Rutivi 5
Chipo Chinoshamisa Chokuzvisarudzira
1, 2. Chipoi chinoshamisa chiri rutivi rwamaitirwe edu?
KUTI tinzwisise chikonzero nei Mwari akabvumidza kutambura neicho achaita pamusoro pakwo, tinodikanirwa kunzwisisa maitire aakatiita. Akaita zvinopfuura kutisika tiine muviri bedzi nouropi. Akatisikawo tiine mavara endangariro chaiwo neomurangariro.
2 Rutivi rukurusa rwamaitirwe endangariro yedu nomurangariro kuzvisarudzira. Hungu, Mwari akaisa matiri mano orusununguko rwechisarudzo. Zvamazvirokwazvo akanga ari chipo chinoshamisa chinobva kwaari.
Nzira Yatakaitwa Nayo
3-5. Neiko tichionga kuzvisarudzira?
3 Ngatirangarirei mabatanidzirwe anoitwa kuzvisarudzira mukubvumidza kwaMwari kutambura. Kutanga, funga pamusoro peizvi: Unoonga here kuva norusununguko rwokusarudza chauchada kuita uye kutaura, chauchadya uye kupfeka, chiri rudzi rwebasa rauchaita, uye kwauchagara uye mararamire auchaita? Kana kuti ungada here kuti mumwe munhu araire shoko rako riri rose nechiito nhambo iri yose youpenyu hwako?
4 Hakuna munhuwo zvake ane ndangariro yakanaka anoda kuti upenyu hwake hubviswe pakudzora kwake zvizere zvikuru. Zvokona neiko? Nemhaka yamaitirwe atakaitwa naMwari. Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasika munhu no‘mufananidzo norufanano’ zvake, uye rimwe ramano Mwari amene anaro ndirwo rusununguko rwokusarudza. (Genesi 1:26; Dheuteronomio 7:6) Apo iye akasika vanhu, akavapa mano iwayo anoshamisa akafanana—chipo chokuzvisarudzira. Ndicho chikonzero chimwe nei tichikuwana kuchikangaidza kuva vanoitwa varanda navabati ushe vanodzvinyirira.
5 Nokudaro chishuvo chorusununguko hachingoerekani chavapo, nokuti Mwari ndiMwari worusununguko. Bhaibheri rinoti: “Apo pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinte 3:17) Nokudaro, Mwari akatipa kuzvisarudzira sorutivi rwamaitirwe edu amene. Zvaaiziva nzira yaizoshanda nayo ndangariro dzedu nemirangariro, aiziva kuti taizova vanofara zvikuru nokuzvisarudzira.
6. Ko Mwari akasika sei uropi hwedu kuti hushande mutsinhirano nokuzvisarudzira?
6 Pamwe chete nechipo chokuzvisarudzira, Mwari akatipa mano okufunga, kurangarira zvinhu, kuita zvisarudzo, uye kuziva chakarurama nechisina kururama. (VaHebheru 5:14) Nokudaro, kuzvisarudzira raizovakirwa pachisarudzo chokuchenjera. Hatina kuitwa semarobhoti asingafungi asina kuda kwawo amene. Uyewo hatina kusikirwa kuti tiite chinhu kunze kworuzivo rwomuzvarirwo semhuka. Panzvimbo pakwo, uropi hwedu hunoshamisa hwakaitirwa kuti hushande mutsinhirano norusununguko rwedu rwokusarudza.
Kutanga Kwakanakisisa
7, 8. Mwari akapa kutangai kwakaisvonaka kuvabereki vedu vokutanga?
7 Kuratidza kuti Mwari aiitira hanya sei, pamwe chete nechipo chokuzvisarudzira, vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakapiwa chinhu chiri chose icho munhu upi noupi nomutoo une mufungo angada. Vakaiswa muparadhiso huru, yakafanana nomunhanga. Vakanga vane zvinhu zvokunyama zvakawanda. Vakanga vane ndangariro dzakakwana nemiviri, nokudaro vaisazotongofanira kukwegura kana kuti kurwara kana kuti kufa—vaigona kudai vakararama nokusingaperi. Vaizodai vakava navana vakakwana vaigonawo kuva nenguva yemberi inofadza, isingaperi. Uye chiverengero chinowedzera chavagari vapasi chaizodai chakava nebasa rinogutsa rokushandura pasi rose kuva paradhiso pakupedzisira.—Genesi 1:26-30; 2:15.
8 Pamusoro pezvakagoverwa, Bhaibheri rinoti: “Mwari akaona chinhu chiri chose chaakanga aita uye, onei! chakanga chakanaka zvikuru.” (Genesi 1:31) Bhaibheri rinotiwo nezvaMwari: “Mubato wake wakakwana.” (Dheuteronomio 32:4) Hungu, Musiki akapa mhuri yomunhu kutanga kwakakwana. Kwaisagona kuva kuri nani zvikuru kupfuura ipapa. Akabvumikisa kuva Mwari anoitira hanya zvakadini!
Rusununguko Mukati Meganhuriro
9, 10. Neiko kuzvisarudzira kuchifanira kusanodzorwa?
