RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!
    Nharireyomurindi—2004 | March 1
    • 15, 16. (a) Nyaya dzemari dzaifanira kugadziriswa rini? (b) Vaya vakatendeka vakapiwa mikana ipi mitsva yo‘kuita bhizimisi’?

      15 Mufananidzo wacho unoenderera mberi uchiti: “Pashure penguva refu tenzi wevaranda ivavo akauya akagadzirisa zvemari dzake navo.” (Mateu 25:19) Muna 1914—pava nenguva refu kwazvo 33 C.E. apfuura—Kristu Jesu akatanga kuvapo kwake muumambo. Kwapera makore matatu nehafu, muna 1918, akauya kutemberi yaMwari yomudzimu ndokuzadzika mashoko aPetro anoti: “Inguva yakatemwa yokuti kutongwa kutange neimba yaMwari.” (1 Petro 4:17; Maraki 3:1) Yakanga yava nguva yokugadzirisa nyaya dzemari.

  • ‘Muranda Akatendeka’ Anokunda Muedzo!
    Nharireyomurindi—2004 | March 1
    • Muzvitsauko 24 ne25 zvaMateu, Jesu anonzi ano“uya” muzviitiko zvakasiyana-siyana. Haafaniri hake kuita zvokutofamba kuti a‘uye.’ Asi, ano“uya” mupfungwa yokutendeudzira pfungwa dzake kuvanhu kana kuti kuvateveri vake, kazhinji kuti atonge. Saka, muna 1914 aka“uya” kuti atange kuvapo kwake saMambo akagadzwa pachigaro choumambo. (Mateu 16:28; 17:1; Mabasa 1:11) Muna 1918 aka“uya” senhume yesungano ndokutanga kutonga vaya vaiti vanoshumira Jehovha. (Maraki 3:1-3; 1 Petro 4:17) PaAmagedhoni, acha“uya” kuzotonga vavengi vaJehovha.—Zvakazarurwa 19:11-16.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe