Onesiforo—Munyaradzi Aiva Noushingi
“FUNGAI vakasungwa, somunenge makasungwa pamwe chete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imiwo.” (VaHebheru 13:3) Apo muapostora Pauro akanyora mashoko aya munenge muna 61 C.E., iye pachake akanga atombosungwa kakawanda uye akanga achizodaro zvakare asati afa. (Mabasa 16:23, 24; 22:24; 23:35; 24:27; 2 VaKorinte 6:5; 2 Timotio 2:9; Firemoni 1) Zvaikosha panguva iyoyo, sezvazvinoita nhasi, kuti ungano dzitarisire vavanotenda navo vari kutambudzirwa kutenda kwavo.
Mumwe mudzidzi wezana ramakore zvikurukuru aiteerera chinodikanwa ichocho aiva Onesiforo. Akashanyira Pauro mukati mekusungwa kwake kwechipiri muRoma. Pamusoro pake, muapostora akanyora kuti: “Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu. Asi wakati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.” (2 Timotio 1:16, 17) Wati wambova nenguva yokufungisisa zvinonyatsorehwa nemashoko iwayo mashomanene here? Kuita kudaro sezvingabvira kuchawedzera kunzwisisa kwako Onesiforo. Uchaona kuti aiva munyaradzi aiva noushingi.
Kusungwa Kwechipiri kwaPauro
Pashure pokusunungurwa muusungwa hwake hwokutanga, Pauro zvakare akava mune rimwe jeri reRoma asi mumamiriro ezvinhu akasiyana. Shamwari dzake dzakanga dzambova nomukana wokuva naye muimba yake yakahayiwa, uye airatidzika kuva nechivimbo chokuti aigona kusunungurwa nokukurumidza. Zvino arambwa nevakawanda, kupondwa kwakanga kwava pedyo.—Mabasa 28:30; 2 Timotio 4:6-8, 16; Firemoni 22.
Panhambo ino Pauro aiva mutorongo munenge muna 65 C.E. Rinenge gore izvozvi zvisati zvaitika—muna July 64 C.E.—moto wakaparadza Roma, uchikuvadza nharaunda 10 pane 14 dzeguta. Maererano nowezvenhau weRoma Tacitus, Mutongi Nero akatadza “kubvisa pfungwa yokuti kutsva kwakakonzerwa nokurayira. Pakupedzisira, kuti abvise iyi pfungwa yakaipa, Nero akapomera vaiva nemhaka ndokutambudza zvikuru boka raivengerwa zviito zvaro, rainzi vaKristu neveruzhinji. . . . Vakanyombwa nenzira dzose pakufa kwavo. Sezvavakanga vakafukidzwa nematehwe ezvikara, vakabvarurwa nembwa ndokufa, kana kuti vakarovererwa pazvipiyaniso, kana kuti vakapiswa nemoto, kuti miviri yavo ivhenekere, panguva yemanheru.”
Mumamiriro ezvinhu akadai Pauro akazviwana ari mutorongo zvakare. Hazvishamisi kuti aionga kwazvo kushanyirwa kwaaiitirwa neshamwari yake Onesiforo! Asi ngatitarire mumiriro wacho wezvinhu munzvimbo yaOnesiforo.
Kushanyira Pauro Musungwa
Sezviri pachena, mhuri yaOnesiforo yaigara muEfeso. (2 Timotio 1:18; 4:19) Kuti Onesiforo akanga auyira zvinhu zvake oga kana kuti akanga auya kuzoshanyira Pauro zvakananga hazvitaurwi. Zvose zvose zvingave zvakaitika, muapostora akazivisa kuti: ‘Onesiforo paaive muRoma, aiwanzondizorodza.’ (2 Timotio 1:16, 17) Kuzorodza kworudzii? Kupfurikidza norubatsiro rwaOnesiforo urwo rungave rwakabatanidza kubatsirwa nezvinhu zvokunyama, kuvapo kwake sezviri pachena kwakasimbisa nokukurudzira Pauro. Kutaura idi, dzimwe shanduro dzinoti: “Aiwanzondikurudzira,” kana kuti “akandinyaradza kakawanda.”
Kuda kushanyira musungwa aiva muKristu muRoma mazuva iwayo kwaiva kwakaoma. Mukusiyana nemazuva akasungwa Pauro pakutanga, vaKristu veRoma sezviri pachena vakanga vasingazivi kwokumuwana. Muguta guru rakaita seRoma, raisava basa riri nyore kuwana musungwa mumwe chete pakati pevakawanda vaive vasungirwa mhaka dzakasiyana-siyana. Nokudaro, kutsvaka kwokushingaira kwaiva madikanwa. Nyanzvi Giovanni Rostagno anorondedzera zvinhu nenzira iyi: “Nhamo dzacho dzingave dzaiva dzakasiyana-siyana. Kupfuura zvose, kungwarira kwaidiwa pakutsvaka. Kuwana mashoko pano nepapo uye kuda kuwana jeri raiva nomusungwa ane mhaka dzakawanda kungave kwakakonzera kunyumwira kukuru.”
Munyori P. N. Harrison anorondedzera zvakajeka mumiriro wezvinhu mumwe chetewo, achiti: “Tinoita sokunge taona munhu mumwe chete muboka revanhu vakawanda vari kufamba, uye tinotevera uyu munhu watisingazivi tichikurumidza kubva kure kwakaita sokuAegean, sezvaanofamba nomunzira zhinji dzatisingazivi, achigogodza masuo akawanda, achitevera pose patinofungira, achinyeverwa nezvengozi dzaari kuva nadzo asi asingaregedzeswi kutsvaka kwake; kusvikira asvika mutorongo rine rima uye anonzwa inzwi raanoziva richimukwazisa, uye anoziva kuti Pauro akasungirirwa kumurwi weRoma.” Kana nzvimbo iyoyo yakanga yakafanana nemamwe majeri eRoma, sezvinobvira yaitonhora, iine rima, uye iine tsvina, umo ngetani nekutambura kwose zvaive zvakazara.
Kuzivikanwa seshamwari yemusungwa akaita saPauro kwaive nengozi. Zvaitove zvakanyanyooma kuramba uchimushanyira. Kuzvizivisa pachena somuKristu kwaiva kupinda pangozi yokusungwa nokuurawa kupfurikidza nokutambudzwa. Asi Onesiforo akanga asingagutsikani nokungoshanya kamwe chete kana kuti kaviri bedzi. Akanga asinganyari kana kuti kutya kuita kudaro “kakawanda” kwazvo. Onesiforo akararama maererano nezita rake, “Anounza Zvakawanda,” achibatsira noushingi uye norudo pasinei zvapo nengozi.
Nei Onesiforo akaita zvose izvozvi? Brian Rapske akati: “Torongo raisangova nzvimbo yokutambura munyama bedzi, asi nzvimbo yekufunganya nemarwadzo aiunzwa kumusungwa. Munzvimbo yakadaro, kuvapo nokukurudzira kwevabatsiri kwaigona kukurudzira musungwa mundangariro.” Onesiforo sezviri pachena akaziva izvozvo ndokutsigira shamwari yake. Pauro anofanira kuve akaonga sei kubatsira kwakadaro!
Chii Chakazoitika Kuna Onesiforo?
Mutsamba yake yechipiri kuna Timotio, Pauro akakwazisa imba yaOnesiforo ndokuti nezvake: “Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero.” (2 Timotio 1:18; 4:19) Vakawanda vanofunga kuti mashoko okuti “nezuva irero” anotaura nezvezuva raMwari rokutonga uye zvichiratidza kuti Onesiforo akanga afa. Kudai ichocho chaiva chokwadi, zvichida “Onesiforo akanga anyanya kushanyira torongo kakawanda, uye . . . akaurawa,” anokarakadza kudaro P. N. Harrison. Chokwadika, Onesiforo angave akanga asiri pamusha, kana kuti Pauro angave akamubatanidza mukukwazisa kwake mhuri yake yose.
Vamwe vanodavira kuti pane revo inokosha mumashoko okuti: “Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kunaShe nezuva irero.” Vanorangarira kuti mashoko aya anoruramisa kunyengeterera mweya yakaenda iri kurarama uye zvichida iri kutambura munzvimbo yomudzimu. Zvisinei, pfungwa yakadaro inopesana nedzidziso yaMagwaro inodzidzisa kuti vakafa havazivi chinhu. (Muparidzi 9:5, 10) Kunyange kudai Onesiforo akanga afa, Pauro akanga achingoshuva kuti shamwari yake yaizonzwirwa nyasha naMwari. “Tinofanira kushuvira vanhu vose zvakafanana,” anodaro R. F. Horton. “Asi kunyengeterera vakafa, uye kuvaitira Misa, ipfungwa yaiva kure nepfungwa [dzomuapostora].”
Ngativei Vanyaradzi Vakavimbika
Kuti Onesiforo angave akarasikirwa noupenyu hwake achiedza kubatsira Pauro here kana kuti kwete, zvechokwadi akahuisa pangozi kuti awane muapostora nokumushanyira mutorongo. Uye hapagoni kuva nomubvunzo kuti Pauro akaonga tsigiro yaidikanwa nekurudziro zvaakawana kuna Onesiforo.
Apo vaKristu vatinonamata navo vanotambura, vanotambudzwa, kana kuti vanoiswa mutorongo, tingave tichikwanisa kuvanyaradza nokuvakurudzira. Naizvozvo ngativanyengetererei uye ngatiitei zvose zvatinogona kuita norudo kuti tivabatsire. (Johane 13:35; 1 VaTesaronika 5:25) Kufanana naOnesiforo, ngative vakurudziri vakashinga.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Onesiforo akanyaradza noushingi muapostora Pauro aive mutorongo