Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
“IZVO Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” (Mateo 19:6) Isu tinowanzonzwa mashoko iwayo anosanozivikanwa akataurwa naJesu Kristu achinokorwa sechiziviso chokupedzisira mumutambo weroorano.
Namashoko iwayo, kunyanguvezvo, Jesu akareva here kuti roorano dzose dzinofanira kuva dzechigarire uye kuti hakufaniri kuva nechatanuro ipi neipi zvayo? Kunzwisisa mashoko acho sezvaakaita, ikoko kungaratidzika kuva kwakadaro. Zvisinei, chii chakasunda Jesu kutaura zvakadaro? Ko iye akanga achionesa chimwe chinhu chitsva here?
‘Kwakanga Kusina Kudaro Kubvira Pamavambo’
Kutaura kwaJesu kwanokorwa mashoko pamusoro apa kwakanga kuri rutivi rwemhinduro yake kumubvunzo wavaFarise: “Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?” (Mateo 19:3-6) Vasingagutswi nemhinduro yacho, vaFarise vakamubvunzazve kupfurikidza nokubvunza, kuti: “Mosesi wakagoraireiko kuti murume amupe rugwaro rwokuramba, agomurasha?” Ipapo, Jesu akati: “Nokuda kwohukukutu hwemwoyo yenyu Mosesi wakakutenderai kurasha vakadzi venyu, asi kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.” Ipapo iye akawedzera, kuti: “Ndinoti kwamuri: Aninaani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe.”—Mateo 19:7-9.
Tinofanira kucherechedza kuti kutaura kwaJesu, “kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro,” kwakaitwa munongedzero kuchatanuro iyo yakanga ichiitwa kupfurikidza no“kumupa rugwaro rwokumuramba, kana kumurasha.” Namamwe mashoko, apo Mwari akavamba roorano yokutanga pakati paAdhama naEvha, iye haana kuvagovera “rudzi rwuri rwose rwechikonzero” rwokupedza narwo roorano yavo. Savanyakuroorana vakakwana, ivo vaiva nechikonzero chiri chose chokuita kuti roorano yavo ibudirire. Yaizobudirira kudai vakapfuurira kurarama mukuwirirana nomutemo waMwari nenhungamiro.
Apo rudzi rwomunhu rwakawira muchivi nokusakwana, ndozvakaitawo gadziriro yeroorano. (VaRoma 5:12) Sezvo vanhu vakanga vachisina kukwana, ukama hwavanhu hwakaneteswa ndokushatiswa noudyire, makaro, uye kuzvifarira. Ikoko ndiko uko Jesu akanongedzera kwakuri so“hukukutu hwomwoyo,” nemhaka yahwo Mutemo waMosesi wakabvumira chatanuro. Bva, Jesu akayeuchidza vaFarise, kuti: “Kubva pakutanga zvakanga zvisina kudaro.” Zvino, mumigariro isina kukwana, vakwanyina vanofanira kushandisa nhamburiko inodikanwa kupedza zvitambudzo zvipi nezvipi nezvinetso panzvimbo pokuzvishandisa sezvikonzero kana kuti pembedzo dzokupunza roorano yavo. Zvisinei, Jesu akaonesa kuti pane chinosiiwa chimwe, ndiko kuti, ufeve. Kusatendeseka muroorano kunogona kuva chikonzero chokupunza roorano.
Kunofadza kucherechedza kuti tsananguro dzakasiana-siana dzechitsama chamashoko chinoti “asi nemhaka yo[ufeve (NW)]” dzakashandiswa sei kutsigira mirangariro yakati pachatanuro. Zviremera zveKaturike kazhinji kazhinji zvinoramba ichi chitsama chamashoko pachikonzero chokuti nhauro dzinowirirana dziri muna Marko naRuka hadzinacho. Zvisinei, Cyclopedia yaMcClintock naStrong inotsanangura, kuti: “Kutsinhiraniswa kuri pachena kwezvikamu zvacho zvamashoko kunofanira kuwanwa munheyo yokuti kusiiwa murugwaro rwakazara zvikuru kunofanira kutsanangura rupfupi zvikuru, kana ikoku kuchigona kuitwa pasina simba. Zvino, sezvo chatanuro nokuda kwechikonzero chimwe ichocho yaibvumwa navose, Marko naRuka vangabvuma ikoku nenzira yomuzvarirwo pasina kuchitaura.”
