Munhu Wose Achasununguka
“Ndinoti ma[t]ambudziko enguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri. Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari. Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi [pokusava nematuro, NW] zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.”—VAROMA 8:18-22.
MUCHIKAMU ichi chiri mutsamba yake yaienda kuvaKristu vaiva muRoma, muapostora Pauro anopa mashoko mapfupi akajeka okuti nei upenyu husina rusununguko rwechokwadi uye kazhinji husingafadzi uye huchirwadza. Anotsanangurawo kuti tingawana sei rusununguko rwechokwadi.
“Ma[t]ambudziko Enguva Ino”
Pauro haarerutsi “ma[t]ambudziko enguva ino” paanoti “haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.” Munguva yaPauro uyewo yakazotevera, vaKristu vakatambura zvakanyanya muutongi hunodzvinyirira hwoutsinye hwaiitwa nemasimba eRoma, akanga asina basa nekodzero dzevanhu. Roma payakangofunga kuti vaKristu vakanga vari vavengi veHurumende, yakavadzvinyirira noutsinye. Munyori wenhau J. M. Roberts anoti: “VaKristu vakawanda vaiva muguta guru [Roma] vainyatsoperera munhandare zvinorwadza kana kuti vaipiswa vari vapenyu.” (Shorter History of the World) Mumwe mushumo unoti nezvevakatambudzwa naNero ivava: “Vamwe vakaroverwa pachipiyaniso, vamwe vakasonerwa mumatehwe emhuka ndokudzinganiswa nembwa, vamwe vakafukidzwa nenamo ndokutungidzwa moto kuti vave mwenje kana kwasviba.”—New Testament History, naF. F. Bruce.
VaKristu vapakuvamba ivavo chokwadi vaizodai vakada kusununguka pakudzvinyirira kwakadaro, asi vakanga vasingadi kuputsa dzidziso dzaJesu Kristu kuti varuwane. Somuenzaniso, vakaramba vasina kwavakarerekera zvachose, pakurwisana kwaiita masimba eRoma aitonga nevarwi vorusununguko vechiJudha vakadai sevaZealot. (Johane 17:16; 18:36) KuvaZealot, “kutaura nezvekumirira nguva yakanaka yaMwari hakusiko kwaidiwa nenhamo yenguva ino.” Vaiti, chaidiwa kwaiva “kurwisa muvengi nechisimba,” Roma. (New Testament History) VaKristu vokutanga vaifunga zvakasiyana. Kwavari “kumirira nguva yakanaka yaMwari” ndicho chete chisarudzo chaicho chavaigona kuita. Vaigutsikana kuti hapana chimwe chaigona kugumisa zvachose “ma[t]ambudziko enguva ino” ndokuunza rusununguko rwechokwadi, rwusingagumi kunze kwokupindira kwaMwari. (Mika 7:7; Habhakuki 2:3) Zvisinei, tisati taongorora kuti izvozvo zvichaitika sei, ngatitangei taongorora kuti chikonzero nei “zvisikwa zvakaiswa pasi [pokusava nematuro].”
“Zvakaiswa Pasi [Pokusava Nematuro]”
Pano shoko rokuti “zvisikwa,” anodaro Benjamin Wilson muThe Emphatic Diaglott, harirevi “mhuka nezvisikwa zvisina upenyu” sezvinotaurwa nevamwe asi, panzvimbo pezvo, “vanhu vose.” (Enzanisa naVaKorose 1:23.) Rinotaura nezvemhuri yose yevanhu—tose zvedu tinoshuva rusununguko. Takaiswa “pasi [pokusava nematuro]” nemhaka yezvakaitwa nevabereki vedu vokutanga. Izvi hazvina kuitika ‘nokuda kwedu’ kana kuti nemhaka yokuzvisarudzira kwomunhu oga. Takagara nhaka mamiriro edu ezvinhu. Nemaonere eMagwaro, Rousseau akanga asina kururama paakataura kuti “munhu akaberekwa akasununguka.” Mumwe nomumwe wedu akaberekerwa muusungwa hwechivi nokusakwana, kuita sokuti tiri varanda kugadziriro yakazadzwa nokuodzwa mwoyo uye kusava nematuro.—VaRoma 3:23.
