RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chinetso Chokutevera Tsoka Dzake
    Nharireyomurindi—1988 | May 1
    • Chinetso Chokutevera Tsoka Dzake

      “Nokuti Kristu akakutamburirai ndokukusiirai muenzaniso chaiwo, kuitira kuti mugotevera tsoka dzake.”—1 PETRO 2:21, Phillips.

      1, 2. (a) Chii chinogona kuva muedzo chaiwoiwo, uye neiko ichochi chiri chefariro kumaKristu? (b) Mibvunzoi inomutswa pano?

      KO iwe wakambofamba here mumhenderekedzo yegungwa ine jecha kana kuti uchigura nzvimbo ine sinou ndokuzviwana umene washamiswa nomutoo wetsoka dzakasiiwa nomumwe munhu akafambamo pamberi pako? Ko iwe zvichida wakatosarudza here tsoka dzakati ndokuedza kudzitevera, uchiwiriranisa nhanho dzako umene nadzo chaizvoizvo sezvinobvira? Kana kwakadaro, wakawana kuti kwakanga kusiri nyore. Kutaura idi, kusanotevera tsoka dzomumwe—kungava chaikoiko kana kuti zvimwe nokufananidzira—chinetso chaichoicho. Asika, kupfurikidza nokuzvidana timene kuti maKristu, takaratidzira chishuvo chedu chokuita izvozvo chaizvo, kusanotevera nhanho dzaKristu.

      2 Ko iwe unodisa here kushandisa nhamburiko iri madikanwa kuti utarisane neichi chinetso nenzira inobudirira? Kupfuura izvozvo, ko iwe wakatsunga here kuita saizvozvo, chauya chauya? Kana kwakadaro, kunzwisisa zvizere zvitambudzo zvokutevera tsoka chaidzoidzo kuchakuita kuti ubudirire zvikuru mukutevera tsoka dzokufananidzira dzaKristu.

      Dzidza Kuwirirana

      3. Neiko kutevera tsoka dzomumwe munhuwo zvake kuchiratidzika pakutanga kuva kusiri kwomuzvarirwo?

      3 Munhu ari wose ane nzira yakasiana yokufamba. Urefu hwenhanho, somuenzaniso, hunosiana pamunhu nomunhu, sezvinoita nzvimbo panoisa munhu tsoka dzake. Minwe yake ingananga mberi, kana kuti kupinda mukati kana kuti kubuda kunze sezvinobvira zvikuru tsoka imwe ichibuda kunze kana kuti kupinda mukati kupfuura imwe yacho. Ko iwe unoona chinetso chacho here? Kuti usanotevera tsoka dzomumwe, unofanira kuwiriranisa urefu hwako hwenhanho nenzvimbo yetsoka norwake. Pakutanga ikoku kucharatidzika kuva kusiri kwomuzvarirwo, asi kunofanira kuitwa. Hakuna imwe nzira.

      4. Neiko kutevera tsoka dzaJesu kuri muedzo chaiwo?

      4 Nzira yaKristu yokufamba, kutaura nenzira yokufananidzira, yakanga yakasiana, nokuti pakati pavararami vapanguva imwe cheteyo naye vake iye oga akanga ari munhu akakwana, “munhu asina kuziva chivi.” (2 VaKorinte 5:21, NW) Sezvo vanhu nomusikirwo vari vatadzi vasina kukwana, kufamba mutsoka dzaJesu hakusi nzira yavo yomuzvarirwo yokufamba. Pauro akayeuchidza maKristu aiva muKorinte nezvaikoku, achiti: “Nokuti muchiri wenyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava, ko hamuzi venyama, muchifamba nomutoo wavanhu here?” Kombamiro dzokugodo negakava, “mabasa enyama,” ndedzomuzvarirwo nokuda kwavanhu vasina kukwana, asi Jesu akafamba munzira yorudo, uye “rudo haruna godo, . . . harutsamwi.” Naizvozvo kufamba mutsoka dzaKristu kunopa chinetso chikuru kupfuura kudai tikakumbirwa kungotevera tsoka dzomumwe munhu asina kukwana.—1 VaKorinte 3:3; 13:4, 5; VaGaratia 5:19, 20; onawo VaEfeso 5:2, 8.

      5, 6. (a) Neiko vanhu vazhinji vakakundikana kutevera tsoka dzaKristu, kuchitungamirira Pauro kupa zanoi? (b) Vanhu vari kukurudzirwa sei kufamba mutsoka dzaKristu nhasi, nomuuyoi nokuda kwavo?

      5 Kunze kwokusakwana, kusaziva kuda kwaMwari kunogonawo kudzivisa mumwe munhu mukufamba mutsoka dzaKristu. Pauro nokudaro akapangira maKristu eEfeso kuti, “musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwoukukutu hwomwoyo yavo.”—VaEfeso 4:17, 18.

      6 Kupfurikidza nebasa rokuparidzira Umambo, vanhu nhasi vari kukurudzirwa kurega kufamba munzira yavo yomuzvarirwo, vasingazivi madonzo aMwari, vari murima mundangariro, vachisundwa nomwoyo yakaoma inotsvaka nharidzano dzisina maturo. Ivo vari kukurudzirwa kuwirirana nomuenzaniso wakakwana waKristu, “kufamba muhumwe naye,” nokudaro “vachipinza mufungo uri wose muutapwa kuuita kuti uteerere Kristu.” (VaKorose 2:6, 7; 2 VaKorinte 10:5, NW) Vanhu vanodisa kutarisana neichi chinetso vakatsiga mukutenda kwavo. Sezvavanojaira kufamba munzira yakafamba nayo Kristu, kunova kuri nyore nenzira inofambira mberi nokuda kwavo.

