Pasinei Zvapo Nemiedzo, Ramba Une Kutenda Kwako!
“Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji.”—JAKOBHO 1:2.
1. Vanhu vaJehovha vanomubatira nokutenda uye “nomwoyo unofara” pasinei zvapo nechii?
VANHU vaJehovha vanoshanda seZvapupu zvake vanotenda maari “nomwoyo unofara.” (Dheuteronomio 28:47; Isaya 43:10) Vanoita izvi kunyange zvazvo vachinetswa nemiedzo yakawanda. Pasinei zvapo nezvinetso zvavo, vanowana nyaradzo mumashoko okuti: “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.”—Jakobho 1:2, 3.
2. Chii chinozivikanwa pamusoro pomunyori wetsamba yaJakobho?
2 Mashoko iwayo akanyorwa munenge muna 62 C.E. nomudzidzi Jakobho, munun’una waJesu Kristu nokuna mai. (Marko 6:3) Jakobho akanga ari mukuru muungano yeJerusarema. Kutaura idi, iye, Kefasi (Petro), uye Johane “vainzi mbiru”—vatsigiri vakasimba, vakatsunga veungano. (VaGaratia 2:9) Apo nhau yekudzingiswa yakataurirwa “vaapostora navakuru” munenge muna 49 C.E., Jakobho akaita chikarakadzo chakasimba chakavakirwa muMagwaro chakagamuchirwa nomutumbi unodzora iwoyo womuzana rokutanga ramakore.—Mabasa 15:6-29.
3. Ndezvipi zvakanga zviri zvimwe zvinetso zvaitarisana nevaKristu vomuzana rokutanga ramakore, uye tinogona sei kuwana betsero huru mutsamba yaJakobho?
3 Somufudzi womudzimu anoitira hanya, Jakobho ‘aiziva zvaive zvakaita boka racho.’ (Zvirevo 27:23) Aiziva kuti vaKristu panguva iyoyo vakanga vari kutarisana nemiedzo yakakomba. Kufunga kwavamwe vacho kwaida kugadziriswa, nokuti vaida vapfumi kupfuura vamwe. Kuvakati vavo, kunamata kwaingovawo muitiro. Vamwe vakanga vachikanganisa vamwe nokutaura kwavo kusina kunaka. Mudzimu wenyika wakanga uri kuva netapuro dzinokuvadza, uye vakawanda vakanga vasingashiviriri uyewo vasinganyengeteri. Kutaura idi, kurwara mumudzimu kwakanga kwawira vaKristu vakati. Tsamba yaJakobho inotaura nhau dzakadaro nenzira inovaka, uye zano rake rinoshanda nhasi sezvarakanga rakaita muzana ramakore rokutanga C.E. Tichabetserwa zvizere kana tikarangarira tsamba iyi seyakanyorerwa isu pachedu.a
Patinotarisana Nemiedzo
4. Tinofanira kurangarira sei miedzo?
4 Jakobho anotiratidza nzira yokurangarira nayo miedzo. (Jakobho 1:1-4) Asingadudzi ukama hwake noMwanakomana waMwari, nenzira yokuzvininipisa anozvidana kuti “muranda waMwari nowaShe Jesu Kristu.” Jakobho anonyorera “marudzi ane gumi namaviri” aIsraeri womudzimu “akapararira,” pakutanga nemhaka yechitambudzo. (Mabasa 8:1; 11:19; VaGaratia 6:16; 1 Petro 1:1) SavaKristu, isuwo tinotambudzwa, uye tino“wira mumiidzo mizhinji.” Asi kana tikarangarira kuti miedzo inotsungirirwa inosimbisa kutenda kwedu, ticha“ti mufaro bedzi” painotiwira. Kana tikaramba takatendeseka kuna Mwari mumiedzo, ikoku kuchatiunzira mufaro unopfuurira.
5. Miedzo yedu ingabatanidzei, uye chii chinoitika patinoitsungirira nenzira inobudirira?
5 Miedzo yedu inobatanidza nhamo dzinozivikanwa norudzi rwose rwomunhu. Somuenzaniso, utano husina kunaka hungatitambudza. Mwari haasati ava kurapa nenzira inoshamisa zvino, asi anopindura minyengetero yedu nokuda kwouchenjeri nesimba zvinodikanwa pakubata nechirwere. (Pisarema 41:1-3) Tinotamburawo nokuda kwokururama seZvapupu zvinotambudzwa zvaJehovha. (2 Timotio 3:12; 1 Petro 3:14) Patinobudirira kutsungirira miedzo yakadaro, kutenda kwedu kunobvumikiswa, kuchiva kuya kune “unaku hwakaedzwa,” (NW). Uye apo kutenda kwedu kunokurira, zvino“bereka kutsungirira.” Kutenda kunosimbiswa nemiedzo kuchatibetsera kutsungirira miedzo yomunguva yemberi.
6. “Kutsungirira [kunova] nebasa rakakwaniswa” sei, uye matanhoi anoshanda anogona kutorwa patinenge tichiedzwa?
6 “Asi,” anodaro Jakobho, “kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa.” Kana tikabvumira muedzo kuti upfuurire pasina kuedza kuugumisa nokukurumidza kupfurikidza nenzira dzisiri dzomuMagwaro, kutsungirira kuchaita “basa” rokutiita kuti tive vakakwana savaKristu, tiine kutenda. Chokwadika, kana muedzo ukaratidzira utera hwakati, tinofanira kutsvaka betsero yaJehovha kuti tiukurire. Zvakadini kana muedzo wacho uri muedzo wokuti tiite unzenza? Ngatinyengetererei chinetso ichocho uye ipapo kuita mutsinhirano neminyengetero yedu. Tingada kuchinja basa redu kana kuti kuita mamwe matanho kuti tirambe takatendeseka kuna Mwari.—Genesi 39:7-9; 1 VaKorinte 10:13.
Kutsvaka Uchenjeri
7. Tingabetserwa sei kubata nemiedzo?
7 Jakobho anotiratidza zvatinofanira kuita kana tisingazivi nzira yokubata nayo muedzo. (Jakobho 1:5-8) Jehovha haazotizvidzi nemhaka yokushayiwa uchenjeri uye kuhunyengeterera tine kutenda. Achatibetsera kurangarira muedzo nenzira yakafanira uye kuutsungirira. Tingayeuchidzwa magwaro nevatinotenda navo kana kuti mukufunda Bhaibheri. Zviitiko zvinoitika kupfurikidza nenhungamiro yaMwari zvingatigonesa kuona zvatinofanira kuita. Tingatungamirirwa nomudzimu waMwari. (Ruka 11:13) Kuti tifarikanye betsero dzakadaro, sezvingakarirwa tinofanira kunyatsonamatira pana Mwari navanhu vake.—Zvirevo 18:1.
8. Nei munhu anonyunyuta asingazogamuchiri chinhu kubva kuna Jehovha?
8 Jehovha anotipa uchenjeri hwokubata nemiedzo kana tika“kumbir[a] nokutenda, [ti]singanyunyuti napaduku.” Munhu anonyunyuta “akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswa-mutswa” nenzira isingazivikanwi. Kana tisina kugadzikana kudaro mumudzimu, ‘hatifaniri kufungira kuti tingagamuchira chinhu chipi nechipi chichibva kuna Jehovha.’ Ngatiregei kuva va“ne mwoyo miviri” uye va“noshanduka-shanduka” mukunyengetera kana kuti mune dzimwe nzira. Panzvimbo pezvo, ngativei nokutenda muna Jehovha, Manyuko ouchenjeri.—Zvirevo 3:5, 6.
