“Vaiti Veshoko” Vanofara
“Mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu. Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga.”—JAKOBHO 1:21, 22.
1. Rugwaro rwedu rwegore rwa1996 runofanira kurangarirwa sei?
“IVAI VAITI VESHOKO.” Uku kutaura kwakapfava kune shoko rine simba. Kunotorwa mu“N’wadhi yaJakobho” iri muBhaibheri, uye kucharatidzirwa muHoro dzoUmambo sorugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha mukati ma1996 wose.
2, 3. Neiko kwakanga kwakakodzera kuti Jakobho anyore tsamba ine zita rake?
2 Jakobho, munun’una waIshe Jesu nokuna mai, akanga akatanhamara muungano yechiKristu yapakuvamba. Pane imwe nhambo pashure porumuko rwaJesu, Ishe wedu akaoneka pachake kuna Jakobho uye ipapo kuvaapostora vose. (1 VaKorinte 15:7) Gare gare, apo muapostora Petro akasunungurwa mutorongo nenzira yenenji, akaudza boka ravaKristu rakaungana, kuti: “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi.” (Mabasa 12:17) Kunoratidzika kuti Jakobho, kunyange zvazvo iye amene akanga asiri muapostora, akatungamirira pamusangano womutumbi unodzora muJerusarema apo vaapostora navakuru vakasarudza kuti vatendeuki vaMarudzi havadikanirwi kudzingiswa. Jakobho akapfupikisa zvinhu, uye chisarudzo chakasimbiswa nomudzimu mutsvene chakatumirwa kuungano dzose.—Mabasa 15:1-29.
3 Sezviri, pachena kurangarira kwokukura mumudzimu kwaJakobho kwakava nechiremera chikuru. Zvisinei, iye akabvuma nenzira yokuzvininipisa kuti iye amene akanga achingovawo zvake “muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu.” (Jakobho 1:1) Tsamba yake yakafuridzirwa ine pfuma yezano rakanaka nekurudziro zvavaKristu nhasi. Yakapedzwa anenge makore mana kudenha kwokutanga kweRoma kusati kwaitika paJerusarema kwakaitwa noMutungamiriri wehondo Cestius Gallus, pashure pokunge mashoko akanaka aparidzwa zvikuru mu“zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Dzakanga dziri nguva dzakaoma, uye vabatiri vaJehovha vakanga vachiziva zvizere kuti rutongeso Rwake rwakanga rwodokuitwa parudzi rwechiJudha.
4. Chii chinoratidzira kuti vaKristu vapakuvamba vaivimba zvikuru muShoko raMwari?
4 VaKristu ivavo vakanga vatove naMagwaro echiHebheru ose uye akawanda eMagwaro echiGiriki. Sezvinoratidzirwa nenongedzero dzavo dzakawanda kumanyoro apakuvamba zvikuru, vanyori veBhaibheri vechiKristu sezviri pachena vakanga vane chivimbo chikuru muShoko raMwari. Nenzira yakafanana, isu nhasi tinodikanirwa kufunda Shoko raMwari nomwoyo wose ndokurishandisa muupenyu hwedu. Kuti titsungirire, tinoda simba romudzimu noushingi izvo Magwaro Matsvene anogovera.—Pisarema 119:97; 1 Timotio 4:13.
5. Neiko tichida nhungamiro chaiyo nhasi, uye tichaiwana kupi?
5 Nhasi rudzi rwomunhu rwuri pajenga chenga re“kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.” (Mateo 24:21) Kupukunyuka kwedu kunotsamira pakuva nenhungamiro youmwari. Tingaiwana sei iyoyo? Kupfurikidza nokuzarurira mwoyo yedu kukudzidzisa kweShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu. Irori richatitungamirira ku“va . . . vaiti veshoko,” kufanana navabatiri vakavimbika vaJehovha munguva dzakare. Tinofanira kurava ndokufunda Shoko raMwari nokushingaira ndokurishandisira kukurumbidzwa kwaJehovha.—2 Timotio 2:15; 3:16, 17.
