-
Uri Kutevedzera Jehovha Here Pakuva Nehanya Nevamwe?Nharireyomurindi—2007 | June 15
-
-
Kuti Jehovha ane hanya zvinooneka muungano yechiKristu. Zvaari Musoro weungano, Jesu Kristu anotungamirira vakuru kuti vatarisire makwai ake. (Johani 21:15-17) Shoko rechiGiriki rokuti mutariri rinofambidzana neshoko rechiito rinoreva kuti “nyatsotarisira.” Achiratidza kuti izvi zvinofanira kuitwa sei, Petro anorayiridza vakuru kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose; musingazviiti madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.”—1 Petro 5:2, 3.
-
-
Uri Kutevedzera Jehovha Here Pakuva Nehanya Nevamwe?Nharireyomurindi—2007 | June 15
-
-
Zvisinei, Petro anotiruma nzeve nemashoko ake ari pamusoro apa okuti tingwarire ngozi yokuti vakuru vasave ‘madzishe’ muungano. Kumwe kuzviita ‘ishe’ kwomukuru kungaoneka nokudzika mitemo isina kukodzera. Aine shungu dzokuda kudzivirira makwai, mukuru angadarika mwero. Mune imwe ungano yenyika Dzokumabvazuva, vakuru vakadzika mitemo yokuti vanhu vaifanira kukwazisana sei paImba yoUmambo, yakadai sokuti ndiani anofanira kutanga kutaura, vachifunga kuti kutevedzera mitemo yakadai kwaizoita kuti muungano muve norugare. Kunyange zvazvo zvisina mubvunzo kuti vaiita izvi nechinangwa chakanaka, vakuru ivavo vaitevedzera Jehovha here pakutarisira vanhu vake? Sezvineiwo mafungiro omuapostora Pauro akaoneka mumashoko ake anoti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe chete nemi kuti mufare, nokuti makamira nokutenda kwenyu.” (2 VaKorinde 1:24) Jehovha anovimba nevanhu vake.
-