Vamwe vanotaura kuti sezvo Jesu akashandisa shoko rokuti “ufeve” (chiGiriki, por·neiʹa) ndizvo kwete “upombwe” (chiGiriki, moi·kheiʹa), iye anofanira kuva akareva chiito chakati chisina kufanira pamberi peroorano icho chaizoita kuti roorano isashande pamutemo. Ikoku kuganhurira nenzira isiri madikanwa revo yeshoko racho. Zviremera zvakasiana-siana zvinobvuma kuti por·neiʹa anoreva “kusachena, upombwe, uhure, ufeve,” uye kuti pana Mateo 19:9 “anomirira, kana kuti anobatanidza, upombwe.” Vamwe vanotaura kuti Jesu akanga achidudza ufeve somuenzaniso mumwe chete pakati pezvikonzero zvakawanda zvechatanuro. Nenzira yakajeka, ikoku kumanikidzira mufungo parugwaro rwacho.
Kubva muzviri pamusoro apa, kuri pachena kuti Bhaibheri haritauri kuti roorano dzose dzinofanira kuramba dziri dzechigarire uye hapana chatanuro inobvumidzwa nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho. Pane rumwe rutivi, Bhaibheri rinogovera hwaro humwe bedzi hunogamuchirika hwechatanuro, ndiko kuti, “chikonzero choufeve.”
“Roorano Ngaive Inokudzwa”
Kupfurikidza nokubvumira chikonzero chechatanuro, ko Bhaibheri rinoikurudzira here? Ko uku kubvumira kunorerutsa roorano kana kuti kuitorera chiremera chayo here? Kana kuti kupfurikidza nokubvumira chikonzero chimwe bedzi chechatanuro, ko Bhaibheri riri kuisa mutoro usina mufungo paavo vanoroorana here?
Mukupesana zvikuru, Bhaibheri rinotaura nezveroorano sechimwe chezvisungo zvapedyosa izvo vanhu vaviri vanogona kufarikanya. “Munhu unofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe,” inodaro nhauro yaGenesi yeroorano yokutanga. (Genesi 2:24) Uye vakwanyina vanofanira kuchengeta ukama ihwohwu hwe“nyama imwe” sechimwe chinhu chinokosha. “Roorano ngaive inokudzwa pakati pavose, uye huvato hweroorano huve husina svibiso,” rinopa zano Bhaibheri.—VaHebheru 13:4, NW.
Kunowanzonzi, mumutoo wakati, hwaro hweroorano inogarisa neinofadza harusi rudo rwenyengano asi kusava noudyire. Izvozvo ndizvo izvo chaizvo Bhaibheri rinoratidzira. Iro rinoti: “Varume vanofanira kuda vadzimai vavo semiviri yavo vamene. Iye unoda mudzimai wake unozvida amene, nokuti hakuno murume akambovenga nyama yake amene; asi iye anoidyisa nokuichengeta, sezvinoitawo Kristu ungano. . . . Namamwe mashoko, mudzimai anofanira kuva noruremekedzo rukuru nokuda kwomurume wake.” (VaEfeso 5:28-33, NW) Uye mumutauro wakajeka, Bhaibheri rinopa zano, richiti: “Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarowo kumurume. Mukadzi haane simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haane simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi. Musanyimana.”—1 VaKorinte 7:3-5.
Apo vakwanyina vose vari vaviri vanenge vachidisa kugara mukuwirirana nezano rakadaro rokuchenjera, kunova kusingabviri zvikuru kuti roorano yavo ichashata kusvikira papfundo apo mumwe wavo angatendeukira kuvatano iri kunze kweroorano, nokudaro, chaizvoizvo, achiparadza ukama hwe“nyama imwe.” Kunyange kana mumwe wavakwanyina asingagamuchiri nheyo dzakadaro dzeBhaibheri, mukwanyina anotenda anogona kuva nechivimbo chokuti nzira yaMwari ichiri yakanakisisa, uye zvinetso zvakawanda zveroorano zvinogona nokudaro kupedzwa kana kuti kudziviswa.
Panzvimbo pokurumbidza chatanuro somutoo wokugumisa nawo roorano isingafadzi, ipapo, Bhaibheri rinokurudzira maKristu kushanda zvakaoma kuchengeta roorano yavo iri pamwe chete uye kuita kuti ive inofadza. “Ufarire mukadzi woujaya hwako,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. “Ugare uchigutiswa norudo rwake.”—Zvirevo 5:18, 19.
Ko Chatanuro Ndiyo Mhinduro Here?
Zvakadiniko kana mukwanyina weroorano womunhu akava asina kutendeka? Chokwadi, kusatendeseka muroorano kunoparira njodzi yakakomba. Mukwanyina anopomba akaunza marwadzo makuru nokutambura pausine mhaka, uyo ane maruramiro apaMagwaro okuchatanura mukwanyina ane mhaka ndokuroorazve. Asi panofanira kuva nechatanuro here? Ikoko ndiko mushonga bedzi here?
Tinofanira kurangarira kuti kunyange zvazvo Jehovha Mwari akagovera chikonzero chakarurama chechatanuro, Bhaibheri rinotiwo nezvake: “Iye akavenga kuchatanura.” (Maraki 2:16, NW) Panzvimbo pokukurumidza kusvetukira kumhedziso yokuti chatanuro ndiwo mushonga bedzi, munhu angarangarira kubvira kwokupa ngoni nekanganwiro. Neiko?
Chatanuro haisati zvayo ichizobvisa kuvadziko nokukasharara, asi ngoni nekanganwiro zvichadaro, zvikurukuru apo mutadzi anodemba zvirokwazvo chakaipa. Rudo rwunoratidzwa panguva inotambudza yakadaro rungasimbisa zvomenemene roorano. Kurangarira nhau yacho neiyi nzira kuchabetsera mukwanyina asina mhaka kuyera ingava nzira yakanakisisa yokutevera, achiyeuka mashoko aJesu, anoti: “Vanofara vane ngoni, sezvo vacharatidzwa ngoni.”—Mateo 5:7, NW; enzanisa naHosea 3:1-5.
Zvinofanira kuyerwawo ndizvo zvinetso zvingavapo nevana mumusha womubereki mumwe. Ushoma hwomunhu akachatanurwawo, hunofanirwa nerangariro. Nokuda kwomukadzi, zvinetso zvinoomeswa neidi rokuti mumativi mazhinjisa enyika nhasi, vakadzi vachiri vasina mari. Pashure pokuva mugadziri womusha kwechiverengero chakati chamakore, kwakaomera mai mumwe kudzokera mubasa ndokukwikwidzana navamwe.
Vamwe vakadzi vanorangarira kuti pavanenge vakaroorwa, vanofanira kuzvigadzirira vamene nokuda kwokubvira kwechatanuro. Ivo vanganyoresa muzvikoro chaizvo kana kuti kuramba vane mabasa avo kuti vachengete kuzvimirira kwavo mune zvemari. Kana mumwe munhu achifanira kuronda nzira yakadaro kana kuti kwete chisarudzo chomunhu oga. Zvisinei, panzvimbo pokupedza nguva nesimba vachigadzirira kubvira, hakungavi kwokuchenjera zvikuru here kuisa nguva nesimba mukuvaka roorano inofadza neisingagumi? Kupfurikidza nokushanda zvakaoma kukudziridza chibereko chomudzimu waMwari nokuchengeta murangariro womudzimu wakanaka, mukadzi wechiKristu sezvingabvira zvikuru achafarikanya rudo nerumbidzo zvomurume wake. Iye anogona kuvawo nechivimbo muchipikirwa chaMwari chokuti iye anotarisira zvinodikanwa zvaavo vanotanga kutsvaka Umambo.—Mateo 6:33; Zvirevo 31:28-30; VaGaratia 5:22, 23.
Mushonga Wokupedzisira
Chero bedzi tichirarama mutsika ino isina kukwana yezvinhu, tinogona kukarira kuti kuchava nezvinetso zveroorano. Zvisinei, kupfurikidza nokutevera zano rokuchenjera reBhaibheri, izvozvi zvinogona kudukupiswa kana kuti kubatwa nazvo nenzira inobudirira. Kupfuurirazve, asi varume navakadzi vanodisa kurarama mukuwirirana nemipimo yaJehovha muroorano nomudzimwe nzvimbo dzoupenyu vanokomborerwa nekariro yokupinda mutsika itsva umo “kururama kuchagara.”—2 Petro 3:13, NW.
Mutsika iyoyo, rudzi rwomunhu rwuchava rwusina zvinoparadza nemiuyo yose inosuruvarisa yechivi nokusakwana. Chero bedzi gadziriro yeroorano ichipfuurira pano pasi pano, ‘zvakwakanga kwakaita kuvambira pakutanga’ kuchava mupimo. Zvamazvirokwazvo, izvo Mwari akabatanidza pamwe chete, hapana munhu achaparadzanisa.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Chii chakataura Jesu pamusoro pechatanuro?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Munyika itsva, hamusati muchizova nezvinetso zveroorano zvinotungamirira kuchatanuro