Kutsungirira Nomufaro
6. Neiko tichifanira kuwana mufaro mukusangana nemiedzo?
6 Mukuvamba tsamba yake, Jakobho anodudza mufaro, chibereko chechipiri chomudzimu waMwari. Anonyora, kuti: “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu.” (Jakobho 1:2-4; VaGaratia 5:22, 23) Kungataurwa sei kuti “mufaro bedzi” kusangana nemiedzo yakawanda? Eya, kunyange Jesu akati muMharidzo yake yapaGomo: “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, vachikutambudzai, vachikupomerai zvakaipa zvose nenhema, nokuda kwangu. Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga.” (Mateo 5:11, 12) Kune kugutsikana kunofadza mukuona chikomborero chaJehovha panhamburiko dzedu sezvatinozvishandisa kunharidzano youpenyu husingaperi.—Johane 17:3; 2 Timotio 4:7, 8; VaHebheru 11:8-10, 26, 35.
7. (a) Tingabetserwa sei kutsungirira? (b) Kufanana naJobho, tingatuswa sei?
7 Jesu amene akatsungirira “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake.” (VaHebheru 12:1, 2) Tichisanotarisisa muenzaniso waJesu woushingi, isuwo tinogona kutsungirira! Seizvo Jakobho anodudza nechokumugumo wetsamba yake, Jehovha anotusa zvikuru vachengeti veperero. “Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa,” anodaro Jakobho. “Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Yeuka kutuswa kwakaitwa kuperera kwaJobho apo akadzorerwa kuutano hwakanaka uye kukufarikanywa kwoupenyu hwakazara, hunofadza navadiwa. Kutsungirira mukuperera kunogona kukuunzira kufara kwakafanana muParadhiso yakapikirwa yenyika itsva yaMwari, somugumisiro kumufaro wokubatira Jehovha zvino chaiye.
Kutsvaka Uchenjeri
8. Tingawana sei uchenjeri hwechokwadi, hunoshanda, uye munyengetero unoita rutivii muna ikoku?
8 Kufunda kwedu Shoko raMwari kwokushingaira, pamwe chete nokushandiswa kwaro kwakanaka, kuchaguma nouchenjeri hwoumwari, kuchitigonesa kutsungirira miedzo pakati poushati hwetsika yaSatani iri kufa. Tingasimbisirwa sei kuti tichawana uchenjeri hwakadaro? Jakobho anotiudza, kuti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, unongopa vose asingazotuki; uchapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa mutswa.” (Jakobho 1:5, 6) Tinofanira kunyengetera nenzira yapachokwadi, nechivimbo chisingazununguswi chokuti Jehovha achanzwa mikumbiro yedu uye kuti achaipindura munguva uye nzira yake yakafanira.
9. Jakobho anorondedzera sei uchenjeri hwoumwari nokushanda kwahwo?
9 Uchenjeri hwoumwari chipo chinobva kuna Jehovha. Achitsanangura zvipo zvakadaro, Jakobho anoti: “Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wokushanduka.” Gare gare mutsamba yake, Jakobho anotsanangura mugumisiro wokuwana uchenjeri hwechokwadi apo anoti: “Ndiani pakati penyu wakachenjera, wakangwara? Ngaaratidze nomufambire wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri. . . . Kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kune rugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.”—Jakobho 1:17; 3:13-17.
10. Rudzidziso rwenhema runosiyana sei nerwechokwadi?
10 Muumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, mungave muchiKristudhomu kana kuti mune dzimwe nyika, unowanzova muitiro kuti vanamati vaimbe nziyo, vateerere minyengetero inodzokororwa, uye zvichida vanzwe hurukuro. Hapana kurudziro inopiwa pamusoro pokuzivisa shoko retariro, nokuti marudzidziso akawanda haaoni kariro yakajeka yenguva yemberi. Tariro ine mbiri yoUmambo hwaMesiya waMwari zvimwe haitongodudzwi kana kuti hainzwisiswi chose chose. Jehovha anoti nenzira youporofita kuvatsigiri vechiKristudhomu: “Vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa: Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.” (Jeremia 2:13) Havana mvura dzezvokwadi. Uchenjeri hwokudenga huri kushayikwa.
11, 12. (a) Uchenjeri hwoumwari hunofanira kutisunda sei? (b) Uchenjeri hwoumwari hunotinyevera pamusoro pei?
