-
Tinogona Kutsungirira Muedzo Chero Upi Zvawo!Nharireyomurindi—2005 | June 15
-
-
‘Mutsa waMwari Usina Kufanirwa Unoratidzwa Munzira Dzakasiyana-siyana’
Muapostora Petro anoti vaKristu vano“shungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana.” (1 Petro 1:6) Pava paya mutsamba yake yakafuridzirwa anoti, “mutsa usina kufanirwa waMwari unoratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana.” (1 Petro 4:10) Mashoko eChirungu akazoshandurwa kuti “yakasiyana-siyana” ane shoko rakada kufanana neshoko rimwe chete romuchiGiriki chekare. Ichitaura nezvemashoko aya, imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Iyi ipfungwa yakakosha. . . . Kutaura nezvengoni [kana kuti mutsa usina kukodzera] dzaMwari tichiti poikilos zvinoreva kuti hapana mamiriro ezvinhu anotarisana nevanhu akasiyana-siyana ayo ngoni dzaMwari dzisingagoni kukurira.” Anoenderera mberi achiti: “Hapana mamiriro ezvinhu angavapo, hapana dambudziko ringaitika, kana kuti chimwe chinhu chinoda kukurumidzirwa chisingagoni kugadziriswa nengoni dzaMwari, uye chisingagoni kukundwa nengoni dzaMwari. Hapana chero chii zvacho muupenyu chisingagoni kugadziriswa nengoni dzaMwari. Shoko iri rinonyatsorondedzera rokuti poikilos rinoita kuti tinyatsoyeuka kuti ngoni dzaMwari dzaanoratidza muzvinhu zvakasiyana-siyana zvechokwadi dzakakwana kuti titsungirire zvinhu zvose.”
Mutsa waMwari Unotibatsira Kutsungirira Miedzo
Maererano naPetro, imwe nzira inooneka kushanda kwomutsa waMwari usina kufanirwa ndeyokushandisa kwaanoita vanhu vakasiyana-siyana vanoumba Ungano yechiKristu. (1 Petro 4:11) Mushumiri waMwari mumwe nomumwe ane zvipo zvomudzimu, kana kuti mano, zvingakurudzira vaya vanenge vachitarisana nemiedzo. (VaRoma 12:6-8) Somuenzaniso, vamwe vari muungano vanogona kudzidzisa Bhaibheri chaizvo. Mashoko avo ouchenjeri anokurudzira vamwe kutsungirira. (Nehemia 8:1-4, 8, 12) Vamwe vanogara vachishanyira vaya vanenge vachida kutsigirwa kuti vavafudze. Kushanya kwakadaro inguva yokukurudzira, ‘yokunyaradza mwoyo.’ (VaKorose 2:2) Vatariri pavanoshanya saizvozvo kuti vasimbise vamwe pakutenda, vanenge vachipa chipo mune zvokunamata. (Johani 21:16) Muungano munotova nevamwe vanozivikanwa noushamwari, tsitsi, uye unyoro pavanenge vaine vavanonamata navo vanenge vakasuwa pamusana pemiedzo. (Mabasa 4:36; VaRoma 12:10; VaKorose 3:10) Kunzwira tsitsi uye kubatsira kunoitwa nehama nehanzvadzi dzine rudo dzakadaro kuratidzwa kunokosha kana kuti “ruvara” rwomutsa waMwari usina kufanirwa.—Zvirevo 12:25; 17:17.
-
-
Tinogona Kutsungirira Muedzo Chero Upi Zvawo!Nharireyomurindi—2005 | June 15
-
-
Chokwadi, pasinei nokuti muedzo wedu une “ruvara” rwakadini kana kuti ndeworudzii, nguva dzose pachava “noruvara,” kana kuti kuratidzwa kwomutsa waMwari usina kufanirwa unogona kuukurira. (Jakobho 1:17) Kutsigira kwaJehovha kunouya panguva uye kwakakodzera nokuda kwevashumiri vake—pasinei nokuti miedzo kana kuti zvinetso zvavo zvakasiyana-siyana sei—humwe uchapupu hwo“uchenjeri hwaMwari hwakasiyana-siyana zvikuru.” (VaEfeso 3:10) Haubvumirani nazvo here?
-