Itai Kuti Jehovha Asimbise Imba Yenyu Uye Aichengete
“Kana Jehovha asingarindi guta, murindi anoramba akasvinurira pasina.”—PIS. 127:1b.
1, 2. (a) Nei vaIsraeri 24 000 vakatadza kupinda muNyika Yakapikirwa? (b) Tinodzidzei kubva munhoroondo iyi?
VAISRAERI pavainge vava kuda kutopinda muNyika Yakapikirwa, zviuru zvevarume zvakaita “unzenza nevanasikana veMoabhi.” Izvi zvakaita kuti vanhu 24 000 vaurayiwe. Pafunge, vaIsraeri vainge vava pedyo chaizvo nokuwana nhaka yavainge vakamirira kwenguva refu, asi vakatadza kuiwana nokuti vakakundwa nomuedzo.—Num. 25:1-5, 9.
2 Nhoroondo iyoyo yakanyorwa “kuti tinyeverwe isu tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (1 VaK. 10:6-11) Sezvo “mazuva okupedzisira” ava kunopera, tava pedyo nokupinda munyika itsva yakarurama. (2 Tim. 3:1; 2 Pet. 3:13) Asi zvinosuwisa kuti vamwe vanamati vaJehovha vari kutadza kuramba vakasvinurira. Vari kubatwa nomusungo wounzenza uye vari kutambura nezvavakaita. Vanhu vakadaro vanogona kutadza kuwana upenyu husingaperi.
3. Nei varume nemadzimai vachida kutungamirirwa uye kudzivirirwa naJehovha? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)
3 Nyika ino yazara unzenza, saka varume nemadzimai vanofanira kutungamirirwa uye kudzivirirwa naJehovha. Kana vakasadaro, zvose zvavanenge vachiedza kuita pakusimbisa imba yavo kunenge kuri kushandira pasina. (Verenga Pisarema 127:1.) Tichakurukura kuti murume nomudzimai vangasimbisa sei imba yavo kana vakachengetedza mwoyo yavo, vakaswedera pedyo naMwari, vakapfeka unhu hutsva, vakaramba vachikurukurirana zvakanaka uye vakapanana zvavanofanira kuwana.
CHENGETEDZAI MWOYO YENYU
4. Chii chakaita kuti vamwe vaKristu vapedzisire vaita upombwe?
4 Zvinofamba sei kuti muKristu apedzisire aita upombwe? Zvinowanzotanga nemaziso. Jesu akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mat. 5:27, 28; 2 Pet. 2:14) VaKristu vakawanda vakazopedzisira vaita upombwe vakatanga vachiverenga mabhuku anoita kuti vade kuita zvebonde kana kuona zvinonyadzisira paIndaneti. Vamwe vakatanga kuvaraidzwa nemafirimu, mapurogiramu epaTV nemitambo inoratidza vanhu vanenge vachiita zvebonde. Vamwe vaienda kumanaitikirabhu uye nzvimbo dzine vanhu vanenge vachitamba vachibvisa mbatya. Vamwewo ndivo vaienda kunzvimbo dzinoitwa zvokumasajwa vaine chinangwa chokugutsa chido chavo chebonde.
5. Nei tichifanira kuchengetedza mwoyo yedu?
5 Vamwe vanozopinda mumuedzo nokuti vanoudza munhu wavasina kuroorana naye zviri kutsi kwemwoyo yavo. Munyika ino ine vanhu vasingazvidzori uye vanongofunga zvounzenza, zviri nyore chaizvo kuti mwoyo unonyengera uye wakaipa kwazvo uite kuti munhu apedzisire ava kuda mumwe munhu waasina kuroorana naye. (Verenga Jeremiya 17:9, 10.) Jesu akati: “Mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve.”—Mat. 15:19.
6, 7. (a) Mwoyo unonyengera ungaita sei kuti munhu apedzisire aita chivi? (b) Tingadzivisa sei kutadzira Jehovha?
6 Kana zvido zvakaipa zvadzika midzi mumwoyo yavo inonyengera, vanhu vaviri vanenge vachifarirana vangazoona vava kukurukura nyaya dzavanofanira kungotaura nevavakaroorana navo chete. Pasina nguva vanotanga kutsvaka mikana yakawanda yokuti vaonane asi vachiita sokuti zvangoitikawo netsaona uye kuonana kwacho kunoramba kuchiwedzera. Kuwedzera kwavanenge vachiita kufarirana ndiko kudererawo kunenge kuchiita simba ravo rokuzvidzivirira pamuedzo. Pavanoramba vachifamba munzira iyoyo inoendesa kuchivi, zvinoramba zvichivaomera kurega zvavanenge vachiita kunyange vachitoziva havo kuti izvozvo zvakaipa.—Zvir. 7:21, 22.
7 Zvido zvakaipa uye kutaura zvisina kukodzera zvinoita kuti vatange kubatana maoko, kutsvodana, kumbundirana, kupuruzirana uye kubatana-batana kunomutsa chido chebonde. Zvinhu zvose izvi zvinofanira kungoitwa nevanhu vakaroorana chete. Pavanoita izvi, kutya Mwari uko kunovadzivirira kuti vasaita chivi kunotanga kupera zvishoma nezvishoma. Vanozopedzisira ‘vatorwa mwoyo vonyengerwa nokuchiva kwavo,’ kana kuti vanodyira sehove. Kuchiva pakunenge kwakura, “kunobereka chivi,” choupombwe. (Jak. 1:14, 15) Izvozvo zvinosiririsa chaizvo! Zvose izvi zvaigona kudziviswa kudai mumwe nomumwe wavo akabvumira Jehovha kuti amubatsire kuti arambe achiona wanano sechinhu chitsvene. Asi munhu angaitei kuti aremekedze wanano?
RAMBAI MUCHISWEDERA PEDYO NAMWARI
8. Kuva neushamwari naJehovha kunotibatsira sei kuti tirambe tiine tsika dzakanaka?
8 Verenga Pisarema 97:10. Ushamwari naJehovha hunotibatsira kuti tirambe tiine tsika dzakanaka. Patinodzidza nezveunhu hwaMwari, uye patinoedza ‘kuva vatevedzeri vake, sevana vanodiwa, toramba tichifamba murudo,’ tichawana simba rokurega kuita “ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose.” (VaEf. 5:1-4) Kana vakaroorana vakaziva kuti “Mwari achatonga zvifeve nemhombwe,” vachashanda nesimba kuti imba yavo ikudzwe uye isasvibiswa.—VaH. 13:4.
9. (a) Josefa akaitei kuti asaita ufeve? (b) Tinodzidzei pane zvakaitwa naJosefa?
9 Vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vakapedzisira vasisina simba rokurega kuita zvakaipa nokuti vaiwanzoti kana vapedza basa votandara nevanhu vavanoshanda navo vasiri Zvapupu. Miedzo inogona kumuka kunyange panguva dzebasa. Josefa aitova pabasa paakaziva kuti mukadzi watenzi wake aimuda. Zuva nezuva mukadzi uyu aiedza kumunyengetedza kuti varare vose. Asi rimwe zuva “mukadzi wacho akabva abata nguo yake, achiti: ‘Rara neni!’” Asi Josefa akatiza. Chii chakamubatsira kuti arambe akatendeka paakasangana nemuedzo wakadaro? Ainge akatsunga kuti pasava nechinhu chinokanganisa ukama hwake naMwari uye izvozvo ndizvo zvakaita kuti arambe akachena uye akavimbika. Nemhaka yokuti Josefa akaramba kuita ufeve, akadzingwa basa uye akaiswa mujeri asina mhosva, asi Jehovha akamukomborera. (Gen. 39:1-12; 41:38-43) Pasinei nokuti vari kubasa here kana kuti vari kumwewo, vaKristu havafaniri kuzvipinza mumamiriro ezvinhu angaita kuti vaite upombwe.
PFEKAI UNHU HUTSVA
10. Unhu hutsva hunotibatsira sei kuti tichengetedze wanano?
10 Sezvo “unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika,” hunokosha chaizvo pakudzivirira murume nomudzimai kuti vasaita upombwe. (VaEf. 4:24) Vaya vanopfeka unhu hutsva uhwu ‘vanouraya’ nhengo dzemiviri yavo “kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora.” (Verenga VaKorose 3:5, 6.) Shoko rokuti “urayai” rinoratidza kuti tinofanira kuzvirwadzisa kuti tikunde zvido zvenyama. Hatizomboiti chero chinhu chingaita kuti tizova nechido chokurara nomumwe munhu watisina kuroorana naye. (Job. 31:1) Patinoita kuti upenyu hwedu huenderane nezvinodiwa naMwari, tinodzidza ‘kusema zvakaipa’ uye ‘kunamatira kune zvakanaka.’—VaR. 12:2, 9.
11. Kuva neunhu hutsva kunobatsira sei murume nomudzimai kuti vasimbise imba yavo?
11 Patinopfeka unhu hutsva, tinenge tichitevedzera iye akahusika, Jehovha. (VaK. 3:10) Murume nomudzimai vanokomborerwa chaizvo naJehovha kana vakasimbisa imba yavo nokupfeka ‘rudo rukuru rwokunzwirana tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.’ (VaK. 3:12) Uyewo vanowedzera kuwirirana kana vakaita kuti ‘rugare rwaKristu rutonge mumwoyo yavo.’ (VaK. 3:15) Zvinhu zvinofamba zvakanaka chaizvo kana murume nomudzimai ‘vakadanana kwazvo’! Vanofadzwa nokutungamirirana “pakukudzana.”—VaR. 12:10.
12. Unhu hupi hwaunofunga kuti ndihwo hunoita kuti vakaroorana vafare mumba mavo?
12 Sid paakabvunzwa kuti chii chinoita kuti vafare mumba mavo akati: “Chinhu chikuru pane zvose, rudo, uye tinogara tichishanda nesimba kuti tive narwo. Takaonawo kuti zvinokosha chaizvo kuti tive nounyoro.” Mudzimai wake Sonja, anobvumirana nazvo uye akati: “Kuva nemutsa kunokoshawo. Uye tinoedzawo kuva vanhu vanozvininipisa kunyange zvazvo dzimwe nguva zvisiri nyore.”
RAMBAI MUCHIKURUKURA ZVAKANAKA
13. Chii chinoita kuti imba isimbe uye nei?
13 Kutaura nenyasha kunokosha chaizvo kana murume nomudzimai vachida kuti imba yavo igare yakasimba. Zvinosuruvarisa chaizvo kana murume nomudzimai vachitaura noruremekedzo kune vamwe vanhuwo zvavo kana kuimbwa dzavo nekiti, asi vachitadza kuita izvozvo kune vavakaroorana navo. Imba inopedzisira isisina kusimba kana murume nomudzimai vakaitirana ‘pfini nehasha, vakatsamwirana, vachipopotedzana uye vachitukana.’ (VaEf. 4:31) Pane kuputsa imba yavo nokugara vachishorana kana kutsvinyirana, vakaroorana vanofanira kuisimbisa nekutaura mashoko anoratidza mutsa uye vachinzwirana tsitsi kwazvo.—VaEf. 4:32.
14. Zvinhu zvipi zvatisingafaniri kuita?
14 Bhaibheri rinoti pane “nguva yokunyarara.” (Mup. 3:7) Izvi hazvirevi kuti tinofanira kubva tati kwindi nokuti kuita izvozvo kunoita kuti titadze kukurukura. Mumwe mudzimai ari kuGermany akati: “Kuramba wakati kwindi kunorwadzisa mumwe wako.” Asi akawedzera kuti: “Kunyange zvazvo zvisiri nyore kuramba wakadzikama kana wagumburwa, hazvina kunaka kungokanda mashoko uchingoitira kuti shungu dzako dzipere. Unozotaura chimwe chinhu chinorwadza mumwe wako uye izvozvo zvinoita kuti zvinhu zvitowedzera kushata.” Kunyararirana kana kuti kupopotedzana handiko kunoita kuti murume nomudzimai vagadzirise matambudziko emumba. Asi imba yavo inosimba kana vakasangogara vachinetsana uye kana vakasaita kuti zvinhu zvavanenge vasingawirirani zvipedzisire zvaita kuti vapopotedzane.
