CHIDZIDZO 49
Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 1
Musi wemuchato vanhu vanenge vachichata vanenge vachitarisira kuti mufaro wavanenge vainawo ucharamba wakangodaro nekusingaperi. Uye zvechokwadi vanogona kufara nekusingaperi. VaKristu vava nemakore vakaroorana uye vakashanda nesimba kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri vanoziva kuti izvozvo zvinokwanisika.
1. Bhaibheri rinotii kuvarume?
Jehovha akasarudza murume kuti ave musoro wemba. (Verengai VaEfeso 5:23.) Jehovha anoda kuti murume asarudze zvinhu zvichabatsira mhuri yake. Bhaibheri rinoudza varume kuti: “Rambai muchida madzimai enyu.” (VaEfeso 5:25) Zvinorevei izvozvo? Murume ane rudo anobata mudzimai wake zvakanaka nguva dzese, vangava vari vega kana pane vanhu. Anochengetedza mudzimai wake uye anoita zvese zvaanogona kuti amuriritire achimuwanira nguva yekuva naye. (1 Timoti 5:8) Asi chikuru chaanoita kutungamirira mhuri yake pane zvekunamata. (Mateu 4:4) Anonyengetera uye kuverenga Bhaibheri nemudzimai wake. Murume anobata mudzimai wake zvakanaka anoramba aine ushamwari naJehovha.—Verengai 1 Petro 3:7.
2. Bhaibheri rinotii kumadzimai?
Shoko raMwari rinoti mudzimai anofanira “kuremekedza murume wake zvikuru.” (VaEfeso 5:33) Angazviita sei izvozvo? Anogona kufunga nezvezvinhu zvakanaka zvinoitwa nemurume wake uye kushanda nesimba kwaanoita kuti amuriritire pamwe nevana. Anoratidzawo ruremekedzo nekutsigira zvinosarudzwa nemurume wake uye kutaura naye zvakanaka. Haatauri zvakaipa nezvemurume wake kune vamwe vanhu kunyange kana murume wacho asingatendi.
3. Murume nemudzimai vangasimbisa sei imba yavo?
Bhaibheri rinoti kana vanhu varoorana vanova “nyama imwe.” (Mateu 19:5) Izvi zvinoreva kuti vanofanira kurwisa kanhu kese kanogona kuvaparadzanisa. Vanoita izvi nekugara vachiwana nguva yekuva pamwe chete, mumwe nemumwe achitaurawo zviri kutsi kwemwoyo wake. Hapana mumwe munhu kana chimwe chinhu chavanokoshesa kupfuura wavakaroorana naye, kunze kwaJehovha chete. Vanongwarira kuti varege kufambidzana, kunyange kujairirana, nemumwe munhu.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kusimbisa imba yako.
4. Varume idai uye chengetai madzimai enyu zvakanaka
Bhaibheri rinoti varume vanofanira “[kuda] madzimai avo semiviri yavo.” (VaEfeso 5:28, 29) Zvinorevei izvozvo? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Muvhidhiyo iyi ndedzipi dzimwe nzira dzingaratidzwa nadzo nemurume kuti anoda mudzimai wake uye anomukoshesa?
Verengai VaKorose 3:12, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Murume angashandisa sei zviri muvhesi iyi muwanano yake?
5. Madzimai idai uye remekedzai varume venyu
Bhaibheri rinoti mudzimai anofanira kuremekedza murume wake pasinei nekuti murume wacho mushumiri waJehovha here kana kuti kwete. Verengai 1 Petro 3:1, 2, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Kana murume wako asingatendi, zviri pachena kuti unotodawo kuti ave mushumiri waJehovha. Unofunga kuti ndechipi chinganyanya kukubatsira kuti umuunze kuna Jehovha, kugara uchimuparidzira kana kuti kuva mudzimai akanaka, uchimuremekedza? Nei wadaro?
Murume nemudzimai vanogona kuronga zvinhu vachiisa misoro pamwe chete. Asi dzimwe nguva mudzimai anogona kunge asiri kubvumirana nezviri kufungwa nemurume wake. Mudzimai anogona kutaura pfungwa dzakewo zvakanakanaka, asi anoziva kuti murume ndiye akapiwa naJehovha basa rekusarudza zvaanoona kuti ndizvo zvakanakira mhuri. Anofanira kuedza nepaanogona napo kutsigira zvasarudzwa nemurume wake. Kana akadaro, mumba mavo munogara muine mufaro. Verengai 1 Petro 3:3-5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Jehovha anonzwa sei kana mudzimai achiremekedza murume wake?
6. Munogona kugadzirisa zvinhu kana paine zviri kunetsa muwanano yenyu
Hapana murume nemudzimai vanobva vagara vasina kana pavanomboti pesanei. Saka murume nemudzimai vanofanira kutosimba kuti vakurire zvinenge zvichinetsa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.
Chii chinoratidza kuti rudo rwakanga rwava kutonhora mumba umu?
Vakaitei kuti vasimbise wanano yavo?
Verengai 1 VaKorinde 10:24 uye VaKorose 3:13. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Zano iri rinobatsira sei pakusimbisa imba?
Bhaibheri rinoti tinofanira kukudzana. Kukudza mumwe munhu kunosanganisira kumubata zvakanaka uye zvine ruremekedzo. Verengai VaRoma 12:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Murume kana mudzimai anofanira kumirira kuti atange iye kukudzwa nemumwe wake here? Nei uchidaro?
VAMWE VANOTI: “Mumba medu hamusisina rudo serwaimbovamo.”
Ungatsanangurira sei munhu akadaro kuti Bhaibheri rinogona kumubatsira?
PFUPISO
Murume nemudzimai vanogona kufara mumba mavo kana vachidanana, vachiremekedzana uye vachishandisa zvinotaurwa neBhaibheri.
Kudzokorora
Murume angaita sei kuti mumba muve nemufaro?
Mudzimai angaita sei kuti mumba muve nemufaro?
Izano ripi remuBhaibheri rinogona kukubatsira kusimbisa wanano yako?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Verenga unzwe mazano anoshanda anogona kukubatsira kuti uve nemhuri inofara.
Mhuri Yenyu Inogona Kufara (kabhuku)
Ona vhidhiyo yemumhanzi inoratidza makomborero anobva pakushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muwanano yako.
Ongorora kuti zvinorevei kuzviisa pasi pemurume.
“Sei Vakadzi Vachifanira Kuzviisa Pasi Pemisoro Yavo?” (Nharireyomurindi, May 15, 2010)
Mumwe murume nemudzimai vakanga vamborambana vakazokurira sei matambudziko akakura avaisangana nawo?