-
Kuzarura Chakavanzika ChinoyeraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
17. (a) Ko muenzaniso waJesu wegorosi namasora wakadeya kuzivisei? (b) Chii chakaitika muna 1918, chichiguma nokurambwai uye negadzoi?
17 Mumufananidzo wake wegorosi namasora, Jesu akadeya kuzivisa nguva yerima yaizovapo apo chiKristudhomu chaitonga zvikuru. Hunyanguvezvo, mumazana ose amakore okutsauka pakutenda, paizova namaKristu akafanana negorosi mamwe namamwe, vakazodzwa chaivoivo. (Mateo 13:24-29, 36-43) Nokudaro, apo zuva raShe rakatanga muna October 1914, kwaiva kuchina maKristu echokwadi pasi pano. (Zvakazarurwa 1:10) Kunoratidzika kuti Jehovha akauya kutembere yake yomudzimu nokuda kworutongeso anenge makore matatu nehafu gare gare, muna 1918, achiperekedzwa naJesu se“nhume [yake] yesungano.” (Maraki 3:1; Mateo 13:47-50) Yakanga yavawo nguva yaTenzi yokuramba pakupedzisira maKristu enhema uye kugadza ‘muranda akatendeka nowakachenjera pazvinhu zvake zvose.’—Mateo 7:22, 23; 24:45-47.
18. I“awa”i yakasvika muna 1914, uye yakanga yava nguva yokuti muranda aitei?
18 Yakanga iri nguvawo yokuti uyu muranda ape ngwariro chaiyo kuzvinhu zvakanyorwa mumashoko aJesu okuungano nomwe, sezvatinoona mune zvinotaurwa imomo. Somuenzaniso, Jesu anotaura nezvokuuya kwake kuzotonga ungano, ruri rutongeso rwakavamba muna 1918. (Zvakazarurwa 2:5, 16, 22, 23; 3:3) Iye anotaura nezvokutaviridzira ungano yeFiradherfia pa“awa yomuedzo, yaizouya papasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 3:10, 11) Iyi “nguva yomuedzo” inosvika bedzi nokutanga kwezuva raShe muna 1914, pashure payo maKristu akaedzwa pamusoro poruvimbiko rwao kuUmambo hwakagadzwa hwaMwari.—Enzanisa naMateo 24:3, 9-13.
-
-
Kuzarura Chakavanzika ChinoyeraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
[Bhokisi riri papeji 32]
Nguva Yokuedza Nokutonga
Jesu akabhapatidzwa ndokuzodzwa saMambo Akasarudzwa paRwizi rwaJoridhani panenge pana October 29 C.E. Makore matatu nehafu gare gare, muna 33 C.E., iye akasvika kutembere yeJerusarema ndokudzinga avo vakanga vachiiita bako ramakororo. Ipapo panoratidzika kuva pane enzanirano naikoku munhambo yamakore matatu nehafu kubvira pakagadzwa Jesu pachigaro choumambo muna October 1914 kutozosvikira pakuuya kwake kuzonzvera maKristu okuedzesera sezvo rutongeso rwakavamba neimba yaMwari. (Mateo 21:12, 13; 1 Petro 4:17) Mukuvamba ma1918 mubato woUmambo wavanhu vaJehovha wakanangana nechishoro chikuru. Yakanga iri nguva yokuedza mupasi rose, uye vanotya vakasefiwa. Muna May 1918 vafundisi vechiKristudhomu vakasakisa kupfigirwa mutorongo kwavakuru vakuru veWatch Tower Society, asi mwedzi mipfumbamwe gare gare ivava vakasunungurwa. Gare gare, kupomerwa zvenhema kwavaiitwa kwakabviswa. Kubvira muna 1919 sangano ravanhu vaMwari, rakaedzwa uye rakanatswa, rakaenderera mberi norushingairo kukuparidzira Umambo hwaJehovha hunodzorwa naKristu Jesu setariro yavanhu.—Maraki 3:1-3.
Jesu zvaakavamba nzvero yake muna 1918, vafundisi vechiKristudhomu pasina panikiro vakawana rutongeso rwakashata. Ivo vakanga vasina kungomutsa bedzi chitambudzo mukurwisana navanhu vaMwari asi vakanga vaparawo mhaka huru yeropa kupfurikidza nokutsigira marudzi anorwisana mukati mehondo yenyika yokutanga. (Zvakazarurwa 18:21, 24) Vafundisi ivavo ipapo vakaisa tariro yavo muChinzwano chaMarudzi chakaitwa nomunhu. Pamwe chete noumambo hwenyika hwose hworudzidziso rwenhema, chiKristudhomu chakanga chabva chose chose panyasha dzaMwari pakuzosvika muna 1919.
-