15. Kukurukura zvakanaka kunosimbisa sei imba?
15 Imba inosimba kana murume nomudzimai vachiwana nguva yokuudzana zviri kutsi kwemwoyo uye vachitaurawo mafungiro avo. Matauriro atinoita chimwe chinhu anokosha sezvinongoitawo zvatinotaura zvacho. Saka kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma, inzwi rako uye mashoko aunotaura anofanira kuratidza kuti une nyasha. Izvi zvichaita kuti mumwe wako ade kukuteerera. (Verenga VaKorose 4:6.) Murume nomudzimai vanogona kusimbisa imba yavo kana vakataura “shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa,” nemumwe wavo.—VaEf. 4:29.
IPA MUMWE WAKO ZVAANOFANIRA KUWANA
16, 17. Nei zvichikosha kuti murume nomudzimai vave nehanya nezvinodiwa nemumwe wavo uye vapanane bonde?
16 Murume nomudzimai vanogonawo kusimbisa imba yavo kana vakava nehanya nezvakanakira mumwe nomumwe wavo, kwete zvavanongoda ivo. (VaF. 2:3, 4) Vanofanira kuratidzana rudo uye kupanana bonde.—Verenga 1 VaKorinde 7:3, 4.
17 Zvinosuruvarisa kuti vamwe vakaroorana havaratidzani rudo uye havapanani bonde. Uyewo vamwe varume vanofunga kuti kubata madzimai avo nounyoro kunoita kuti vasaonekwa sevarume chaivo. Bhaibheri rinoti: “Imi varume munofanira kuedza kunzwisisa madzimai enyu.” (1 Pet. 3:7, Phillips) Murume anofanira kunzwisisa kuti Bhaibheri parinotaura kuti ape mudzimai wake zvaanofanira kuwana rinenge risingangorevi bonde chete. Mudzimai anonakidzwa nebonde kana murume wake achimuratidza rudo pane dzimwewo nguva kwete panguva dzebonde chete. Kana mumwe nomumwe akaratidza kuti ane hanya nemumwe, vachakwanisa kufadzana.
18. Murume nomudzimai vangasimbisa sei imba yavo?
18 Hapana pazvinozombonzi munhu ane chikonzero chakanaka chokuita upombwe, asi kutadza kubata mumwe wako nounyoro kunogona kuita kuti azotsvaka kupiwa rudo nemumwe munhu. (Zvir. 5:18; Mup. 9:9) Saka Bhaibheri rinorayira vakaroorana kuti: “Musanyimana, [zvamunofanira kupanana] asi mubvumirane kwenguva yakatarwa.” Nei? “Kuti Satani arege kuramba achikuedzai nokuda kwokushaya kwenyu kuzvidzora.” (1 VaK. 7:5) Chingava chinhu chinosuwisa chaizvo kana vakaroorana vakarega Satani achiita kuti ‘vashaye kuzvidzora’ oita kuti mumwe wavo awire mumuedzo woupombwe! Asi kana mumwe nomumwe wavo ‘akarega kutsvaka zvake oga, asi zvomumwe,’ omupa zvaanofanira kuwana achizviita norudo kwete nokungoti hapana zvokuzviita, imba yavo inogona kusimba.—1 VaK. 10:24.
RAMBAI MUCHICHENGETEDZA IMBA YENYU
19. Tinofanira kutsunga kuitei, uye nei?
19 Tava pedyo nokupinda munyika itsva yakarurama. Ndokusaka kukundwa nezvido zvenyama kuine ngozi kungofanana nezvakaitika kuvaIsraeri 24 000 vaiva muMapani eMoabhi. Pashure pokunge Shoko raMwari rataura nhoroondo iyoyo inosuwisa chaizvo, rinonyevera kuti: “Anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.” (1 VaK. 10:12) Saka zvinokosha chaizvo kuti tisimbise dzimba dzedu nokuramba takavimbika kuna Baba vedu vokudenga uye kune vatakaroorana navo. (Mat. 19:5, 6) Iye zvino zvava kutonyanya kukosha kuti tiite ‘zvose zvatinogona kuti tiwanikwe naye pakupedzisira tisina ruvara uye tisina gwapa, tiine rugare.’—2 Pet. 3:13, 14.