RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa
    Nharireyomurindi—2007 | April 1
    • 7. Muapostora Pauro akapa zano rei rine chokuita nemaonero atinofanira kuita vatariri vechiKristu?

      7 Vafudzi vedu vokudenga, Jehovha Mwari naJesu Kristu, vanotarisira kuti titeerere uye tizviise pasi pevafudzi vavakaisa munzvimbo dzavo muungano. (1 Petro 5:5) Afuridzirwa, muapostora Pauro akanyora kuti: “Yeukai vaya vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko raMwari, uye sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei, tevedzerai kutenda kwavo. Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.”—VaHebheru 13:7, 17.

      8. Pauro anotikumbira kuti ‘ticherechedze’ chii, uye tinofanira ‘kuteerera’ sei?

      8 Ona kuti Pauro anotikumbira kuti ‘ticherechedze,’ kana kuti kunyatsofungisisa kuti chii chinoitika kana vakuru vakatendeka pamufambiro wavo uye kana tikatevera mienzaniso yakadaro yokutenda. Uyezve, anotipa zano rokuti titeerere uye tizviise pasi pezvinotaurwa nevarume ava vakagadzwa. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonzi R. T. France inotsanangura kuti muchiGiriki chepakutanga, shoko rakashandurwa pano kuti “teererai” harisiro “rinowanzoshandurwa kuti kuteerera, asi sezvariri chaizvo rinoreva kuti ‘bvuma,’ zvichiratidza kuti unobvuma nechido kutungamirirwa navo.” Hatingoteereri vakuru nokuti tinorayirwa kuti tidaro muShoko raMwari asiwo nokuti tinobvuma kuti vanotifarira nomwoyo wose uye vanofarira zvinhu zvine chokuita noUmambo. Zvechokwadi tichafara kana tikabvuma nechido kutungamirirwa navo.

      9. Kuwedzera pakuteerera, nei tichifanira ‘kuzviisa pasi’?

      9 Zvisinei, zvakadini kana tisina chokwadi kana zvinotaurwa nevakuru iri iyo nzira yakanakisisa yokuita nayo zvinhu pane imwe nyaya? Ndipo panodiwa kuzviisa pasi. Zviri nyore kuteerera kana zvinhu zvose zvakajeka uye kana tichibvumirana nazvo, asi ticharatidza kuti tinozviisa pasi zvechokwadi kana tikateerera kunyange patinenge tisinganyatsonzwisisi zvinotaurwa. Petro, uyo akazova muapostora, akaratidza kuzviisa pasi kwakadaro.—Ruka 5:4, 5.

  • Kuzviisa Pasi Pevafudzi Vane Rudo Tichizvininipisa
    Nharireyomurindi—2007 | April 1
    • 12. Vatariri vari “kurinda mweya” yedu sei?

      12 Chikonzero chechipiri chokushandira pamwe nevatariri vechiKristu ndechokuti “vari kurinda mweya” yedu. Kana vakaona chimwe chinhu pamafungiro kana kuti maitiro edu chingakanganisa kunamata kwedu, vachakurumidza kutipa zano rakakodzera vaine chinangwa chokutiruramisa. (VaGaratiya 6:1) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kurinda” rinoreva “kurega kurara.” Maererano neimwe nyanzvi yeBhaibheri, “rinoreva mufudzi anoramba akasvinura.” Kuwedzera pakuramba vakasvinura pakunamata, vakuru vangatotadza kurara vachinetseka nezvemamiriro edu ezvinhu pakunamata. Hatifaniri kuda kushandira pamwe nevakuru vane rudo vakadaro, vanoedza nepavanogona napo kutevedzera unyoro hwaiva naJesu Kristu, “mufudzi mukuru wemakwai” here?—VaHebheru 13:20.

      13. Vatariri nevaKristu vose vachazvidavirira kuna ani, uye sei?

      13 Chikonzero chechitatu chokushandira kwedu pamwe nevatariri ndechokuti vanotirinda “sevanhu vachazozvidavirira.” Vatariri vanoyeuka kuti vafudzi vanotungamirirwa naKristu, vanoshanda neVafudzi vokudenga, Jehovha Mwari naJesu Kristu. (Ezekieri 34:22-24) Jehovha ndiye Muridzi wemakwai, “aakatenga neropa roMwanakomana wake,” uye Iye achaita kuti vatariri vakagadzwa vazvidavirire nezvenzira yavanobata nayo boka Rake, ravanofanira kubata “nounyoro.” (Mabasa 20:28, 29) Saka tose zvedu tichazvidavirira kuna Jehovha pamusoro pezvatinoita paanotiudza zvokuita. (VaRoma 14:10-12) Kuteerera kwatinoita vakuru vakagadzwa kunopawo uchapupu hwokuzviisa kwedu pasi paKristu, Musoro weungano.—VaKorose 2:19.

      14. Chii chingaita kuti vatariri vechiKristu vashumire “nokugomera,” uye zvingaguma nei?

      14 Pauro akataura chikonzero chechina nei tichifanira kuzviisa pasi pevatariri vechiKristu tichizvininipisa. Akanyora kuti: “Kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.” (VaHebheru 13:17) Zvavaine basa rinorema rokudzidzisa, rokufudza, rokutungamirira mubasa rokuparidza, rokurera mhuri, uye rokugadzirisa zvinetso muungano, vakuru vechiKristu vanotakura mutoro unorema. (2 VaKorinde 11:28, 29) Kana tikasashandira pamwe navo, tinongowedzera basa ravo. Izvi zvingaguma no“kugomera” kwavo nokushungurudzika. Kana tikasashandira pamwe navo tichaita kuti Jehovha asafara uye zvingatikuvadza. Pane kudaro, patinoratidza kuremekedza kwakakodzera uye kushandira pamwe, vakuru vangaita mabasa avo nomufaro, uye izvi zvinoita kuti tibatane uye tiitewo basa rokuparidza Umambo tichifara.—VaRoma 15:5, 6.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe