CHITSAUKO 3
“Yeukai Vaya Vari Kukutungamirirai”
MUAPOSTORA PAURO ndiye akanyora mashoko aya ari pana VaHebheru 13:7. Kubvira paPendekosti ya33 C.E. zvichienda mberi, vaapostora vaIshe Jesu Kristu vakatendeka ndivo vaiva mudare rinotungamirira iro raipa mirayiridzo kuungano yechiKristu yakanga ichangotangwa. (Mab. 6:2-4) Pakazosvika gore ra49 C.E., dare iri rinotungamirira rakanga rakura uye rava nevamwe vakanga vasiri vaapostora vaJesu. Nyaya yekuchecheudzwa payaikurukurwa, ‘vaapostora nevakuru vaiva kuJerusarema’ ndivo vaiva dare rinotungamirira. (Mab. 15:1, 2) Basa ravo rakanga riri rekuona kuti zvinhu zviri kufamba sei muungano dzese dzechiKristu. Vaitumira tsamba nemirayiridzo zvaisimbisa ungano zvichiita kuti vadzidzi varambe vakabatana pazvese zvavaiita. Ungano dzacho dzaiteerera uye dzaishandisa mirayiridzo yaibva kudare rinotungamirira zvikapedzisira zvaita kuti Jehovha adzikomborere uye zvinhu zvirambe zvichifamba zvakanaka.—Mab. 8:1, 14, 15; 15:22-31; 16:4, 5; VaH. 13:17.
2 Vaapostora pavakafa, dzidziso dzenhema dzakatanga kupinda muungano. (2 VaT. 2:3-12) Sezvakanga zvagara zvataurwa naJesu mumufananidzo wegorosi nemasora, gorosi (vaKristu vakazodzwa) rakavharwa nemasora (vaKristu vekunyepedzera). Kwemakore akawanda akazotevera, mapoka aya akaregwa achikura pamwe chete kusvikira panguva ‘yekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva iyoyo.’ (Mat. 13:24-30, 36-43) Panguva iyi, vaKristu vakazodzwa avo vakanga vakaita rumwe rumwe vakaramba vachitsigirwa naJesu, asi kwakanga kusina dare rinotungamirira raaishandisa kupa vateveri vake mirayiridzo. (Mat. 28:20) Zvisinei, akanga ataura kuti zvinhu zvaizochinja panguva yekukohwa.
3 “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara?” Jesu akabvunza mubvunzo uyu paakanga ava kuda kutaura chimwe chezvinhu zvaizoumba ‘chiratidzo chekuti nyika yava kumagumo kwayo.’ (Mat. 24:3, 42-47) Jesu akaratidza kuti muranda uyu akatendeka aizoita basa rekupa vanhu vaMwari zvekudya zvekunamata “panguva yakakodzera.” Muranda akatendeka airehwa naJesu akanga asiri munhu mumwe chete. Raiva boka revarume vakazodzwa. Uye nanhasi Jesu ndizvo zvaachiri kuita.
MAZIVIRO ATINOITA “MURANDA AKATENDEKA, AKANGWARA”
4 Jesu akagadza ani kuti ape vateveri vake zvekudya? Zviri pachena kuti aizoshandisa vaKristu vakazodzwa vari panyika. Bhaibheri rinovati “vapristi uye madzimambo” uye vakagadzwa kuti ‘vazivise kwese kwese kunaka kukuru kwaiye akavadana kubva murima, akavapinza muchiedza chake chinoshamisa.’ (1 Pet. 2:9; Mar. 2:7; Zvak. 12:17) VaKristu vese vakazodzwa vari pano panyika ndiye muranda akatendeka here? Aiwa. Jesu paakaita chishamiso chekupa vanhu 5 000 zvekudya tisingabatanidzi vakadzi nevana, akatanga apa zvekudya zvacho kuvadzidzi vake, vadzidzi ndokuzopa vanhu. (Mat. 14:19) Akapa vanhu vakawanda zvekudya achishandisa vanhu vashoma. Mazuva anowo ari kupa zvekudya zvekunamata achishandisa nzira iyoyi.
