Chitsauko 12
Zvinoreva Rubhabhatidzo Rwako
1. Nei mumwe nomumwe wedu achifanira kunzwa achifarira kubhabhatidzwa mumvura?
MUGORE ra29 C.E., Jesu akabhabhatidzwa, achinyudzwa muRwizi rweJodhani naJohani Mubhabhatidzi. Jehovha pachake akanga akatarisa uye akazvitendera. (Mateu 3:16, 17) Saka Jesu akaratidza muenzaniso unofanira kuteverwa nevadzidzi vake vose. Kwapera makore matatu nehafu, Jesu akapa vadzidzi vake mirayiridzo iyi: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano. Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:18, 19) Wakabhabhatidzwa maererano nezvakarayirwa naJesu ipapo here? Kana usati, uri kugadzirira kuita kudaro here?
2. Mibvunzo ipi inofanira kupindurwa ine chokuita norubhabhatidzo?
2 Ungave wakabhabhatidzwa kana kuti uri kugadzirira kudaro, zvinokosha kuti mumwe nomumwe anoda kushumira Jehovha orarama munyika itsva yake yakarurama anyatsonzwisisa rubhabhatidzo. Mibvunzo inoda kupindurwa inosanganisira iyi: Rubhabhatidzo rwechiKristu runoreva zvakafanana norubhabhatidzo rwaJesu here? Zvinorevei kubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene”? Kurarama maererano nezvinoreva rubhabhatidzo rwechiKristu rwomumvura kunosanganisirei?
Rubhabhatidzo Rwaiitwa naJohani
3. Rubhabhatidzo rwaJohani rwaingova rwavanaani chete?
3 Inenge mwedzi mitanhatu Jesu asati abhabhatidzwa, Johani Mubhabhatidzi akaenda achiparidzira murenje reJudhiya, achiti: “Pfidzai, nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mateu 3:1, 2) Vanhu vakanzwa zvaitaurwa naJohani ndokuzviteerera. Vaireurura pachena zvivi zvavo, vopfidza, vobva vauya kuzobhabhatidzwa naJohani muRwizi rweJodhani. Rubhabhatidzo irworwo rwaiva rwevaJudha.—Ruka 1:13-16; Mabasa 13:23, 24.
4. Nei vaJudha vomuzana remakore rokutanga vaifanira kupfidza nokukurumidza?
4 VaJudha ivavo vaifanira kupfidza nokukurumidza. PaGomo reSinai mugore ra1513 B.C.E., madzibaba avo akanga apinda musungano yorudzi—chibvumirano chaicho—naJehovha Mwari. Asi pamusana pezvivi zvavo zvakanga zvakakomba, havana kurarama maererano nezvaidiwa nesungano iyoyo, saka yakavapa mhosva. Pakasvika zuva raJesu, zvinhu zvakanga zvaipisisa. ‘Zuva guru raJehovha, rinotyisa’ rakafanotaurwa naMaraki rakanga rava pedyo. Muna 70 C.E., “zuva” iroro rakauya apo mauto eRoma akaparadza Jerusarema, temberi yaro, nevaJudha vaipfuura miriyoni imwe. Johani Mubhabhatidzi, achishingairira kunamata kwechokwadi, akatumwa kuparadzwa ikoko kusati kwaitika, “kuti agadzirire Jehovha vanhu vakagadzirirwa.” Vaifanira kupfidza zvivi zvavakaitira sungano yoMutemo waMosesi vogadzirira kugamuchira Mwanakomana waMwari, Jesu, akanga achitumwa kwavari naJehovha.—Maraki 4:4-6; Ruka 1:17; Mabasa 19:4.
5. (a) Jesu paakauya kuzobhabhatidzwa, nei Johani akava nomubvunzo nazvo? (b) Rubhabhatidzo rwaJesu rwakaratidzei?
5 Jesu pachake aiva pakati pevakauya kuzobhabhatidzwa naJohani. Asi nei? Achiziva kuti Jesu akanga asina zvivi zvokureurura, Johani akati: “Ndini ndinoda kubhabhatidzwa nemi, asi imi muri kuuya kwandiri here?” Asi rubhabhatidzo rwaJesu rwaida kuratidza chimwewo chinhu. Saka Jesu akapindura kuti: “Rega zvive zvakadaro, nguva ino, nokuti nenzira iyoyo zvakakodzera kuti tiite zvose zvakarurama.” (Mateu 3:13-15) Nokuti Jesu akanga asina chivi, rubhabhatidzo rwake haruna kuratidza kupfidza chivi; uye akanga asingafaniri kuzvitsaurira kuna Mwari, sezvo aiva nhengo yorudzi rwakanga rwakazvitsaurira kare kuna Jehovha. Panzvimbo paizvozvo, kubhabhatidzwa kwake aine makore 30 kwaiva kwake oga, uye kwakaratidza kuzvipa kwake kuna Baba vake vokudenga kuti aitezve zvimwe zvaVaida.
6. Jesu aikoshesa sei kuita zvaidiwa naMwari kwaari?
6 Zvaidiwa naMwari kuna Kristu Jesu zvaisanganisira basa rine chokuita noUmambo. (Ruka 8:1) Zvaisanganisirawo kubayira upenyu hwake hwakakwana hwomunhu sorudzikinuro uye sehwaro hwesungano itsva. (Mateu 20:28; 26:26-28; VaHebheru 10:5-10) Jesu aikoshesa zvikuru zvairehwa norubhabhatidzo rwake rwomumvura. Haana kubvumira kuti pfungwa dzake dzitsausirwe kune zvimwewo zvinhu. Kusvikira kumugumo woupenyu hwake hwepasi pano, akaomerera pakuita zvaidiwa naMwari, achiita kuti kuparidzira Umambo hwaMwari kuve basa rake guru.—Johani 4:34.
Kubhabhatidzwa Mumvura Kwevadzidzi vechiKristu
7. Kubvira paPendekosti ya33 C.E., vaKristu vakaudzwa kuti vaitei maererano norubhabhatidzo?
7 Vadzidzi vaJesu vokutanga vakabhabhatidzwa mumvura naJohani ndokubva vaendeswa kuna Jesu senhengo dzinotarisirwa dzoUmambo mudenga. (Johani 3:25-30) Vachirayirwa naJesu vadzidzi ava vaimbobhabhatidzawo, kubhabhatidza kwacho kuchireva zvakafanana nokwaJohani. (Johani 4:1, 2) Zvisinei, kutangira paPendekosti ya33 C.E., vakatanga kuita zvavakanga varayirwa zvokubhabhatidza “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Uchawana zvichibatsira kuongorora zvazvinoreva.
8. Kubhabhatidzwa “muzita raBaba” kunorevei?
8 Kubhabhatidzwa “muzita raBaba” kunorevei? Kunoreva kubvuma zita ravo, chinzvimbo chavo, simba ravo, chinangwa chavo, uye mitemo yavo. Funga kuti izvi zvinosanganisirei. (1) Nezvezita ravo, Pisarema 83:18 rinoti: “Imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (2) Nezvechinzvimbo chavo, 2 Madzimambo 19:15 inoti: “Haiwa! Jehovha . . . , ndimi Mwari, imi moga.” (3) Nezvesimba ravo, Zvakazarurwa 4:11 inotiudza kuti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (4) Tinofanira kubvuma kuti Jehovha ndiye Mupi Woupenyu, ane chinangwa chokutinunura muchivi norufu: “Ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Pisarema 3:8; 36:9) (5) Tinofanira kubvuma kuti Jehovha ndiye Mupi Mukuru Wemitemo: “Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirayiro yedu, Jehovha ndiye mambo wedu.” (Isaya 33:22) Nokuti zvose izvozvo ndizvo zvaari, tinokurudzirwa kuti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.”—Mateu 22:37.
9. Kubhabhatidzwa “muzita . . . roMwanakomana” kunorevei?
9 Kubhabhatidzwa “muzita . . . romwanakomana” kunorevei? Kunoreva kuziva zita, chinzvimbo, uye simba raJesu Kristu. Zita rake, Jesu, rinoreva kuti “Jehovha Ruponeso.” Chinzvimbo chake chinobva pakuti ndiye Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi, chisikwa chaMwari chokutanga. (Mateu 16:16; VaKorose 1:15, 16) NezvoMwanakomana uyu, Johani 3:16 inotiudza kuti: “Mwari akada nyika [yevanhu vanogona kudzikinurwa] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” Nokuti Jesu akafa akatendeka, Mwari akamumutsa kubva kuvakafa ndokumupa rimwe simba. Maererano nomuapostora Pauro, Mwari “[akakwidziridza Jesu] kunzvimbo yepamusoro” pazvose zvakasikwa, nzvimbo yechipiri kubva kuna Jehovha chete. Ndicho chikonzero nei “muzita raJesu mabvi ose [achifanira kupfugama] . . . uye kuti rurimi rwose runofanira kubvuma pachena kuti Jesu Kristu ndiShe kuti Mwari Baba vapiwe mbiri.” (VaFiripi 2:9-11) Izvi zvinoreva kuteerera mirayiro yaJesu, inobva kuna Jehovha pachake.—Johani 15:10.
10. Kubhabhatidzwa “muzita . . . romudzimu mutsvene” kunorevei?
10 Kubhabhatidzwa “muzita . . . romudzimu mutsvene” kunorevei? Kunoreva kubvuma kushanda kunoita mudzimu mutsvene. Uye mudzimu mutsvene chii? Isimba raJehovha rinoshanda, raanoita naro zvinangwa zvake. Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubetseri kuti ave nemi nokusingaperi, mudzimu wechokwadi.” (Johani 14:16, 17) Izvi zvaizoita kuti vakwanise kuita chii? Jesu akapfuurira kuvaudza kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8) Achishandisa mudzimu mutsvene, Jehovha akafuridzirawo kunyorwa kweBhaibheri: “Hapana nguva apo uprofita hwakambouya nokuda kwevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaisundwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:21) Saka tinobvuma basa romudzimu mutsvene patinodzidza Bhaibheri. Imwe nzira yatinobvuma nayo mudzimu mutsvene ndeyokukumbira Jehovha kutibatsira kubereka “zvibereko zvomudzimu,” zvinoti “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.
11. (a) Rubhabhatidzo muzuva redu runonyatsorevei? (b) Kubhabhatidzwa kwakafanana sei nokufa uye nokumutswa?
11 Vakatanga kubhabhatidzwa maererano nemirayiridzo yaJesu vaiva vaJudha nevakatendeukira kuchiJudha, kutanga muna 33 C.E. Nguva pfupi pashure pacho, ropafadzo yokuva mudzidzi wechiKristu yakapiwa vaSamariya. Zvadaro, muna 36 C.E., vaidanwa vakazosanganisirawo Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa. Vasati vabhabhatidzwa, vaSamaria neVemamwe Marudzi vaifanira kuzvitsaurira kuna Jehovha kuti vamushumire sevadzidzi voMwanakomana wake. Izvi ndizvo zvichiri kureva rubhabhatidzo rwechiKristu rwomumvura kusvikira kuzuva redu. Kunyudzwa muviri wose mumvura chiratidzo chakakodzera chokuzvitsaurira uku, sezvo kubhabhatidzwa kuri kuvigwa kwokufananidzira. Kuenda kwako pasi pemvura yaunobhabhatidzwa nayo kunomirira kufa kwako kumararamiro awaimboita. Kusimudzwa uchibuda mumvura kunoratidza kumutswa kwako kuti uite zvinoda Mwari. “Rubhabhatidzo rumwe” urwu runoshanda kune vose vanova vaKristu vechokwadi. Pakubhabhatidzwa, vanova Zvapupu zvaJehovha zvechiKristu, vashumiri vaMwari vakagadzwa.—VaEfeso 4:5; 2 VaKorinde 6:3, 4.
12. Kubhabhatidzwa mumvura kwevaKristu kunoenderana nechii, uye sei?
12 Rubhabhatidzo rwakadaro rune ukoshi hukuru hwokuponesa mumaziso aMwari. Somuenzaniso, ataura nezvokuvaka areka kwaNoa, umo iye nemhuri yake vakachengetwa vari pakaitika Mafashamo, muapostora Petro akanyora kuti: “Icho chakafanana neichi chiri kukuponesaiwo zvino, irwo rubhabhatidzo, (rusiri kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira hana yakanaka kunoitwa kuna Mwari,) nomurumuko rwaJesu Kristu.” (1 Petro 3:21) Areka yaiva uchapupu chaihwo hwokuti Noa akanga aita basa raakanga apiwa naMwari nokutendeka. Areka yapera kugadzirwa, “nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.” (2 Petro 3:6) Asi Noa nemhuri yake, “mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.”—1 Petro 3:20.
13. MuKristu anonunurwa pachii nokubhabhatidzwa mumvura?
13 Nhasi, vaya vanozvitsaurira kuna Jehovha pahwaro hwokutenda muna Kristu akamutswa vanobhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira ikoko. Vanoita zvinodiwa naMwari muzuva redu uye vanonunurwa munyika yanhasi yakaipa. (VaGaratiya 1:3, 4) Havasi kuzoparadzwa pamwe nenyika ino yakaipa. Vanonunurwa pakuparadzwa ikoku uye vanopiwa hana yakanaka naMwari. Muapostora Johani anoyeuchidza vashumiri vaMwari kuti: “Nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.
Kuita Maererano Nemabasa Edu
14. Nei rubhabhatidzo pacharwo rusingavimbisi kuponeswa?
14 Kungava kukanganisa kufunga kuti rubhabhatidzo pacharwo runovimbisa kuponeswa. Runokosha chete kana munhu azvitsaurira zvechokwadi kuna Jehovha nomuna Jesu Kristu uye adaro oita zvinodiwa naMwari, achiva akatendeka kusvikira kumugumo. “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateu 24:13.
15. (a) Mwari anodei nhasi kuvaKristu vakabhabhatidzwa? (b) Kuva mudzidzi wechiKristu kunofanira kuva kwakakosha sei muupenyu hwedu?
15 Zvaidiwa naMwari kuna Jesu zvaisanganisira mashandisiro aaiita upenyu hwake somunhu. Aifanira kufa sechibayiro. Kwatiri, miviri yedu inofanira kupiwa kuna Mwari, uye tinofanira kurarama upenyu hwokuzvibayira nokuita zvinodiwa naMwari. (VaRoma 12:1, 2) Chokwadi ndechokuti tinenge tisiri kuita zvinodiwa naMwari kana tichimbozvibata noune sezvinoita nyika yakatipoteredza, kunyange tichizviita pano neapo, kana kuti tikavakira upenyu hwedu pazvinhu zvoudyire, tichiitira Mwari basa rechipameso. (1 Petro 4:1-3; 1 Johani 2:15, 16) Apo mumwe muJudha akabvunza zvaaifanira kuita kuti awane upenyu husingaperi, Jesu akabvuma kukosha kwokurarama upenyu hune tsika dzakachena. Asi akabva ataura nezvechimwe chinhu chinotonyanya kukosha: kudiwa kwokuva mudzidzi wechiKristu, muteveri waJesu. Ndicho chinofanira kuva chinhu chikuru muupenyu. Hachigoni kuuya mumashure mokutsvaka pfuma.—Mateu 19:16-21.
16. (a) VaKristu vose vane basa rei rine chokuita noUmambo? (b) Sezviri pamapeji 116 ne117, ndedzipi dzimwe nzira dzinobudirira dzokuita nadzo basa roUmambo? (c) Kuita kwedu nomwoyo wose basa rokupupura kunopa uchapupu hwei?
16 Zvinofanira kusimbiswa zvakare kuti zvaidiwa naMwari kuna Jesu zvaisanganisira basa rinokosha rine chokuita noUmambo hwaMwari. Jesu pachake akazodzwa kuti ave Mambo. Asi paaiva pasi pano, akashingairirawo kupupurira Umambo hwacho. Tine basa rokupupurira rakafanana nairoro ratinofanira kuita, uye tine zvikonzero zvose zvokuriita nomwoyo wose. Nokuita kudaro, tinoratidza kuonga kwatinoita uchangamire hwaJehovha uyewo kuda kwatinoita vamwe vedu. (Mateu 22:36-40) Tinoratidzawo kuti takabatana nevamwe vanamati munyika yose, vose vari vazivisi voUmambo. Pamwe chete, takabatana pasi pose, tinopfuurira takananga kuupenyu husingaperi pasi pano pachatongwa noUmambo ihwohwo.
Kudzokorora
• Rubhabhatidzo rwaJesu rwakafanana uye rwakasiyana pai norubhabhatidzo rwomumvura nhasi?
• Kubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene” kunorevei?
• Zvii zvinobatanidzwa mukurarama maererano nemabasa orubhabhatidzo rwechiKristu rwomumvura?
[Mifananidzo iri papeji 116, 117]
DZIMWE NZIRA DZOKUZIVISA NADZO UMAMBO
Pasuo nesuo
Kuhama dzedu
Kune vatinoshanda navo
Kune vatinodzidza navo
Mumigwagwa
Nokudzoka kuzoshanyira vanofarira
Pazvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha