“Iye Wamunoda, Kunyange Musina Kumuona”
“Iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa.”—1 PETRO 1:8.
1. Kunyange zvazvo pasina munhu ari pasi pano nhasi akaona Jesu, vamwe vanhu vorudzidziso vanoedza sei kuratidza kuzvipira kwaari?
HAKUNA munhu mupenyu pasi pano nhasi akamboona Jesu Kristu. Bva, mamiriyoni avanhu anotaura kuti anomuda. Gore rimwe nerimwe pana January 9, muManila, Philippines, mufananidzo wakaenzana nomhumhu waJesu Kristu akatakura muchinjikwa unodhonzwa mumigwagwa mune kwakarondedzerwa sekuratidzirwa kukuru zvikurusa, kunoshamisa zvikurusa kwerudzidziso rwakakurumbira munyika yacho. Boka rinofara rinosundidzirana nokusaidzirana; vanhu vanototsikana pamusoro munhamburiko youpengo yokubata mufananidzo wacho. Vazhinji vanenge varipo kuti vachengete ikoku vanokwezvwa zvikurukuru nomudungwe unofara. Bva, vamwe vavo pasina mubvunzo vanhu vanonzwa vakweverwa zvapachokwadi kuna Jesu. Soufakazi hwaikoko, vangapfeka mufananidzo unoratidzira Jesu ari pamuchinjikwa kana kuti vanoenda kuchechi nguva dzose. Zvisinei, kunamata zvidhori kwakadaro kunogona kurangarirwa sekunamata kwechokwadi here?
2, 3. (a) Ndivanaani pakati pavateveri vaJesu vakamuona chaizvoizvo ndokumunzwa? (b) Ndivanaanizve muzana ramakore rokutanga vaida Jesu ndokushandisa kutenda maari, kunyange zvazvo vasina kutongomuona somunhu oga?
2 Muzana ramakore rokutanga, kwakanga kune zviuru zvizhinji mumaruwa eRoma eJudhea, Samaria, Perea, uye Garirea zvakaona ndokunzwa Jesu Kristu somunhu oga. Zvakateerera sezvaaitsanangura zvokwadi dzinofadza pamusoro poUmambo hwaMwari. Zvaive zvapupu zvakaona zvishamiso zvaakaita. Vamwe vaizvozvi vakava vadzidzi vake vakazvipira, vachipwiswa kuti akanga ari “Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateo 16:16) Zvisinei, avo muapostora Petro akanyorera tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa vakanga vasina kuva pakati paivava.
3 Avo vakanyorerwa naPetro vakanga vari mumaruwa eRoma ePonto, Garatia, Kapadokia, Asia, uye Bitinia—ose ari munharaunda yeTurkey yomuzuva razvino uno. Kwavari Petro akanyora kuti: “Iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya.” (1 Petro 1:1, 8) Vakanga vasvika sei pakuziva Jesu Kristu kusvikira kupfundo rokumuda uye kushandisa kutenda maari?
4, 5. Vanhu vaya vakanga vasina kutongoona Jesu vakadzidza sei zvakakwana pamusoro pake kuti vamude ndokumutenda?
4 Sezviri pachena, vamwe vakanga vari muJerusarema apo muapostora Petro akapupurira kuboka raipinda mutambo wePentekosta muna 33 C.E. Pashure pomutambo wacho vadzidzi vazhinji vakagara muJerusarema kuitira kuti vagamuchire mumwe murayiridzo waibva kuvaapostora. (Mabasa 2:9, 41, 42; enzanisa na1 Petro 1:1.) Pashanyo dzakadzokororwa dzoufundisi, muapostora Pauro akapfuuridzira ushumiri hwokushingaira pakatiwo pavanhu vaigara munharaunda iyo Petro gare gare akatumira tsamba yokutanga yeBhaibheri ine zita rake.—Mabasa 18:23; 19:10; VaGaratia 1:1, 2.
5 Nei vanhu ivavo, vakanga vasina kutongoona Jesu, vakakwezverwa zvakasimba kwazvo kwaari? Muzuva redu, nei mamwe mamiriyoni, kupota pasi rose, achimuda zvikuru?
Zvinhu Zvavakanzwa
6. (a) Kudai wakanga wanzwa Petro achipupura pamusoro paJesu paPentekosta 33 C.E., ungagona kuve wakadzidzei? (b) Ikoku kwakatapura sei vanenge 3 000 vaivepo?
6 Kudai wakanga wave uri muJerusarema apo Petro akataura kuboka iroro romutambo muna 33 C.E., ungadai wakadzidzei pamusoro paJesu? Pasina mubvunzo wose zvishamiso zvaakaita zvakaratidza kuti akatumwa naMwari. Kuti, kunyange zvazvo vanhu vanotadza vakanga vauraya Jesu, akanga asati achiri muguva asi akanga amutswa uye ipapo akakwidzwa kudenga kuruoko rworudyi rwaMwari. Kuti Jesu akanga ari, zvirokwazvo, Kristu, Mesiya uyo vaporofita vakanga vanyora nezvake. Kuti kupfurikidza naJesu Kristu, mudzimu mutsvene wakanga wadururirwa pavateveri vake zvokuti vakakurumidza kukwanisa kupupura kuvanhu vaibva kunyika dzakawanda pamusoro pezvinhu zvakaisvonaka izvo Mwari akanga achiita kupfurikidza noMwanakomana wake. Mwoyo yavazhinji vakanzwa Petro panhambo iyoyo yakaororwa zvikuru, uye 3 000 vakabhabhatidzwa savadzidzi vechiKristu. (Mabasa 2:14-42) Kudai wakanga wave uriko, ungadai wakaita chiito chakasimba chakadaro here?
7. (a) Kudai wakanga wave uri muAntiokia apo muapostora Pauro akaparidzako, ungadai wakadzidzei? (b) Nei vamwe vaiva muboka vakava vatendi ndokugoverana mashoko akanaka navamwe?
7 Kudai wakanga wave uri pakati paavo vaivepo apo muapostora Pauro akadzidzisa muAntiokia muruwa rweRoma rweGaratia, chiizve chaungadai wakadzidza pamusoro paJesu? Ungadai wakanzwa Pauro achitsanangura kuti kutongerwa rufu kwaJesu nevatongi vaiva muJerusarema kwakanga kwafanotaurwa navaporofita. Ungadaiwo wakanzwa pamusoro peufakazi hwezvapupu zvakaona rumuko rwaJesu. Zvirokwazvo ungadai wakaororwa nekutsanangura kwaPauro kwokuti kupfurikidza nokumutsa Jesu kuvakafa, Jehovha akasimbisa kuti iyeyu zvirokwazvo akanga ari Mwanakomana waMwari. Uye mwoyo wako ungadai usina kufara here sezvawaidzidza kuti kukanganwirwa kwezvivi kwakaitwa kuti kuve kunobvira kupfurikidza nokutenda Jesu kwaigona kutungamirira kuupenyu husingaperi? (Mabasa 13:16-41, 46, 47; VaRoma 1:4) Vachiziva revo yezvavakanga vachinzwa, vamwe vaiva muAntiokia vakava vadzidzi, vanogoverana nokushingaira mashoko akanaka navamwe, kunyange zvazvo kuita saizvozvo kwaireva kuti vaizotarisana nechitambudzo chakakomba.—Mabasa 13:42, 43, 48-52; 14:1-7, 21-23.
8. Kudai wakanga wave uri pamusangano weungano yeEfeso apo tsamba yaPauro kwavari yakagamuchirwa, ungagona kuve wakadzidzei?
8 Kudai wakanga wave uchisonganirana neungano yechiKristu yaiva muEfeso, muruwa rweRoma rweAsia, apo tsamba yaPauro yakafuridzirwa kuvadzidzi vaivako yakagamuchirwa? Ungagona kuve wakadzidzei mairi pamusoro pebasa raJesu mudonzo raMwari? Mutsamba iyoyo Pauro akatsanangura kuti kupfurikidza naKristu zvinhu zvose zviri mudenga napasi pano zvaizodzorerwa mutsinhirano naMwari, kuti chipo chaMwari kupfurikidza naKristu chaitambanukira kuvanhu vamarudzi ose, kuti vanhu vakange vafa mukuona kwaMwari nemhaka yekudarika kwavo vakanga vachiitwa vapenyu kupfurikidza nokutenda muna Kristu, uye kuti somugumisiro weiyi gadziriro, kwakava zvakare kunobvira kuti vanhu vave vanakomana vanodiwa vaMwari.—VaEfeso 1:1, 5-10; 2:4, 5, 11-13.
9. (a) Chii chinogona kukubetsera kunzwisisa kana iwe somunhu oga uchinzwisisa revo yeizvo Pauro akanyorera vaEfeso? (b) Hama dzaiva mumaruwa eRoma dzakadudzwa naPetro dzakatapurwa sei nezvadzakanga dzichidzidza pamusoro paJesu?
9 Kuonga zvose izvozvi kungadai kwakakudza kuda kwako Mwanakomana waMwari here? Rudo irworwo rungadai rwakapesvedzera upenyu hwako hwezuva nezuva, seizvo muapostora Pauro akakurudzira muganhuro 4 kusvikira ku6 raVaEfeso here? Kuonga kwakadaro kungadai kwakakusunda here kunzvera zvokutanga zvako umene muupenyu nokungwarira? Nemhaka yokuda Mwari nokuonga kuMwanakomana wake, waizodai wakaita gadziridzo dzinodikanwa kuitira kuti kuitwa kwekuda kwaMwari kuve zvirokwazvo chinhu chikuru choupenyu hwako here? (VaEfeso 5:15-17) Pamusoro penzira iyo vaKristu vaiva muAsia, Garatia, uye mamwe maruwa eRoma vakatapurwa nayo neizvo vakanga vachidzidza, muapostora Petro akavanyorera kuti: “[Jesu Kristu] wamunoda, kunyange musina kumuona . . . munotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya.”—1 Petro 1:8.
10. (a) Pasina mubvunzo chii chakapesvedzera vaKristu vapakuvamba kuda Jesu? (b) Tinogona kubetserwawo sei?
10 Kwakanga kune chimwewo chinhu icho pasina mubvunzo chakapesvedzera kuda Mwanakomana waMwari kwakanzwikwa nevaKristu ivavo vapakuvamba avo Petro akanyorera. Ichocho chaiva chii? Panguva iyo Petro akanyora tsamba yake yokutanga, dzinenge mbiri dzeEvhangeri—Mateo naRuka—dzakanga dzichitoparadzirwa. VaKristu vemuzana ramakore rokutanga avo vakanga vasina kutongoona Jesu vaigona kurava idzi nhoroondo dzeEvhangeri. Isu tinogonawo. Evhangeri hadzisi nhoroondo dzokufungidzira; dzine zvose zvinoratidzira nhau inovimbika zvikurusa. Muzvinyorwa izvozvo zvakafuridzirwa, tinowana zvizhinji zvinosimbisa kuda kwedu Mwanakomana waMwari.
Chimiro Chendangariro Chaakaratidza
11, 12. Chii chiripo pamusoro pechimiro chendangariro icho Jesu akaratidza kune vamwe vanhu chinokuita kuti umude?
11 Imomo muchinyorwa chakanyorwa choupenyu hwaJesu, tinodzidza mabatire aakaita nevamwe vanhu. Chimiro chendangariro chaakaratidza chinoorora mwoyo wavanhu kunyange zvino, makore anopfuura 1 960 pashure pokunge afa. Munhu ari wose mupenyu anotambudzwa netapuro dzechivi. Mamiriyoni mazhinji ndivananyajambwa vekusaruramisira, kurwisana nechirwere, kana kuti nokuda kwezvimwe zvikonzero vanonzwa kuora mwoyo kunotambudza. Kuvose vakadaro, Jesu anoti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.
12 Jesu akaratidza itiro hanya yakaisvonaka varombo, vaiva nenzara, uye vaya vakanga vakasuruvara. Apo mamirire ezvinhu akaita kuti kuve madikanwa, akatodyisa mapoka makuru nenzira inoshamisa. (Ruka 9:12-17) Akavasunungura mumagamuchidzanwa anoisa muuranda. Akavakawo kutenda kwavo mugadziriro yaMwari yokugumisa udzvinyiriri hwezvematongerwe enyika uye hwezvemari. Jesu haana kuparadza chimiro chendangariro chaavo vakanga vachitodzvinyirirwa. Nounyoro norudo, nounyanzvi akakurudzira vanyoro. Akazorodza avo vakanga vakaita setsanga dzakapwanyika idzo dzakanga dzapetwa uye vaya vakanga vakaita semwenje inopwititika yakanga yava pedyo nokudzimwa. Kusvikira kunguva ino chaiyo, zita rake rinonyandura tariro, kunyange mumwoyo yeavo vasina kutongomuona.—Mateo 12:15-21; 15:3-10.
13. Nei nzira iyo Jesu akabata nayo navatadzi ichikwezva vanhu?
13 Jesu haana kutendera zvakashata, bva akaratidza kunzwisisa kuvanhu vakanga vaita zvikanganiso muupenyu asi vairatidzira rupfidzo ndokutendeukira kwaari nokuda kwebetsero. (Ruka 7:36-50) Aigara ndokudya navanhu vaizvidzwa munzanga kana airangarira kuti ikoku kwaizogovera mukana wokuvabetsera mumudzimu. (Mateo 9:9-13) Somugumisiro wechimiro chendangariro chaakaratidzira, mamiriyoni avanhu ari mumamiriro ezvinhu akafanana ayo asina kutongoona Jesu akasundwa kumuziva uye akamutenda.
14. Chii chinokufadza pamusoro penzira iyo Jesu akabetsera nayo vanhu vakanga vachirwara, vakanga vakaremara, kana kuti vakafirwa?
14 Nzira iyo Jesu akabata nayo navanhu vakanga vachirwara kana kuti vakaremara inopa ufakazi hwoushamwari hwake netsitsi pamwe chete namano ake okuvaunzira nyaradzo. Nokudaro, apo mumwe murume ane hosha akazara nemaperembudzi akamusvika ndokukumbira betsero, Jesu kusema pakumutarira. Uye haana kuudza murume wacho kuti, kunyange zvazvo aimunzwira tsitsi, nhau yacho yakanga yakaoma zvikuru kwazvo uye hapana chaigona kuitwa kubetsera. Murume wacho akakumbira kuti: “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Asingazengurire, Jesu akatambanudza ruoko ndokubata murume ane maperembudzi, achiti: “Ndinoda; chinatswa!” (Mateo 8:2, 3) Pane imwe nhambo mumwe mukadzi akatsvaka kurapwa kupfurikidza nokubata asingaonekwi mupendero wenguo yake. Jesu akabata naye nomutoo womutsa uye wokuvimbisa. (Ruka 8:43-48) Uye apo akasangana nemudungwe wemariro, akasundwa netsitsi nokuda kwechirikadzi yaitambudzika ine mwanakomana wayo mumwe bedzi akanga afa. Kunyange zvazvo Jesu akanga aramba kushandisa simba rake rakapiwa naMwari nenzira inoshamisa kuti azvigovere amene zvokudya, akarishandisa nenzira yakasununguka kumutsa murume iyeye akanga afa ndokumudzorera kuna amai vake.—Ruka 4:2-4; 7:11-16.
15. Kurava nhoroondo pamusoro paJesu nokudzifungisisa kunokutapura sei?
15 Sezvatinorava nhoroondo idzodzi ndokufungisisa chimiro chendangariro chakaratidzirwa naJesu, rudo rwedu rwunokudzwa nokuda kwaiyeyu akavanzarika upenyu hwake hwomunhu kuitira kuti tirarame nokusingaperi. Kunyange zvazvo tisina kutongomuona, tinonzwa takweverwa kwaari, uye tinoda kutevera mumakwara ake.—1 Petro 2:21.
Kuvimba Kwake naMwari Kwokuzvininipisa
16. Jesu akanangidzira ngwariro huru panavanaani, uye akatikurudzira kuitei?
16 Kupfuura zvimwe zvose, Jesu akanangidzira ngwariro yake neyedu pana Baba vake vokudenga, Jehovha Mwari. Akazivisa murayiro mukurusa muMutemo, achiti: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.” (Mateo 22:36, 37) Akarayira vadzidzi vake kuti: “Ivai nokutenda kuna Mwari.” (Marko 11:22) Apo vakatarisana nemuedzo wakakomba wokutenda kwavo, akavakurudzira kuti: “Munyengetere.”—Mateo 26:41.
17, 18. (a) Jesu akaratidzira sei kuvimba kwake kwokuzvininipisa naBaba vake? (b) Nei zvaakaita zvichikosha kwazvo kwatiri?
17 Jesu amene akagadza muenzaniso. Munyengetero wakanga uri rutivi runokosha rwoupenyu hwake. (Mateo 14:23; Ruka 9:28; 18:1) Apo nguva yakasvika yokuti asarudze vaapostora vake, Jesu haana kungovimba nechisarudzo chake amene, kunyange zvazvo ngirozi dzose dziri kudenga dzaichimbova mukutarisira kwake. Nokuzvininipisa akapedza usiku hwose achinyengetera kuna Baba vake. (Ruka 6:12, 13) Apo akatarisana nokusungwa norufu rwunorwadza, Jesu zvakare akatendeukira kuna Baba vake, achinyengetera nomwoyo wose. Haana kuva nomurangariro wokuti aiziva Satani zvakanaka uye aigona kubata nenzira iri nyore nechipi nechipi icho akaipa iyeyo angashandisa. Jesu akaziva kuti kwaive kwakakosha sei kuti asakundikane. Kwaizova kukundikana kunozvidza zvakadini kuna Baba vake! Uye kurasikirwa kwakadini kurudzi rwomunhu, rwune kariro dzaitsamira pachibayiro icho Jesu akanga achizopa!
18 Jesu akanyengetera anyengeterazve—apo aiva navaapostora vake mukamuri rapamusoro muJerusarema uye kunyange zvakasimba zvikuru mubindu reGetsemani. (Mateo 26:36-44; Johane 17:1-26; VaHebheru 5:7) Pakutambura padanda rokutambudzira, haana kutuka vaimushora. Panzvimbo pezvo, akanyengeterera avo vakanga vachiita nokusaziva: “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” (Ruka 23:34) Akachengeta ndangariro yake yakanangidzirwa pana Baba vake, “akaisa mhaka yake kuna iye unotonga zvakarurama.” Mashoko okupedzisira aakataura ari padanda rokutambudzira aiva munyengetero kuna Baba vake. (1 Petro 2:23; Ruka 23:46) Tinoonga sei kuti, nekuvimba naJehovha kwakazara, Jesu nenzira yakatendeka akapedza mugove uyo Baba vake vakanga vamuronza! Kunyange zvazvo tisina kutongoona Jesu Kristu, tinomuda zvikuru sei nokuda kwezvaakaita!
Kuratidzira Kumuda Kwedu
19. Mukuratidzira kuda Jesu, miitiroi yatingadzivisa seisingakodzeri chose chose?
19 Tinogona sei kupa ufakazi hwokuti rudo rwatinotaura kuti tinarwo rwunopfuura mashokowo zvawo? Sezvo Baba vake, avo Jesu aida, vairambidza kuitwa kwezvifananidzo uye ipapo kubata izvozvi sezvinhu zvokuzvipira kwazviri, zvirokwazvo hatingaunzi rukudzo kuna Jesu kupfurikidza nokupfeka chifananidzo chakadaro pacheni mumutsipa medu kana kuti kupfurikidza nokutakura chakadaro mumigwagwa. (Eksodho 20:4, 5; Johane 4:24) Hakungavi kukudza Jesu kuti tipinde minamato yorudzidziso, kunyange kuita saizvozvo kanoverengeka pavhiki, kana tisingararame mutsinhirano nedzidziso dzake vhiki rose rasara. Jesu akati: “Une mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu.”—Johane 14:21, 23; 15:10.
20. Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvicharatidza kana tichida Jesu zvirokwazvo?
20 Akatipa mirayiroi? Mukurusa, kunamata Mwari wechokwadi, Jehovha, uye iye oga. (Mateo 4:10; Johane 17:3) Nemhaka yebasa rake mudonzo raMwari, Jesu akadzidzisawo kuti tinofanira kushandisa kutenda maari soMwanakomana waMwari uye kuti tinofanira kukuratidza kupfurikidza nokudzivisa mabasa akaipa uye kupfurikidza nokufamba muchiedza. (Johane 3:16-21) Akatipa zano rokutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake, tichiisa izvozvi pamberi peitiro hanya dzezvinodikanwa zvomuviri. (Mateo 6:31-33) Akarayira kuti tidanane sezvaakatida. (Johane 13:34; 1 Petro 1:22) Uye akatituma kuva zvapupu pamusoro pedonzo raMwari, kunyange sezvaaive. (Mateo 24:14; 28:19, 20; Zvakazarurwa 3:14) Kunyange zvazvo zvisina kutongoona Jesu, Zvapupu zvaJehovha zvine mamiriyoni mashanu nhasi zvinosundwa nokumuda zvapachokwadi kuti zvichengete mirayiro iyoyo. Kuva kwazvo zvisina kuona Jesu somunhu oga hakuderedzi munzira ipi neipi kutsunga kwazvo kuteerera. Zvinoyeuka izvo Ishe wazvo akataura kumuapostora Tomasi: “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.”—Johane 20:29.
21. Tinobetserwa sei nokupinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu, icho chichaitwa gore rino paSvondo, March 23?
21 Kunokarirwa kuti uchava pakati paavo vari munyika yose vachaungana paHoro dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha pashure pokuvira kwezuva paSvondo, March 23, 1997, kuti vayeuke kuratidzirwa kukurusa kwerudo rwaMwari kurudzi rwomunhu uye kuchengeta rufu rweMwanakomana wake akavimbika, Jesu Kristu. Zvinotaurwa nokuitwa panhambo iyoyo zvinofanira kukudza kuda kwedu Jehovha neMwanakomana wake uye naizvozvo kuwedzera chishuvo chokuchengeta mirayiro yaMwari.—1 Johane 5:3.
Ungapindura Sei?
◻ Avo vakanga vanyorerwa bhuku rokutanga raPetro vasvika sei pakuziva uye kuda Jesu?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinhu izvo vaKristu vapakuvamba vakanzwa zvinokuorora?
◻ Chii chiripo pamusoro pechimiro chendangariro icho Jesu akaratidza chinokudza kumuda kwako?
◻ Nei kuvimba naMwari kwokuzvininipisa kwaJesu kuchikosha kwazvo kwatiri?
◻ Tinogona sei kuratidzira kuda kwedu Jesu Kristu?
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Tinonzwa taswededzwa kuna Jesu nemhaka yechimiro chendangariro chaakaratidza