      7. Chipikirwai chatinacho chokuti, kunyange zvazvo kazhinji kazhinji kuri chinetso, kutevera tsoka dzaJesu kunobvira?

      7 Kazhinji kazhinji, zvisinei, chinetso. Musiano uri pakati pechisikwa chakakwana nechisina kukwana mukuru. Naizvozvo zvisikwa zvisina kukwana zvinofanira kuita chinjo huru kuti zviedze kutevera muenzaniso wakakwana. Vamwe vanhu, nemhaka zvichida yenhaka kana kuti mhoteredzo, vane chitambudzo chikuru chokuwirirana nenzira yaKristu youpenyu kupfuura zvinoita vamwe. Asi Jehovha anotipikira kuti munhu upi noupi anodisa chaizvoizvo kuzvishandisa amene anogona kukuita. “Ndingaita zvose naiye unondipa simba,” akadaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:13; onawo 2 VaKorinte 4:7; 12:9.) Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvamaKristu ose.

      Ipa Ngwariro

      8, 9. (a) Neiko ngwariro isina kukamuraniswa nokupa pfungwa yakakomba kuri madikanwa pakutevera tsoka dzomumwe munhu? (b) Kutevera zanoi reBhaibheri kuchatidzivisa kubva mutsoka dzaJesu?

      8 Hatigoni kutevera tsoka chaidzoidzo pasina kungwarira patiri kutsika. Kana meso edu akadzungaira—achitarira pazvinhu zviri kuitika makatipoteredza kana kuti pazvimwe zvinhu—tinosungirwa kupotsa nhanho nokukurumidza. Kutoti tikapa ngwariro isina kukamuramiswa ndokufungisisa zvikuru, tichabva mutsoka dzatinofanira kuva tichitevera. Nokudaro, nguva dzose pane kudikanwa kwokungwarira, zvikurukuru apo mheremhere dzakamwe kamwe kana kuti zvimwe zvinotsausa zvisingakarirwi zvingabvisa ndangariro yedu pabasa riri kuitwa.—Enzanisa naJobho 18:10, 11.

      9 Nenzira yokufananidzira, ikoku ndokwechokwadiwo nezvaavo vari kutevera tsoka dzaJesu. Jesu akanyevera vateveri vake kusanopa ngwariro kwavari vamene, kutyira kuti mwoyo yavo “ingaremedzwa nokudyisa nokunwisa nefunganyo dzoupenyu.” (Ruka 21:34, NW) Satani anoshandisa izvi zvinotsausa zuva nezuva kutiparira kubvisa meso edu patsoka dzaJesu. Iye anokurumidza kutibvurira kupfurikidza nokushandisa migariro isingakarirwi, zvakadai sechishoro, chirwere, kana kuti zvinetso zvemari. Kuti tive nechokwadi “chokuti tisatongokukurwe,” tinofanira “kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose kuzvinhu zvakanzwiwa,” namamwe mashoko, kuchengeta meso edu akasanonangidzirwa zvikuru panhanho dzaKristu kupfuura nakare kwose.—VaHebheru 2:1, NW; onawo 1 Johane 2:15-17.

      Usatsauka

      10. (a) Ingozii inovapo apo tsoka dzinogurana? (b) Mupfungwa yomudzimu, neiko miuyo yokutevera tsoka dzakaipa yakakomba?

      10 Pamhenderekedzo yegungwa, pane vanhu vakawanda pangava netsoka dzinoverengeka mujecha nyoro, uye mamwe makwara etsoka angagura dzatiri kutevera. Tsoka dzakawanda, nechapamusoro, dzingafanana. Kunokosha sei kuva nechokwadi chokuti tiri kutevera dzakarurama! Kukasadaro tingatsauswa ndokutevera nzira yakaipa. Mupfungwa yomudzimu, ikoku kungagona kuva nemiuyo yakakomba. Ngozi iri mukutevera tsoka dzingatarisika kuva dzakarurama asi idzo chaizvoizvo dzisiri inoratidzwa muchirevo chinonyevera, kuti: “Munhu unoona nzira achiti yakarurama; asi kuguma kwayo inzira dzorufu.”—Zvirevo 16:25.

      11. Inyeveroi yakapa Pauro maKristu apakuvamba, ichigadza muenzaniso nokuda kwavanaani nhasi?

      11 Nemhaka yeiyi ngozi chaiyoiyo zvikuru, Pauro akanzwa agombedzerwa kunyevera hama dzake dzaiva muungano yechiKristu yapakuvamba, kuti: “Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo wakakudai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kune imwe evhangeri. . . . Asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura evhangeri yaKristu. . . . Akakuparidzirai imwe evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.” (VaGaratia 1:6-9) Mukuwirirana nomuenzaniso waPauro, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha nhasi unotinyevera nezvavawi pakutenda nehama dzenhema idzo dzinoisa, sokunge zvakadaro, tsoka dzechipameso. MaKristu echokwadi haadi kubva munzira iyo Kristu akaisa pamberi pawo panhungamiro yaMwari.—Pisarema 44:18.

      12. (a) Timotio Wechipiri 1:13 inogona sei kutibetsera kudzivisa kutsauswa ndokupinda mukutevera tsoka dzechipameso? (b) Chii chinoratidzira mamwe marudzi amashoko akanaka?

