Shandisa Kutenda Kwakavakirwa Pazvokwadi
“Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.”—VAHEBHERU 11:6.
1, 2. Kutenda kwaAdhama kwakaedzwa sei, uye nomuuyoi?
KUTENDA kunoda zvinopfuura kudavira kuti Mwari aripo. Munhu wokutanga, Adhama, akanga asina panikiro pamusoro pokuvapo kwaJehovha Mwari. Mwari akanga akurukura naAdhama, sezvingabvira zvikurusa kupfurikidza noMwanakomana Wake, Shoko. (Johane 1:1-3; VaKorose 1:15-17) Bva, Adhama akarasikirwa nekariro youpenyu husingagumi nemhaka yokuti akakundikana kuteerera Jehovha ndokushandisa kutenda maari.
2 Mufarwa womunguva yemberi waAdhama wakaratidzika kuva wakapinzwa mungozi apo mudzimai wake, Evha, asina kuteerera Jehovha. Chokwadi, mufungo umene wokurasikirwa naye wakaedza kutenda kwomunhu wokutanga! Mwari aigona kupedza ichi chinetso nenzira yakadaro zvokuvimbisa mufarwa unopfuurira negarikano zvaAdhama here? Kupfurikidza nokukumbanira Evha mukudarika, Adhama akaratidza kuti iye sezviri pachena haana kufunga kudaro. Iye akaedza kupedza chinetso chacho munzira yake, panzvimbo pokutsvaka zvapachokwadi nhungamiro youmwari. Achikundikana kushandisa kutenda muna Jehovha, Adhama akaunza rufu paari amene navana vake vose.—VaRoma 5:12.
Kutenda Chii?
3. Rondedzero yeBhaibheri yokutenda inosiana sei neiyo inopiwa nerimwe duramashoko?
3 Rimwe duramashoko rinorondedzera kutenda se“chitendero chakasimba muchimwe chinhu umo musina ufakazi.” Risingatongotsigiri mufungo iwoyo, zvisinei, Bhaibheri rinosimbisa zvakasiana chaizvo. Kutenda kwakavakirwa pamaidi, pazvinhu chaizvoizvo, pazvokwadi. Magwaro anoti: “Kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.” (VaHebheru 11:1) Munhu ane kutenda ane vimbiso yokuti chinhu chiri chose chakapikirwa naMwari chakaita sechazadzikwa. Chakasimba kwazvo chibvumikiso chinopwisa chezvinhu chaizvoizvo zvisingaoneki zvokuti kutenda kunotaurwa kuva kwakaenzana noufakazi ihwohwo.
4. Rimwe bhuku renongedzero rinotsigira sei rondedzero yeBhaibheri yokutenda?
4 MuNew World Translation, chimiro chinoparira chechiito chechiHebheru chokuti ʼa·manʹ pane dzimwe nguva chinoshandurwa kuti “shandisa kutenda.” Mukuwirirana neTheological Wordbook of the Old Testament, “pakati perevo yamavambo ipfungwa youchokwadi . . . mukusiana nemifungo yazvino uno yokutenda sechimwe chinhu chinobvira, chinokarirwa kuva chechokwadi, asi chisiri chechokwadi.” Bhuku rimwe chetero rinoti: “ʼĀmēn ‘zvirokwazvo’ anotorwa mumanyuko anopinzwa muTestamente Itsva mushoko rokuti amēn iro riri shoko [re]Shona rokuti ‘ameni.’ Jesu akashandisa shoko racho kazhinji kazhinji (Mt. 5:18, 26, zvichingodaro) kusimbisa uchokwadi hwenhau.” Shoko rinoshandurwa kuti “kutenda” muMagwaro echiKristu echiGiriki rinorevawo chitendero mune chimwe chinhu chakavakirwa zvakasimba paidi kana kuti zvokwadi.
5. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “rusimbiso” pana VaHebheru 11:1 rakashandiswa sei muzvinyorwa zvekare zvebhizimisi, uye irori rine revoi nokuda kwamaKristu?