11 Kwakasiyana sei pakati peZvapupu zvaJehovha nhasi! Nesimba rokushingaira rakapiwa naMwari, vari kufashamira pasi namashoko akanaka oUmambo Hwake huri kuuya. Uchenjeri hwavanotaura hwakavakirwa zvakasimba paShoko raMwari. (Enzanisa naZvirevo 1:20; Isaya 40:29-31.) Zvirokwazvo, vanoshandisa zvinobudirira zivo yechokwadi nokunzwisisa mukuzivisa zvinangwa zvikuru zvaMwari wedu noMusiki. Chinofanira kuva chishuvo chedu kuti vose vari muungano va“zadziswe nokuziva kwazvo kuda kwa[Mwari], pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya.” (VaKorose 1:9) Tiine hwaro ihwohwu, vose vari vaviri vaduku navakuru vachasundwa nguva dzose ku“va . . . vaiti veshoko.”
12 “Kuchenjera, kunobva kumusoro” kunotinyevera pamusoro pezvivi zvingagona kuguma nokusatendera kwoumwari. “Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa,” anodaro Jakobho. “Munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.” Hungu, tinofanira kukurumidza, kudisa, kuteerera zano roumwari ndokurishandisa. Zvisinei, tinofanira kungwarira kushandiswa zvisina kufanira kwe“mutezo muduku,” iwoyo rurimi. Kupfurikidza nokuzvikudza, guhwa risiri rokuchenjera, kana kuti kutaura kwokuzvikudza, rurimi runogona nenzira yokufananidzira ku‘pisa sango guru’ nemoto. Naizvozvo tinodikanirwa kusakurira mufaro nokuzvidzora musonganiro dzedu dzose.—Jakobho 1:19, 20; 3:5.
13. Neiko kuchikosha kuti tigamuchire “shoko rakasimwa”?
13 “Saka,” anonyora kudaro Jakobho, “bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu.” (Jakobho 1:21) Nyika ino ine udyire, nomuraramire wayo wokuonererwa, wokudisa zvenyika, wokuti ini pakutanga, uye tsika dzakaderera, yava pedyo nokupfuura. “Asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:15-17) Kunokosha sei, ipapoka, kuti tigamuchire “shoko rakasimwa”! Uchenjeri hunogoverwa neShoko raMwari hunopesana zvakajeka nouipi hwenyika iyi yava kufa. Hatidi hupi nohupi hwouipi ihwohwo. (1 Petro 2:1, 2) Tinofanira kuda zvokwadi uye kutenda kwakasimba kwakasimwa mumwoyo yedu, kuitira kuti tive vakatsunga kusatongotsauka munzira dzakarurama dzaJehovha. Asi kwakakwana here kunzwa Shoko raMwari?
Kuva “Vaiti Veshoko”
14. Tinogona sei kuva zvose zviri zviviri “vanzwi” na“vaiti” veShoko?
14 Pana Jakobho 1:22, tinorava, kuti: “Ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.” “Ivai vaiti veshoko”! Uyu musoro zvirokwazvo unosimbiswa mutsamba yaJakobho. Tinofanira kuteerera, ipapo ndokuita “saizvozvo”! (Genesi 6:22) Vanhu vakawanda nhasi vanotaura kuti kwakaringana kunzwa mharidzo kana kuti kugoverana mukunamata kwomuitiro panhambo nenhambo, asi vanogumira ipapo. Vangafunga kuti chero bedzi vachirarama ‘upenyu hwakanaka’ maererano nemipimo yavo, ikoko kuchava kwakaringana. Bva Jesu Kristu akati: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake, anditevere.” (Mateo 16:24) Chiito chokuzvibayira nokutsungirira mukutevera muenzaniso waJesu wokuita kuda kwaMwari zvinodikanwa nenzira yakajeka nokuda kwavaKristu vechokwadi. Kwavari, kuda kwaMwari nhasi kwakafanana nezvakwaiva muzana ramakore rokutanga apo Jesu akamutswa akarayira, kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose.” (Mateo 28:19) Uri kuita sei mune uru rutivi?
15. (a) Jakobho anopa muenzaniso wechii, achiratidza kuti tingava sei vanofara sa“vaiti veshoko”? (b) Neiko kunamata kwomuitirowo zvawo kusina kukwana?
15 Kana tikaramba tichitarira muShoko raMwari, rinogona kufanana nechionioni mukuratidzira kwatiri rudzi rwavanhu rwatiri chaizvoizvo. Jakobho anoti: “Munhu unocherekedza murayiro wakakwana, iwo murayiro wokusunungurwa, akaramba achidaro, asati ari munzwi, unokanganwa, asi muiti webasa, iye ucharopafadzwa pane zvaanoita.” (Jakobho 1:23-25) Hungu, achava ‘muiti weshoko’ anofara. Uyezve, kunokosha kuva mu“iti” muudzame huri hwose hwoupenyu hwedu hwechiKristu. Hatifaniri kutongozvinyengera timene kufunga kuti kunamatawo zvako kwakarongwa kwakakwana. Jakobho anotinyevera kucherekedza mamwe mativi okunamata kwechokwadi ayo kunyange vaKristu vanoshingaira vangave vakaregeredza. Iye anonyora, kuti: “Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.”—Jakobho 1:27.
16. Abrahama akava sei “shamwari yaMwari,” uye tingawana sei ushamwari Hwake?
16 Hakuna kuringana kutaura chete, kuti: ‘Ndinodavira Mwari,’ ndokugumira ipapo. Sezvinotaura bhuku raJakobho 2:19, kuti: “Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwe chete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera.” Jakobho anosimbisa kuti “kutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako,” uye anonongedzera kuna Abrahama, achiti: “Kutenda kwake kwakabata pamwe chete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa ake.” (Jakobho 2:17, 20-22) Mabasa aAbrahama akabatanidza kugovera yamuro hama dzake dzokunyama, kuratidzira mutsa, kugadzirira kubayira Isaka, uye ‘kuzivisa nenzira yapachena’ kutenda kusingazununguki muchipikirwa chaMwari che“guta rine nheyo,” Umambo hwaMesiya hwomunguva yemberi. (Genesi 14:16; 18:1-5; 22:1-18; VaHebheru 11:8-10, 13, 14; 13:2) Nenzira yakakodzera, Abrahama “akasvika pakudanwa kunzi ‘shamwari yaJehovha.’” (Jakobho 2:23, NW) Isuwo tingarangarirwa se‘shamwari dzaJehovha’ sezvatinozivisa nokushingaira kutenda kwedu netariro muUmambo hwake hunouya hwokururama.
17. (a) Neiko Rakabhi “akaruramiswa,” uye akatuswa sei? (b) Indazai refu iyo Bhaibheri rinogovera yaavo ‘vakava vaiti veshoko’? (c) Jobho akatuswa sei, uye nei?
17 Avo vano“va . . . vaiti veshoko” zvirokwazvo va“noruramiswa namabasa, ha[v]aruramiswi nokutenda bedzi.” (Jakobho 2:24) Rakabhi akanga ari mumwe akawedzera mabasa kukutenda kwake mu“shoko” raakanga anzwa pamusoro pamabasa esimba aJehovha. Akavanza vasori vechiIsraeri ndokuvabetsera kupukunyuka, uye ipapo akaunganidza mhuri yababa vake nokuda kwokuponeswa. Murumuko, achafara sei kudzidza kuti kutenda kwake, kwakatsigirwa namabasa, kwakatungamirira kukuva kwake mukarekadzi waMesiya! (Joshua 2:11; 6:25; Mateo 1:5) Bhuku raVaHebheru ganhuro 11 rinogovera ndaza refu yavamwe ‘vakava vaiti’ mukuratidzira kutenda kwavo, uye vachatuswa zvikuru. Hatifaniriwo kukanganwa Jobho, uyo ari mumuedzo wakakomba akati: “Zita raJehovha ngarikudzwe.” Sezvatatocherekedza, kutenda kwake namabasa zvakaguma netuso huru. (Jobho 1:21; 31:6; 42:10; Jakobho 5:11) Nenzira yakafanana, kutsungirira kwedu nhasi sa“vaiti veshoko” kuchaunza kunyemwerera kwetendero kwaJehovha.
18, 19. Hama dzakadzvinyirirwa kwenguva refu dzaka“va . . . vaiti veshoko,” sei uye iropafadzoi yakaunzwa nomubato wadzo?
18 Pakati paavo vakatsungirira zvikuru mukati memakore ose apfuura pane hama dzedu dzokuEastern Europe. Zvino nemhaka yokuti rambidzo dzakawanda dzakabviswa, ivava zvirokwazvo vaka“va . . . vaiti veshoko” mumhoteredzo yavo itsva. Vafundisi namapiyona vanobva munyika dzakavakidzana vakatamira imomo kuti vayamure mukudzidzisa nomukuronga. Bazu rokuFinland namamwe mapazu ari pedyo eWatch Tower Society akatumira nyanzvi dzokuvaka, uye rupo rwouhama hwenyika yose rwakatsigira nemari kuvakwa kwemahofisi matsva amapazu uye Horo dzoUmambo.—Enzanisa na2 VaKorinte 8:14, 15.
19 Hama idzodzo dzakadzvinyirirwa kwenguva refu dzakadavidza nokushingaira kwakadini mumunda! Dziri ‘kushanda zvakaoma nokuzvishandisa dzimene’ kuti dzitsive, sokunge zvakadaro, mikana yaisavapo mukati me“nguva . . . isakafanira.” (1 Timotio 4:10; 2 Timotio 4:2) Somuenzaniso, muna April apfuura uyu muAlbania, umo kudzvinyirirwa kwakanga kuri kwoutsinye zvikuru, mugove wose weMashoko oUmambo rine musoro unoti “Neiko Upenyu Hwakazara Kwazvo Nezvinetso” wakaparadzirwa mumazuva matatu bedzi. Ikoku kwakanga kuri kutevera kwakaisvonaka kuChirangaridzo chorufu rwaJesu, chakapindwa navanhu vane 3 491—vakawanda zvikuru kupfuura vaparidzi vavo vanoshingaira vane 538.
20. Zviverengero zvavakapinda Chirangaridzo nguva pfupi yapfuura zvinoratidzei, uye vakawanda vangabetserwa sei?
20 Dzimwe nyikawo dzakaitawo kupira kune revo kuvapindi veChirangaridzo, avo vakawedzera mumakore mashomanene apfuura kuvanosanopfuura 10 000 000. Munzvimbo dzakawanda vatsva, kutenda kwavo kwasimbaradzwa nokupinda uye kucherekedza Chirangaridzo, vari ‘kuva vaiti veshoko.’ Tinogona here kukurudzira vasonganiri vatsva kukwanirisa nokuda kweropafadzo iyoyo?
21. Mutsinhirano norugwaro rwedu rwegore, inzirai yatinofanira kuronda, uye nenharidzanoi?
21 Kufanana navaKristu ivavo vanoshingaira vomuzana ramakore rokutanga, uye vakawanda kwazvo kubvira panguva iyoyo, ngatitsungei kuzvishandisa timene muku“shingairira kunharidzano” youpenyu husingaperi, zvimwe ikoko kuchava muUmambo hwokudenga kana kuti munzvimbo yahwo yapasi. (VaFiripi 3:12-14) Kuwana nharidzano iyoyo kwakafanirwa nenhamburiko yedu iri yose. Ino haisi nguva yokuvazve vanzwi bedzi, asi inguva inopfuura nguva dzose yoku‘va vakasimba ndokushanda.’ (Hagai 2:4; VaHebheru 6:11, 12) Zvataka‘gamuchira kusimwa kweshoko,’ ngati‘ve vaiti veshoko vanofara’ zvino uye kusvikira kukusingagumi kuchauya.
Waizopindura Sei?
◻ Tingatsungirira sei nomufaro?
◻ Chii chiri “uchenjeri hunobva kumusoro,” uye tingahuronda sei?
◻ Neiko tichifanira ku“va . . . vaiti veshoko, [ti]singavi vanzwi voga”?
◻ Mishumoi inofanira kutinyandura kuva “vaiti veshoko”?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Isuwo ngatizarurei mwoyo yedu kukudzidzisa kwoumwari
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kuperera kwaJobho kwakatuswa kupfurikidza nokudzorerwa kwake kuupenyu hwakakwana, hunofadza navadiwa