      12 Kupfurikidza nokusanopa ngwariro kuzviratidzo zvinozivisa zvetsoka dzaKristu, tinodzivisa kutsauswa. Zivo yakarurama pamusoro paJesu, pamusoro pedzidziso dzake, uye pamusoro penzira inoshanda nayo ungano yechiKristu inotibetsera kuziva “mutoo wamashoko akanaka” uyo unotidzivirira paavo “vanoshatisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (2 Timotio 1:13, NW) Mamwe marudzi aanonzi mashoko akanaka—chaizvoizvo, tsoka dzechipameso—anokundikana kupinda mumutoo iwoyo wezvokwadi. Iwo anoushatisa, achibudisa pikicha mufokasi. Panzvimbo pokujekesa zvokwadi nenheyo dzehwaro dzeBhaibheri, ivo vanozvipikisa. Panzvimbo pokutikurudzira kumubato mukuru zvikuru mubasa raJehovha, ivo vanoita nharo vachida kuderera. Shoko ravo harina kunanga uye harirumbidzi zita raJehovha nesangano; rakashata, nderokuwanira mhaka, uye nderokutsoropodza. Zvamazvirokwazvo, idzi hadzisi tsoka dzatinoda kutevera.

      Chengeta Nhanho Yakafanira

      13. Nhanho inobatanidzwa sei patinenge tichitevera tsoka dzomumwe munhu?

      13 Patinofamba, urefu hwenhanho yedu hunotapura murutivi nokukurumidza kufamba kwatinoita. Kazhinji kazhinji, tikafamba nokukurumidza zvikuru, nhanho yedu inovawo refu; tikafamba zvishoma zvikuru, inovawo pfupi zvikuru. Nokudaro, kuchava kuri nyore zvikuru nokuda kwedu kutevera tsoka chaidzoidzo dzomumwe munhu kana tikagadziridza nhanho yedu kuti iwirirane neyake. Nenzira yakafanana, kuti tifambe nenzira inobudirira munhanho dzokufananidzira dzoMutungamiriri wedu, Jesu Kristu, tinofanira kuchengeta nhanho yake.

      14. (a) Tingasawirirana naJesu munzirai? (b) Neiko huri upenzi kuedza kukurumidza kufamba kupfuura “muranda akatendeka nowakachenjera”?

      14 Kusawirirana naKristu kungagona kureva chimwe chezvinhu zviviri. Zvimwe tinoedza kukurumidza zvikuru, tichimhanyira mberi kwo“muranda akatendeka nowakachenjera” uyo Jesu ari kushandisa kuita donzo raJehovha, kana kuti tinononoka tiri shure mukutevera nhungamiro yo‘muranda’ iyeyo. (Mateo 24:45-47, NW) Somuenzaniso wechokutanga, mamwe maKristu munguva yakapfuura akava asingashiviriri pamusoro pechinjo dzorudzidziso kana kuti dzesangano kana kuti kunatsa izvo iwo akarangarira kuti zvakanga zviri madikanwa uye zvanonoka. Achiva anoodzwa mwoyo nemhaka yokuti akarangarira kuti zvinhu zvakanga zvisiri kufamba nokukurumidza zvakakwana, iwo akabva muvanhu vaJehovha. Hupenzi hwakadini uye kuona zviri pedyo sei! Kazhinji kazhinji chinhu chimene icho chakaakangaidza gare gare chakachinjwa—munguva yakafanira yaJehovha.—Zvirevo 19:2; Muparidzi 7:8, 9.

      15. Mambo Dhavhidhi naJesu vakanga vari sei mienzaniso yakanaka yokuchengeta nhanho yakafanira?

      15 Nzira youchenjeri kumirira Jehovha kuti aite chiito panzvimbo pokuedza kuraira nhanho inofanira kuitika nayo zvinhu. Mambo wakare Dhavhidhi akagadza muenzaniso wakafanira. Iye akaramba kurangana kurwisana naMambo Sauro mukuedza kuda umambo nguva yakafanira yaJehovha yokuhupa kwaari isati yasvika. (1 Samueri 24:1-15) Nenzira yakafanana, “Mwanakomana waDhavhidhi,” Jesu, akaziva kuti aizofanira kumira kuti apinde zvizere muumambo hwake hwokudenga. Iye aiziva kutaura kwouporofita uko kwakashanda kwaari: “Gara kurudyi rwangu, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.” Naizvozvo apo boka ravaJudha rakada “kumubata kumuita mambo,” Jesu akakurumidza kuenda. (Mateo 21:9; Pisarema 110:1; Johane 6:15, NW) Makore 30 gare gare, mukuwirirana naVaHebheru 10:12, 13, Jesu akanga achiri kumirira umambo hwake. Kutaura idi, iye akamirira anodokusvika makore ane mazana 19 asati agadzwa saMambo ane maruramiro woUmambo hwaMwari pakugadzwa kwahwo muna 1914.

      16. (a) Enzanisira kuti tinganonoka zvikuru sei kufamba kupfuura zvatinofanira. (b) Chii chiri donzo reshiviriro yaJehovha, uye tinofanira kudzivisa sei kushatisa shiviriro iyoyo?

      16 Kukundikana kuchengeta nhanho yakafanira, zvisinei, kungagona kurevawo kuderera, kunonoka uri shure. Nokudaro, apo Shoko raMwari rinoratidzira kuti chinjo dzinofanira kuitwa muupenyu hwedu, tinoita pasina kunonoka here? Kana kuti tinoita nharo here kuti sezvo Mwari achishivirira, tinogona kunonotsa kuita chinjo dzakadaro kutosvikira gare gare, tichikarira kuti kungava kuri nyore panguva iyoyo? Chokwadi, Jehovha anoshivirira. Asi uku hakusati kuri kuti tiregeredze pamusoro pokuita gadziridzo dzinodikanwa. Panzvimbo pezvo, “iye anokushivirirai nemhaka yokuti haasati achishuva kuti upi noupi aparadzwe asi anoshuva kuti vose vasvike parupfidzo.” (2 Petro 3:9, 15, NW) Kuri nani zviri sei, ipapoka, kutevedzera wezvamapisarema uyo akati: “Ndakakurumidza, handina kunonoka kuchengeta mirairo yenyu.”—Pisarema 119:60.

      17. Kuchengeta nhanho yakafanira kunei chokuita nokuparidzira Umambo, kuchititungamirira kukuzvibvunza mubvunzoi?

      17 Kunonoka uri shure kungagonawo kubatanidza kuparidzira Umambo. Mukuwirirana naMateo 25, Jesu panguva ino ari kutonga rudzi rwomunhu, achibvisa “makwai” mu“mbudzi.” Ikoku kuri kuitwa zvikurukuru kupfurikidza nokuparidzirwa kwa“aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 24:14, NW; 25:31-33; Zvakazarurwa 14:6, 7) Nguva yakagoverwa kuita iri basa rokuparadzanisa yakaganhurirwa nenzira iri madikanwa. (Mateo 24:34) Sezvo nguva inowanika ichiswedera kumugumo, tinogona kukarira Jesu kukurumidzisa basa. Mukuita saizvozvo, iye ari kushanda sechombo chaMwari, uyo, achitaura nezvebasa rokuunganidza, anopikira, kuti: “Ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Savashandi biyake vaMwari, vanosanotevera tsoka dzoMwanakomana wake, tiri kukurumidzisa here nhanho yedu yokuparidzira Umambo kusvikira patambanuko inobvumira mugariro wedu womuviri nemitoro yapaMagwaro? Mishumo yebasa romumunda inoratidzira kuti mamirioni eZvapupu zvaJehovha ari kudaro!

      Dzivisa Kunyanyova Nechivimbo, Rwisa Kuora Mwoyo

      18. Neiko mumwe munhu angava anonyanyova nechivimbo, uye Bhaibheri rinonyevera sei nezveiyi ngozi?

      18 Kana tikapfuurira kwenguva refu tichitevera tsoka dzomumwe munhuwo zvake, nzira yake yokufamba inova yomuitiro zvikuru nokuda kwedu. Kana, kunyanguvezvo, tikava vasingakendengi, nokukurumidza tichapotsa nhanho. Nokudaro, pakutevera nhanho dzokufananidzira dzaJesu, tinofanira kuziva ngozi yokunyanyova nechivimbo, kuvimba nokusangwarira nesimba redu timene nemano, tichirangarira kuti takabata nzira yake yakakwana yokufamba. Chinoitika chaPetro chakanyorwa pana Ruka 22:54-62 chinobatira senyevero yakakodzera nguva. Icho chinosimbisawo uzvokwadi hwa 1 VaKorinte 10:12, iyo inoti: “Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.”

      19. (a) Chii chinoitika kumuKristu ari wose panguva nenguva? (Jakobho 3:2) (b) Tinofanira kurangarira sei mashoko aPauro ari pana VaRoma 7:19, 24?

      19 Nemhaka yokusakwana, muKristu ari wose achaita mhosho panguva nenguva. Musiano wacho ungava muduku, usinganyatsooneka kuvamwe. Kana kuti kungava kupotswa kunooneka kwakadaro kwechiratidzo zvokuti kuchaonwa navose. Muchinoitika chimwe nechimwe, kunonyaradza sei kuyeuka kubvuma kwokutendeseka kwaPauro: “Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi ndizvo zvandinoita. Ndiri munhu uri pakutambudzika!” (VaRoma 7:19, 24) Chokwadika, aya mashoko haasati achifanira kurangarirwa sepembedzo yokuita zvakaipa. Panzvimbo pezvo, iwo ikurudziro kumaKristu akazvipira anorwisana nokusakwana, inoabetsera kupfuurira mukuedza kwawo kusangana nechinetso chokufamba mutsoka dzakakwana dzaJesu.

      20. (a) Zvirevo 24:16 inotibetsera sei munhangemutange yedu youpenyu? (b) Tinofanira kuva vakatsunga kuitei?

      20 “Nokuti munhu wakarurama ungawa kanomwe, achisimukazve,” inodaro Zvirevo 24:16. Munhangemutange yedu youpenyu, hakuna munhu anofanira kunzwa achisundwa kurega. Iyi nhangemutange yakafanana nenhangemutange refu, nhangemutange yetsungiriro, kwete kumhanya mayadhi ane zana. Mhosho dukusa yomumhanyi sezvingabvira zvikurusa ichamuparira kurasikira nenhangemutange yacho. Asi mumhanyi wenhangemutange refu zvikuru, kunyange kana akagumbuka, ane nguva yokunaya ndokupedza kumhanya. Naizvozvo apo chikanganiso chomunhu oga chakati chinokuita kuti udanidzire kuti, “Ndiri munhu uri pakutambudzika!” yeuka kuti uchine nguva yokunaya. Uchine banza rokuwirirana noMutungamiriri wako, Jesu Kristu. Hapana chikonzero chokusava netariro! Hapana chikonzero chokurega! Tsunga, nebetsero youmwari, kusangana nenzira inobudirira nechinetso cho‘kusanotevera tsoka dzaJesu.’—1 Petro 2:21.

  • Vanhu Vanofamba Mutsoka dzaJesu
    Nharireyomurindi—1988 | May 1
    • Vanhu Vanofamba Mutsoka dzaJesu

      “Takafamba mumudzimu mumwe chetewo, hatina here? Mutsoka dzimwe chetedzo, hatina here?”—2 VAKORINTE 12:18, NW.

      1. Neiko kusati kuchiwanzova kwakaoma kuziva mumwe weZvapupu zvaJehovha?

      “SEBOKA, ivo vakapfava, vakavimbika, uye vanoita zvakanaka muchikoro. Uku hakugoni kutaurwa nezvamamwe mapoka.” Akataura kudaro mukuru wechikoro chepuraimari muUnited States. Iye akanga achitaura nezvavanaani? Vana veZvapupu zvaJehovha avo vakanga vari vadzidzi muchikoro chake. Zvamazvirokwazvo, vazhinji vakacherechedza kuti Zvapupu zvaJehovha, kubatanidza vana vazvo, kazhinji kazhinji vakatodzana nezvimwe Zvapupu munzira dzakati. Mumakore apfuura kwakava pachena nenzira inowedzera kuti ivo vakabatana zvinoshamisa pamusoro pezvitendero nomufambiro. Naizvozvo Zvapupu hazvina kuoma kuziva.

      2. Nderipi raiva vara rinoratidzira reungano yechiKristu yapakuvamba, uye chii icho Pauro aitofanira kutaura pamusoro paichochi?

      2 Chinzwano cheZvapupu zvaJehovha ndichimwe chinhu chechienzi munyika ino isina kubatana. Asi hakuna kuoma kunzwisisa kana tikayeuka kuti zvose zviri kuvavarira kufamba mutsoka dzaJesu. (1 Petro 2:21) Chinzwano chakadaro chairatidzirawo maKristu omuzana rokutanga ramakore. Pane imwe nhambo, Pauro akapangira ungano yaiva muKorinte, kuti: “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.” (1 VaKorinte 1:10) Pauro akapawo zano rakafuridzirwa pamusoro penzira yokubata nayo navanhu vasingadisi kuchengeta chinzwano chechiKristu.—Ona VaRoma 16:17; 2 VaTesaronika 3:6.

      3, 4. Pauro akarondedzera sei chinzwano chaiva pakati pake amene naTito, uye chii chakanga chiri hwaro hweichi chinzwano?

      3 Munenge mugore ra 55 N.V., Pauro akatuma Tito kuKorinte kunobatsira mukuita mipiro nokuda kwehama dzaishaiwa muJudhea uye sezvinobvira kundoona kuti ungano yakanga ichiita sei kuzano raPauro. Gare gare pakunyorera vaKorinte, Pauro akanongedzera kushanyo yemisi yakanga ichangobva kupfuura yaTito ndokubvunza, kuti: “Tito haana kutongokutorerai chinhu, akatora here? Takafamba mumudzimu mumwe chetewo, hatina here? Mutsoka dzimwe chetedzo, hatina here?” (2 VaKorinte 12:18, NW) Pauro akareveiko kupfurikidza nokufamba kwavo “mumudzimu mumwe chetewo” uye “mutsoka dzimwe chetedzo”?

      4 Iye akanga achitaura chinzwano chaivapo pakati pake naTito. Tito akanga ari mufambidzani waPauro wapanhambo nenhambo, uye iye pasina panikiro akadzidza zvakawanda kuna Pauro neiyi nzira. Asi chinzwano chaivapo pakati pavaviri chakanga chakavakirwa pachimwe chinhu chakasimba zvikuru kupfuura ichocho. Icho chakanga chakavakirwa paukama hwavo hwakaisvonaka naJehovha uye paidi rokuti vose vari vaviri vakanga vari vateveri vetsoka dzaKristu. Tito akatevedzera Pauro sezvo Pauro akatevedzera Kristu. (Ruka 6:40; 1 VaKorinte 11:1) Naizvozvo makanga muri mumudzimu waJesu nomutsoka dzake umo ivo vakanga vachifamba.

      5. Chii chatinogona kukarira kuvanhu nhasi vanotevedzera Pauro naTito sezvavanofamba “mumudzimu mumwe chetewo” uye “mutsoka dzimwe chetedzo”?

      5 Hakuzi kwechienzi, ipapoka, kuti maKristu ezana rino ramakore rechi 20, anofamba “mumudzimu mumwe chetewo” no“mutsoka dzimwe chetedzo” saPauro naTito, anofarikanya chinzwano chisina muenzaniso. Kutaura idi, kusanzwana kwamaKristu nezita kunoaratidzira samaKristu enhema, asingafambi mutsoka dzoMutungamiriri uyo vanoti vanotevera. (Ruka 11:17) Uyu musiano unoshamisa uri pakati pamaKristu echokwadi nezita unogona kuenzanisirwa munzira dzakasiana-siana. Ngatidudzei ina.

      Utsvene Hweropa

      6, 7. (a) Murangariroi wakarurama weropa unobatanidzwa mukufamba mutsoka dzaJesu? (b) Chii chiri musiano uri pakati peZvapupu zvaJehovha navamwe nhasi vanoramba kuisirwa ropa?

      6 Munenge mugore ra 49 N.V. mutumbi unodzora weungano yomuzana rokutanga ramakore wakatumira tsamba iyo yakapindura mubvunzo, waiti: Ko maKristu asiri echiJudha anofanira kuteerera Mutemo waMosesi here? Tsamba yacho yakataura izvi: “Mudzimu mutsvene nesu timene takada kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kwezvinhu izvozvi zviri madikanwa, kuti murambe muchirega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori neropa uye nezvinhu zvakadzipwa noufeve.” (Mabasa 15:28, 29, NW) Cherechedza kuti pakati pe“zvinhu zviri madikanwa” pakanga pane kurega ropa. Kufamba mutsoka dzaJesu kwaizoreva kusapinza ropa mumuviri napamuromo kana kuti zvimwe nomuimwe nzira ipi neipi.

      7 Iyi nheyo yakapunzwa zvakajeka muchiKristudhomu nomuitiro wokuisira ropa. Chokwadi, mumakore achangobva kupfuura aya chiverengero chakati chavanhu chakaziva nezvengozi kuutano dzokuisirwa ropa uye vakakuramba nokuda kwezvikonzero zvokurapwa. Ikoku ndokwechokwadi zvikurukuru sezvo vazhinji vakabata AIDS yakabva muropa rakaisirwa. Asi ndivanaani vanotsigira utsvene hweropa nokuda kwokuremekedzwa kwomutemo waMwari, vanoita saizvozvo seboka? Apo murwere anoramba kuisirwa ropa, ndiani uyo chiremba anoerikana amufunga kuva? Ko chiremba haasati achiwanzoti here: ‘Iwe unofanira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha’?

      8. Chimwe Chapupu chomuItaly chakakomborerwa sei nokuda kwokutsunga kwacho kuchengeta mutemo waMwari muna ikoku?

      8 Antonietta anogara muItaly. Anenge makore masere apfuura iye akanga achirwara zvikuru, uye ropa rake rakanga raderera kwazvo zvokuti vanachiremba vakataura kuti kuisira ropa kwaidikanwa kuponesa upenyu hwake. Iye akaramba uye akashorwa navose vari vaviri vanachiremba nehama dzokunyama. Kunyange vakomana vake vaviri vaduku vakateterera, kuti: “Mhamha, kana muchitida chaizvoizvo, isirwai ropa.” Asi Antonietta akanga akatsunga kuramba akatendeka, uye nomufaro haana kufa. Zvisinei, mugariro wake wakanga wakakomba kwazvo zvokuti chiremba akati: “Hatigoni kutsanangura chikonzero nei iye achiri mupenyu.” Asi apo bedzi rudzi rusingarambwi rwokurapwa rwakavambwa, iye akaita fambiro mberi nokukurumidza zvokuti mumwe chiremba akati: “Handigoni kukudavira—waisambogona kuva akanaya munguva pfupi yakadaro, kwete kunyange kana kudai takanga tapombera ropa mauri muswere wose wezuva.” Panguva ino, iye ndipiona wenguva dzose, uye vanakomana vake vaviri, zvino vane makore okukura 12 ne 14, vari kuita fambiro mberi yakaisvonaka muzvokwadi. Antonietta akachengeta noushingi ‘chinhu chiri madikanwa’ ichocho, utsvene hweropa. Vose veZvapupu zvaJehovha vane murangariro mumwe chetewo sezvavanofamba mutsoka dzaJesu.

      Tsika Dzakanaka

      9. Ndechipi chiri chimwe ‘chinhu chiri madikanwa’ chinobatanidzwa mukutevera tsoka dzaJesu, uye chii chinoitika kuavo vanokundikana kuchengeta ichochi?

      9 Chimwe ‘chinhu chiri madikanwa’ chakasimbiswa tsamba iyoyo yakabva kumutumbi unodzora wezana rokutanga ramakore chaiva “murambe muchirega . . . ufeve.” Mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, Pauro akakudza pana ikoku, achiti: “Kana vafevi, kana kuti vanonamata zvidhori, kana kuti vanhu vakachengeterwa madonzo asiri omuzvarirwo, kana kuti varume vanovatana navarume . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” (1 VaKorinte 6:9, 10, NW) MaKristu anobetsera vanhu vanoda kubatira Jehovha kuzvibvisira vamene iyi miitiro isina kuchena. Kunyange mitezo yeungano inobatwa nayo inobetserwa kuzvichenesa imene kana ikatenderuka ndokupfidza. (Jakobho 5:13-15) Asi kana muKristu upi noupi akawira mumiitiro ine tsvina yakadaro uye achiramba kupfidza, mutemo weBhaibheri wakananga unoshanda. Pauro akafuridzirwa nenzira youmwari kuti: “Murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombwe. . . . Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.”—1 VaKorinte 5:11, 13.

      10, 11. (a) Ndivanaani vanofanira kutakura mutoro wemipimo yetsika yakaderera muchiKristudhomu, uye nei? (b) Chinoitika chomumwe murume womuPhilippines chinoratidzira sei kuti, seboka, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta mipimo yakakwirira yetsika?

      10 Pasinei zvapo neiyi dzidziso yakajeka, chiKristudhomu chakazadzwa noutere. Vakuru vorudzidziso avo vanoderedza mipimo youmwari vanoshorwa nokuda kwouyu mugariro, sezvakaita avo vanongotaurawo zvawo mipimo yeBhaibheri asi vanokundikana kuita kuti ichengetwe nenzira youshingi muungano dzavo. Kunyanguvezvo, muna ikokuwo, Zvapupu zvaJehovha savanhu zvinofamba mutsoka dzaJesu.

      11 Rangarira Jose, wokuPhilippines. Pazera ramakore 17 iye akanga ava kutozivikanwa somupariri wezvinetso nomubhejeri. Iye aiwanzodhakwa, akanga achirarama upenyu hwoutere, uye kazhinji kazhinji aipinda mutorongo nokuda kwokuba. Ipapo iye akaonana neZvapupu zvaJehovha. “Fundo yeBhaibheri yakachinja chose chose upenyu hwangu,” iye anodaro. “Handisati ndichanwa nokusvuta, uye ndakadzidza kudzora hasha dzangu. Zvino ndine hana yakachena, ndichingova nomudzimai mumwe chete. Ndakawanawo ruremekedzo rwavavakidzani vangu, avo vaisiwanzondidana kuti ‘Jose, ane mukurumbira wakaipa’ uye ‘Jose, chipoko.’ Zvino vanondidana kuti ‘Jose, Chapupu chaJehovha.’ Mwanakomana wangu nomuzukuru wangu vabatiri vanoshumira muungano mandinobatira panguva ino somukuru napiona wenguva dzose.” Jose namamirioni ezvimwe zvapupu zvechiKristu zvaJehovha vanofamba mutsoka dzaJesu samaKristu akachena mutsika.

