Kudzivirira Kutenda Kwedu
“Itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu.”—1 PETRO 3:15.
1, 2. Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingashamiswi nokushorwa, asi zvinoda chii?
MUNYIKA dzakawanda, Zvapupu zvaJehovha kazhinji zvinozivikanwa sevanhu vakatendeseka, vane tsika. Vakawanda vanozviona sevavakidzani vakanaka vasingapariri chinetso chipi nechipi. Asi, zvinoshamisa kuti ava vaKristu vanoda rugare vakatambudzwa zvisina kururama—munguva dzehondo nedzorugare. Havashamiswi nokushorwa kwakadaro. Chokwadi, vanokutarisira. Zvisinei, vanoziva kuti vaKristu vakatendeka vomuzana rokutanga ramakore C.E. vai“vengwa,” saka nei avo vari kuedza kuva vateveri vechokwadi vaKristu nhasi vachifanira kutarisira kubatwa zvakasiyana? (Mateo 10:22) Kunze kwaizvozvo, Bhaibheri rinoti: “Vose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa.”—2 Timotio 3:12.
2 Zvapupu zvaJehovha hazvitsvaki kutambudzwa, uyewo hazvifadzwi nokutambura kwacho—faindi, kuiswa mujeri, kana kuti kuitirwa zvakashata—kungaparirwa nokutambura kwacho. Zvinoda ku‘gara norugare nokunyarara’ kuitira kuti zviparidze mashoko akanaka eUmambo hwaMwari pasina kudzongonyedzwa. (1 Timotio 2:1, 2) Zvinokoshesa rusununguko rwechitendero rwazvinazvo munyika dzakawanda kuti zvipfuurire nokunamata kwazvo, uye zvichitungamirirwa nehana zvinoita zvazvinogona kuti ‘zvive norugare navanhu vose,’ kubatanidza vatongi vehurumende dzavanhu. (VaRoma 12:18; 13:1-7) Saka, nei zvichi“vengwa”?
3. Ndechipi chikonzero chimwe nei Zvapupu zvaJehovha zvakavengwa zvisina kururama?
3 Zvikurukuru, Zvapupu zvaJehovha zvakavengwa zvisina kururama nokuda kwezvikonzero zvakafanana zvakatambudzirwa vaKristu vepakutanga. Kutanga, Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvazvinodavira muchitendero chazvo nenzira dzinozviita kuti zvisagamuchirwa nevamwe. Somuenzaniso, zvinoparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari nokushingaira, asi kazhinji vanhu vanonzwisisa nenzira isiriyo kushingaira kwazvo, vachiona kuparidza kwazvo so“kutendeutsa kwokumanikidzira.” (Enzanisa naMabasa 4:19, 20.) Hazvinawo kwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika nehondo dzenyika, uye pane dzimwe nguva izvozvi zvakaonekwa nenzira isina kururama sezvinoreva kuti Zvapupu vagari vomunyika vasina kuvimbika.—Mika 4:3, 4.
4, 5. (a) Zvapupu zvaJehovha zvave zvichireverwa nhema sei? (b) Ndivanaani vave vachiwanzomutsa kutambudzwa kwevabatiri vaJehovha?
4 Chechipiri, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichipomerwa zvenhema—nhema dziri pachena nokutsanangurwa kusiriko kwezvazvinodavira. Somugumisiro, zvave zvichidenhwa nenzira isina kururama mune dzimwe nyika. Uyezve, nemhaka yokuti zvinotsvaka kurapa kusingashandisi ropa kunotsinhirana nokuda kwazvo kuteerera murayiro weBhaibheri woku‘rega ropa,’ zvakanzi nenzira isina kururama “vapondi vevana” uye “chitendero chokuzviuraya.” (Mabasa 15:29) Asi chokwadi ndechokuti Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa zvikuru upenyu, uye zvinotsvaka kuwana kutarisirwa kwokurapa kwakanakisisa kuripo nokuda kwazvo nevana vazvo. Kupomerwa kwokuti vana vakawanda veZvapupu zvaJehovha vanofa gore negore somugumisiro wokuramba kuisirwa ropa hakuna kwapakavakirwa zvachose. Mukuwedzera, nemhaka yokuti chokwadi cheBhaibheri hachipesvedzeri mitezo yose yemhuri zvakafanana, Zvapupu zvakapomerwawo kuputsa mhuri. Nepo, avo vakarovedzana neZvapupu zvaJehovha vanoziva kuti zvinoremekedza zvikuru upenyu hwemhuri uye zvinoedza kutevera mirayiro yeBhaibheri yokuti murume nomukadzi vadanane nokuremekedzana uye kuti vana vateerere vabereki vavo pasinei nokuti vatendi here kana kuti kwete.—VaEfeso 5:21–6:3.
5 Muzvinoitika zvakawanda, vaiwanzomutsa kutambudzwa kwevabatiri vaJehovha vaiva vashori vechitendero avo vakashandisa kupesvedzera kwavo pavane simba vezvematongerwe enyika uye vanobudisa nhau kuti vaedze kudzvinyirira mabasa eZvapupu. Isu, Zvapupu zvaJehovha, tinofanira kuita sei patinoshorwa zvakadaro—zvingave zviri nemhaka yezvatinodavira uye miitiro kana kuti nemhaka yokupomerwa nhema?
“Kunzwisisa Kwenyu Ngakuzivikanwe Nevanhu Vose”
6. Nei zvichikosha kuona avo vari kunze kweungano yechiKristu zviri pakati nepakati?
6 Kutanga, tinoda kuona zvinhu nenzira yakarurama—kuona kunoita Jehovha—avo vasingabvumirani nezvatinodavira muchitendero chedu. Zvimwe, tingazvitsvakira kuitirwa utsinye zvisina kufanira kana kuti kuzvidzwa nevamwe. “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:5, NW) Nokudaro, Bhaibheri rinotikurudzira kuona avo vari kunze kweungano yechiKristu zviri pakati nepakati.
7. Zvii zvinobatanidzwa mukuzvichengeta “[tisina] kusvibiswa nenyika”?
7 Asiwo, Magwaro anotirayira zviri pachena zvikuru “kuzvichengeta kuti [ti]rege kusvibiswa nenyika.” (Jakobho 1:27; 4:4) Shoko rokuti “nyika” pano, somunzvimbo zhinji muBhaibheri, rinoreva vanhu vose vasiri vaKristu vechokwadi. Tinogara pakati peava vanhu; tinosangana navo kubasa, kuchikoro, munharaunda. (Johane 17:11, 15; 1 VaKorinte 5:9, 10) Asi tinozvichengeta tisina ruvara rwenyika nokudzivisa kufunga, kutaura, uye mufambiro zvinorwisana nenzira dzakarurama dzaMwari. Zvinokoshawo kuti tizive ngozi yokunyanyoshamwaridzana neiyi nyika, kunyanyanyanya naavo vanoratidza kuzvidza zvakakwana mitemo yaJehovha.—Zvirevo 13:20.
8. Nei zano rokuti tirambe tisina ruvara rwenyika risingatipi chikonzero chipi kana chipi chokuzvidza vamwe?
8 Zvisinei, zano rokuti tirambe tisina ruvara rwenyika haritipi chikonzero chipi kana chipi chokuzvidza zvachose avo vasiri Zvapupu zvaJehovha. (Zvirevo 8:13) Yeuka muenzaniso wevatungamiriri vechitendero chechiJudha, vakurukurwa munyaya yatangira ino. Chitendero chavakatanga hachina kufarirwa naJehovha; uyewo hachina kubetsera kuti pave noukama hwakanaka nevasiri vaJudha. (Mateo 21:43, 45) Mukuzviona kwavo sevakarurama, ava varume vanonyanyisa vakazvidza Vemamwe Marudzi. Isu hationeri vamwe pasi zvakadaro, tichizvidza vasiri vaKristu. Kufanana nomuapostora Pauro, chishuvo chedu ndechokuti vose vanonzwa shoko reBhaibheri rechokwadi vawane nyasha dzaMwari.—Mabasa 26:29; 1 Timotio 2:3, 4.
