Ipa Zvibairo Zvinofadza Jehovha
“Kupfurikidza [naJesu Kristu] nguva dzose ngatipei kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.”—VAHEBHERU 13:15, “NW.”
1. Chii icho Jehovha akakurudzira vaIsraeri vanotadza kuita?
JEHOVHA ndiye Mubetseri waavo vanopa zvibairo zvinogamuchirika kwaari. Naizvozvo, nyasha dzake dzaichimbova pavaIsraeri avo vaipa zvibairo zvemhuka. Asi chiiko chakaitika pashure pokunge vatadza vatadzazve? Kupfurikidza nomuporofita Hosea, ivo vakakurudzirwa, kuti: “Haiwa, imi Israeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu. Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari: ‘Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo ndichakupai [mikono miduku yemiromo yedu, NW].’”—Hosea 14:1, 2.
2. Chii chaiva ‘mikono miduku yemiromo,’ uye muapostora Pauro akanongedzera sei kuuporofita hwaHosea?
2 Nokudaro kwakadaro kuti vanhu vekare vaMwari vakakurudzirwa kupa kuna Jehovha Mwari ‘mikomo miduku yemiromo yavo.’ Chii chakanga chiri iyoyi? Chokwadi, zvibairo zverumbidzo yechokwadi! Achinongedzera kuuporofita ihwohwu, muapostora Pauro akakurudzira maKristu eHebheru ku“pa kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.” (VaHebheru 13:15, NW) Chiiko chinogona kubetsera Zvapupu zvaJehovha kupa zvibairo zvakadaro nhasi?
“Tevedzerai Kutenda Kwavo”
3. Chaizvoizvo, chii chakataura muapostora Pauro pana VaHebheru 13:7, chichimutsa mubvunzoi?
3 Kushandisa zano Pauro akapa vaHebheru kuchatigonesa kupa zvibairo zvinogamuchirika kuMubetseri wedu Mukuru, Jehovha Mwari. Somuenzaniso, muapostora akanyora, kuti: “Yeukai avo vanotungamirira pakati penyu, avo vakataura shoko raMwari kwamuri, uye sezvamunorangarira kuti mufambiro wavo unoita sei tevedzerai kutenda kwavo.” (VaHebheru 13:7, NW) Ndikuna vanaani uko Pauro akanongedzera paakati, “Yeukai avo vanotungamirira pakati penyu,” kana kuti “vari vadzori venyu”?—New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi.
4. (a) Mukuwirirana norugwaro rwechiGiriki, chii icho avo “vanotungamirira” vari kuita? (b) Ndivanaani vari avo “vanotungamirira” pakati peZvapupu zvaJehovha?
4 Pauro akataura nezvaavo “vanotungamirira,” kana kuti vanodzora. (VaH 13 Ndima 7, 17, 24) Shoko reShona rokuti “kudzora” rinotorwa muchiLatin richibva muky·ber·naʹo wechiGiriki, anoreva kuti “kutungamirira ngarava, kutungamira, kudzora.” Vakuru vechiKristu vanodzora kupfurikidza nokushandisa “mano [avo] okutungamira” (chiGiriki, ky·ber·neʹseis) mukugovera utungamiriri nenhungamiro muungano dzomunzvimbomo. (1 VaKorinte 12:28) Asi vaapostora navamwe vakuru vomuJerusarema vakabatira somutumbi kuti vape nhungamiro nezano kuungano dzose. (Mabasa 15:1, 2, 27-29) Nhasi, naizvozvo, mutumbi unodzora wavakuru unogovera tarisiro yomudzimu nokuda kweZvapupu zvaJehovha munyika yose.
5. Nei uye sei tichifanira kunyengeterera vakuru veungano nemitezo yoMutumbi Unodzora?
5 Vakuru vomunzvimbomo nemitezo yoMutumbi Unodzora vanotungamirira pakati pedu; nokudaro, tinofanira kuvaremekedza ndokunyengetera kuti Mwari avape uchenjeri hunodikanwa kudzora ungano. (Enzanisa naVaEfeso 1:15-17.) Kwakakodzera sei kuti tiyeuke vapi navapi ‘vakataura shoko raMwari kwatiri’! Timotio akadzidziswa kwete bedzi naamai vake naambuya asiwo gare gare naPauro navamwe. (2 Timotio 1:5, 6; 3:14) Naizvozvo Timotio aigona kurangarira kuti mufambiro waavo vanotungamirira wakaita sei uye akakwanisa kutevedzera kutenda kwavo.
6. Kutenda kwaani kwatinofanira kutevedzera, asi ndiani watinotevera?
6 Vanhu vakadai saAbheri, Noa, Abrahama, Sara, Rakabhi, uye Mosesi vakashandisa kutenda. (VaHebheru 11:1-40) Nokudaro, tinogona kutevedzera kutenda kwavo pasina zenguriro nemhaka yokuti vakafa vakavimbika kuna Mwari. Asi tinogonawo ‘kutevedzera kutenda’ kwavarume vakavimbika zvino vari kutungamirira pakati pedu. Chokwadika, hatiteveri vanhu vasina kukwana, nokuti tinochengeta meso edu ari pana Kristu. Mumwe mushanduri weBhaibheri Edgar J. Goodspeed akati: “Mhare dzekare hadzisi mienzaniso yomutendi, nokuti iye ane muenzaniso uri nani muna Kristu . . . Mumhanyi wechiKristu anofanira kuisa meso ake pana Jesu.” Hungu, ‘Kristu akatambura nokuda kwedu, achitisiira muenzaniso wokuti tisanotevera makwara ake.’—1 Petro 2:21; VaHebheru 12:1-3.
7. VaHebheru 13:8 inofanira kutapura sei chimiro chedu kukutambura nokuda kwaJesu Kristu?
7 Achinangidzira ngwariro paMwanakomana waMwari, Pauro akawedzera, kuti: “Jesu Kristu unogara akadaro, zuro, nanhasi, nokusingaperi.” (VaHebheru 13:8) Zvapupu zvakatendeka zvakadai saStefano naJakobho zvakanga zvaratidzira perero isingazununguki, pashure pomuenzaniso wakasimba waJesu. (Mabasa 7:1-60; 12:1, 2) Sezvo ivo vakanga vachidisa kufa savateveri vaKristu, kutenda kwavo kwakafanirwa nokutevedzera kwedu. Munguva yakapfuura, panguva ino, uye kunyange munguva yemberi, vanhu voumwari havarambi kutambura kufira kutendeka savadzidzi vaJesu.
Dzivisa Dzidziso Dzenhema
8. Waizotaura sei namamwe mashoko mashoko aPauro ari pana VaHebheru 13:9?
8 Kusachinja kwohunhu hwaJesu nedzidziso zvinofanira kutiita kuti tinamatire kuicho iye navaapostora vake vakadzidzisa. VaHebheru vakaudzwa, kuti: “Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazivikanwi; nokuti zvakanaka kuti mwoyo usimbiswe nenyasha, urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.”—VaHebheru 13:9.
9. Pauro akanongedzera kuzvinhui zvikuru mutsamba yokumaKristu eHebheru?
9 VaJudha vainongedzera kuzvinhu zvakadai sokupiwa kunoshamisa kwoMutemo paGomo reSinai noumambo husingagumi hwaDhavhidhi. Asi Pauro akaratidza maKristu eHebheru kuti kunyange zvazvo kutangwa kwesungano yoMutemo kwakanga kuchityisa, Jehovha akapa uchapupu nesimba zvikuru nezviratidzo, zvishamiso nenyevero, mabasa ane simba, uye kuparadzirwa kwomudzimu mutsvene apo sungano itsva yakatangwa. (Mabasa 2:1-4; VaHebheru 2:2-4) Umambo hwokudenga hwaKristu hahugoni kuzununguswa, sezvakaitwa umambo hwapasi hwavatongi vaDhavhidhi muna 607 P.N.V. (VaHebheru 1:8, 9; 12:28) Kupfuurirazve, Jehovha anounganidza vakasarira pamberi pechimwe chinhu chinotyisa zvikuru kupfuura kuratidzirwa kunoshamisa paGomo reSinai, nokuti ivo vanosvika Gomo reZioni rokudenga.—VaHebheru 12:18-27.
10. Mukuwirirana naVaHebheru 13:9, mwoyo unosimbiswa nechii?
10 VaHebheru naizvozvo vaifanira kudzivisa ku“satorwa nedzidziso dzimwe dzisingazivikanwi” dzavaiti vavaJudha. (VaGaratia 5:1-6) Kwete kupfurikidza nedzidziso dzakadaro asi ‘mwoyo unogona kusimbiswa netsitsi dzisakafanirwa dzaMwari’ ndokuramba wakatsiga muzvokwadi. Vamwe sezviri pachena vaiitirana nharo pamusoro pezvokudya nezvibairo, nokuti Pauro akataura kuti mwoyo wakanga usingasimbiswi “nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri.” Betsero dzomudzimu dzinobva mukuzvipira kwoumwari nokuongwa kworudzikinuro, kwete neitiro hanya isakafanira pamusoro pokudya zvokudya zvakati nokuchengeta mazuva akati. (VaRoma 14:5-9) Uyezve, chibairo chaKristu chakaita kuti zvibairo zvavaRevhi zvive zvisina basa.—VaHebheru 9:9-14; 10:5-10.
Zvibairo Zvinofadza Mwari
11. (a) Chii chiri chinokosha chamashoko aPauro ari pana VaHebheru 13:10, 11? (b) Iatarii yokufananidzira ina maKristu?
11 Vaprista vaRevhi vaidya nyama yemhuka dzezvibairo, asi Pauro akanyora, kuti: “Isu tine atari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhernakeri. Nokuti mitumbi yezvipfuwo zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomuprista mukuru nokuda kwezvivi, inopiswa kunze kwemisasa” paZuva reYananisiro. (VaHebheru 13:10, 11; Revhitiko 16:27; 1 VaKorinte 9:13) MaKristu ane atari yokufananidzira inoratidzira kusvika kuna Mwari pahwaro hwechibairo chaJesu icho chinoyananisira zvivi uye chinoguma nekanganwiro yaJehovha noruponeso kuupenyu husingagumi.
12. Pana VaHebheru 13:12-14, chii icho maKristu akazodzwa akakurudzirwa kuita?
12 Pauro haasati achimanikidzira wirirano neZuva reYananisiro, bva iye anowedzera, kuti: “Saka naiye Jesuwo wakatambudzika kunze kwesuo [reJerusarema], kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake.” Kristu akafirako uye akagovera chibairo chinoyananisira chinoshanda chose chose. (VaHebheru 13:12; Johane 19:17; 1 Johane 2:1, 2) Muapostora Pauro akakurudzira maKristu biyake akazodzwa, kuti: “Naizvozvo ngatibudire kwaari [Kristu] kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. Nokuti, hatine guta richagara, asi tinotsvaka richazovapo.” (VaHebheru 13:13, 14; Revhitiko 16:10) Kunyange zvazvo tichizvidzwa sezvakanga zvichiitwa Jesu, tinotsungirira seZvapupu zvaJehovha. Isu ‘tinoramba kusava noumwari nezvishuvo zvenyika uye tinorarama nendangariro yakanaka nokururama nokuzvipira kwoumwari pakati petsika ino yazvino yezvinhu’ tichitarira kunyika itsva. (Tito 2:11-14; 2 Petro 3:13; 1 Johane 2:15-17) Uye vakazodzwa vari pakati pedu vanotsvakisisa “guta,” Umambo hwokudenga.—VaHebheru 12:22.
13. Zvibairo izvo zvinofadza Mwari hazviumbwi hazvo nechii?
13 Pauro akatevera kududza zvibairo zvinofadza Mwari, achinyora, kuti: “Kupfurikidza naye [Jesu] nguva dzose ngatipei kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake. Uyezve, musakanganwa kuitwa kwezvakanaka nokugoveranwa kwezvinhu navamwe, nokuti Mwari anosanofadzwa nezvibairo zvakadaro.” (VaHebheru 13:15, 16, NW) Zvibairo zvechiKristu hazvingoumbwi zvazvo namabasa omutsa. Vanhu vose zvavo vanoita zvinhu zvakadaro. Somuenzaniso, ikoku kwakaitika apo vanhu vamarudzi mazhinji vakayamura vanyajambwa vokudengenyeka kwapasi muArmenia yeSoviet mukupera kwa 1988.
14. Kupa Mwari chibereko chinogamuchirika kunosimbisa basai?
14 Basa rinoyera ratinoitira Jehovha “norutyo rwoumwari norukudzo” rakadzikwa parudzi rwokuzvibaira rworudo urwo Jesu akaratidzira. (VaHebheru 12:28; Johane 13:34; 15:13) Iri basa rinosimbisa basa redu rokuparidzira, nokuti kupfurikidza naKristu soMuprista Mukuru ‘tinopa kuna Mwari chibairo cherumbidzo, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.’ (Hosea 14:2; VaRoma 10:10-15; VaHebheru 7:26) Chokwadika, isu “hatikanganwi kuitwa kwezvakanaka nokugoveranwa kwezvinhu navamwe,” kubatanidza, kunyanguvezvo, vamwe kupfuura “avo vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratia 6:10, NW) Zvikurukuru apo maKristu biyedu anotambura ngwavaira kana kuti anenge achishaiwa kana kuti ane nhamo, tinopa betsero yorudo mune zvokunyama nomune zvomudzimu. Neiko? Nemhaka yokuti tinodana. Tinodawo kuti vakwanise kubatisisa ziviso yapachena yetariro yavo pasina kuzununguka, “nokuti Mwari anosanofadzwa nezvibairo zvakadaro.”—VaHebheru 10:23-25, NW; Jakobho 1:27.
Zviisei Pasi
15. (a) Waizotaura sei namamwe mashoko zano raVaHebheru 13:17? (b) Kuratidzirei ruremekedzo nokuda kwaavo vanotungamirira?
15 Kuti tipe zvibairo zvinogamuchirika, tinofanira kubatira pamwe zvizere nesangano raMwari. Pasina kudzokorora nhau yechiremera, Pauro akanyora, achiti: “Teererai avo vanotungamirira pakati penyu uye zviisei pasi, nokuti vanoramba vachirinda mweya yenyu saavo vachazozvidavirira; kuti vagoita ikoku nomufaro uye kwete nokunyunyuta, nokuti ikoku kungava kunokuvadza kwamuri.” (VaHebheru 13:17, NW) Tinofanira kuremekedza vakuru vakagadzwa vanotungamirira muungano, kuti vagorega kugomera nenhamo pamusoro pokushaiwa kwedu batira pamwe. Kukundikana kwedu kuva vanozviisa pasi kwaizobvumikisa kuva kunorema kuvatariri uye kwaizoguma nekuvadziko yedu yomudzimu. Mudzimu webatira pamwe unoita kuti kuitire nyore zvikuru vakuru kupa batsiro nokugovera kuchinzwano nefambiro mberi zvebasa rokuparidzira Umambo.—Pisarema 133:1-3.
16. Neiko kwakafanira kuzviisa pasi paavo vanotungamirira pakati pedu?
16 Kwakafanira sei kuti tive vanozviisa pasi paavo vanotungamirira! Ivo vanodzidzisa pamisangano yedu uye vanotibetsera muushumiri. Savafudzi, ivo vanotsvaka garikano yedu. (1 Petro 5:2, 3) Ivo vanotibetsera kuchengeta ukama hwakanaka naMwari neungano. (Mabasa 20:28-30) Kupfurikidza nokuzviisa pasi poutariri hwokuchenjera nohworudo, tinoratidza ruremekedzo nokuda kwoMutariri Mukurusa, Jehovha Mwari, uye Mutariri wake Muduku, Jesu Kristu.—1 Petro 2:25; Zvakazarurwa 1:1; 2:1–3:22.
Ivai Vanonyengetera
17. Minyengeteroi yakakumbira Pauro, uye nei iye aigona kuikumbira nenzira yakarurama?
17 Sezvo Pauro navasonganiri vake vakaparadzaniswa navaHebheru, zvichida nemhaka yechitambudzo, iye akati: “Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. Tinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti tikurumidze kudzoserwa kwamuri.” (VaHebheru 13:18, 19) Kudai Pauro akanga ave ari munhu anonyengera ane hana yakapiswa, angadai akava namaruramiroi okukumbira vaHebheru kunyengetera kuti iye avakumbanire? (Zvirevo 3:32; 1 Timotio 4:1, 2) Chokwadika, iye akanga ari mushumiri akatendeseka, uyo nehana yakanaka akadzivisa vaiti vavaJudha. (Mabasa 20:17-27) Pauro aivawo nechivimbo chokuti iye aizokwanisa kukumbanira vaHebheru nokukurumidza zvikuru kana vakanyengetera kuti kuitike.
18. Kana tichikarira vamwe kutinyengeterera, mibvunzoi yatingazvibvunza timene?
18 Chikumbiro chaPauro cheminyengetero yavaHebheru chinoratidza kuti kwakafanira kuti maKristu anyengetererane, kunyange nezita. (Enzanisa naVaEfeso 6:17-20.) Asi kana tichikarira vamwe kutinyengeterera, isu hatifaniri kuva vakafanana nomuapostora here ndokuva nechokwadi chokuti ‘tine hana yakatendeseka uye tiri kuzvibata timene nokutendeseka muzvinhu zvose’? Iwe wakatendeseka here mukubata kwako kwose? Uye iwe une chivimbo chimwe chetecho here mumunyengetero icho Pauro aiva nacho?—1 Johane 5:14, 15.
Mashoko Okupfiga Nezano
19. (a) Ndechipi chaiva chishuvo chokunyengetera chaPauro nokuda kwavaHebheru? (b) Neiko sungano itsva iri sungano isingaperi?
19 Atsvaka minyengetero yavaHebheru, Pauro akataura chishuvo chokunyengetera, achiti: “Zvino Mwari worugare akatsvaka kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pedu, naJesu Kristu—ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.” (VaHebheru 13:20, 21) Tichiona pasi rine rugare, “Mwari worugare” akamutsa Kristu kuupenyu husingafi mudenga, uko Jesu akapa runako rweropa rake rakadeurwa iro rakasimbisa sungano itsva. (Isaya 9:6, 7; Ruka 22:20) Isungano isingaperi nemhaka yokuti avo vari pasi pano vanogamuchira betsero dzisingagumi dzinobva mumabasa avanakomana vaMwari vomudzimu vane 144 000 avo vanotonga naJesu mudenga uye avo vari musungano itsva. (Zvakazarurwa 14:1-4; 20:4-6) Mwari, kwatinopa mbiri, ‘anotishongedzera nechinhu chiri chose chakanaka chinodikanwa kuita kuda kwake ndokuva vanosanofadza pamberi pake’ kupfurikidza naKristu.
20. Ungataura sei namamwe mashoko ndokutsanangura zano rokupfiga raPauro kumaKristu eHebheru?
20 Asina chokwadi pamusoro pokuti vaHebheru vaizoita sei kutsamba yake, Pauro akati: “Asi ndinokurairai, hama dzangu, kuti mutende neshoko rokuraira [kuteerera kuMwanakomana waMwari, kwete vaiti vavaJudha], nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma [achirangarira zviri mukati mayo zvinokosha]. Zivai kuti hama yedu Timotio wakasunungurwa [mutorongo]; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwe chete naye.” Zvimwe achinyora ari muRoma, muapostora akakarira kuti iye pamwe chete naTimotio vaizoshanyira vaHebheru muJerusarema. Ipapo Pauro akati: “Ndikwazisirei vatungamiriri venyu [savakuru vanoshanda zvakaoma] vose navatsvene vose [avo vane tariro yokudenga]. VeItaria vanokukwazisai. Nyasha [dzaMwari] ngadzive nemi mose.”—VaHebheru 13:22-25.
Tsamba Youkoshi Husingagumi
21. Tsamba yokuvaHebheru inotibetsera kunzwisisa mapfundoi makuru?
21 Zvichida kupfuura rimwe bhuku ripi neripi raMagwaro Matsvene, tsamba yokuvaHebheru inotibetsera kunzwisisa ukoshi hwezvibairo zvaipiwa muMutemo. Tsamba yacho inoratidza zvakajeka kuti chibairo chaJesu Kristu ndicho bedzi chinogovera rudzikinuro runodikanwa nokuda kworudzi rwomunhu runotadza. Uye shoko rinokosha rinowanwa mutsamba yacho nderokuti tinofanira kuteerera Mwanakomana waMwari.
22. Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero zvokuti tive vanoonga nokuda kwetsamba yokuvaHebheru?
22 Kupfuurirazve, sezvataona munyaya mbiri dzapfuura, tine zvimwe zvikonzero zvokuonga nokuda kwetsamba yakafuridzirwa nenzira youmwari yokuvaHebheru. Iyo inotibetsera kusaneta muushumiri hwedu, uye inotizadza noushingi, nokuti tinoziva kuti Jehovha ndiye Mubetseri wedu. Uyezve, inotikurudzira kushandisa miromo yedu namano edu ose nenzira isina udyire mukuita basa rinoyera masikati nousiku nokupa zvibairo zvechokwadi izvo zvinofadza Mwari wedu anorumbidzwa, Jehovha.
Ungapindura Sei?
◻ Tsamba yokuvaHebheru yakavabetsera sei kudzivisa dzidziso dzenhema?
◻ Zvibairo zvinofadza Mwari zvinonangidzira ngwariro pabasai rinokosha?
◻ Ndivanaani vari “avo vanotungamirira,” uye kuzviisirei pasi pavo?
◻ Tsamba yokuvaHebheru inosimbisa sei munyengetero?
◻ Neiko tichigona kutaura kuti tsamba yokumaKristu eHebheru ndeyoukoshi husingagumi?
[Mifananidzo iri papeji 23]
Zvibairo zvinofadza kuna Mwari zvinobatanidza kuita shanyo dzokufudza nokuvaka maKristu biyedu nezano rorudo