Chaunofanira Kuziva Pamusoro Pegodo
GODO chii? Murangariro mukuru unogona kuita kuti munhu anzwe achifunganya, akasuruvara, kana kuti akatsamwa. Tingava negodo apo mumwe munhu anoratidzika kuva ari kubudirira zvikuru pabasa kupfuura zvatiri. Kana kuti tinganzwa kuva negodo apo shamwari inogamuchira rumbidzo inopfuura yatinowana. Asi kwakaipa kuva negodo nguva dzose here?
Vanhu vanokurirwa negodo vanoda kuva vanonyumwira vakwikwidzani vanobvira. Mambo Sauro waIsraeri wekare akanga ari muenzaniso waikoku. Pakutanga aida mubati wenhumbi dzokurwa dzake, Dhavhidhi, kunyange kumukwidziridza kuva mutungamiriri weuto. (1 Samueri 16:21; 18:5) Ipapo rimwe zuva Mambo Sauro akanzwa vakadzi vachirumbidza Dhavhidhi namashoko, okuti: “Sauro wakauraya zvuru zvamazana ake, asi Dhavhidhi makumi ezvuru zvamazana ake.” (1 Samueri 18:7) Sauro aisafanira kubvumira ikoku kutapura ukama hwake hwakanaka naDhavhidhi. Zvisinei, akashatirwa. “Kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi.”—1 Samueri 18:9.
Munhu ane godo angasashuvira mumwe munhu kuvadziko. Iye angavenga chete kubudirira kweshamwari ndokupanga kuva namavara kana kuti mamiriro ezvinhu mamwe chetewo. Kune rumwe rutivi, shanje zvikurukuru chimiro chakaipa chegodo. Munhu ane shanje nenzira yakavanzika anganyima zvakanaka munhu anomutsa godo rake kana kuti angashuva kuti kuvadziko ichawira iyeyo. Pane dzimwe nguva, munhu ane shanje haagoni kuchengeta mirangariro yake yakavanzika. Angasundwa kukuvadza mumwe pachena, chaizvo sezvakaedza Mambo Sauro kuponda Dhavhidhi. Panhambo dzinopfuura imwe, Sauro akakanda pfumo mukuedza ku“bayira Dhavhidhi pamadziro.”—1 Samueri 18:11; 19:10.
‘Asi handisi munhu ane godo,’ ungapindura kudaro. Chokwadi, godo ringasadzora upenyu hwako. Kusvika kutambanuko yakati, zvisinei, tose zvedu tinotapurwa negodo—mirangariro yedu timene yegodo neiyo yavamwe. Kunyange zvazvo tichikurumidza kucherekedza godo muna vamwe, tingava vanononoka kuriona matiri timene.
“Chimiro Chendangariro Chokuva Neshanje”
Chinyorwa chomuzvarirwo womunhu anotadza sezvinoziviswa muShoko raMwari, Bhaibheri, chinowanzosimbisa zvivi zveshanje. Unoyeuka nhau yaKaini naAbheri here? Ava vanakomana vaAdhama naEvha vose vari vaviri vakapa zvibayiro kuna Mwari. Abheri akaita kudaro nemhaka yokuti akanga ari munhu wokutenda. (VaHebheru 11:4) Akanga achitenda kugona kwaMwari kuzadzika chinangwa Chake chakaisvonaka pamusoro papasi. (Genesi 1:28; 3:15; VaHebheru 11:1) Abheri aidavirawo kuti Mwari aizotusa vanhu vakatendeka noupenyu muParadhiso yapasi inouya. (VaHebheru 11:6) Nokudaro, Mwari akaratidza kufara kwake nechibayiro chaAbheri. Kudai Kaini akanga ada munun’una wake zvirokwazvo, angadai akafara kuti Mwari akakomborera Abheri. Panzvimbo pezvo, Kaini “akatsamwa kwazvo.”—Genesi 4:5.
Mwari akakurudzira Kaini kuita zvakanaka kuitira kuti iyewo agogona kugamuchira chikomborero. Ipapo Mwari akanyevera, kuti: “Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” (Genesi 4:7) Nenzira inosuruvarisa, Kaini haana kukurira godo rake rehasha. Rakamusunda kuponda munun’una wake akarurama. (1 Johane 3:12) Kubvira panguva iyeyo, kurwa nehondo zvakauraya mazana amamiriyoni avanhu. “Zvimwe zvezvisakiso zvikuru zvehondo zvingava chishuvo chenyika yakakura, chishuvo chepfuma yakawanda, chishuvo chesimba rakawanda, kana kuti chishuvo chechengeteko,” inotsanangura kudaro The World Book Encyclopedia.
VaKristu vechokwadi havatori rutivi muhondo dzenyika ino. (Johane 17:16) Nenzira inosuruvarisa, kunyange zvakadaro, vaKristu vamwe navamwe vanobatanidzwa mukurwa kwamashoko. Kana mimwe mitezo yeungano ikatora rutivi, uku kurwa kunogona kupinduka kuva hondo yamashoko inokuvadza. “Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko?” munyori weBhaibheri Jakobho akabvunza kudaro vatendi biyake. (Jakobho 4:1) Akapindura mubvunzo iwoyo kupfurikidza nokufumura udyire hwokudisa zvenyika ndokuwedzera, kuti “Munopfuurira . . . kuchiva,” kana kuti kuva ne“godo.” (Jakobho 4:2, NW mashoko omuzasi) Hungu, kudisa zvenyika kunogona kutungamirira kukuchiva nokuva negodo naavo vanoratidzika kuva vanofarikanya mamiriro ezvinhu ari nani. Nokuda kweichi chikonzero, Jakobho akanyevera kurwisana ne“chimiro chendangariro chokuva neshanje” chomunhu.—Jakobho 4:5, NW.
Ibetseroi iripo mukunzvera zvinoparira godo? Eya, ikoku kunogona kutibetsera kuva vakatendeseka uye kuti tisimudzire ukama huri nani navamwe. Kunogonawo kutibetsera kuva vanonzwisisa zvikuru, vanoshivira, uye vanokanganwira. Chakanakisisa kupfuura zvose, kunosimbisa kuda kukuru kwomunhu gadziriro yorudo yaMwari yoruponeso nokununura kubva pakombamiro dzokutadza dzomunhu.—VaRoma 7:24, 25.
Nyika Isina Godo Rokutadza
Mukurangarira kwomunhu, nyika isina godo rokutadza inganzwika seisingabviri. Munyori Rom Landau akabvuma, kuti: “Uchenjeri hwakaunganidzwa hwamazera akawanda, neizvo zvose vazivi . . . uye nyanzvi dzendangariro dzavanhu dzakataura panhau yacho, hazvipi nhungamiro kumunhu atambudzwa negodo. . . . Pana chiremba upi noupi ati amborapa munhu godo here?”
Asi Shoko raMwari rinopa tariro yokuwana upenyu hwomunhu hwakakwana munyika itsva umo musina munhu achazombotambudzwa negodo kana kuti shanje zvisiri zvoumwari. Uyezve, rugare rwenyika itsva iyoyo harusati ruchizokanganiswa navanhu vanoratidzira mavara akaipa akadaro.—VaGaratia 5:19-21; 2 Petro 3:13.
Bva, harisati riri godo rose risina kufanira. Kutaura idi, Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha “ndiMwari une godo.” (Eksodho 34:14) Ikoku kunorevei? Uye Bhaibheri rinotii pamusoro pegodo rakafanira? Panguva imwe cheteyo, munhu anogona sei kukurira godo risina kufanira? Ona nyaya dzinotevera.