Nei izvi zvakaitika? Nokuti vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vaida kuva “saMwari,” kuzvisarudzira kwakakwana, kuzvisarudzira zvakanaka nezvakashata. (Genesi 3:5) Havana kuteerera chinhu chimwe chinokosha chine chokuita norusununguko. Musiki chete ndiye anogona kuva norusununguko rwakakwana. Ndiye Changamire Wezvinhu Zvose. (Isaya 33:22; Zvakazarurwa 4:11) Rusununguko rwomunhu runofanira kureva kusununguka une paunofanira kugumira. Ndokusaka mudzidzi Jakobho akakurudzira vaKristu vomuzuva rake kuti vadzorwe no“murayiro wokusunungurwa.”—Jakobho 1:25.
Jehovha akaita zvakanaka kudzinga Adhama naEvha mumhuri yake yezvose zvaakasika, uye vakaguma vafa. (Genesi 3:19) Asi zvakadini nevazukuru vavo? Nengoni, nyange zvazvo zvino vakanga vava kugona kupfuudza kusakwana, chivi, uye rufu chete, Jehovha akangovabvumira kuti vabereke vana. Saka “rufu rwakasvika kuvanhu vose.” (VaRoma 5:12) Mupfungwa iyoyo Mwari “akais[a zvisikwa pasi pokusava nematuro].”
“Kuratidzwa Kwavanakomana vaMwari”
Jehovha akaisa zvisikwa pasi pokusava nematuro “zvichitarira” kuti rimwe zuva rusununguko ruchadzorerwa kumhuri yevanhu achishandisa mabasa e“vanakomana vaMwari.” “Vanakomana vaMwari” ava ndivanaani? Vadzidzi vaJesu Kristu avo, kufanana nezvimwe “zvisikwa” zvavanhu, vanoberekwa vari varanda vechivi nokusakwana. Pakuberekwa havana nzvimbo mumhuri yechisiko chose yaMwari yakachena, yakakwana. Asi Jehovha anovaitira chimwe chinhu chinoshamisa. Achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, Iye anovasunungura muusungwa hwechivi chakagarwa nhaka uye anovati vaka“ruramiswa,” kana kuti vakachena mumudzimu. (1 VaKorinte 6:11) Ipapo anovagamuchira sa“vanakomana vaMwari,” achivadzorera mumhuri yevanhu yezvose zvakasikwa.—VaRoma 8:14-17, NW.
Savanakomana vaJehovha vaakagamuchira, vachava neropafadzo inobwinya. Vachava “Umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga samadzimambo pamusoro pepasi” vana Jesu Kristu sevamwe voUmambo hwaMwari hwokudenga, kana kuti hurumende. (Zvakazarurwa 5:9, 10, NW;Zva 14:1-4.) Iyi ihurumende yakavakirwa zvakasimba panheyo dzorusununguko nokururamisira—kwete paudzvinyiriri. (Isaya 9:6, 7; 61:1-4) Muapostora Pauro anotaura kuti ava vanakomana vaMwari ishamwari dzaJesu, ‘mbeu yaAbrahama’ yakanguri yavimbiswa. (VaGaratia 3:16, 26, 29) Vakadaro, vanoita zvinokosha mukuzadzikisa vimbiso yaMwari yakaitwa kushamwari yake Abrahama. Zvimwe zvinotaura vimbiso yacho ndezvokuti achishandisa mbeu yaAbrahama (kana kuti, mwana), “ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa.”—Genesi 22:18.
Vanounzira vanhu zvikomborero zvipi? Vanakomana vaMwari vanoitawo kuti mhuri yose yevanhu isunungurwe pamigumisiro yakashata yechivi chaAdhama nepakuita kuti vanhu vakwanezve. Vanhu “vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu” vangazvikomborera nokuva nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu uye nokuzviisa pasi poUmambo hwake hwakanaka. (Zvakazarurwa 7:9, 14-17; 21:1-4; 22:1, 2; Mateo 20:28; Johane 3:16) Nenzira iyi “zvisikwa zvose” zvichavazve no“kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” Urwu haruzovi rumwe rudzi rworusununguko rwenyika rwakaganhurirwa, rwenguva pfupi asi, panzvimbo pezvo, rusununguko pachinhu chose chakakonzera kuti mhuri yavanhu irwadziwe uye kuti iore mwoyo kubvira apo Adhama naEvha vakaramba uchangamire hwaMwari. Ndokusaka muapostora Pauro aigona kutaura kuti “matambudziko enguva ino haana kufanira” kuenzaniswa nebasa dzvene richaitwa nevakatendeka!