      Kusatora Rutivi

      12. Chimiroi chamaKristu echokwadi chakasimbisa Jesu mumunyengetero wake wakanyorwa muna Johane ganhuro 17?

      12 Mumunyengetero murefu uyo Jesu akapa pamadekwana okupedzisira iye akanga ane vadzidzi vake, iye akadudza imwe nzira iyo vateveri vake vaizo‘famba mutsoka dzake’ nayo. Achitaura nezvavadzidzi vake, iye akati: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kufanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16, NW) Ikoku kunoreva kuti maKristu haatori rutivi. Panzvimbo pokutora rutivi mune zvamatongerwe enyika kana kuti rwisano dzamarudzi, anoudza vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari, mushonga bedzi kuzvinetso zvenyika ino.—Mateo 6:9, 10; Johane 18:36.

      13, 14. (a) ChiKristudhomu chakasiana sei neZvapupu zvaJehovha munhau yokusatora rutivi? (b) Kuchengeta kusatora rutivi mune zvematongerwe enyika kweChapupu muJapan kwakashanda sei kubetserwo youhama hwose?

      13 Iyi nheyo yokusatora rutivi yakakanganwiwa nemitezo mizhinjisa yechiKristudhomu, nokuda kwayo mviromviro dzorudzi dzinowanzova dzinokosha zvikuru kupfuura batano dzorudzidziso. Munyori wenhau weboka ramapepanhau Mike Royko anoonesa kuti “maKristu” haana kutongo“katyamadzwa pamusoro pokurwa hondo namamwe maKristu,” achiwedzera, kuti: “Kudai akanga adaro, zhinjisa dzehondo mhenyu zvikurusa muEurope dzingadai dzisina kutongoitika.” Kuti Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta kusatora rutivi chaiko kwechiKristu munguva dzehondo iidi rinosanozivikanwa. Asi savateveri vetsoka dzaJesu, ivo havatoriwo rutivi munhau dzenzanga kana kuti dzezvamatongerwe enyika. Nokudaro, hapana chinhu chinovhiringidza chinzwano chazvo chinoshamisa chenyika yose.—1 Petro 2:17.

      14 Kusatora rutivi kwazvo pane dzimwe nguva kunounza miuyo isingakarirwi. Muruwa rweTsugaru rwokuchamhembe kweJapan, somuenzaniso, kusarudza kunorangarirwa zvakakomba zvikuru. Asi Toshio, mutevedzeri wamanija muBato rezveMari rehofisi yomunzvimbomo yehurumende, akaramba nokuda kwezvikonzero zvehama kubatanidzwa munhimbe yokusarudzwazve kwameya. Ikoku kwakaguma nokuderedzerwa kwake kunzvimbo yakaderera muBato Rokurashwa Kwetsvina yeguta. Gore rimwe gare gare, zvisinei, meya akasungwa ndokumanikidzirwa kurega basa nemhaka yemiitiro yakaipa. Meya mutsva akasarudzwa. Apo iye akanzwa nezvokuderedzwa kwaToshio, iye akamudzorera kunzvimbo yakakwirira yokutungamirira, uye ikoku kwakaunza zvikomborero kuhama dzechiKristu dzaToshio. Seiko? Toshio anotsanangura kuti kwakaoma zvikuru kuwana mvumo yokushandisa horo nokuda kwokuungana kunze kwezvinoitika zvokumhanya. Asi munzvimbo yake yazvino, “Jehovha akakwanisa kundishandisa”—kunokora mashoko aToshio amene—“kuwana kushandiswa kwehoro dzakadaro nokuda kwekokorodzano dzoruwa nhatu namagungano eruwa mana.” Iye anogumisa, kuti: “Chero bedzi tikaramba takatendeka, Jehovha achazarura nzira dzisingafungidziriki kuti atishandise.”

      Mumusha

      15. Jesu akasiya sei muenzaniso wavateveri vetsoka dzake munhau youkama hwemhuri?

      15 Rumwe rutivi umo maKristu ‘anotevera tsoka dzaJesu’ rwuri mumusha. Bhaibheri rinosimbisa muenzaniso waJesu somuenzaniso woukama hwomumba parinoti: “Zviisei pasi pomumwe nomumwe mukutya Kristu. Vadzimai ngavazviise pasi pavarume vavo sokunaShe, nemhaka yokuti murume ndiye musoro womudzimai wake saKristuwo ari musoro weungano . . . Kutaura idi, ungano sezvainozviisa pasi paKristu, naizvozvo vadzimai ngavadarowo kuvarume vavo muchinhu chiri chose. Varume, pfuurirai kuda vadzimai venyu, kungofanana naKristu akadawo ungano ndokuzvipa amene nokuda kwayo.”—VaEfeso 5:21-25, NW.

      16, 17. (a) Mugariroi wakashata uri muchiKristudhomu kana toreva nezvoukama hwomumba? (b) Ukama hwomumba hunongogona bedzi sei kuvandudzwa, sezvinoratidzwa nechinoitika chavaviri vakaroorana vomuBrazil?