Varombo Navapfumi Vanogona Kufara
9. Nei tine chikonzero chokufara sevanamati vaJehovha?
9 Kunyange kana urombo huri mumwe wemiedzo yedu, ngatirangarireyi kuti vaKristu vose vari vaviri vapfumi navarombo vanogona kufara. (Jakobho 1:9-11) Vasati vava vateveri vaJesu, vakawanda vevakazodzwa vakanga vane zvinhu zvenyama zvishoma uye vaizvidzwa nenyika. (1 VaKorinte 1:26) Asi vaigona kufara ne“kukudzwa” kwavo kuti vave nenzvimbo yavadyi venhaka yoUmambo. (VaRoma 8:16, 17) Mukupesana, vanhu vakapfuma vakanga vamboremekedzwa vaka“ninipiswa” savateveri vaKristu nemhaka yokuzvidzwa nenyika. (Johane 7:47-52; 12:42, 43) Zvisinei, savabatiri vaJehovha, tose zvedu tinogona kufara nemhaka yokuti upfumi hwenyika nechinzvimbo chakakwirira hazvisi chinhu kana tichienzanisa neupfumi hwomudzimu hwatinofarikanya. Uye tinofara sei kuti pakati pedu hapana nzvimbo yokudada pamusoro pemamiriro ezvinhu ezvemagariro!—Zvirevo 10:22; Mabasa 10:34, 35.
10. MuKristu anofanira kurangarira sei pfuma yenyama?
10 Jakobho anotibetsera kuona kuti upenyu hwedu hahutsamiri paupfumi nokuwana zvinhu zvenyika. Sezvo kunaka kweruva kusingaridzivisi kufa nemhaka “yemhepo inopisa” yezuva, naizvozvo pfuma yomunhu akapfuma haigoni kurebesa upenyu hwake. (Pisarema 49:6-9; Mateo 6:27) Angafa achiri kuronda “nzira dzake [dzoupenyu],” zvichida zvine chokuita nebhizimisi. Nokudaro, chinhu chinokosha kuva aka“pfum[a] kuna Mwari” uye kuita zvose zvatinogona kuti titsigire fariro dzoUmambo.—Ruka 12:13-21; Mateo 6:33; 1 Timotio 6:17-19.
Vanofara Ndeavo Vanotsungirira Muedzo
11. Ndedzipi dziri kariro dzaavo vanonamatira pakutenda kwavo pasinei zvapo nemiedzo?
11 Tingava tiri vapfumi kana kuti varombo, tinogona kufara bedzi kana tikatsungirira miedzo yedu. (Jakobho 1:12-15) Kana tikatsungirira miedzo nekutenda kwedu kwakakwana, tinogona kunzi vanofara, nokuti zvinofadza kuita zvakarurama mumeso aMwari. Kupfurikidza nokunamatira pakutenda kwavo kusvikira kurufu, vaKristu vakazodzwa nomudzimu vanogamuchira “korona youpenyu,” kusafa mumatenga. (Zvakazarurwa 2:10; 1 VaKorinte 15:50) Kana tine tariro dzapasi uye tichichengeta kutenda kwedu muna Mwari, tinogona kukarira upenyu husingaperi muparadhiso yapasi. (Ruka 23:43; VaRoma 6:23) Jehovha akanaka zvikuru kuna vose vanoshandisa kutenda maari!
12. Patinenge tichitarisana nenhamo, nei tisingafaniri kuti: “Ndinoidzwa naMwari”?
12 Zvinobvira here kuti Jehovha pachake atiedze nenhamo? Aiwa, hatifaniri kuti: “Ndinoidzwa naMwari.” Jehovha haasi kuedza kutiita kuti tiite chivi asi ane chokwadi chokutibatsira ndokutipa simba rinodiwa kuti titsungirire zvinetso kana tikaramba takasimba mukutenda. (VaFiripi 4:13) Mwari mutsvene, naizvozvo haatiisi mumamiriro ezvinhu anganetesa kuramba kwedu kuita zvakaipa. Kana tikazviisa mumamiriro ezvinhu akaipa ndokuita chivi, hatifaniri kumupa mhaka, “nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.” Kunyange zvazvo Jehovha angabvumira muedzo kuti utirange nokuda kwekubetserwa kwedu, haatiidzi nechinangwa chakaipa. (VaHebheru 12:7-11) Satani angatiedza kuti tiite zvakaipa, asi Mwari anogona kutinunura mune akaipa iyeye.—Mateo 6:13.
13. Chii chingaitika kana tikasaramba chishuvo chisina kururama?
13 Tinofanira kunyengetera nemhaka yokuti mamiriro ezvinhu akati angatungamirira kuchishuvo chisina kururama icho chingagona kutitungamirira kuita muchivi. Jakobho anoti: “Munhu mumwe nomumwe anoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa.” Hatigoni kupa Mwari mhaka yechivi chedu kana tikarega mwoyo yedu ichiramba ine chishuvo chechivi. Kana tikasabvisa chishuvo chakaipa, ‘chinosakurirwa,’ chinokura mumwoyo, uye “[ch]inozvara zvivi.” Chivi pachinoitwa, chino“bereka rufu.” Sezviri pachena, tinofanira kurinda mwoyo yedu ndokuramba zvimiro zvendangariro zvokuda kuita chivi. (Zvirevo 4:23) Kaini akanyeverwa kuti chivi chakanga choda kumukurira, asi haana kuchidzivisa. (Genesi 4:4-8) Naizvozvo, ipapoka, zvakadini kana tiri kutanga kuronda nzira isiri yomumagwaro? Zvechokwadi tinofanira kufara kuti vakuru vechiKristu vanoedza kutigadzirisa kuitira kuti tisatadzire Mwari.—VaGaratia 6:1.
Mwari—Ndiye Manyuko Ezvinhu Zvakanaka
14. Zvipo zvaMwari zvinogona kunzi “zvakakwana” mupfungwayi?
14 Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ndiye Anopa, kwete miedzo, asi zvinhu zvakanaka. (Jakobho 1:16-18) Jakobho anodana vaitenda pamwe chete naye se“hama . . . dzinodikanwa” uye anoratidza kuti Mwari ndiye Mupi we‘chipo chose chakanaka nechakakwana.’ Zvipo zvomudzimu nezvenyama zvaJehovha “zvakakwana,” kana kuti zvakazara, hazvishayiwi chinhu. Zvinobva “kumusoro,” kubva kunzvimbo yaMwari yokugara mumatenga. (1 Madzimambo 8:39) Jehovha ndi“Baba vezviedza”—zuva, mwedzi, nenyeredzi. Anotipawo chiedza chomudzimu nechokwadi. (Pisarema 43:3; Jeremia 31:35; 2 VaKorinte 4:6) Kusafanana nezuva rinoita kuti mimvuri ichinje sezvarinofamba uye rinosvika parinenge rava nesimba zvikuru masikati, Mwari nguva dzose anogovera zvakanaka zvikuru. Zvechokwadi achatishongedzera kuti titarisane nemiedzo kana tikashandisa zvizere gadziriro dzake dzomudzimu dzinopiwa kupfurikidza neShoko rake uye “muranda wakatendeka, wakangwara.”—Mateo 24:45.
15. Ndechipi chimwe chezvipo zvakanakisisa zvaJehovha?
15 Ndechipi chave chiri chimwe chezvipo zvakanakisisa zvaMwari? Kuunzwa kwevanakomana vomudzimu kupfurikidza nomudzimu mutsvene, unoshanda maererano nemashoko akanaka, kana kuti “shoko rezvokwadi.” Vaya vanowana kuberekwa kwomudzimu “[zv]ibereko [zv]okutanga,” vanosarudzwa pakati porudzi rwomunhu kuti vave “ushe navaprista” vokudenga. (Zvakazarurwa 5:10; VaEfeso 1:13, 14) Jakobho angave akanga achifunga nezvezvibereko zvokutanga zvegorosi zvaipiswa musi waNisani 16, wakanga uri musi wakamutswa Jesu, uye wokupiswa kwezvingwa zviviri zvegorosi pazuva rePentekosta, apo mudzimu mutsvene wakadururwa. (Revhitiko 23:4-11, 15-17) Muchiitiko ichocho, Jesu aizova zvibereko zvokutanga uye vadyi venhaka pamwe chete naye “[zv]ibereko [zv]okutanga.” Zvakadini kana tine tariro yapasi? Eya, kuirangarira kuchatibetsera kunamatira pakutenda kwedu muMupi we“zvipo zvose zvakanaka,” uyo akaita kuti upenyu husingaperi hubvire mukutonga kwoUmambo.
Iva ‘Muiti weShoko’
16. Nei tichifanira ku‘kurumidza kunzwa asi tononoka kutaura nokutsamwa’?
16 Tingava tiri kuwana miedzo yokutenda kwedu iko zvino kana kuti tisiri, tinofanira kuva “vaiti veshoko.” (Jakobho 1:19-25) Tinofanira ku“kurumidz[a] kunzwa” shoko raMwari, tichiva vaiti varo vanoteerera. (Johane 8:47) Pane rumwe rutivi, ngati“nonoke[i] kutaura,” tichirangarira mashoko edu nenzira yokungwarira. (Zvirevo 15:28; 16:23) Jakobho angava achitikurudzira kusakurumidza kutaura kuti miedzo yedu inobva kuna Mwari. Tinorayirwawo ku“nonok[a] kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakutauri kururama kwaMwari.” Kana tatsamwiswa nezvinotaura mumwe munhu, ngati‘nonokei’ kuitira kuti tidzivise mhinduro inorwadza. (VaEfeso 4:26, 27) Mudzimu wehasha uyo ungatiparira zvinetso ndokuva muedzo kune vamwe haugoni kuita izvo kutenda muna Mwari wedu akarurama kunoda kwatiri. Kunze kwezvo, kana tine “njere kwazvo,” ticha“nonok[a] kutsamwa,” uye hama dzedu nehanzvadzi dzichakweverwa kwatiri.—Zvirevo 14:29.
17. Chii chinowanwa nokubvisa uipi mumwoyo nomundangariro?
17 Zvirokwazvo tinoda kuva vasina “matsvina ose”—zvinhu zvose zvinosemesa Mwari uye zvinotsigira hasha. Uyezve, tinofanira ‘kubvisa zvinhu zvose zvinonyangadza, uipi.’ Tose zvedu tinofanira kubvisa kusachena kupi nokupi kwenyama kana kuti kwomudzimu muupenyu hwedu. (2 VaKorinte 7:1; 1 Petro 1:14-16; 1 Johane 1:9) Kubvisa uipi mumwoyo nomundangariro kwakatibetsera ku“gamuchir[a] nomwoyo munyoro shoko rakasimwa” rechokwadi. (Mabasa 17:11, 12) Pasinei zvapo nekuti tave tiri vaKristu kwenguva yakareba sei, tinofanira kuramba tichiita kuti chokwadi chomuMagwaro chisimbiswe matiri. Nei? Nemhaka yokuti kupfurikidza nomudzimu waMwari, shoko rakadyarwa rinobereka “munhu mutsva” anowana ruponeso.—VaEfeso 4:20-24.
18. Munzwi weshoko bedzi anosiyana sei nomuiti waro?
18 Tinoratidza sei kuti shoko ndiro nhungamiro yedu? Kupfurikidza nokuva “vaiti veshoko, [kwete] vanzwi voga” vanoteerera. (Ruka 11:28) “Vaiti” vane kutenda kunobereka mabasa akadai somubato wokushingaira muushumiri hwechiKristu uye kutora rutivi nguva dzose mumisangano yavanhu vaMwari. (VaRoma 10:14, 15; VaHebheru 10:24, 25) Munzwiwo zvake weshoko “wakafanana nomunhu unoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni.” Anotarira, ipapo anoenda ndokukanganwa zvingadikanwa kuti agadziridze chitarisiko chake. Sa“vaiti veshoko,” tinofunda nokungwarira uye kuteerera “murayiro wakakwana” waMwari, uyo unobatanidza zvinhu zvose zvaanoda kwatiri. Rusununguko rwatinofarikanya nokudaro ndiwo musiyano chaiwo wokuiswa muuranda nechivi norufu, nokuti runotungamirira kuupenyu. Naizvozvo ngati‘pfuurirei mumutemo wakakwana,’ tichiunzvera nguva dzose nokuuteerera. Uye chimbofunga! Sa‘vaiti veshoko, kwete vanzwi vanokanganwa,’ tine mufaro unobva munyasha dzaMwari.—Pisarema 19:7-11.
Zvinopfuura Kuva Vanamati Vakarongeka
19, 20. (a) Maererano naJakobho 1:26, 27, kana tichida kunamata kwakachena tinofanira kuitei? (b) Ndeipi mimwe mienzaniso yokunamata kusina kusvibiswa?
19 Kana tichizofarikanya nyasha dzaMwari, tinofanira kuyeuka kuti kunamata kwechokwadi hakusi muitirowo zvawo. (Jakobho 1:26, 27) Tingafunga kuti tiri ‘vanamati vakarongeka’ vanogamuchirwa vaJehovha, asi maonere aanoita mumwe nomumwe wedu ndiwo anokosha chaizvoizvo. (1 VaKorinte 4:4) Chimwe chikanganiso chakakomba chingava kukundikana ‘kudzora rurimi.’ Tingava tichizvinyengedza kana tikafunga kuti Mwari anofadzwa nokunamata kwedu kana tikachera vamwe, kureva nhema, kana kuti kushandisa rurimi zvisina kufanira mune dzimwe nzira. (Revhitiko 19:16; VaEfeso 4:25) Zvechokwadi, hatidi kuti “kunamata” kwedu kuve kusi“na maturo” uye kusingagamuchiriki kuna Mwari nokuda kwechikonzero chipi nechipi.
20 Kunyange zvazvo Jakobho asingatauri rutivi rwose rwokunamata kwakachena, anotaura kuti kunobatanidza ‘kutarisira nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo.’ (VaGaratia 2:10; 6:10; 1 Johane 3:18) Ungano yechiKristu inoratidza kufarira chaiko kugovera chirikadzi. (Mabasa 6:1-6; 1 Timotio 5:8-10) Sezvo Mwari ari Mudziviriri wechirikadzi nenherera, ngatishandei pamwe Naye kupfurikidza nokuita zvatinogona kuti tivabetsere mumudzimu nomunyama. (Dheuteronomio 10:17, 18) Kunamata kwakachena kunorevawo “kuzvichengeta tisina kusvibiswa nenyika,” nzanga yavanhu vasina kururama iri musimba raSatani. (Johane 17:16, NW; 1 Johane 5:19) Naizvozvo ngatirambei takasununguka pamufambiro usina umwari wenyika kuitira kuti tigokudza Jehovha ndokuva vanoshanda mubasa rake.—2 Timotio 2:20-22.
21. Pamusoro petsamba yaJakobho, ndeipi mimwe mibvunzo yatinofanira kurangarira?
21 Zano raJakobho ratarangarira kusvikira zvino rinofanira kutibetsera kutsungirira miedzo ndokunamatira pakutenda kwedu. Rinofanira kukudza kuonga kwedu Mupi ane rudo wezvipo zvakanaka. Uye mashoko aJakobho anotibetsera kushandisa kunamata kwakachena. Anotiudzeyi zvakare? Ndeapi mamwe matanho atinogona kutora kuti tibvumikise kuti tinotenda Jehovha zvechokwadi?
[Mashoko Omuzasi]
a Mukufunda somunhu oga kana kuti semhuri nyaya ino uye mbiri dzinoitevera, muchawana kuti zvinobetsera zvikuru kurava chikamu chimwe nechimwe chakanokorwa chetsamba inosimbisa kutenda yaJakobho.
Ungapindura Sei?
◻ Chii chichatibetsera kutsungirira miedzo?
◻ Pasinei zvapo nezvinetso, nei vaKristu vachigona kufara?
◻ Tingava sei vaiti veshoko?
◻ Kunamata kwakachena kunobatanidzei?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Paunenge uchiedzwa, shandisa kutenda musimba raJehovha rokupindura minyengetero
[Mifananidzo iri papeji 10]
“Vaiti veShoko” vari kuzivisa Umambo hwaMwari munyika yose