5 Saka “muranda akatendeka, akangwara” anoumbwa neboka diki rehama dzakazodzwa dzinoshanda pakugadzira uye pakupa zvekudya zvekunamata munguva yekuvapo kwaKristu. (Ruka 12:42) Boka iri rinoshanda pamwe chete kumahofisi makuru uye ndiro ratinoti Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha.
6 Kristu anoshandisa dare iri kuti ribudise mashoko anoratidza kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri uye kupa mirayiridzo yemashandisiro atingaita mazano ari muBhaibheri. Zvekudya zvekunamata izvi zvinoendeswa muungano dzeZvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10; VaG. 6:16) Kare munhu ainzi atarisire imba yatenzi wake aiva muranda kana kuti mutariri aivimbwa naye. Mazuva ano muranda akatendeka uye akangwara, akapiwawo basa rekutarisira imba yekutenda. Saka muranda akatendeka anotarisirawo pfuma yesangano, basa rekuparidza, purogiramu dzemagungano, kugadzwa kwevatariri musangano uye kugadzirwa kwemabhuku eBhaibheri izvo zvinobatsira “veimba.”—Mat 24:45.
7 Saka “veimba” ndivanaani? Ndevaya vanopiwa zvekudya. Pakutanga, vaiva vaKristu vakazodzwa. Pave paya, veimba vakazosanganisira boka guru ‘remamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Mapoka acho ese ari maviri anowana zvekudya zvekunamata zvinobva kumuranda akatendeka.
8 Jesu paachaparadza nyika ino yakaipa pakutambudzika kukuru, achagadza muranda akatendeka “pazvinhu zvake zvese.” (Mat. 24:46, 47) Vaya vanoumba muranda akatendeka vachapiwa mubayiro wavo wekudenga. Vachanobatana neve144 000 vanenge vatoenda kudenga nechekare kuti vatonge pamwe chete naKristu. Kunyange zvazvo panyika pachange pasisina muranda akatendeka, akangwara, Jehovha naJesu vachashandisa “machinda” kuti ape mirayiridzo vanhu vanenge vachitongwa neUmambo hwaMesiya.—Pis. 45:16.
NEI TICHIFANIRA ‘KUYEUKA VAYA VARI KUTITUNGAMIRIRA’?
9 Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti ‘tiyeuke vaya vari kutitungamirira’ uye kuti tiratidze kuti tinovimba navo. Zvinotibatsirei? Muapostora Pauro akati: “Vari kukuchengetedzai sevanhu vachazozvidavirira, kuti vaite izvi nemufaro kwete vachirwadziwa, nekuti izvi zvingakukuvadzai.” (VaH. 13:17) Zvinokosha kuti tizviise pasi uye titeerere zvatinorayirwa nevanotitungamirira nekuti vanotidzivirira pakunamata uye muupenyu.
10 Pana 1 VaKorinde 16:14, Pauro akati: “Zvese zvamunoita zviitei nerudo.” Vatungamiriri ava vanoda vanhu vaMwari, saka zvese zvavanosarudza zvine rudo mukati. Pana 1 VaKorinde 13:4-8 panoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo. Haruzvikudzi, haruzvitutumadzi, haruzvibati zvisina kufanira, harutsvagi zvakarunakira, harutsamwiswi. Haruchengeti chigumbu. Harufariri zvisina kururama, asi runofara nechokwadi. Runoshingirira zvinhu zvese, runotenda zvinhu zvese, rune tariro pazvinhu zvese, runotsungirira zvinhu zvese. Rudo harumboperi.” Zvinhu zvinosarudzwa nevatungamiriri ava zvinobva pakuda kwavanoita vashumiri vaJehovha, saka zvakanaka kuti tivateerere. Uyezve, izvi zvinongoratidza kuti Jehovha anotida.
Zvinokosha kuti tizviise pasi pevanotitungamirira panyaya dzekunamata
11 Sezvaingoitika pakatanga ungano yechiKristu, varume vari kushandiswa naJehovha nhasi kuti vatungamirire sangano rake vanhu vanotadzawo sesu. Kubva kare nakare, Jehovha agara achishandisa vanhu vanotadzawo sesu kuti vaite zvaanoda. Noa akavaka areka uye akaparidza nezvekuparadzwa kwaizouya. (Gen. 6:13, 14, 22; 2 Pet. 2:5) Mozisi akanzi atungamirire vanhu vaJehovha kubuda muIjipiti. (Eks. 3:10) Varume vanotadzawo sesu vakafemerwa kuti vanyore Bhaibheri. (2 Tim. 3:16; 2 Pet. 1:21) Kushandisa kunoita Jehovha vanhu vanotadza kuti vatungamirire basa rekuparidza nerekudzidzisa hakuiti kuti tisavimba nesangano rake. Asi tinotosimbiswa nekuti tinoziva kuti sangano haringamboiti zvese zvarinoita risingatsigirwi naJehovha. Zvakasangana nemuranda akatendeka kwemakore akawanda zvinoratidza kuti ari kutsigirwa nemweya waMwari. Jehovha ari kukomborera zvikuru sangano rake. Saka tinoritsigira nemwoyo wese uye tinovimba naro.
TINORATIDZA SEI KUTI TINOVIMBA NESANGANO?
12 Vaya vakapiwa mabasa muungano vanoratidza kuti vanovimba nesangano nekubvuma mabasa acho uye kuaita vakatendeka. (Mab. 20:28) Zvatiri vazivisi veUmambo, tinoshingaira kuita basa rekuparidza paimba neimba, kudzokera kunoona vanenge vafarira, uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Kuti tinyatsobatsirwa nezvekudya zvekunamata zvinobva kumuranda akatendeka, tinofanira kuenda kumisangano yechiKristu nemagungano uye kufanogadzirira zvatichanodzidza ikoko. Tinobatsirwa chaizvo nekukurudzirana kwatinoita patinowadzana nehama dzedu pamisangano iyi.—VaH. 10:24, 25.
13 Kuvimba kwatinoita nesangano kunoonekawo patinoritsigira nezvipo zvedu. (Zvir. 3:9, 10) Patinoona kuti hama dzedu dzaomerwa, tinokurumidza kudzibatsira. (VaG. 6:10; 1 Tim. 6:18) Tinoita izvi nekuti tinoda hama dzedu, uye tinogara tichitsvaga mikana yekuratidza kuti tinoonga Jehovha nesangano rake pamusana pezvakanaka zvavanotipa.—Joh. 13:35.
14 Tinoratidzawo kuti tinovimba nesangano nekuteerera zvarinotiudza. Izvi zvinosanganisira kutevedzera nemwoyo wese mirayiridzo yatinopiwa nevaya vanotitungamirira, vakadai sevatariri vematunhu uye vakuru vemuungano. Hama idzi ndedzimwe dzevaya ‘vari kutitungamirira,’ uye tinofanira kuvateerera uye kuzviisa pasi pavo. (VaH. 13:7, 17) Kunyange kana tikatadza kunzwisisa kuti nei tanzi tiite zvimwe zvinhu, tinoziva kuti tikavateerera zvinhu zvichatifambira zvakanaka. Nemhaka yeizvi, Jehovha anotikomborera nekuti tinoteerera Shoko rake uye sangano rake. Saka patinoita izvi tinenge tichizviisa pasi paTenzi Jesu Kristu.
15 Chokwadi tine zvikonzero zvakawanda zvekuti tivimbe nemuranda akatendeka, akangwara. Satani, mwari wenyika ino, ari kuedza zvese zvaanogona kuti zita raJehovha nesangano rake rizvidzwe. (2 VaK. 4:4) Usabvuma kunyengerwa naSatani! (2 VaK. 2:11) Anoziva kuti angosarirwa ‘nenguva pfupi’ kuti akandwe mugomba rakadzikadzika, saka ari kuedza chaizvo kutsausa vanhu vaJehovha vakawanda. (Zvak. 12:12) Asi isu ngatirambei tichiswedera pedyo naJehovha. Ngativimbei naJehovha uye nenzira yaari kushandisa kutungamirira vanhu vake nhasi. Tikadaro tichava vanhu vakabatana.