      16 ChiKristudhomu nhasi chinofuratira zvikurusa iri zano uye nokudaro chakazara nemhuri dzakapunzika. Misha yakapunzika inozivikanwa navose, uye rwisano dzavabereki navana dzinowanzokura zvikuru. “Mhuri iri kuparadzika,” akadaro purofesa wokushanda kwendangariro makore akati apfuura. Nyanzvi dzokushanda kwendangariro dzavana, vapi vezano veroorano, uye varapi vendangariro vanongova nebudiriro yakaganhurirwa bedzi mukuchengeta mhuri dzakapinzwa mungozi dziri pamwe chete. Asi Zvapupu zvaJehovha zvinoedza zvakaoma kushandisa nheyo dzeBhaibheri uye zvinozivikanwa nokuda kwoukama hwemhuri huri nani kupfuura avhareji.

      17 Aldemar, somuenzaniso, akanga ari mukuru mumapurisa amauto eBrazil uye aiva nezvinetso zvemhuri. Mudzimai wake akamusiya ndokutsvaka paradzano yapamutemo. Iye akavamba kunwa zvikuru uye akatoedza kuzviuraya. Gare gare, hama dzake dzokunyama, idzo dziri Zvapupu zvaJehovha, dzakataura kwaari pamusoro peBhaibheri. Iye akada zvaakanzwa ndokuvamba kufunda. Achida kutsinhiranisa upenyu hwake nechimiro chokusatora rutivi icho Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuda kwacho, iye akakumbira kubudiswa mumauto. Aldemar nomudzimai wake vakapedza misiano yavo yeroorano nokushandisa nheyo dzeBhaibheri idzo Aldemar akanga achidzidza. Nhasi, ivo vari kutevera mutsoka dzaJesu, vachibatira Jehovha pamwe chete samapiona enguva dzose.

      Zvinoteerera Nemhaka Yorudo

      18. (a) Neiko Zvapupu zvaJehovha zviri kukomborerwa mumudzimu nhasi? (b) Isaya 2:2-4 iri kuzadzika sei nhasi?

      18 Kuri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kufamba zvakabatana mumudzimu uye mutsoka dzaKristu Jesu. Savanhu vamwe navamwe uye seboka, izvo zviri kukomborerwa mumudzimu nokuda kwokuita saizvozvo. (Pisarema 133:1-3) Ufakazi huri pachena hwechikomborero choumwari hwakasunda vazhinji vavanhu vane mwoyo wakatendeseka kuita mutsinhirano nouporofita hwaIsaya 2:2-4. Mumakore mashanu bedzi apfuura, 987 828 vakaita nhanho dziri madikanwa dzetsauriro uye ipapo vakazvipa vamene nokuda kworubhapatidzo rwomumvura. Norudo, Jehovha haana kuisa ganhuriro youdzvinyiriri pachiverengero chavanhu vanogona kuita ikoku “dambudziko guru” risati rarova!—Zvakazarurwa 7:9, 14.

      19. (a) Ibetseroi dzinooneka dzingabva mukubatira Jehovha, uye dzinofanira kurangarirwa sei? (b) Ndechipi chiri chikonzero chedu chikuru chokuteerera mirairo yaJehovha?

      19 Sezvinoratidzira zvinoitika zviri pamusoro apa, zvikomborero zvomudzimu zvinofarikanywa navanhu vaMwari zvinowanzoperekedzwa nebetsero dzinooneka. Somuenzaniso, kupfurikidza nokurega kusvuta, kupfurikidza nokurarama upenyu hwakanaka, uye kupfurikidza nokuremekedza utsvene hweropa, ivo vangadzivisa kuva vanyajambwa kuhosha dzakati. Kana kuti nemhaka yokurarama mutsinhirano nezvokwadi, ivo vangabetsereka mune zvemari, munzanga, kana kuti mumba. Betsero dzipi nedzipi dzinooneka dzakadaro dzinorangarirwa sechikomborero chinobva kuna Jehovha, uye dzinobvumikisa kushanda kwemitemo yaJehovha. Asi kubvira kwokuwana betsero dzinoshanda dzakadaro hakusati kuri makuri kumene chikonzero chikuru chokuteerera nacho mitemo yaMwari. MaKristu echokwadi anoteerera Jehovha nemhaka yokuti anomuda, nemhaka yokuti akafanirwa nokunamata kwavo, uye nemhaka yokuti kuita kuda kwake ndiko chinhu bedzi chakarurama. (1 Johane 5:2, 3; Zvakazarurwa 4:11) NdiSatani anotaura kuti vanhu vanobatira Mwari bedzi bedzi nokuda kwebetsero dzoudyire.—Ona Jobho 1:9-11; 2:4, 5.

      20. Zvapupu zvaJehovha zvanhasi zviri kufamba sei mumudzimu mumwe chetewo seZvapupu zvitatu zvakatendeka zvechiHebheru zvomunguva dzakare?

      20 Zvapupu zvomuzuva razvino zvaJehovha zvinofamba mumudzimu mumwe chetewo sezvapupu zvitatu zvakatendeka zviduku zvechiHebheru zvomuzuva raDhanieri. Apo vakatyisidzirwa kukandirwa muchoto chomwoto chinopisa, ivava vakati: “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomwoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, [ndiko kutaura kuti, kunyange kana iye akatirega tichifa] zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” (Dhanieri 3:17, 18) Pasinei zvapo nebetsero dzinooneka dzapedyo kana kuti miuyo, Zvapupu zvaJehovha zvichapfuurira kusanotevera mutsoka dzaJesu, zvichiziva kuti upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari hunopikirwa! Savanhu vakabatana, ivo vachapfuurira kufamba “mumudzimu mumwe chetewo” uye “mutsoka dzimwe chetedzo,” chauya chauya!

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe