Unofanira Kukumbira Ruregerero Chaizvoizvo Here?
‘HANDITONGOKUMBIRI ruregerero,’ akanyora kudaro George Bernard Shaw. ‘Chaitwa chaitwa,’ vamwe vangadaro.
Zvichida isu timene tinozengurira kubvuma mhosva tichityira kurasikirwa noruremekedzo. Zvimwe tinopa zvikonzero zvenhema zvokuti chinetso chacho chine mumwe munhu. Kana kuti tingaronga kukumbira ruregerero asi tosundira mberi kutozosvikira tafunga kuti nhau yacho yafuratirwa pakupedzisira.
Naizvozvo, ipapoka, kukumbira ruregerero kunokosha here? Kunogona chaizvoizvo kuita chinhu chipi nechipi here?
Rudo Runotigombedzera Kukumbira Ruregerero
Rudo rwouhama chiratidzo chinozivisa chavateveri vechokwadi vaJesu Kristu. Iye akati: “Vose vachaziva naizvozvo kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Magwaro anokurudzira vaKristu ku“dana zvikuru nomwoyo wose.” (1 Petro 1:22) Rudo rwakakomba runotigombedzera kukumbira ruregerero. Nei? Nemhaka yokuti kusakwana kwavanhu nenzira isingadzivisiki kunoparira mirangariro yakarwadziswa iyo inodzivisa rudo kana isina kurapwa.
Somuenzaniso, nemhaka yemisiyano yomunhu oga nomumwe munhu ari muungano yechiKristu, tingasarudza kusataura naye. Kana takaparira kugumbuka, ukama hworudo hunogona sei kudzorerwa? Muzviitiko zvizhinjisa, kupfurikidza nokukumbira ruregerero uye ipapo kuita nhamburiko yokukurukurirana nomutoo woushamwari. Tine chikwereti chorudo kuvatendi biyedu, uye apo tinotaura kuti tine urombo nokuda kwokuva taparira kugumbuka, tinobvisa chimwe chechikwereti ichocho.—VaRoma 13:8.
Kuenzanisira: Mari Carmen naPaqui vakadzi vaviri vechiKristu avo vakanga vane ushamwari kwenguva refu. Nemhaka yokuti Mari Carmen akadavira mamwe makuhwa aikuvadza, zvisinei, ushamwari hwake naPaqui hwakatonhora. Pasina tsananguro, iye akadzivisa Paqui chose chose. Rinodokusvika gore rimwe gare gare, Mari Carmen akaziva kuti guhwa racho rakanga risiri rechokwadi. Chii chakanga chiri kuita kwake? Rudo rwakamusunda kuti aende kuna Paqui ndokutaura nenzira yokuzvininipisa kuzvidemba kwake kukuru nokuda kwokuzvibata zvakaipa kudaro. Vose vari vaviri vakachema zvikuru, uye vave vari shamwari dzakasimba chibvirocho.
Kunyange zvazvo tingasarangarira kuti taita chinhu chipi nechipi chakaipa, kukumbira ruregerero kungapedza kusanzwisisana. Manuel anoyeuka, kuti: “Makore akawanda akapfuura mudzimai wangu neni takagara mumusha weimwe yehanzvadzi dzedu dzomudzimu payakanga iri muchipatara. Takaita unani hwedu kuibetsera navana vayo mukati mokurwara kwayo. Asi pashure pokunge yadzoka kumba, iyo yakanyunyuta kune imwe shamwari kuti takanga tisina kutarisira ndyiko dzapamusha nenzira yakafanira.
“Takashanya ndokutsanangura kuti zvichida nemhaka youpwere hwedu uye kushaikwa kworuzivo rwokuzviwanira, takanga tisina kutarisira zvinhu sezvaaizove akaita. Iye akakurumidza kupindura kupfurikidza nokutaura kuti iye akanga ari iye ane chikwereti kwatiri uye kuti aionga zvirokwazvo zvose zvatakanga tamuitira. Chinetso chacho chakapedzwa. Chakaitika ichocho chakandidzidzisa ukoshi hwokukumbira ruregerero nenzira yokuzvininipisa apo kusanzwisisana kunoitika.”
Jehovha akakomborera ava varoorani nokuda kwokuratidza rudo uye ‘kuronda zvinhu zvinoparira rugare.’ (VaRoma 14:19) Rudo runobatanidzawo kuziva mirangariro yavamwe. Petro anotipa zano kuti tiratidze “[ku]nzwiran[a] ngoni.” (1 Petro 3:8) Kana tichinzwirana ngoni, sezvingabvira tinonzwisisa marwadzo atakaparira neshoko risina mufungo kana kuti chiito uye tichasundwa kukumbira ruregerero.
“Pfekai Kuzvininipisa Mumwe Kune Mumwe”
Kunyange vakuru vakatendeka vechiKristu vangava nokuitirana nharo panhambo nenhambo. (Enzanisa naMabasa 15:37-39.) Idzi inhambo apo kukumbira ruregerero kungava kunobetsera zvikuru. Asi chii chichabetsera mukuru kana kuti mumwe muKristu upi noupi uyo anokuwana kwakaoma kukumbira ruregerero?
Kuzvininipisa kunokosha. Muapostora Petro akapa zano, kuti: “Pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe.” (1 Petro 5:5) Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti mumagakava akawanda zvikurusa vanhu vose vari vaviri vanogoverana mhaka yacho, muKristu anozvininipisa anoitira hanya kukundikana kwake amene uye anodisa kukubvuma.—Zvirevo 6:1-5.
Munhu ari kugamuchira kukumbira ruregerero anofanira kukugamuchira nomutoo wokuzvininipisa. Tichishandisa muenzaniso, ngatitii varume vaviri avo vanofanira kukurukurirana vakamira pamusoro pamakomo maviri akasiyana. Kurukurirano pamukaha unovaparadzanisa inobvumikisa kuva isingabviri. Apo mumwe wavo anoburuka kumupata uri pasi uye mumwe wacho anotevera muenzaniso wake, zvisinei, vanogona kukurukurirana nenzira iri nyore. Nenzira yakafanana, kana vaKristu vaviri vachifanira kupedza musiyano uri pakati pavo, mumwe nomumwe wavo ngaasangane nomumwe nenzira yokuzvininipisa mumupata, sokunge zvakadaro, uye ngaakumbire ruregerero rwakafanira.—1 Petro 5:6.
Kukumbira Ruregerero Kunoreva Zvakawanda Zvikuru Muroorano
Roorano yavanhu vaviri vasina kukwana nenzira isingadzivisiki inogovera mikana yokukumbira ruregerero. Uye kana murume nomudzimai vose vari vaviri vachinzwirana ngoni, kuchavasunda kukumbira ruregerero kana vakataura kana kuti kuita nenzira yokusarangarira. Zvirevo 12:18 inoratidza, kuti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo; asi rurimi rwowakachenjera runoporesa.” ‘Zvinobaya somunondo’ hazvigoni kubviswa, asi zvinogona kurapwa nokukumbira ruregerero kwapachokwadi. Chokwadika, ikoku kunoda kuziva kunopfuurira nenhamburiko.
Achitaura nezveroorano yake, Susana anoti: “Jack* neni tave takaroorana kwamakore 24, asi tichiri kudzidza zvinhu zvitsva pamusoro pomumwe nomumwe. Nenzira inosuruvarisa, nguva yakati yakapfuura, takaparadzana ndokugara kwakasiyana kwevhiki shomanene. Zvisinei, takateerera zano rapaMagwaro rakabva kuvakuru ndokudzokerana zvakare. Zvino tinoziva kuti sezvo tine unhu hwakasiyana zvikuru, nharo dzinoitika sezvingabvira. Apo ikoku kunoitika, tinokurumidza kukumbira ruregerero ndokuedza zvakaoma chaizvoizvo kunzwisisa murangariro womumwe munhu. Ndinofara kutaura kuti roorano yedu yakanaka zvikuru.” Jack anowedzera, kuti: “Takadzidzawo kuziva nguva dziya apo tisingatani kutsamwa. Panguva dzakadaro tinobata mumwe nomumwe nokungwarira kwomuraudzo.”—Zvirevo 16:23.
Unofanira kukumbira ruregerero kana uchifunga kuti hauna mhaka here? Apo mirangariro mikuru inobatanidzwa, kwakaoma kuziva kuti mhaka ndeyani. Asi chinhu chinokosha rugare muroorano yacho. Rangarira Abhigairi, mukadzi wechiIsraeri ane murume akabata zvisina kunaka Dhavhidhi. Kunyange zvazvo akanga asingagoni kupiwa mhaka nokuda kwoufuza hwomurume wake, iye akakumbira ruregerero. “Kanganwirai henyu kudarika kwomurandakadzi wenyu,” iye akateterera kudaro. Dhavhidhi akapindura kupfurikidza nokumubata nenzira yokurangarira, achibvuma nokuzvininipisa kuti kudai akanga asiri iye, angadai akateura ropa risina mhaka.—1 Samueri 25:24-28, 32-35.
Nenzira yakafanana, mukadzi wechiKristu anonzi June, uyo ave akaroorwa kwamakore 45, anorangarira kuti roorano inobudirira inoda kudisa kuva wokutanga kukumbira ruregerero. Iye anoti: “Ndinozviudza ndimene kuti roorano yedu inokosha zvikuru kupfuura mirangariro yangu somunhu oga. Naizvozvo apo ndinokumbira ruregerero, ndinorangarira kuti ndiri kubetsera roorano.” Murume akwegura anonzi Jim anoti: “Ndinokumbira ruregerero kumudzimai wangu kunyange nokuda kwezvinhu zvisingakoshi. Chibviro cheapo akavhiyiwa zvakakomba, iye anotambudzika nyore nyore. Naizvozvo nguva dzose ndinoisa ruoko rwangu muchiuno chake ndokuti, ‘Ndine urombo, Mudiwa. Ndanga ndisingadi kukutsamwisa.’ Kufanana nechisimwa chinodiridzwa, iye anofara nokukurumidza.”
Kana tarwadzisa munhu watinoda zvikurusa, kukumbira ruregerero kwokukurumidza kunoshanda zvikuru. Milagros anobvuma nomwoyo wose, achiti: “Ndinotambura nokushayiwa kuzvivimba, uye shoko rehasha rinobva kumurume wangu rinonditsamwisa. Asi apo iye anokumbira ruregerero, ndinonzwa zviri nani nokukurumidza.” Nenzira yakarurama, Magwaro anotiudza kuti: “Mashoko anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mafupa.”—Zvirevo 16:24.
Shandisa Unyanzvi Hwokukumbira Ruregerero
Kana tikauita muitiro kukumbira ruregerero pakunenge kuri madikanwa, sezvingabvira tinowana kuti vanhu vachagamuchira nenzira yakanaka. Uye zvichida vachatokumbira ruregerero ivo vamene. Apo tinofungidzira kuti tatsamwisa mumwe munhu, kuregererei kuuita muitiro kukumbira ruregerero panzvimbo pokuedza kudzivisa kubvuma mhaka ipi neipi? Nyika ingarangarira kuti kukumbira ruregerero chiratidzo choutera, asi kunopa chaizvoizvo ufakazi hwokukura mumudzimu kwechiKristu. Chokwadika, hatingadi kuva saavo vanobvuma chikanganiso chakati bva vachidukupisa mutoro wavo. Somuenzaniso, tinombotaura kuti tine urombo tisingarevesi here? Kana tikanonoka kusvika ndokukumbira ruregerero kakawanda, tinosarudza kunatsa kusvika panguva kwedu here?
Naizvozvo, ipapoka, tinofanira chaizvoizvo kukumbira ruregerero here? Hungu, tinofanira. Musengwa kwatiri timene nokuna vamwe kuita kudaro. Kukumbira ruregerero kunogona kubetsera kunyaradza marwadzo anoparirwa nokusakwana, uye kunogona kurapa ukama hwakakuvadzwa. Kukumbira ruregerero kumwe nokumwe kwatinoita chidzidzo mukuzvininipisa uye kunotirovedza kuva vanorangarira zvikuru mirangariro yavamwe. Somugumisiro, vatendi biyedu, vakwanyina veroorano, uye vamwe vachatirangarira saavo vanofanirwa nechidakadaka chavo nechivimbo. Tichava norugare rwendangariro, uye Jehovha Mwari achatikomborera.
[Mashoko Omuzasi]
a Haasi mazita avo chaiwoiwo.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Kukumbira ruregerero kwapachokwadi kunokurudzira rudo rwechiKristu