5 Shoko rechiGiriki (hy·poʹsta·sis) rinoshandurwa kuti “rusimbiso” pana VaHebheru 11:1 raiwanzoshandiswa muzvinyorwa zvebhizimisi zvamanyoro ekare akagadzirwa nenhokwe kupa mufungo wechimwe chinhu chinovimbisa umwene hwomunguva yemberi. Nyanzvi Moulton naMilligan dzinokarakadza kushandura kwokuti: “Kutenda ipepa remaruramiro oumwene hwenzvimbo hwezvinhu zvinokarirwa.” (Vocabulary of the Greek Testament) Sezviri pachena, kana munhu ane pepa remaruramiro oumwene kunzvimbo, iye anogona kuva ne“rusimbiso” rwokuti rimwe zuva tariro yake yokuiwana ichazadzika.
6. Chii chiri revo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “ratidziro inooneka” pana VaHebheru 11:1?
6 Pana VaHebheru 11:1, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti [“ratidziro inooneka,” NW] (eʹleg·khos) rinopa mufungo wokupa ufakazi hwokuratidzira chimwe chinhu, zvikurukuru chimwe chinhu chakasiana nechinoratidzika kuva chinoitika chacho. Ufakazi hwakanaka kana kuti hwakasimba hunojekesa chakasara chisina kunzwisiswa kare, nomutoo iwoyo chichiramba chaingoratidzika bedzi kuva chinoitika chacho. Naizvozvo muose ari maviri Magwaro echiHebheru neechiGiriki, kutenda hakusati kuchitongova “chitendero chakasimba muchimwe chinhu chisina chibvumikiso.” Mukusiana nezvo, kutenda kwakavakirwa pazvokwadi.
Kwakavakirwa Pazvokwadi Huru
7. Pauro naDhavhidhi vanorondedzera sei avo vanoramba kuvapo kwaMwari?
7 Muapostora Pauro akadudza zvokwadi huru apo akanyora kuti “kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake [zvoMusiki] zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi rouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege [vashori vezvokwadi] kuva nepembedzo.” (VaRoma 1:20) Hungu, “kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari,” uye “pasi pazere nepfuma” yake. (Pisarema 19:1; 104:24) Asi zvakadiniko kana mumwe munhu asingadisi kurangarira ufakazi? Wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa [“anodada,” The New English Bible] unoti: ‘Haangabvunzi.’ Ndangariro dzake dzose dzinoti: ‘Hakuna Mwari.’” (Pisarema 10:4; 14:1) Murutivi, kutenda kwakavakirwa pazvokwadi hurusa yokuti Mwari aripo.
8. Avo vanoshandisa kutenda vanokwanisa kuva nesimbisoi nenzwisiso?
8 Jehovha haasati aripowo zvake; iye akavimbikawo, uye tinogona kutsamira pazvipikirwa zvake. Iye akati: “Zvirokwazvo, sezvandakafunga, ndizvo zvazvichaitika; sezvandakarangarira, zvichamira saizvozvo.” (Isaya 14:24; 46:9, 10) Iwaya haasati ari mashoko asina revo. Pane chibvumikiso chakajeka chokuti mazana amauporofita akanyorwa muShoko raMwari akazadzikwa. Neiyi nzwisiso, avo vanoshandisa kutenda vanokwanisawo kunzwisisa zadziko inopfuurira yamamwe mauporofita mazhinji eBhaibheri. (VaEfeso 1:18) Somuenzaniso, vari kuona kuzadzikwa kwe“chiratidzo” chokuvapo kwaJesu, kubatanidza kuparidzirwa kunokurumidziswa kwoUmambo hwakagadzwa, pamwe chete nefutunuko yakadeya kutaurwa yokunamata kwechokwadi. (Mateo 24:3-14; Isaya 2:2-4; 60:8, 22) Vanoziva kuti nokukurumidza marudzi achadanidzira kuti “Rugare nechengeteko!” uye kuti nokukurumidza pashure paikoko Mwari acha“paradza avo vanoparadza pasi.” (1 VaTesaronika 5:3; Zvakazarurwa 11:18, NW) Chikomborero chakadini kuva nokutenda kwakavakirwa pazvokwadi dzouporofita!
Chibereko Chomudzimu Mutsvene
9. Ukamai huri pakati pokutenda nomudzimu mutsvene?
9 Zvokwadi pakavakirwa kutenda inowanikwa muBhaibheri, chibereko chomudzimu mutsvene waMwari. (2 Samueri 23:2; Zekaria 7:12; Marko 12:36) Nenzira ine mufungo, ipapoka, kutenda hakugoni kuvapo pasina kushanda kwomudzimu mutsvene. Ndicho chikonzero nei Pauro aigona kunyora, kuti: “Chibereko chomudzimu [chinobatanidza] . . . kutenda.” (VaGaratia 5:22, NW) Asi vazhinji vanoramba zvokwadi youmwari, vachishatisa upenyu hwavo nezvishuvo zvenyama nemirangariro inotambudza mudzimu waMwari. Nokudaro, “havazi vose vanotenda,” nokuti havana hwaro hwepokukutangira.—2 VaTesaronika 3:2; VaGaratia 5:16-21; VaEfeso 4:30.
10. Vamwe vabatiri vapakuvamba vaJehovha vakaratidza sei kuti vaishandisa kutenda?
10 Kubva pakati pavazukuru vaAdhama, zvisinei, vamwe vanhu vakashandisa kutenda. VaHebheru ganhuro 11 inodudza Abheri, Enoki, Noa, Abrahama, Sara, Isaka, Jakobho, Josefa, Mosesi, Rakabhi, Gidheoni, Bharaki, Samsoni, Jefta, Dhavhidhi, uye Samueri, pamwe chete navabatiri vaJehovha vazhinji vasina kududzwa mazita, avo “vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo.” Cherekedza chakaitwa “nokutenda.” Kwakanga kuri kupfurikidza nokutenda kuti Abheri “wakabaira Mwari chibairo chakanaka” uye Noa “akagadzira areka.” Kupfurikidza nokutenda Abrahama “akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake.” Uye kupfurikidza nokutenda, Mosesi “akabva Egipita.”—VaHebheru 11:4, 7, 8, 27, 29, 39.
11. Mabasa 5:32 inoratidzirei pamusoro pavanhu vasingateereri Mwari?
11 Sezviri pachena, vabatiri ivavo vose vaJehovha vakaita zvinopfuura kudavira bedzi kuvapo kwaMwari. Vachishandisa kutenda, vakavimba naye soUyo ari “unopa vanomutsvaka mubairo wavo.” (VaHebheru 11:6) Vakaita izvo mudzimu waMwari wakavaraira kuita, vachiita chimwe chinhu pazivo yakarurama yezvokwadi yaivapo ipapo, kunyange zvazvo yakanga yakaganhurirwa. Kwakasiana sei naAdhama! Iye haana kuita chinhu mukutenda kwakavakirwa pazvokwadi kana kuti mukuwirirana nenhungamiro yomudzimu mutsvene. Mwari anopa mudzimu wake kuavo bedzi vanomuteerera.—Mabasa 5:32.
12. (a) Abheri aiva nokutenda muchii, uye iye akaratidza sei ikoku? (b) Pasinei hapo nokutenda kwazvo, zvapupu zvaJehovha zvapamberi pechiKristu hazvina kugamuchirei?
12 Mukusafanana nababa vake, Adhama, Abheri woumwari akanga ane kutenda. Sezvinooneka kubva kuvabereki vake, akadzidza nezvouporofita hwokutanga hwakambotaurwa: “Ini [Jehovha Mwari] ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye pakati pembeu yako nembeu yake. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Genesi 3:15, NW) Mwari nokudaro akapikira kuparadza uipi ndokudzorera kururama. Kuti ichi chipikirwa chaizozadzikwa sei, Abheri akanga asingazivi. Asi kutenda kwake kwokuti Mwari Mutusi waavo vanoMutsvaka zvapachokwadi kwakanga kwakasimba zvakaringanira kumusunda kupa chibairo. Iye sezvingabvira akanga arangarira zvikuru uporofita hwacho ndokudavira kuti kudeurwa kweropa kwaizova kuri madikanwa kuzadzika chipikirwa chacho ndokusimudzira rudzi rwomunhu kukukwana. Nokudaro, chibairo chemhuka chaAbheri chakanga chakafanira. Pasinei zvapo nokutenda kwavo, zvisinei, Abheri nezvimwe zvapupu zvaJehovha zvapamberi pechiKristu “havana kuwana zadziko yechipikirwa.”—VaHebheru 11:39, NW.
Kukwanisa Kutenda
13. (a) Abrahama naDhavhidhi vakadzidzei pamusoro pezadziko yechipikirwa? (b) Neiko kuchigona kutaurwa kuti “zvokwadi yakauya naJesu Kristu”?
13 Panhambo nenhambo mumazana amakore akapfuura, Mwari akazivisa zvokwadi yokuwedzera pamusoro pokuti chipikirwa pamusoro ‘pembeu yomukadzi’ chaizozadzikwa sei. Abrahama akaudzwa, kuti: “Kupfurikidza nembeu yako marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvirokwazvo.” (Genesi 22:18, NW) Gare gare, Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti Mbeu yakapikirwa yaizouya kupfurikidza nomutsara wake woumambo. Muna 29 N.V., Mbeu iyoyo yakaoneka somunhu Jesu Kristu. (Pisarema 89:3, 4; Mateo 1:1; 3:16, 17) Mukusiana naAdhama akanga asina kutenda, “Adhama wokupedzisira,” Jesu Kristu, akanga ari womuenzaniso mukuratidzira kutenda. (1 VaKorinte 15:45) Iye akararama upenyu hwebasa rokuzvipira kuna Jehovha ndokuzadzika mauporofita mazhinji aideya kutaura Mesia. Jesu nokudaro akaita kuti zvokwadi pamusoro peMbeu yakapikirwa ijeke zvikuru ndokuita kuti zvinhu zvakadeya kufananidzirwa noMutemo waMosesi zvive chaizvoizvo. (VaKorose 2:16, 17) Naizvozvo kungagona kutaurwa kuti “zvokwadi yakauya naJesu Kristu.”—Johane 1:17.
14. Pauro akaratidza sei vaGaratia kuti kutenda kwakanga kwava namativi matsva?
14 Zvino zvokwadi zvayakanga yauya kupfurikidza naJesu Kristu, pakanga pava nehwaro hwakakudzwa hwokuvakira pahuri kutenda mu“chipikirwa.” Kutenda kwakanga kwasimbiswa zvikuru, kwakanga kwava namativi matsva, sokunge zvakadaro. Muna ikoku Pauro akaudza maKristu biyake akazodzwa, kuti: “Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda muna Jesu Kristu chipiwe vanotenda. Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa. Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda. Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi. Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda muna Kristu Jesu.”—VaGaratia 3:22-26.
15. Kutenda kwaigona bedzi kukwaniswa sei?
15 VaIsraeri vakanga vashandisa kutenda mukubata kwaMwari navo kupfurikidza nesungano yoMutemo. Asi zvino uku kutenda kwaida kuwedzerwa. Seiko? Kupfurikidza nokushandisa kutenda muna Jesu akazodzwa nomudzimu uyo Mutemo wakanga wakarongedzerwa kuvatungamirira. Munzira iyoyo bedzi umo kutenda kwapamberi pechiKristu kwaigona kukwaniswa. Kwakanga kuchikosha sei nokuda kwamaKristu iwayo apakuvamba ‘kusanotarira pana Jesu, Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwavo’! (VaHebheru 12:2) Zvamazvirokwazvo, maKristu ose anofanira kuita saizvozvo.
16. Mudzimu mutsvene wakauya sei nenzira yakasimba, uye nei?
16 Mukurangarira zivo yakawedzerwa yezvokwadi youmwari nokuvapo kwokutenda kwakakwaniswa, mudzimu mutsvene wakanga uchizouyawo nenzira yakasimba here? Hungu. PaPentekosta 33 N.V., mudzimu waMwari, mubetseri akapikirwa uyo nezvake Jesu akanga ataura, wakadururirwa pavadzidzi vake. (Johane 14:26; Mabasa 2:1-4) Mudzimu mutsvene ipapo wakashanda pavari munzira itsva chose chose sehama dzakazodzwa dzaKristu. Kutenda kwavo, chibereko chomudzimu mutsvene, kwakasimbiswa. Ikoku kwakavashongedzera nokuda kwebasa guru rokuita vadzidzi rakanga riri mberi.—Mateo 28:19, 20.
17. (a) Zvokwadi yakauya sei uye kutenda kwakakwaniswa sei chifo cha 1914? (b) Ufakazii hwatinahwo hwokushanda kwomudzimu mutsvene chifo cha 1919?
17 Kutenda kwakasvika apo Jesu akazvipa amene saMambo Akagadzwa makore anopfuura 1 900 akapfuura. Asi zvino zvaari Mambo anotonga wokudenga, hwaro hwedu hwokutenda—zvokwadi yakaziviswa—yakura zvikuru, nokudaro ichikwanisa kutenda kwedu. Nenzira yakafanana, kushanda kwomudzimu mutsvene kwakasimbiswa. Kwakava noufakazi hwakajeka hwaikoku muna 1919, apo mudzimu mutsvene wakasimbisazve vabatiri vakazvitsaurira vaMwari pamugariro wokudokuva vasingachaiti basa. (Ezekieri 37:1-14; Zvakazarurwa 11:7-12) Ipapo hwaro hwakavanzarikwa nokuda kweparadhiso yomudzimu, iyo mumakumi amakore akatevera yakava pachena zvikuru neine mbiri gore negore. Paigona kuva noufakazi hupi nohupi hukuru hwokushanda kwomudzimu waMwari here?
Kukamuranisirei Kutenda Kwedu?
18. Tsori dzechiIsraeri dzakasiana sei neimwe neimwe kana toreva nezvokutenda?
18 Chinguvana pashure pokunge vaIsraeri vanunurwa muuranda muEgipita, varume 12 vakatumwa kundotsora nyika yeKanani. Zvisinei, gumi vavo vakashaya kutenda, vachipanikira mano aJehovha okuzadzika chipikirwa chake chokupa Israeri nyika yacho. Vakasundwa nechiono, nezvinhu zvokunyama. Pa 12, Joshua naKarebhi bedzi vakaratidza kuti vakafamba nokutenda, kwete nechiono. (Enzanisa na 2 VaKorinte 5:7.) Nokuda kwokushandisa kutenda, ivo voga pakati pavarume ivavo vakapukunyuka kuti vapinde muNyika Yakapikirwa.—Numeri 13:1-33; 14:35-38.
19. Hwaro hwokuvakira kutenda hukuru sei nhasi kupfuura nakare kose, asi chii chatinofanira kuita?
19 Nhasi, timire pamiganhu yenyika itsva yaMwari yokururama. Kana tichizoipinda, kutenda kunokosha. Nenzira inofadza, hwaro hwezvokwadi pokuvakira kutenda ikoko hahuna kutongova hwakakura kupfuura zvino. Tine Shoko rose raMwari, muenzaniso waJesu Kristu navateveri vake vakazodzwa, tsigiro yamamirioni ehama dzomudzimu nehanzvadzi, uye tsigiro yomudzimu mutsvene waMwari mumwero usingaenzaniswi. Bva, tinoita zvakanaka kukamuranisa kutenda kwedu ndokuita nhano dzokukusimbisa tichiri kugona.
20. Mibvunzoi yaizova yakafanira kuzvibvunza timene?
20 ‘Haiwa, ndinodavira kuti iyi ndiyo zvokwadi,’ ungadaro. Asi kutenda kwako kwakasimba sei? Zvibvunze umene, kuti: ‘Umambo hwokudenga hwaJehovha chaihwoihwo here kwandiri sezvakaita hurumende yomunhu? Ndinoziva ndokutsigira zvizere sangano rinooneka raJehovha noMutumbi Unodzora waro here? Nameso okutenda, ndinogona kuona kuti marudzi zvino ari kupinzwa muchimiro chokupedzisira nokuda kweArmagedhoni here? Kutenda kwangu kunoenzana zvakanaka nouko kwe“gore guru rezvapupu” (NW) rinodudzwa muna VaHebheru ganhuro 11 here?’—VaHebheru 12:1; Zvakazarurwa 16:14-16.
21. Kutenda kunosunda sei avo vanako, uye vanokomborerwa sei? (Batanidza tsinhiro dzinobva mubhokisi riri papeji 13.)
21 Avo vane kutenda kwakavakirwa pazvokwadi vanosundirwa kuchiito. Kufanana nechibairo chinogamuchirika chakapiwa naAbheri, zvibairo zvavo zverumbidzo zvinofadza Mwari. (VaHebheru 13:15, 16) Kufanana naNoa, muparidzi wokururama uyo akateerera Mwari, vanoronda nzira yakarurama savaparidziri voUmambo. (VaHebheru 11:7; 2 Petro 2:5) Kufanana naAbrahama, avo vane kutenda kwakavakirwa pazvokwadi vanoteerera Jehovha pasinei hapo nezvisina kukodzera uye kunyange mumigariro inotambudza zvikurusa. (VaHebheru 11:17-19) Kufanana navabatiri vakatendeka vaJehovha vomunguva dzekare, avo vane kutenda nhasi vanokomborerwa zvikuru ndokutarisirwa naBaba vavo vokudenga vane rudo.—Mateo 6:25-34; 1 Timotio 6:6-10.
22. Kutenda kunogona sei kusimbiswa?
22 Kana uri mubatiri waJehovha asi uchiwana kuti kutenda kwako kwakaneta munzira yakati, chii chaunogona kuita? Simbisa kutenda kwako kupfurikidza nokufunda nokushingaira Shoko raMwari nokurega muromo wako uchibudisa mvura dzezvokwadi idzo dzinozadza mwoyo wako. (Zvirevo 18:4) Kana kutenda kwako kusingasimbiswi nguva dzose, kungava kwakaneta, kusingachaiti basa, kunyange kwakafa. (1 Timotio 1:19; Jakobho 2:20, 26) Iva akatsunga kuti ikoku hakusati kuchizotongoitika kukutenda kwako. Kumbira betsero yaJehovha, uchinyengetera, kuti: “Ndibetserei pandinoda kutenda!”—Marko 9:24, NW.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Kutenda chii?
◻ Neiko kutenda kusingagoni kuvapo pasina zvokwadi nomudzimu mutsvene?
◻ Jesu Kristu akava sei Mukwanisi wokutenda kwedu?
◻ Neiko tichifanira kukamuranisa kuti kutenda kwedu kwakasimba sei?
[Bhokisi riri papeji 13]
AVO VANE KUTENDA . . .
◻Vanotaura pamusoro paJehovha.—2 VaKorinte 4:13.
◻Vanoita mabasa akafanana naayo aJesu.—Johane 14:12.
◻Manyuko ekurudziro kuna vamwe.—VaRoma 1:8, 11, 12.
◻Vanokunda nyika.—1 Johane 5:5.
◻Havana chikonzero chokutya.—Isaya 28:16.
◻Vari mumutsara woupenyu husingaperi.—Johane 3:16.