9 Zvisinei, Mwari akaitira kuzvisarudzira kuti rive risina ganhuriro here? Fungidzira guta rakabatikana risina mitemo ipi neipi yapamugwagwa, umo munhu ari wose aigona kutyaira motokari akananga rutivi rupi norupi pasipidhi ipi neipi. Waizoda kutyaira motokari mumigariro iyoyo here? Aiwa, ikoko kwaizova nyongano yemotokari uye zvamazvirokwazvo kwaizoparira tsaona dzakawanda.
10 Ndozvakaitawo chipo chaMwari chokuzvisarudzira. Rusununguko rusina kuganhurirwa rungareva nyongano munzanga. Panotofanira kuva nemitemo yokutungamirira mibato yavanhu. Shoko raMwari rinoti: “Zvibatei savanhu vakasununguka, uye musatongoshandisa rusununguko rwenyu sepembedzo nokuda kwouipi.” (1 Petro 2:16, JB) Mwari anoda kuti kuzvisarudzira kuve kunodzorwa nokuda kwokubetserwa kwavose. Iye ane donzo rokuti tive, kwete norusununguko rwakakwana, asi rusununguko rune mwero, runodzorwa nomurau womutemo.
Mitemo Yaaniko?
11. Mitemo yaaniko yatakaitirwa kuteerera?
11 Mitemo yaaniko yatakaitirwa kuteerera? Rumwe rutivi rworugwaro rwuri pana 1 Petro 2:16 (JB) runoti: “Imi hamusati muri varanda vomumwe munhu kunze kwaMwari.” Ikoku hakusati kuchireva uranda hunodzvinyirira, asi, panzvimbo pezvo, kunoreva kuti isu takaitirwa kuva vanofara zvikurusa apo tinozviisa pasi pemitemo yaMwari. (Mateo 22:35-40) Mitemo yake, kupfuura mitemo ipi neipi yakaitwa navanhu, inogovera nhungamiro yakanakisisa. “Ini, Jehovha, ndiri Mwari wako, Uyo anokudzidzisa kuti uzvibetsere umene, Uyo anokusakisa kutsika munzira yaunofanira kufamba mairi.”—Isaya 48:17.
12. Rusunungukoi rwechisarudzo rwatinarwo mukati memitemo yaMwari?
12 Panguva imwe cheteyo, mitemo yaMwari inobvumira rusununguko rukuru rwokusarudza mukati memiganhu yayo. Ikoku kunoguma nemhatsa uye kunoita kuti mhuri yohunhu ifare. Funga nezvamarudzi akasiana-siana ezvokudya, zvipfeko, nziyo, unyanzvi hwokunyora mifananidzo, uye misha munyika yose. Zvamazvirokwazvo tinoda kuva nechisarudzo chedu muzvinhu zvakadaro pane kuita kuti mumwe munhu atisarudzire.
13. Tinofanira kuteerera mitemoi yomuviri nokuda kwokubetserwa kwedu timene?
13 Nokudaro takasikirwa kuva vanofara zvikurusa apo tinodzorwa nemitemo yaMwari yokuzvibata kwavanhu. Kwakafanana nokuva tinodzorwa nemitemo yomuviri yaMwari. Somuenzaniso, kana tikafuratira mutemo wesimba rinokweva rapasi ndokusvetuka panzvimbo yakakwirira, tichakuvadzwa kana kuti kuurawa. Kana tikafuratira mitemo yomukati yomuviri wedu ndokurega kudya zvokudya, kunwa mvura, kana kuti kufema mhepo, tichafa.
14. Tinoziva sei kuti vanhu havana kusikirwa kuva vasingatsamiri pana Mwari?
14 Zvamazvirokwazvo sezvatakasikwa tiine chinodikanwa chokuzviisa pasi pemitemo yaMwari yomuviri, takasikwa tiine chinodikanwa chokuzviisa pasi pemitemo yaMwari yetsika neyamagariro avanhu. (Mateo 4:4) Vanhu havana kusikirwa kuti vave vasingatsamiri pane Muiti wavo ndokuva vanobudirira. Muporofita Jeremia anoti: “Hakusati kuri kwomunhu ari kufamba kunyange kutungamirira nhano yake. Ndiruramisei, Haiwa Jehovha.” (Jeremia 10:23, 24) Nokudaro munzira iri yose vanhu vakasikirwa kurarama pasi poubati ushe hwaMwari, kwete hwavo vamene.
15. Ko mitemo yaMwari yaizodai yakava mutoro unoremera Adhama naEvha here?
15 Kuteerera mitemo yaMwari hakusati kwaizova kunoremera vabereki vedu vokutanga. Panzvimbo pezvo, kwaizodai kwakasimudzira garikano yavo neiyo yemhuri yose yohunhu. Kudai vaviri vokutanga vakanga vagara mukati meganhuriro dzemitemo yaMwari, zvose zvaizodai zvakarurama. Kutaura idi, zvino taizodai tichirarama muparadiso inoshamisa yomufaro semhuri ine rudo, yakabatana yavanhu! Kwaizodai kwave kusina uipi, kutambura, uye rufu.
[Mufananidzo uri papeji 11]
Musiki akapa vanhu kutanga kwakakwana
[Mufananidzo uri papeji 12]
Waizoda kutyaira mumugwagwa une motokari dzakawanda kudai kwaiva kusina mitemo yomumugwagwa here?