9. Maonere ari pakati nepakati, anotenderwa neMagwaro anofanira kuitei panzira yatinotaura nayo pamusoro peavo vasingabvumirani nezvatinodavira?
9 Maonere ari pakati nepakati, anotenderwa neMagwaro anofanira kuita chimwe chinhu panzira yatinotaura nayo pamusoro pevasiri Zvapupu. Pauro akarayira Tito kuti ayeuchidze vaKristu vaiva pachitsuwa cheKrete kuti “varege kurevera mumwe zvakaipa, varege kuva negakava, vave vanyoro, vaitire vanhu vose unyoro hwose.” (Tito 3:2) Ona kuti vaKristu vaisafanira kurevera “mumwe” zvakaipa—kunyange vakanga vasiri vaKristu vaiva paKrete, vamwe vavo vaizivikanwa nokuda kwokureva nhema kwavo, kuva nemakaro, uye usimbe. (Tito 1:12) Saka hazvingabvumidzwi neMagwaro kuti tishandise mashoko anozvidza pakutaura nezveavo vasingabvumirani nezvatinodavira. Kuzviona setakakwirira hakusati kuchizoita kuti vamwe vade kuuya kuzonamata Jehovha. Panzvimbo paizvozvo, patinoona uye kubata vamwe maererano nheyo dzakafanira dzeShoko raJehovha, tino“shongedz[a] dzidziso” yaMwari.—Tito 2:10.
Nguva Yokunyarara, Nguva Yokutaura
10, 11. Jesu akaratidza sei kuti aiziva payaiva (a) “nguva yokunyarara”? (b) “nguva yokutaura”?
10 Pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura,” inodaro Muparidzi 3:7. Hepano pane chinetso: kusarudza nguva yokufuratira vashori uye nguva yokutaura tichidzivirira kutenda kwedu. Tinogona kudzidza zvakawanda mumuenzaniso wouyo akanga akakwana nguva dzose mukuva akangwara—Jesu. (1 Petro 2:21) Aiziva yaiva “nguva yokunyarara.” Somuenzaniso, vapristi vakuru nevarume vakuru pavakamupomera zvenhema pamberi paPirato, Jesu “haana kupindura.” (Mateo 27:11-14) Aisada kutaura chinhu chipi nechipi chaigona kudzongonyedza kuitwa kwokuda kwaMwari nokuda kwake. Panzvimbo paizvozvo, akasarudza kuti zvaakaita pachena zvitaure zvega. Aiziva kuti kunyange chokwadi chaisagona kuchinja pfungwa dzavo nemwoyo zvinozvikudza. Naizvozvo akafuratira kupomera kwavo, achiramba kudzongonyedza kunyarara kwake kwaiva nechinangwa.—Isaya 53:7.
11 Zvisinei, Jesu aizivawo payaiva “nguva yokutaura.” Pane imwe nguva, akapikisana zvakananga uye pachena nevatsoropodzi vake, achiramba kupomera kwavo kwenhema. Somuenzaniso, vanyori nevaFarise pavakaedza kumuzvidza pamberi peboka revanhu nokumupomera kudzinga madhimoni naBheerizebhuri, Jesu akasarudza kuti kupomerwa kwacho kwenhema kusaregwe kwakadaro. Nokufunga kunopedza simba uye muenzaniso wakasimba, akakurira nhema dzacho. (Marko 3:20-30; onawo Mateo 15:1-11; 22:17-21; Johane 18:37) Nenzira yakafanana, pashure pokutengeswa kwake nokusungwa, Jesu paakazvuzvurudzirwa pamberi peSanihedhrini, Mupristi Mukuru Kayafasi akabvunza nenzira yamanomano: “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.” Iyizve yakanga iri “nguva yokutaura,” nokuti kuramba akanyarara kwaizove kwakatorwa sokuramba kwake kuva Kristu. Saka Jesu akapindura kuti: “Ndini.”—Mateo 26:63, 64; Marko 14:61, 62.
12. Mamiriro api ezvinhu akaita kuti Pauro naBharnabhasi vataure vasingatyi muIkonio?
12 Chimbofungawo nezvomuenzaniso waPauro naBharnabhasi. Mabasa 14:1, 2 inoti: “PaIkonio vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinji-zhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda. Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa mwoyo yavahedheni [uye vakapesvedzera zvisina kunaka mweya yavanhu vemamwe marudzi, NW] kuti vavenge hama.” The New English Bible inorava kuti: “Asi vaJudha vasina kutendeutswa vakamutsa Vemamwe Marudzi vakashatisa pfungwa dzavo mukurwisana nevaKristu.” Vasina kugutsikana nokuramba shoko racho pachavo, vashori vechiJudha vakatanga nhimbe yokupomera kusina pakwakavakirwa, vachiedza kuita kuti vagari venyika vari Vemamwe Marudzi vave norusaruro kuvaKristu.a Kuvenga kwavo chiKristu kunofanira kuve kwakanga kwakakura zvakadini! (Enzanisa naMabasa 10:28.) Pauro naBharnabhasi vakafunga kuti, iyi yaiva “nguva yokutaura,” kutyira kuti vadzidzi vatsva vaizoodzwa mwoyo nokuzvidzwa pachena. “Naizvozvo [Pauro naBharnabhasi] vakagarapo nguva refu, vachitaura munaShe vasingatyi,” uyo akaratidza kutendera kwake nokuvapa simba rokuita zviratidzo zvinoshamisa. Izvi zvakaguma vamwe “vachitsigira vaJudha asi vamwe vachitsigira vaapostora, [NW].”—Mabasa 14:3, 4.
13. Mukubata nokuzvidzwa, ndirini pakunowanzova “nguva yokunyarara”?
13 Saka, tinofanira kuita sei patinozvidzwa? Izvozvo zvinoenderana nemamiriro acho ezvinhu. Mamwe mamiriro ezvinhu anoda kuti tishandise zano rokuti pane “nguva yokunyarara.” Izvozvi zvakadaro kunyanyanyanya apo vashori vakatsunga vanoedza kutipinza mukuitisana nharo kusingabetseri. Hatifaniri kukanganwa kuti vamwe vanhu havadi havo kuziva chokwadi. (2 VaTesaronika 2:9-12) Kuedza kukurukurirana neavo vane mwoyo inoomerera nokuzvikudza pakusatenda hazvibetseri. Kupfuura izvozvo, kudai taizozvibatikanisa mukupikisana nomupomeri wenhema wose anotidenha, taizotsauswa pabasa rinotokosha zvikuru uye rinopa mubayiro—rokubetsera vane mwoyo wakatendeseka vanoda zvechokwadi kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Saka patinotarisana nevavengi vakatsunga kuparadzira nhema pamusoro pedu, zano rakafuridzirwa nderokuti: “Muvanzvenge.”—VaRoma 16:17, 18; Mateo 7:6.
14. Tingadzivirira kutenda kwedu pane vamwe nenzira dzipi?
14 Chokwadi, izvi hazvirevi kuti hatidziviriri kutenda kwedu. Pashure pezvose, pane “nguva yokutaura.” Tine hanya nenzira yakarurama nevanhu vepachokwadi avo vakanzwa tichitsoropodzwa zvakaipa. Tinoda kutsanangurira vamwe zvitendero zvedu zvechokwadi nenzira inonzwisisika; zvechokwadi, tinobvuma mukana wacho. Petro akanyora kuti: “Itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya.” (1 Petro 3:15) Vanhu vanofarira zvechokwadi pavanobvunza uchapupu hwezvatinodavira zvatinokoshesa, pavanobvunza pamusoro pokupomera kwenhema kunomutswa nevashori, ibasa redu kudzivirira kutenda kwedu, tichipa mhinduro dzeBhaibheri dzakanaka. Uyezve, mufambiro wedu wakaisvonaka unogona kutaura zvakawanda. Vanoona vane pfungwa dzakanaka vanoona kuti tinoedza zvechokwadi kurarama maererano nemitemo yakarurama yaMwari, vanogona kuona nokukurumidza kuti kupomerwa kwacho kwatinoitwa ndekwenhema.—1 Petro 2:12-15.
Zvakadini Nokupomerwa Zvenhema Muzvinobudisa Nhau?
15. Ndoupi mumwe muenzaniso wenzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitaurirwa mashoko asiriwo muzvinobudisa nhau?
15 Pane dzimwe nguva, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitaurirwa mashoko asiriwo muzvinobudisa nhau. Somuenzaniso, musi wa1 August 1997, rimwe pepanhau rokuRussia rakabudisa nyaya yenhema yaitaura, pane zvimwe zvinhu, kuti Zvapupu zvinoda chaizvo kuti mitezo yazvo ‘irambe vadzimai vayo, varume, uye vabereki kana vasinganzwisisi uye vasingatendi zvainotenda iyo.’ Munhu upi noupi akarovedzana neZvapupu zvaJehovha anoziva kuti kupomerwa kwacho ndokwenhema. Bhaibheri rinoratidza kuti vaKristu vanofanira kuda nokuremekedza mitezo yemhuri isingatendi, uye Zvapupu zvinoedza kutevera murayiro iwoyo. (1 VaKorinte 7:12-16; 1 Petro 3:1-4) Kunyange zvakadaro, nyaya yacho yakadhindwa, uye nemhaka yaizvozvo varavi vakawanda vakaudzwa zvisizvo. Tinogona sei kudzivirira kutenda kwedu patinozvidzwa?
16, 17, nebhokisi riri papeji 16. (a) Nharireyomurindi yakambotii pamusoro pokupindura mashoko enhema muzvinobudisa nhau? (b) Zvapupu zvaJehovha zvingaita chimwe chinhu nezvemashoko akaipa anowanika muzvinobudisa nhau kana zvaita sei?
16 Pano zvekare, pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” Nharireyomurindi yakambozvitaura nenzira iyi: “Kana tichifuratira mashoko enhema ari muzvinobudisa nhau kana kuti tichidzivirira chokwadi nemitoo yakafanira kunotsamira pamamiriro ezvinhu, muvambi wokutsoropodza, uye vavariro yake.” Pane dzimwe nguva zvingava zvakanakisisa kufuratira mashoko akaipa, nokudaro tichirega kuwedzera kuparadzirwa kwenhema dzacho.
17 Pane dzimwe nguva ingava “nguva yokutaura.” Mutori wenhau akavimbika angave akaudzwa mashoko enhema pamusoro peZvapupu zvaJehovha uye angagamuchira mashoko echokwadi pamusoro pedu. (Ona bhokisi rinoti “Kururamisa Kupiwa Kwemashoko Asiriwo.”) Kana mashoko akaipa emuzvinobudisa nhau achimutsa rusaruro runodzongonyedza basa redu rokuparidza, vamiririri vehofisi yebazu reWatch Tower Society vangatanga kudzivirira chokwadi nemitoo yakakodzera.b Somuenzaniso, vakuru vanokwanisa vanganzi vataure chokwadi chacho, somuchirongwa chomuTV, apo kukundikana kuvapo kungareva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina mhinduro. Chapupu chimwe nechimwe chinobatira pamwe nenzira yokuchenjera nokurayira kweWatch Tower Society nevamiririri vayo munhau dzakadai.—VaHebheru 13:17.
Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo
18. (a) Nei tisingadi mvumo yehurumende dzevanhu kuti tiparidze? (b) Inzira ipi yatinotevera patinonyimwa mvumo yokuparidza?
18 Kubvumidzwa kwedu kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari kunobva kudenga. Jesu, uyo akatituma kuita basa iri, akapiwa ‘simba rose kudenga napanyika.’ (Mateo 28:18-20; VaFiripi 2:9-11) Nokudaro, hatidi mvumo yehurumende dzevanhu kuti tiparidze. Kunyange zvakadaro, tinoziva kuti kuva norusununguko rwechitendero kunotsigira kuparadzira shoko roUmambo. Munyika dzatine rusununguko rwokupfuurira nokunamata kwedu, tichashandisa muitiro wepamutemo kurudzivirira. Kwatakanyimwa rusununguko rwakadaro, mumutemo wacho, tichaedza kuruwana. Chinangwa chedu, hachisi kuchinja nzanga, asi “kudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.”c—VaFiripi 1:7, NW.
19. (a) Chii chingava mugumisiro wo‘kupa zvinhu zvaMwari kuna Mwari’? (b) Chii chatakatsunga kuita?
19 SeZvapupu zvaJehovha, tinobvuma Jehovha saChangamire Wechisiko Chose. Mutemo wake unopfuura yose. Tinoteerera hurumende dzevanhu nenzira yokutungamirirwa nehana, nokudaro ‘tichipa zvinhu zvaKesari kuna Kesari.’ Asi hatizobvumiri chimwe chinhu kuti chidzongonyedze kuita kwedu basa rinokosha zvikuru—‘kupa zvinhu zvaMwari kuna Mwari.’ (Mateo 22:21) Tinonzwisisa zvizere kuti kuita kudaro kuchatiita vano“vengwa” nemarudzi, asi tinogamuchira izvozvi somutengo wokuva mudzidzi. Nhau yezvemitemo yeZvapupu zvaJehovha muzana ramakore rechi20 uchapupu hwokutsunga kwedu kudzivirira kutenda kwedu. Tichibetserwa naJehovha, hatisati tichizo“rega kudzidzisa, nokuparidza.”—Mabasa 5:42.
[Mashoko Omuzasi]
a Matthew Henry’s Commentary on the Whole Bible inotsanangura kuti vashori vechiJudha “vaiita basa rokuenda ku[Vemamwe Marudzi] vakadaro nemaune sezvavaivaziva, ndokutaura zvose izvo kufunga kwavo kana kuti kuda kuona vamwe vachitambura kwaigona kuronga, kuti vaise mavari kufunga kwokuti chiKristu hachisi chisingabetseri chete asi chakaipa.”
b Pashure pokunge nyaya yenhema yabudiswa mupepanhau rekuRussia (radudzwa mundima 15), Zvapupu zvaJehovha zvakakwirira kuRussian Federation Presidential Judicial Chamber yeMedical Disputes nechikumbiro chokuhwirudzura kupomera kwacho kwenhema kwakaitwa munyaya yacho. Munguva pfupi yapfuura dare racho rakapa chisarudzo chokutsiura vabudisi vepepanhau racho nokuda kwokubudisa nyaya yacho inokuvadza mukurumbira.—Ona Mukai!, yechiNgezi yaNovember 22, 1998, mapeji 26-7.
c Ona nyaya inoti “Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo,” iri pamapeji 19-22.
Unoyeuka Here?
◻ Nei Zvapupu zvaJehovha zvichi“vengwa?”
◻ Tinofanira kuona sei avo vasingabvumirani nezvatinodavira muchitendero chedu?
◻ Mukubata nevashori, muenzaniso upi uri pakati nepakati uyo Jesu akagadza?
◻ Patinozvidzwa, tinogona sei kushandisa nheyo yokuti pane “nguva yokunyarara, nenguva yokutaura”?
[Bhokisi riri papeji 16]
KURURAMISA KUTAURWA KWEMASHOKO ASIRIWO
“MuYacuiba, Bolivia, rimwe boka romunzvimbomo reEvangelic rakaronga kuti imwe nhepfenyuro yeTV iratidze firimu iro sezviri pachena rakagadzirwa nevakaramba kutenda. Nemhaka yemigumisiro yakaipa yepurogiramu iyoyo, vakuru vakasarudza kushanyira nhepfenyuro mbiri dzeTV ndokuti vaizobhadhara kuti varatidze vanhu vose vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name uye The Bible—A Book of Fact and Prophecy. Apedza kuona mavhidhiyo eSosaiti, muridzi weimwe nhepfenyuro yeredhiyo akashatiriswa nokutaurwa kwemashoko asiriwo kwacho mupurogiramu yevakaramba kutenda akati aida kuitira Zvapupu zvaJehovha zviziviso nezvekokorodzano yazvo yakanga ichiuya pakarepo asingabhadharwi. Vakapinda vakanga vakawanda zvisiri zvenguva dzose, uye vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vakatanga kubvunza mibvunzo yechokwadi pavakashanyirwa neZvapupu muushumiri.”—1997 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 61-2.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Pane imwe nguva, Jesu akaramba pachena kupomera kwenhema kwevatsoropodzi vake