakodzera kuronzeswa “imba” yaMwari—rudzi, kana kuti ungano, yaIsraeri—aingova bedzi murindiri akatendeka kana kuti mubatiri. (Numeri 12:7) Kune rumwe rutivi, Jesu akanga ari Mwanakomana, mutariri paimba. (1 VaKorinte 11:3; VaHebheru 3:2, 3, 5) Kusimbisa mufungo wake, Pauro akadudza mashoko aya echokwadi muchisiko chapose pose okuti: “Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomumhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.” (VaHebheru 3:4) Hapana aigona kuita nharo kuti Mwari mukuru kupfuura munhu upi noupi, nokuti ndiye Muvaki, kana kuti Musiki, wezvose. Nenzira ine mufungo, ipapoka, sezvo Jesu aishanda pamwe naMwari, anofanira kuva mukuru kupfuura chimwe chisiko chose, kubatanidza Mosesi.—Zvirevo 8:30; VaKorose 1:15-17.
11, 12. Chii icho Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru ku“batisisa kusvika pamugumo,” uye tinogona sei kushandisa zano rake?
11 Zvechokwadi, vaKristu vechiHebheru vaiva muchimiro chokunzwirwa nyasha zvikuru. Pauro akavayeuchidza kuti vakanga vari “vagoverani . . . pakudanwa kunobva kudenga,” ropafadzo inofanira kukosheswa kupfuura chipi nechipi icho gadziriro yechiJudha yaigona kupa. (VaHebheru 3:1) Mashoko aPauro anofanira kuva akaita kuti vaKristu ivavo vakazodzwa vanzwe vachionga kuti vakanga vari mumutsara nokuda kwenhaka itsva panzvimbo pokuzvinzwira urombo kuti vakanga varega zvinhu zvakabatana nenhaka yechiJudha. (VaFiripi 3:8) Achivakurudzira kubatisisa ropafadzo yavo ndokusairerutsa, Pauro akati: “Kristu soMwanakomana, wakaiswa pamusoro peimba ya[Mwari]; iye, tiri imba yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.”—VaHebheru 3:6.
12 Hungu, kana vaKristu vechiHebheru vaizopukunyuka mugumo unoswedera wegadziriro yezvinhu yechiJudha, vaifanira kubatisisa tariro yavo yakapiwa naMwari “kusvika pakuguma.” Tinofanira kuita zvimwe chetezvo nhasi kana tichida kupukunyuka mugumo wegadziriro ino yezvinhu. (Mateo 24:13) Hatifaniri kubvumira funganyo dzoupenyu, kusakendenga kwavanhu, kana kuti chimiro chedu timene chokusakwana kutiita kuti tizununguswe mukutenda kwedu muzvipikirwa zvaMwari. (Ruka 21:16-19) Kuti tione kuti tingazvisimbisa sei timene, ngatipei ngwariro kumamwezve mashoko aPauro.
“Musawomesa Mwoyo Yenyu”
13. Pauro akapa nyeveroi, uye akashandisa sei Pisarema 95?
13 Pashure pokurangarira chimiro chokunzwirwa nyasha chavaKristu vechiHebheru, Pauro akapa nyevero iyi: “Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti: Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musawomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa, napazuva rokuidzwa murenje.” (VaHebheru 3:7, 8) Pauro akanga achinokora mashoko muPisarema rechi95, uye naizvoizvo aigona kuti “sezvinotaura Mweya.”b (Pisarema 95:7, 8; Eksodho 17:1-7) Magwaro akafuridzirwa naMwari kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake.—2 Timotio 3:16.
14. VaIsraeri vakadavidza sei kuizvo Jehovha akanga avaitira, uye nei?
14 Pashure pokusunungurwa muuranda muEgipita, vaIsraeri vakaremekedzwa zvikuru kuti vave noukama hwesungano naJehovha. (Eksodho 19:4, 5; 24:7, 8) Panzvimbo pokuratidza kuonga zvavakanga vaitirwa naMwari, zvisinei, nokukurumidza vakaita nokupandukira. (Numeri 13:25–14:10) Izvozvo zvaigona sei kuva zvakaitika? Pauro akanongedzera kuchikonzero chaicho: kuomesa mwoyo yavo. Asi mwoyo inoziva neinodavidza Shoko raMwari ingaomeswa sei? Uye tinofanira kuitei kudzivisa izvi?
15. (a) ‘Inzwi raMwari amene’ rave richinzwiwa sei, munguva yakapfuura uye yazvino? (b) Mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza pamusoro pe‘inzwi raMwari’?
15 Pauro akatanga nyevero nechikamu chamashoko chokutanga chezvinobvira chokuti “kana muchinzwa inzwi rake.” Mwari akataura navanhu vake kupfurikidza naMosesi navamwe vaporofita. Ipapo, Jehovha akataura navo kupfurikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu. (VaHebheru 1:1, 2) Nhasi, tine Shoko rakakwana rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri Dzvene. Tinewo “muranda akatendeka, wakangwara,” akagadzwa naJesu kugovera “zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45-47) Naizvozvo, Mwari achiri kutaura. Asi tiri kuteerera here? Somuenzaniso, tinodavidza sei kuzano pamusoro pomupfekero norutsvindo kana kuti chisarudzo chevaraidzo nenziyo? Tino“nzwa,” ndiko kuti, kupa ngwariro nokuteerera kune zviri kunzwiwa here? Kana tine muiitiro wokuzvipembedza kana kuti kuramba zano, tiri kuzviisa mungozi yamanomano yokuomesa mwoyo yedu.
16. Ndeipi iri imwe nzira iyo mwoyo yedu ingaomeswa nayo?
16 Mwoyo yedu inogonawo kuomeswa kana tikarega kuita zvatinogona kuita nezvatinofanira kuita. (Jakobho 4:17) Pasinei zvapo nezvose izvo Jehovha akaitira vaIsraeri, vakakundikana kushandisa kutenda, vakapandukira Mosesi, vakasarudza kudavira mushumo wakashata pamusoro peKanani, uye ndokuramba kupinda munyika yakapikirwa. (Numeri 14:1-4) Naizvozvo Jehovha akarayira kuti vaizopedza makore 40 murenje—nguva refu yakakwana nokuda kwemitezo isingatendi yechizvarwa ichocho kuti ife. Anyangadzwa navo, Mwari akati: “Vanogara vachitsauka pamwoyo yavo; asi havana kuziva nzira dzangu. Naizvozvo ndakapika pakutsamwa kwangu, ndikati; havangapindi muzororo rangu.” (VaHebheru 3:9-11) Tinoona chatinodzidza pano here?
Chidzidzo Kwatiri
17. Kunyange zvazvo vakaona mabasa ane simba aJehovha nokunzwa mashoko ake, neiko vaIsraeri vakashaiwa kutenda?
17 Chizvarwa chavaIsraeri chakabuda muEgipita chakaona nameso acho ndokunzwa nenzeve dzacho mabasa ane simba namashoko aJehovha. Kunyange zvakadaro, vaisava nokutenda kuti Mwari aigona kuvatungamirira zvakakotsekana kupinda munyika yakapikirwa. Neiko? “Asi havana kuziva nzira dzangu,” akadaro Jehovha. Vaiziva izvo Jehovha akanga ataura ndokuita, asi vakanga vasina kuva nechivimbo musimba rake rokuti avatarisire. Vakanga vakazadzwa mundangariro nezvinodikanwa zvomunhu oga zvokuti vakapa mufungo muduku kunzira dzaMwari nechinangwa. Hungu, havana kuva nokutenda muzvipikirwa zvake.
18. Maererano naPauro, chiitoi chichaguma no“mwoyo wakashata usingatendi”?
18 Aya mamwe mashoko kuva Hebheru anoshanda zvakafanana kwatiri nhasi okuti: “Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu.” (VaHebheru 3:12) Pauro akasvika pamusimboti wenhau kupfurikidza nokuonesa kuti “mwoyo wakashata usingatendi” ndiwo mugumisiro woku“tsauk[a] muchibva kuna Mwari mupenyu.” Pamavambo mutsamba iyi, akataura nezvo“kukukurwa” nemhaka yokusapa ngwariro. (VaHebheru 2:1) Zvisinei, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kubva” rinoreva “kuparadzana” uye rine chokuita neshoko rokuti “kuramba kutenda.” Rinoratidza kudzivisa kwoune nokwokungwarira, kubva, uye kutsauka, nekakuzvidza kanowedzera.
19. Kukundikana kuteerera zano kungagona sei kutungamirira kumigumisiro yakakomba? Enzanisira.
19 Naizvozvo, chidzidzo ndechokuti kana tikawira mumuitiro wokukundikana ku“nzwa inzwi rake,” tichifuratira zano rinobva kuna Jehovha kupfurikidza neShoko rake neboka romuranda akatendeka, hakusati kuchizova nenguva refu mwoyo yedu isati yatindivara, yaomeswa. Somuenzaniso, vaviri vasina kuroorana vangati kwamiranei. Zvakadini kana vakangofuratira zvavo nhau yacho? Izvozvo zvingavadzivirira kudzokorora zvavakaita here, kana kuti izvozvo zvaingaita bedzi kuti zvive nyore kwavari kuti vazviite zvakare? Nenzira yakafanana, apo boka romuranda rinogovera zano pakunodikanwa kwokuva vanosarudza muchisarudzo chedu chenziyo nevaraidzo, uye zvichingunodaro, tinorigamuchira nokuonga ndokugadziridza pari madikanwa here? Pauro akatikurudzira ku‘sarega kuungana kwedu.’ (VaHebheru 10:24, 25) Pasinei zvapo neiri zano, vamwe vanova nomurangariro wokusakendenga misangano yechiKristu. Vanganzwa kuti kupotsa mimwe yayo kana kuti kurega mimwe misangano zvachose hakukoshi.
20. Neiko kuchikosha kuti tidavidze kuzano raMagwaro nenzira yakanaka?
20 Kana tisingadavidzi zvakanaka ku“inzwi” raJehovha, rinotaurwa zvakajeka muMagwaro nomuzvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri, nokukurumidza tichazviwana timene tichi“bva kuna Mwari mupenyu.” Kufuratirwawo zvako kwezano nenzira iri nyore kunogona kuva kuzvidza kwokushingaira, kutsoropodza, uye kuridzivisa. Kana kukasadziviswa, mugumisiro wacho “mwoyo wakashata usingatendi,” uye kunaya kubva munzira iyi kazhinji kazhinji kwakaoma zvikuru. (Enzanisa naVaEfeso 4:19.) Jeremia akanyora nenzira yakafanira kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?” (Jeremia 17:9) Nokuda kwechikonzero ichi, Pauro akakurudzira vatendi biyake vechiHebheru kuti: “Simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi nhasi; kuti kurege kuva nomumwe unoomeswa nokunyengera kwezvivi.”—VaHebheru 3:13.
21. Tose zvedu tinokurudzirwa kuitei, uye ikariroi dzatinadzo?
21 Tinofara sei kuti Jehovha achiri kutaura kwatiri nhasi, kupfurikidza neShoko rake nesangano rake! Tinofara kuti “muranda akatendeka, wakangwara” anopfuurira kutibetsera ku“batisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira kumugumo.” (VaHebheru 3:14) Zvino inguva yokuti tidavidze kurudo rwaMwari nenhungamiro. Sezvatinoita kudaro, tinogona kufarikanya chimwe chikomborero chinoshamisa chaJehovha—icho cho‘kupinda’ muzororo rake. (VaHebheru 4:3, 10) Iyoyo ndiyo nhau iyo Pauro akatevera kukurukura navaKristu vechiHebheru, uye ndiyowo yaticharangarira munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Josephus akashuma kuti nokukurumidza pashure porufu rwaFestus, Ananus (Ananias) wesekete ravaSadhuse akava mupristi mukuru. Akaunza Jakobho munun’una nokuna mai waJesu, uye navamwe vadzidzi pamberi peSanihedrini ndokuvaita kuti vatongerwe rufu nokutakwa namabwe.
b Sezviri pachena Pauro akanokora mashoko muSeptuagint yechiGiriki, inoshandura chiHebheru chokuti “Meribah” se“bopoto” uye “Massah” se“kuedza.” Ona mapeji 350 ne379 muVhoriyamu 2 yeInsight on the Scriptures, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Neiko Pauro akanyora zano rakasimba kudaro kuvaKristu vechiHebheru?
◻ Pauro akabatsira sei vaKristu vechiHebheru kunzwisisa kuti vakanga vane chimwe chinhu chiri nani kupfuura upenyu muchiJudha?
◻ Mwoyo womunhu unoomeswa sei?
◻ Chii chatinofanira kuita kuti tidzivise kukudziridza “mwoyo wakashata usingatendi”?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Uri kushandisa kutenda muna Jesu, Mosesi Mukuru here?