Kufudza Boka raMwari Norudo
“Fudzai boka raMwari riri pakati penyu.”—1 PETRO 5:2.
1, 2. Chii chiri vara guru raJehovha, uye rinozviratidzira sei rimene?
MUMAGWARO Matsvene ose, kunojekeswa kuti rudo ndiro vara guru raMwari. “Mwari rudo,” inodaro 1 Johane 4:8. Sezvo rudo rwake ruchiratidzirwa muchiito, 1 Petro 5:7 inotaura kuti Mwari “unokuchengetai.” MuBhaibheri nzira iyo Jehovha anotarisira nayo vanhu vake inofananidzirwa nenzira iyo mufudzi ane rudo anotarisira nayo nounyoro makwai ake: “Tarirai, Ishe Jehovha . . . uchafudza boka rake somufudzi, uchaunganidza makwayana ake mumaoko ake, nokuatakura pachifuva chake, uchanatsa kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.” (Isaya 40:10, 11) Dhavhidhi akanyaradzwa sei kukwanisa kuti: “Jehovha ndiye mufudzi wangu; hapana chandingashayiwa”!—Pisarema 23:1.
2 Kwakafanira kuti Bhaibheri rinofananidza vanhu vanoitirwa nyasha naMwari namakwai, nokuti makwai ane rugare, anozviisa pasi, anoteerera mufudzi wawo anotarisira. SoMufudzi ane rudo, Jehovha anotarisira zvikuru vanhu vake vakafanana namakwai. Iye anokuratidza kupfurikidza nokuvagovera zvokunyama nomumudzimu uye kupfurikidza nokuvatungamirira mu“mazuva okupedzisira” akaoma enyika ino yakaipa kuenda kunyika yake itsva yakarurama inouya.—2 Timotio 3:1-5, 13; Mateo 6:31-34; 10:28-31; 2 Petro 3:13.
3. Wezvamapisarema akarondedzera sei nzira Jehovha anotarisira nayo makwai ake?
3 Cherekedza tarisiro yorudo yaJehovha nokuda kwamakwai ake: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo. . . . Vakadana, Jehovha akanzwa, akavarwira panjodzi dzavo dzose. Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika. Wakarurama une madambudzo mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.” (Pisarema 34:15-19) Inyaradzo huru yakadini Mufudzi Wechisiko Chose anogovera vanhu vake vakafanana namakwai!
Muenzaniso Womufudzi Akaisvonaka
4. Chii chiri basa raJesu mukutarisira makwai aMwari?
4 Mwanakomana waMwari, Jesu, akasanodzidza kuna Baba vake, nokuti Bhaibheri rinodana Jesu “mufudzi wakanaka.” (Johane 10:11-16) Basa rake rinokosha kuboka raMwari rinocherekedzwa muna Zvakazarurwa ganhuro 7. Zva 7 Mundima 9, vabatiri vaMwari vomuzuva redu vanonzi “vazhinji-zhinji . . . vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” Ipapo Zva 7 ndima 17 inoti: “Gwayana [Jesu] . . . richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari uchapisika misodzi yose kumeso avo.” Jesu anotungamirira makwai aMwari kumvura dzezvokwadi dzinotungamirira kuupenyu husingaperi. (Johane 17:3) Cherekedza kuti Jesu anonzi “Gwayana,” kuchiratidzira mavara ake amene akafanana naamakwai, iye achiva muenzaniso mukuru wokuzviisa pasi paMwari.
5. Jesu akanzwa sei pamusoro pavanhu?
5 Pasi pano Jesu akararama pakati pavanhu uye akaona mamiriro ezvinhu avo anonzwisa urombo. Iye akaita sei kumamiriro ezvinhu avo akaipa? “Akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vaneta, varashwa, samakwai asina mufudzi.” (Mateo 9:36) Makwai asina mufudzi anotambura zvikuru nezvinoparadza, sezvinoita makwai ane vafudzi vasingatarisiri. Asi Jesu akatarisira zvikuru kwazvo, nokuti akati: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”—Mateo 11:28-30.
6. Kurangarirai uko Jesu akaratidza nokuda kwavakadzvinyirirwa?
6 Uporofita hweBhaibheri hwakadeya kutaura kuti Jesu aizobata norudo navanhu: “Jehovha wakandizodza . . . kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, . . . kuti ndinyaradze vose vanochema.” (Isaya 61:1, 2; Ruka 4:17-21) Jesu haana kutongozvidza varombo navane munyama. Panzvimbo pezvo, iye akazadzika Isaya 42:3: “Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopfungaira haangaudzimi.” (Enzanisa naMateo 12:17-21.) Vanotambudzika vakanga vakafanana netsanga dzakapwanyika, vakafanana netambo dzerambi dzava kuda kudzima nokushaya mafuta. Achiziva mugariro wavo unonzwisa tsitsi, Jesu akavaratidza ngoni ndokuvapa simba netariro, achivaporesa mumudzimu nomumuviri.—Mateo 4:23.
7. Jesu akanangidzira kupi vanhu vakamugamuchira?
7 Vanhu vakafanana namakwai vakagamuchira Jesu muzviverengero zvikuru. Kudzidzisa kwake kwaiorora kwazvo zvokuti vakuru vakanga vatumwa kunomusunga vakashuma, kuti: “Hakuna munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.” (Johane 7:46) Chokwadi, vatungamiriri vorudzidziso vanonyengera vakanyunyuta, kuti: “Nyika yose yamutevera”! (Johane 12:19) Asi Jesu haana kuda rukudzo kana mbiri yake amene. Akanangidzira vanhu kuna Baba vake. Akavadzidzisa kubatira Jehovha vachisundwa norudo nokuda kwamavara Ake anoyemurika: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose.”—Ruka 10:27, 28.
8. Kuteerera uko vanhu vaMwari vanomupa kunosiyana sei nouko vamwe vanopa kuvatongi venyika?
8 Jehovha ane mbiri mukuti uchangamire hwake hwechisiko chose hunotsigirwa navanhu vake vakafanana namakwai, vakavakira parudo rwavo nokuda kwake. Ivo nokudisa vanosarudza kumubatira nemhaka yezivo yavo yamavara ake anodiwa. Kwakasiyana sei navatungamiriri venyika ino vane vadzorwi vanovateerera bedzi nemhaka yokutya, kana nokunyunyuta, kana nemhaka yokuti vane vavariro yakavanzika! Hakuna kutongogona kutaurwa nezvaJehovha kana nezvaJesu zvakataurwa nezvomumwe papa weChechi yeRoma Katurike, kuti: “Iye akayemurwa navakawanda, akatyiwa navose, hapana akamuda.”—Vicars of Christ—The Dark Side of the Papacy, rakanyorwa naPeter De Rosa.
Vafudzi Vane Utsinye Muna Israeri
9, 10. Rondedzera vatungamiriri vaIsraeri wakare uye vomuzana ramakore rokutanga.
9 Kusafanana naJesu, vatungamiriri vorudzidziso vaIsraeri muzuva rake vakanga vasingadi makwai. Vakanga vakafanana navatongi vapakuvamba zvikuru muna Israeri nezvavo Jehovha akanga ati: “Vane nhamo ivo vafudzi vaIsraeri vanozvifudza! Ko vafudzi havafaniri kufudza makwai here? . . . Hamuna kusimbisa anoshayiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kupombera akavhunika, kana kudzosa akadzingwa, kana kundotsvaka akarashika, asi makaabata nesimba nehasha.”—Ezekieri 34:2-4.
10 Kufanana navafudzi ivavo vezvamatongerwe enyika, vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vezana ramakore rokutanga vakanga vakaoma mwoyo. (Ruka 11:47-52) Kuenzanisira ikoku, Jesu akataura nezvomuJudha akanga abirwa, arohwa, uye asiyiwa odokufa parutivi rwomugwagwa. Muprista wechiIsraeri akapfuura napo, asi pakuona muJudha wacho, akaenda nemhiri kwomugwagwa. MuRevhi akaita zvimwe chetezvo. Ipapo asiri muIsraeri, muSamaria anozvidzwa, akasvika napo uye akanzwa tsitsi pamusoro panyajambwa. Akapombera maronda ake, akamutakura pachipfuwo kuenda kuimba yavaeni, uye akamutarisira. Akabhadhara muchengeti weimba yavaeni uye akati aizodzoka kuzobhadhara ndyiko dzipi nedzipi dzokuwedzera.—Ruka 10:30-37.
11, 12. (a) Uipi hwavatungamiriri vorudzidziso hwakasvika sei pakakwirira muzuva raJesu? (b) Pakupedzisira vaRoma vakaitei kuvatungamiriri vorudzidziso?
11 Vatungamiriri vorudzidziso vomuzuva raJesu vakanga vakashata kwazvo zvokuti apo Jesu akamutsa Razaro kuvakafa, vaprista vakuru navaFarise vakaunganidza Sanihedhirini pamwe chete ndokuti: “Todiniko? nokuti uyu [Jesu] unoita zviratidzo zvizhinji. Kana tikamurega achidaro, vanhu vose vachatenda kwaari; navaRoma vachauya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.” (Johane 11:47, 48) Havana kuitira hanya pamusoro pezvakanaka izvo Jesu akanga aitira murume akanga afa. Vakanga vachiitira hanya pamusoro penzvimbo dzavo. Naizvozvo “kubva pazuva iro vakarangana, kuti vamuuraye [Jesu].”—Johane 11:53.
12 Kuwedzera uipi hwavo, vaprista vakuru ipapo “vakarangana kuti vauraye naRazarowo, nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kuna Jesu.” (Johane 12:10, 11) Nhamburiko dzavo dzoudyire dzokuti vadzivirire nzvimbo yavo hadzina kuyamura, nokuti Jesu akanga avaudza, kuti: “Masiyirwa imba yenyu.” (Mateo 23:38) Mukuwirirana namashoko iwayo, muchizvarwa ichocho vaRoma vakauya ndokutora ‘nzvimbo yavo norudzi rwavo,’ uye noupenyu hwavowo.
Vafudzi Vane Rudo Muungano yechiKristu
13. Jehovha akapikira kutumira ani kunofudza boka rake?
13 Panzvimbo pavafudzi vane utsinye, vane udyire, Jehovha aizomutsa Mufudzi Akaisvonaka, Jesu, kuti atarisire boka Rake. Iye akapikirawo kumutsa vafudzi vaduku vane rudo kuti vatarisire makwai: “Ndichaagadzira vafudzi vanoafudza; haangazotyi.” (Jeremia 23:4) Nokudaro, somuungano dzechiKristu dzomuzana ramakore rokutanga naizvozvo nhasi, “kugadza vakuru mumaguta” kunoitwa. (Tito 1:5) Ava vakuru mumudzimu vanosvitsa zvikwaniriso zvakarongwa muMagwaro vanofanira ku“fudza boka raMwari.”—1 Petro 5:2, NW; 1 Timotio 3:1-7; Tito 1:7-9.
14, 15. (a) Vadzidzi vakakuona kwakaoma kutanga chimiroi chendangariro? (b) Jesu akaitei kuvaratidza kuti vakuru vanofanira kuva vabatiri vanozvininipisa?
14 Mukutarisira makwai, vakuru vanofanira “zvikuru kune zvose” kuva no“rudo rukuru” nokuda kwawo. (1 Petro 4:8) Asi vadzidzi vaJesu, vachinyanyoitira hanya pamusoro pomukurumbira nenzvimbo, vaifanira kudzidza ikoku. Naizvozvo apo amai vevadzidzi vaviri vakati kuna Jesu: “Rayirai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu,” vamwe vadzidzi vakashatirwa. Jesu akati kwavari: “Machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu. Ani nani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.”—Mateo 20:20-28.
15 Pane imwe nhambo, pashure pokunge vadzidzi “vaita nharo pakati pavo munzira, kuti mukuru ndiani,” Jesu akati kwavari: “Kana munhu achida kuva wokutanga, uchazova weshure kuna vose nomuranda wavose.” (Marko 9:34, 35) Kuzvininipisa nokudisa kubatira zvaifanira kuva rutivi rwounhu hwavo. Bva vadzidzi vakaramba vachiva nechinetso nepfungwa idzodzo, nokuti pausiku humene Jesu asati afa, pachidyo chake chamadekwana chokugumisira, “nharo” dzakamuka pakati pavo pamusoro pokuti ndiani akanga ari mukurusa! Ikoko kwakaitika pasinei zvapo nokuti Jesu akanga avaratidza nzira iyo mukuru anofanira kubatira boka nayo; akanga azvininipisa amene ndokushambidza tsoka dzavo. Iye akati: “Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.”—Ruka 22:24; Johane 13:14, 15.
16. Muna 1899, Watch Tower yakaita tsinhiroi pamusoro pevara rinokosha zvikurusa ravakuru?
16 Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvakadzidzisa kuti vakuru vanofanira kuva vakadai. Rinodokuva zana ramakore rapfuura, Watch Tower yaApril 1, 1899, yakataura mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 13:1-8 uye ipapo yakati: “Muapostora anoonesa zvakajeka kuti zivo nokudekudza handizvo mipimo inokosha zvikurusa, asi kuti rudo runonekeshera mwoyo nokutambanukira munduramo yose, uye ruchinyandura nokushandisa miviri yedu inofa, ndiwo mupimo chaiwoiwo—chibvumikiso chaichoicho choukama hwedu hwoumwari. . . . Vara guru rinofanira kutsvakwa mumunhu ari wose anogamuchirwa somubatiri wechechi, kushumira muzvinhu zvitsvene, rinofanira kutanga kwazvose kuva mudzimu worudo.” Yakataura kuti varume vaisazobatira nokuzvininipisa nemhaka yorudo “vadzidzisi vasina kunaka, uye sezvingabvira vangaita kuvadziko kupfuura zvakanaka.”—1 VaKorinte 8:1.
17. Bhaibheri rinosimbisa sei mavara ayo vakuru vanofanira kuva nawo?
17 Nokudaro, varume vakuru havafaniri ‘kuremedza’ makwai. (1 Petro 5:3) Panzvimbo pezvo, vanofanira kutungamirira kuti va“itirane mwoyo munyoro, [va]nzwirane tsitsi.” (VaEfeso 4:32) Pauro akasimbisa: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu. . . . Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.”—VaKorose 3:12-14.
18. (a) Muenzanisoi wakaisvonaka wakagadzwa naPauro mukubata namakwai? (b) Neiko vakuru vasingafaniri kufuratira zvinodikanwa zvamakwai?
18 Pauro akadzidza kuita izvozvi, achiti: “Takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Evhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo.” (1 VaTesaronika 2:7, 8) Mutsinhirano naizvozvo, iye akati: “Musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasine simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.” (1 VaTesaronika 5:14) Pasinei zvapo norudzi rwechinetso makwai angaunza kwavari, vakuru vanofanira kuyeuka Zvirevo 21:13, inoti: “Unodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, iyewo uchachema, asi haanganzwiki.”
19. Neiko vakuru vane rudo vari chikomborero, uye makwai anogamuchira sei rudo rwakadaro?
19 Varume vakuru vanofudza boka norudo chikomborero kumakwai. Isaya 32:2 yakadeya kutaura, kuti: “Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakawoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” Tinofara kuziva kuti vakawanda vavakuru vedu nhasi vanokodzera rondedzero iyoyo yakaisvonaka yokuzorodza. Vakadzidza kushandisa nheyo inotevera: “Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Apo vakuru vanoratidza rudzi urwu rworudo nokuzvininipisa, makwai anogamuchira kupfurikidza noku“vakudz[a] zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo.”—1 VaTesaronika 5:12, 13.
Remekedzai Kushandiswa Kworusununguko Rwokuzvisarudzira
20. Neiko vakuru vachifanira kuremekedza rusununguko rwokuzvisarudzira?
20 Jehovha akasika vanhu vane rusununguko rwokuzvisarudzira kuti vaite zvisarudzo zvavo vamene. Nepo vakuru vachifanira kupa zano uye kunyange kuranga, havafaniri kuva vanodzora upenyu kana kutenda kwomumwe. Pauro akati: “Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.” (2 VaKorinte 1:24) Hungu, “mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5) Jehovha akatipa rusununguko rwakawanda ruri mukati memiganhu yemitemo yake nenheyo. Nokudaro vakuru vanofanira kudzivisa kugadza mirau uko nheyo dzapaMagwaro dzisingaputswi. Uye vanofanira kudzivisa chimiro chipi nechipi chokupa mifungo yavo yomunhu oga sedzidziso kana kurega kuzvikudza kwavo kuchipinganidza kana mumwe asingabvumirani nemirangariro yakadaro.—2 VaKorinte 3:17; 1 Petro 2:16.
21. Chii chinogona kudzidzwa muchimiro chendangariro chaPauro kuna Firemoni?
21 Cherekedza nzira iyo Pauro, apo akanga akaiswa mutorongo muRoma, akabata nayo naFiremoni, tenzi womuranda wechiKristu aiva paKorose muAsia Minor. Muranda waFiremoni ainzi Onesimo akatizira kuRoma, akava muKristu, uye akanga ari kubetsera Pauro. Pauro akanyorera Firemoni, kuti: “Ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweEvhangeri; asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako.” (Firemoni 13, 14) Pauro akadzorera Onesimo, achikumbira Firemoni kuti amubate sehama yechiKristu. Pauro aiziva kuti boka rakanga risiri rake; rakanga riri raMwari. Akanga asiri tenzi waro asi muranda waro. Pauro haana kurayira kuna Firemoni; akaremekedza rusununguko rwake rwokuzvisarudzira.
22. (a) Vakuru vanofanira kunzwisisa nzvimbo yavo kuvei? (b) Jehovha ari kutanga rudzii rwesangano?
22 Sezvo sangano raMwari rinokura, vakuru vakawanda vanogadzwa. Ivo, pamwe chete navakuru vane ruzivo rukuru rwokuzviwanira, vanofanira kunzwisisa kuti nzvimbo yavo ndeiyo yokubatira nokuzvininipisa. Muiyi nzira, sezvo Mwari anofambisa sangano rake kuenda kunyika itsva, richapfuurira kukura sezvaanoda—rakasanorongwa asi risingaregi rudo netsitsi nokuda kwokubudirira. Nokudaro, sangano rake richava rinokwezva nenzira inowedzera kuvanhu vakafanana namakwai vachaona mariri ufakazi hwokuti “zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari.” Izvozvo zvinofanira kukarirwa kubva kusangano rakavakirwa parudo, nemhaka yokuti “rudo harutongoperi.”—VaRoma 8:28; 1 VaKorinte 13:8.
Waizopindura Sei?
◻ Bhaibheri rinorondedzera sei kutarisira kwaJehovha vanhu vake?
◻ Jesu anoita basai mukutarisira boka raMwari?
◻ Vakuru vanofanira kuva nevarai guru?
◻ Neiko vakuru vachifanira kurangarira rusununguko rwokuzvisarudzira rwamakwai?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Jesu, “mufudzi wakanaka,”akaratidza tsitsi
[Mifananidzo iri papeji 17]
Vatungamiriri vorudzidziso vakashata vakarangana kuuraya Jesu