Ganhuro 19
“Takanzwa Kuti Mwari Unemi Imi Vanhu”
1, 2. (a) Ko Zekaria 8:23 inodeya kuzivisei nokuda kwezuva redu? (b) Ndianiko Mwari anotaurwa nezvake pano, uye Bhaibheri rinosimbisa sei zita rake rimene?
“ISU TICHAENDA nemi imi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi imi vanhu.” Izvozvo ndizvo zvakadeya kuziviswa neBhaibheri kuti vanhu vanobva mumarudzi ose vaizova vachitaura muzuva redu. (Zekaria 8:23) Uye ndianiko uyu Mwari uyo chiporofita chaZekaria chinoreva pamsoro pake? Hatisati tichisiiwa mukupanikira. Mune iri bhuku rimwe duku zvikuru reBhaibheri zita rake chairoiro rinowanikwa kane 135. NdiJEHOVHA!
2 Iye amene akataura nezvezita rake chairoiro, rinonzi Jehovha, kuti: “Iri ndiro zita rangu kusvikira kunguva isingazivikanwi, uye ichi ndicho chirangaridzo changu kusvikira kuchizvarwa nechizvarwa.” (Eksodho 3:15) Kukosha kwezita irero kunobatanidzwa neidi rokuti iro rinowanikwa kanenge kane 7 000 murugwaro rwakakwana rweBhaibheri rechiHebheru—zvikuru kwazvo kupfuura chiverengero chakabatanidzwa chezviratidziro zvakadai saIshe naMwari. Sezvakadeya kuziviswa, mu“mazuva okupedzisira” ano zita irero rakazosvika pakuva rinobatanidzwa neboka rimwe ravanhu nomutoo wakatanhamara.
“TICHAENDA NENI IMI VANHU”
3. Sezvakadeya kuziviswa pana Zekaria 8:20-23, (a) ndivanaaniko vaizotsvaka Jehovha? (b) uye kupfurikidza nokusonganirana navanaani?
3 Pamsoro paikoku, muporofita Zekaria, panguva yokuvakwazve kwetembere yaJehovha muJerusarema rekare, akafuridzirwa naMwari kunyora, kuti: “Izvi ndozvakataurwa naJehovha wamauto: ‘Kuchaitika kuti marudzi navagari vomumaguta mazhinji vachauyawo; navagari vomuguta rimwe vachaenda zvamazvirokwazvo kuna avo verimwe, vachiti: “Handei nomwoyo wose tinoteramisa chiso chaJehovha uye kutsvaka Jehovha wamauto. Ini ndimene ndichaendawo.” Uye marudzi mazhinji namarudzi ane simba achauya zvamazvirokwazvo kuzotsvaka Jehovha wamauto muJerusarema nokuteramisa chiso chaJehovha.’ Izvi ndozvakataurwa naJehovha wamauto, ‘Kuchaitika mumazuva iwawo kuti varume vane gumi vanobva mumitauro yose yamarudzi vachabata, hungu, vachabata zvamazvirokwazvo nguvo yomunhu ari muJudha, vachiti: “Isu tichaenda nemi imi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi imi vanhu.”’”—Zekaria 8:20-23.
4. Neiko chiporofita ichi chisingashandi kuchiJudha kana kuti kuchiKristudhomu?
4 Kuzadzika kwakaganhurirwa uko ichi chiporofita chakava nakwo mukuwirirana netembere yakavakwazve muJerusarema, kutangira mumazuva aZerubhabheri, chakaratidzira mberi kukuzadzika kukuru zvikuru muzuva redu. Mukuwirirana navanhui? Zvamazvirokwazvo hakusati kwaizova kuno mufungo kuna avo vano“tsvaka Jehovha” kutendeukira kuvanhu vanoramba nomutoo wokudavira mashura kunyange kududza zita raMwari, sezvinoita vaJudha vokunyama vanoomerera havo kukunamata kwavo kwegamuchidzanwa. Kana kuti kuchiKristudhomu, icho chinotevedzera tsika yechiJudha yokudzivisa kushandiswa kwezita roumwari. Hakusati kuri kuJerusarema rapasi uko vanhu muzuva redu vari kutendeukira kwariri kundonamata Jehovha. Sokudeya kutaura kwakaita Jesu, Mwari akaramwa tembere yake imomo, uye iyo yakaparadzwa muna 70 N.V., ndokusazotongovakwazve kusvikira kuzuva rino. Ikoku kunoratidzira munhu upi noupi anomufungo kuti Mwari haasati ana Israeri asati ari wechiKristu.—Mateo 23:37, 38; enzanisa 1 Madzimambo 9:8, 9.
5. Ko Magwaro anozivisa sei (a) “Jerusarema” rinomirira Jehovha nhasi? (b) “munhu ari muJudha” uyo Zekaria akaporofita pamsoro pake?
5 “Jerusarema” iro nhasi rinomirira Jehovha rinorondedzerwa pana VaHebheru 12:22 kuva “guta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga.” Jerusarema rekare zvarakanga riri mufananidzo unooneka woubati ushe hwaJehovha, “Jerusarema rokudenga” Umambo hwaMesia hwaMwari umo Jesu Kristu akagadzwa pachigaro choUmambo saMambo mariri pakupera kweNguva dzaVamarudzi muna 1914. (1 Makoronike 29:23; Ruka 21:24) Hurumende iyoyo ina vamiriri pasi pano chaipo, avo vari kuiparidzira mukuvimbika setariro bedzi yechokwadi yavanhu. Vokutanga kuzivisa kuti Umambo hwakanga hwagadzwa muna 1914 vaiva vakasarira ve“boka duku.” Ivava ndi“Israeri waMwari,” mukutaura mumudzimu. Ivo va‘Judha’ vomudzimu avo Zekaria akaporofita pamsoro pavo. (Ruka 12:32; VaGaratia 6:16; VaRoma 2:28, 29) Kubvira muna 1931, nokuda kwokuda Mwari kwavo nokunzwisisa kwavo mutoro wokuzivisa kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi noWamasimba ose, ivo vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha.—Isaya 43:10-12.
VANOZIVIKANWA SEI?
6. (a) Chii chakapwisa mamirioni avanhu pamsoro pokuzivikanwa kwavanhu avo Mwari anavo nhasi? (Rangarira pfundo rimwe panguva imwe; rava magwaro.) (b) Ndaapi mapfundo ave achikuorora zvikurusa iwe pachako?
6 Somuuyo weidi rokuti vaJudha ava vomudzimu vakazadzika mukutendeka mutoro wavo seZvapupu zvaJehovha, mamirioni avanhu vapachokwadi kupota mburumbwa yose vakabetserwa ku“tsvaka Jehovha.” Ivo vakasvika pakuziva kuti Jehovha zvamazvirokwazvo ana vanhu ava vane zita rake. Chii chinovapwisa nezvaikoku? Zvinhu zhizhinji, izvo pakati pazvo izvi zvakatanhamara:
(1) Zvitendero zveZvapupu zvaJehovha zvose zvakavakirwa paBhaibheri—pasati pari bedzi pamagwaro ari oga asi paShoko rose raMwari. Panzvimbo pokudzidzisa zvinhu zviri zvokuzviitira kwazvo zvimene, Zvapupu zvaJehovha zvinopindura mibvunzo kupfurikidza nokuratidzira zvinorehwa neBhaibheri. Zvinokudza Jehovha kupfurikidza nokumurega achitaura. (Enzanisa Johane 7:16-18.)
(2) Bhaibheri rinorondedzera kuti Mwari amene aizotora mumarudzi “vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14) Ivo vamene vaizodana pazita rake uye vaizozvishandisa vamene mukuriita kuti rizivikanwe mupasi rose. (Isaya 12:4, 5) Munyika yose, Zvapupu zvaJehovha vanhu vanobatanidzwa nomutoo une revo nezita chairoiro raMwari, Jehovha.
(3) Zvapupu zvaJehovha zvine zvokudya zvakawanda zvomudzimu zvinogutsa. Zvazvinodzidza muMagwaro netapuro iyo ikoku kunayo mumurangariro wazvo woupenyu zvinozviita zvive vanhu vanofara, mukusiana nenyika yose zvayo. Izvi ndozvakataurwa naJehovha kuti zvaizoitika kuvabatiri vake. (Isaya 65:13, 14; enzanisa Mateo 4:4.)
(4) Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa Shoko raMwari kugadza mupimo wazvo womufambiro uye kutungamirira zvisarudzo zvazvo muzvinhu zvezuva riri rose zvoupenyu—mumhuri dzazvo, kubasa, muchikoro, mukusarudzwa kwenhandaro, mukuzivisa miitiro inofanira kudziviswa, mukutema mibato inoisvokosha zvikuru yokubatikana mairi. Jehovha akapikira kuti ‘iye amene aizoruramisa nzira’ dzaavo vanoita ikoku. (Zvirevo 3:5, 6)
(5) Kutarisirwa kweungano dzeZvapupu zvaJehovha kwakafanana nokwokwo kweungano yaMwari yomuzana rokutanga ramakore, umo vakuru vaiva mienzaniso kuboka nokuvashandi biyavo nokuda kwoUmambo hwaMwari panzvimbo pokuva boka rinokudzwa ravakuru vakuru vorudzidziso. (1 Petro 5:2, 3; 2 VaKorinte 1:24)
(6) Zvapupu zvaJehovha hazvisati zvichibatanidzwa muzvinhu zvezvamatongerwe enyika zvenyika asi zvinoita basa iro Bhaibheri rinorongera maKristu echokwadi, ndiko kuti, kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose nokuda kwouchapupu mugumo usati wasvika. (Mateo 24:14; enzanisa Johane 17:16; 18:36.)
(7) Zvapupu zvaJehovha zvinodanana zvomenemene, sokutaura kwakaita Jesu kuti vadzidzi vake vechokwadi vaizodaro. Ruvara rweganda, mviro mviro yendudzi, migariro yezvepfuma, urudzi, mutauro,—hapana nezvimwe zvaizvozvi zvinoparira munhu kuzvidza mumwe. Pasinei zvapo nokusakwana kwohunhu, izvo zvose zvakabatana chaizvoizvo sehama dzapakati pamarudzi, uye nokuda kwaikoku izvo zvinopa mbiri kuna Mwari. (Johane 13:35; enzanisa Mabasa 10:34, 35.)
(8) SamaKristu apakuvamba, Zvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno zvinopfuurira kubatira Mwari pasinei hapo nechitambudzo. Zvichivimba naMwari, hazvidzoreri vashori. Sezvazvakanga zvakaita munguva yakapfuura, Mwari akabvumikisa kuva navabatiri vake kuti avanunure. (Jeremia 1:8; Isaya 54:17)
7. (a) Ko “vanhu vane gumi” ndivanaani? (b) Ko ivo vanobvumikisa sei kuti Jehovha zvomenemene akava Mwari wavo?
7 Izvi zvinongova bedzi zvishomanene zvezvikonzero nei, sezvakadeya kutaurwa, “varume vane gumi vanobva mumitauro yose yamarudzi” vachiti nokupwiswa chaikoiko kuvakasarira vavadyi nhaka voUmambo: “Isu tichaenda nemi imi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi imi vanhu.” (Zekaria 8:23) Magwaro anoshandisa “gumi” kumiririra kukwana pamsoro pezvinhu zvapasi, naizvozvo ava “varume gumi” vanomirira avo vose vanokumbanira kunamata kwechokwadi zvino pamwe ne“hama” dzakazodzwa nomudzimu dzaKristu. Havasati vachingosonganirana bedzi navakasarira pamisangano yavo asi vanozviratidzira ivo vamene savanamati vaMwari, Jehovha. Vanotsaurira upenyu hwavo kwaari kupfurikidza naJesu Kristu ndokuratidzira ikoku kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, nenzira iyeyo vachiratidzira kuti vanoda ku“va vanobatanidzwa naJehovha.” Ipapo ivo nomufaro vanogoverana mubasa riri kuitwa mupasi rose nezvapupu zvake.—Zekaria 2:11; Isaya 61:5, 6.
MIENZANISO YAKAKODZERA KUTEVERWA
8. (a) Chii chakaparira mambokadzi weShebha kuenda Jerusarema? (b) Ko iye akaitei paakasvika, uye nomuuyoi? (c) Ko muzuva redu makabvumikisa sei kuva navanhu vakafanana naye? (Pisarema 2:10-12)
8 Vamwe vanoita ichi chiito vakafanana namambokadzi weShebha mumazuva aSoromoni. Ari kure zvikuru iye aka“nga achinzwa mushumo pamsoro paSoromoni pamsoro pezita raJehovha.” Iye pachake akanga asina kutongotaura naSoromoni uyewo akanga asati ambova patembere yaJehovha iri muJerusarema. Iye akava nokupanikira kwakati kuti kana ikoku kwose kwakanga kwakaita sokunzwa kwaakanga aita. Asi iye akaratidzira nhamburiko dzokuwana, achifamba zvimwe mamaira ane 1 400 (2 250 km) kupfurikidza nengamera kuita saizvozvo. Iye akawana mhinduro dze“mibvunzo inotambudza” yake yose ndokukuwa, achiti: “Tarirai! Ndakanga ndisina kuudzwa hafu yacho.” Hapana chimwe chinhu chaaigona kuita kunze kwokutaura kuti Jehovha aida vanamati vake. (1 Madzimambo 10:1-9) Vamwe vaiva vakatanhamara munyika vakatevedzera muenzaniso wake nhasi, uye vazhinji vari mumigariro yokuzvininipisa zvikuru vakaita kudaro. Vanoona ufakazi hwokuti Zvapupu zvaJehovha hazvivimbi nomunhu asi naJesu Kristu, Soromoni Mukuru zvikuru, saMambo wazvo. Mhinduro dzavanopiwa muShoko raMwari dzinogutsa ndangariro dzavo nemwoyo, uye vanonzwa vachisundwa kukumbanidza manzwi avo mukurumbidza Jehovha.—Enzanisa Ruka 11:31.
9. (a) Ko chimiro chendangariro chaRakabhi chakanga chakasiana munzirai nechecho chamambokadzi weShebha? (b) Chii chakanga chakatanhamara pamsoro pezvinoitika zvakaparira kuchengetwa kwaRakabhi neimba yake? (c) Chii chinozivisa vanhu vakafanana naRakabhi nhasi?
9 Vamwe vakafanana naRakabhi weJeriko, uyo akanga atopwiswa nemishumo yakagamuchirwa yokuti Mwari waIsraeri akanga ari “Mwari ari mumatenga kumusoro napasi papasi.” (Joshua 2:11) Apo tsori dzakabva Israeri dzakapinda munyikayo, akadzichingura, akadzivanza uye akaisa pangozi upenyu hwake kudzitaviridzira. Akatenda ndokukubvumikisa kupfurikidza namabasa ake, achiita kumira kwake navanhu vaJehovha. (VaHebheru 11:31; Jakobho 2:25) Iye akasanotevera mirairidzo yakapiwa nokuda kwokuchengetwa kwake. Rakabhi akaratidzirawo kuitira hanya kworudo baba vake namai, hanzvadzi dzake navanun’una, achivazarurira nzira yokuti vagoponeswa kudai vaizoteerera zvinodikanwa zvokupukunyuka. (Joshua 2:12, 13, 18, 19) Somuuyo iye neimba yokwake vakanunurwa apo Jeriko navagari varo vanonamata Bhaari zvakaparadzwa. (Joshua 6:22, 23) Ikoku kune revo ine simba muzuva redu. Kunoratidzira kuti Jehovha achaponesa vanhu vakafanana naRakabhi. Chii chinovaratidzira kuva vakafanana naye? Vanotenda Jehovha, vanozvibatanidza ivo vamene nemitezo yaIsraeri womudzimu, vachisanotevera mirairidzo inopiwa kupfurikidza nouyu mukoto uye vachisanotamburira kubetsera mitezo chaiyoiyo yemhuri nedzimwe hama dzokunyama kuona uchenjeri hwokuita zvimwe chetezvo.
10. (a) Sokuratidzira kunoita chiporofita chaZekaria, chii zvomenemene chinoyevedza vanhu zvokuti ivo vanosonganirana neZvapupu zvaJehovha? (b) Ko isu tingaratidzira seiko, muchimiro chendangariro nomuzviito, kuti kuda Jehovha ndiko zvomenemene kunozadza mwoyo yedu?
10 Chokwadi, kuyevedza chaikoiko, kuri kukwevera vanhu vamarudzi ose mukusonganirana neZvapupu zvaJehovha, ndiye Jehovha Mwari amene. Shoko rake rinovafadza. Chibereko chomudzimu wake muupenyu hwavaranda vake chinoyevedza kwavari. Zvavanosanorovedzana namavara ake nokubata kwake navanhu, vanopanga nguva apo zita raMwari richarevererwa paruzvidzo rwose rwakatutirwa pariri naSatani navanhu vasina kutenda. Ivo vanotamburira kubata zvinhu zvavo nenzira ichava inofadza kuMusiki wavo uye ichasundira vamwe kukumukudza. (1 Petro 2:12) Kupfurikidza nemwoyo yavo yose ivo vanonyengetera, sokudzidzisa kwakaita Jesu vadzidzi vake, kuti: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, napamusoro papasi.” (Mateo 6:9, 10) Uye, mukutsinhirana nomunyengetero wavo, vanoitira basa dzvene Mwari mukubatana kuzere naavo vanopupurira nomutoo usingapotsi kuti ivo “vanhu vezita ra[Jehovha].”