“Kuratidzwa kwavanakomana vaMwari” kunovamba rini? Nokukurumidza zvino, Jehovha paachajekesera vose kuti vanakomana vaMwari ndivanaani. Pachava apo “vanakomana” ava, vamutsirwa kunzvimbo yomudzimu, vachabatsirana naJesu Kristu kubvisa uipi noudzvinyiriri pasi pano pahondo yaMwari yeHar–Magedhoni. (Dhanieri 2:44; 7:13, 14, 27; Zvakazarurwa 2:26, 27; 16:16; 17:14; 19:11-21) Tinoona makatipoteredza uchapupu huri kuwedzera hwokuti tava mu“mazuva okupedzisira” chaimo, pachaguma kuregerera kwaMwari kwenguva yakareba kupandukira nouipi hunozoguma hwaitika.—2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3-31.
Hungu, ichokwadi, sezvinotaura muapostora Pauro, kuti “zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino”—asi kwete kwenguva yakareba zvikuru. Mamiriyoni ari kurarama zvino achaona “kugadzirwa kwezvinhu zvose, [kw]akarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga,” kubatanidza kudzorerwa kworugare, rusununguko, uye ruramisiro kumhuri yose yavanhu.—Mabasa 3:21.
Rugare Rwechokwadi Pakupedzisira
Unofanira kuitei kuti uwane uku “kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari”? Jesu Kristu akati: “Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.” (Johane 8:31, 32) Ndizvo zvinoita kuti uwane rusununguko—kudzidza wobva wateerera mirayiro nedzidziso zvaKristu. Izvi zvinounza rusununguko rwakati nyange zvino. Mune ramangwana, zvichaunza rusununguko rwakakwana mukutonga kwaKristu Jesu. Nzira yakanaka ndeyokusvika pakuziva “shoko” raJesu nokufunda Bhaibheri. (Johane 17:3) Kufanana nevaKristu vokutanga, songanira neungano yevadzidzi vaKristu vechokwadi uchishingaira. Nokuita kudaro, ungabatsirwa nechokwadi chinosunungura icho Jehovha anoita kuti chiwanikwe achishandisa sangano rake nhasi.—VaHebheru 10:24, 25.
Paunenge uchi“mirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari,” ungaita kuti uvimbe nokutarisira kwokudzivirira kwaKristu nokutsigira, sezvaiita Pauro, nyange apo kutambura nokusaruramisira zvaiita sezvisingatsungiririki. Ataura nezvekuratidzwa kwavanakomana vaMwari, Pauro akabvunza kuti: “Ndianiko uchatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokufuka, kana njodzi, kana munondo here?” (VaRoma 8:35) Chokwadi, vaKristu vaiva muzuva raPauro vakanga vachiri “vasungwa,” tichishandisa mashoko aRousseau, kumasimba anodzvinyirira orudzi urwu kana urwo. Vakanga vachi“urawa zuva rose” se“makwai anobayiwa.” (VaRoma 8:36) Vakabvumira izvozvo kuti zvivakunde here?
“Kwete,” anonyora kudaro Pauro, “pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida.” (VaRoma 8:37) Kukunda pasinei zvapo nezvose zvaifanira kutsungirirwa nevaKristu vokutanga here? Sei? “Ndinoziva kwazvo,” anodaro achipindura, “kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana vakuru, kana zvazvino, kana zvinouya, kana masimba, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chinhu chimwe chakasikwa, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaRoma 8:38, 39) Iwewo unga‘kunda’ “kutambudzika, kana nhamo, kana kuvengwa” chero kupi zvako kwaungave uri kutsungirira panguva ino. Rudo rwaMwari runosimbisa kuti nokukurumidza—nokukurumidza chaizvo zvino—ticha“sunungurw[a]wo pauranda [hwose] . . . [ndokuwana] kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.”
[Mifananidzo iri papeji 6]
“Zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino”
[Mufananidzo uri papeji 7]
‘Zvisikwa zvichasunungurwa pauranda hwose ndokuwana kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari’