Iva Nepfungwa Dzakanaka Sezvo Mugumo Unoswedera Pedyo
1 Shoko raMwari rinoramba richirondedzera zuva raJehovha serinouya “sembavha”—kureva kuti, kamwe kamwe, pakarepo, chinyararire. (1 VaT. 5:2; Mat. 24:43; 2 Pet. 3:10; Zvak. 3:3; 16:15) “Nemhaka yeizvi,” Jesu akati, “ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mat. 24:44) Tingaramba sei takamuka mumudzimu sezvo mugumo unoswedera pedyo? Chinokosha zvikuru chinowanikwa muzano rakafuridzirwa rokuti: “Ivai nepfungwa dzakanaka.”—1 Pet. 4:7.
2 Kuva nepfungwa dzakanaka kunosanganisira kuona zvinhu semaonero anoita Jehovha. (VaEf. 5:17) Kunotibatsira kuzviona se“vagari vokune imwe nyika uye vagari venguva duku” munyika iripo iye zvino. (1 Pet. 2:11) Kunoita kuti tikwanise kunzwisisa zvinonyatsokosha, kuva nezvatinoisa pakutanga, uye kuita zvisarudzo zvakanaka.—VaF. 1:10.
3 Iva Nezvinangwa Pakunamata: Kuva nezvinangwa pakunamata uye kuzvizadzikisa kunotibatsira kuva vakanaka mupfungwa. Une zvinangwa pakunamata here zvauri kutevera panguva ino? Uri kuvavarira kuverenga Bhaibheri mazuva ose, kupinda misangano yose yechiKristu, kuverenga magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai!, kana kuti zvimwe kuwedzera basa rako muushumiri here? Kana ukaronga zvinangwa zvakakunakira, ramba uchiedza kuzvitevera, uye kumbira Jehovha kuti akomborere kuedza kwako, ungashamisika nezvinoguma zvaitika.
4 Mumwe mukuru akabvunza vamwe varoorani vechiduku pamusoro pezvinangwa zvavo pakunamata. Mubvunzo wacho wakaita kuti vafunge kuti kana vaizoita kuti upenyu hwavo huve nyore ndokubhadhara chikwereti chinorema, vaigona kupayona. Vakasarudza kuita izvozvo chinangwa chavo. Vakashingaira kubhadhara chikwereti chacho ndokuwana nzira dzokuderedza mabasa asingakoshi akanga achivadyira nguva uye simba ravo. Chaizvoizvo gore rimwe gare gare, vakanga vaita chinangwa chavo. Zvakaguma nei? Murume wacho anoti: “Pasina zvinangwa tingadai tisina kusvika patiri zvino. Tinofara zvikuru. Upenyu hwedu hwati gadzikanei uye hwava nani. Hwava nezvahunoreva chaizvo uye hwava nechinangwa.”
5 Sezvatinomirira zuva raJehovha, ngatirambei takamuka pakunamata kuburikidza nokurarama nepfungwa dzakanaka, tichiramba takaisa pfungwa dzedu pakuita kuda kwaMwari.—Tito 2:11-13.