Ganhuro 16
Teerera Zano, Gamuchira Chirango
1. (a) Ko pana vapi navapi vedu vasingadi zano nechirango here? (b) Asika mibvunzoi yatinoita zvakanaka kurangarira?
VAZHINJISA vedu vanobvumirana norugwaro rwunoti: “Isu tose tinogumburwa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Hakuzati kuri kwakaoma kufunga nezvezvinoitika izvo isu takaperevedza mazviri pakuva rudzi rwomunhu uyo Shoko raMwari rinotikurudzira kuva uye uyo watinoda kuva. Naizvozvo tinobvuma kuti Bhaibheri rakarurama parinotizivisa, kuti: “Teerera zano uye gamuchira chirango, kuti ugova akachenjera munguva yako yemberi.” (Zvir. 19:20) Tinoziva hedu kuti tinoda betsero yakadaro. Mukusapanikira takaita kugadziridza muupenyu hwedu kuhutsinhiranisa nezvatakadzidza muBhaibheri. Asika tinoita sei kana muKristu biyedu akatizanura isu pachedu pamsoro penhau yakati kuti iyo isu takaita nomutoo wokusachenjera mairi? Kana kuti zvakadiniko kana iye akangopa hake chikarakadzo pamsoro pamavandudzire atingaita mumubato wakati kuti?
2. (a) Neiko tichifanira kuratidzira kuonga zano rakananga? (b) Ko hatizati tichifanira kuita sei?
2 Pasinei hapo nokuita kwedu kwapakarepo kwomukati nokuda kwomuzvarirwo wedu wokusakwana wohunhu, tinofanira kuratidzira zvapachokwadi kuonga nokuda kwezano ndokushandira pakurishandisa. Muuyo wokuita kwedu kudaro unogona kuva unobetsera. (VaH. 12:11) Zvisinei, zvimwe pakuzanurwa, takaedza hedu kuzviruramisa isu timene, tichidukupisa kukomba kwomugariro kana kuti kunakurira mhakayo kuno mumwe munhuwo zvake. Wati wamboita nenzira iyeyo here? Sezvatinofunga shure pachinotika ichecho, tinoitira pfundepfunde uyo akatipa zano here? Ko tinokombamira kukutsoropodza zvikanganiso zvouyo akatipa zano here kuti mutoo waakatipa nomauri zano, sokunge kuti ikoku neimwe nzira kwaizopembedza utera hwedu timene? Ko Bhaibheri rinogona kubetsera munhu kukurira kombamiro dzakadaro here?
Mienzaniso Yakanyorwa Nokuda Kwokunyeverwa Kwedu
3. (a) Ko Bhaibheri rine chii chinogona kutibetsera kukudziridza murangariro wakarurama kuzano nechirango? (b) Shandisa mibvunzo inogoverwa pamusoro apa kukamuranisa kuita kwaSauro naUzia kuzano.
3 Mukuwedzera mukugovera kunyeverwa kwakawanda kwakananga pano uyu musoro, Shoko raMwari rine zvinoitika chaizvoizvo pamsoro pavanhu vakapiwa zano. Kazhinji kazhinji zano rakangawo riri chirango, mukuti uyo airigamuchira aidikanirwa kuchinja chimiro chake chendangariro kana kuti mufambiro. Zvaunoshandisa mibvunzo iri pasi apa kunzvera mimwe yemienzaniso iyi, uchawana kuti kune zvakawanda izvo tinogona kubetserekana mazviri:
SAURO, MWANAKOMANA WAKISHI: Iye akanga akundikana kuteerera Jehovha zvizere uye mukuti, pakurwisana naAmereki, iye akanga aponesa mambo nemhuka dzavo dzakaisvonakisisa. (1 Sam. 15:1-11.)
Mukudavidza kwaSauro kuzano rokutsiura rakapiwa naSamueri, chii chinoratidzira kuti iye akanga achiedza hake kudukupisa chisino kururama? (1Sa 15 Ndima 20) Ko iye akaedza kunakurira mhakayo kuna ani? (1Sa 15 Ndima 21) Apo iye akabvuma pakupedzisira chisino kururama, ipembedzoi yaakagovera? (1Sa 15 Ndima 24) Ko iye akaratidzika kuva anoisvoitira hanya zvikurusa pamsoro pechii kunyange papfundo rino? (1Sa 15 Ndima 25, 30)
UZIA:Iye akapinda mutembere yaJehovha kundopisira zvinonhuwira zvinopfungaira utsi, kunyange zvazvo vaprista bedzi vaibvumirwa kuita ikoku. (2 Mak. 26:16-20)
Apo muprista mukuru akaedza kumisa Mambo Uzia, neiko mambo akaita nehasha? (Enzanisa 2Mak 26 ndima 16.) Chii chakava muuyo? (2Mak 26 Ndima 19-21)
4. (a) Neiko vose vari vaviri Sauro naUzia vakakuwana kwakaoma kugamuchira zano? (b) Neiko ikoko kuriwo chinetso chakakomba nhasi?
4 Mune chimwe cheizvi zvinoitika, neiko munhu mumwe nomumwe aikuona kwakaoma zvikuru kubvuma kudikanirwa kwake zano? Chikonzero chikuru chakanga chiri rudado, kunyanyozvifunga iye amene. Vanhu vazhinji nhasi vanounza jambwa gurusa pavari vamene nokuda kwouyu muitiro. Vachinge vasvika pane wavanorangarira kuva mugariro wakati kuti, zvimwe nokuda kwezera, kana kuti nzvimbo, ivo havagamuchiri zano rakananga. Vanoratidzika kuva vanorangarira kuti kunoratidzira kuperevedza kwakati kuti mavari kana kuti kunokuvadza mukurumbira wavo. Asika zvinoratidzira zvomenemene utera ndirwo rudado. Ichi hachizati chiri chimwe chinhu chokupembedza mauri umene nemhaka bedzi yokuti mhaka inozivikanwa. Musungo uyo Satani anoshandisa kudzikatidza kufunga kwomunhu kuti iye adzivise betsero yorudo inogoverwa naJehovha kupfurikidza neShoko rake nesangano rake rinooneka. Jehovha anonyevera, kuti: “Rudado runotangira kuputsanyika, uye mudzimu wokuzvitutumadza unotangira kugumburwa.”—Zvir. 16:18; onawo VaRoma 12:3; Zvirevo 16:5.
5. Shandisa mibvunzo iri rutivi rweiyi ndima kutema zviri zvifundo zvingadzidzwa munhauro pamsoro paMosesi naDhavhidhi.
5 Namamwe mashoko, Magwaro ane mienzaniso yakaisvonaka yaavo vakagamuchira zano. Zvifundo zvinokosha zvinogona kudzidzwawo muna izvozvi. Rangarira:
MOSESI: Vatezvara vake vakamupa pangiro yakati kuti inobetsera pamsoro pamatarisirwe omutoro wake webasa unorema asingakuvadzi utano hwake. Mosesi akateerera ndokuishandisa pakarepo. (Eks. 18:13-24)
Kunyange zvazvo Mosesi akanga ane chiremera chikuru, neiko iye akanga achigamuchira zvikuru zano rakaisvonaka? (Enzanisa Numeri 12:3.) Ko vara irero rinokosha sei kwatiri? (Zef. 2:3)
DHAVHIDHI: Iye akanga ane mhaka yokuita upombwe, dzokonokei oruka mazano okuita kuti murume womukadziyo aurawe kuti Dhavhidhi agone kumuroora uye nenzira iyeyo ndokufukidzira upombwe. Mwedzi yakati kuti yakapfuura Jehovha asati atumira Natani kundotsiura Dhavhidhi. (2 Sam. 11:2–12:12)
Ko Dhavhidhi akashatirirwa tsiuro here, kudukupisa chisino kururama kana kuti kuedza kunakura mhakayo? (2 Sam. 12:13; Pis. 51:mashoko anotsanangura musoro wenyaya nendima duku Pis 51:1-3) Ko idi rokuti Mwari akagamuchira rupfidzo rwaDhavhidhi rinoreva here kuti Dhavhidhi neimba yake vakasunungurwa pamiuyo yakashata yakabva mumufambiro wake usino kururama? (2 Sam. 12:10, 11, 14; Eks. 34:6, 7)
6. (a) Ko Dhavhidhi akarangarira sei pamsoro paavo vakamupa zano rakaisvonaka? (b) Ko isu tingagona sei kubetserekana kana tikagamuchira nomutoo uri nyore zano rakadaro? (c) Chii chatisingafaniri kukanganwa kana tikarangwa nomutoo wakakomba?
6 Mambo Dhavhidhi aisanoziva betsero yokuteerera zano rakaisvonaka, uye panhambo nenhambo iye aionga Mwari nokuda kwouyo waraiuya nokwaari. (1 Sam. 25:32-35; onawo Zvirevo 9:8.) Ko isu takadaro here? Kana zvakadaro, tichataviridzirwa pakutaura napakuita zvinhu zvizhinji zvingaparira kuzvidemba. Asi kana tikapinda mumigariro inoparira kuva kwedu tinorangwa nomutoo wakakomba, sezvakaita Dhavhidhi pamsoro pechivi chake naBhatishebha, ngatiregei kurashikirwa nomurangariro weidi rokuti chirango hufakazi hworudo rwaJehovha, tichirangarira garikano yedu isingagumi.—Zvir. 3:11, 12; 4:13.
Mavara Anoisvokosha Okukudziridza
7. Ko Jesu akaratidzira varai iro vanhu vanofanira kuva naro kuti vagopinda muUmambo?
7 Kuti tigova noukama hwakanaka naJehovha nehama dzedu dzechiKristu, tinodikanirwa kukudziridza mavara akati chaiwoiwo. Jesu akasimbisisa rimwe raiwawa apo iye akagadza mwana muduku pakati pavadzidzi vake ndokuti: “Kutoti imi mukatenderuka ndokuva savana vaduku, imi hamungatongopindi muumambo hwamatenga. Naizvozvo, upi kana upi uchazvininipisa iye amene somwana muduku uyu ndiye uyo ari mukurusa muumambo hwamatenga.” (Mat. 18:3, 4) Vadzidzi ivavo vaidikanirwa kuchinja. Vaitofanira kubvisa rudado rwavo ndokukudziridza kuzvininipisa.
8. (a) Ko isu tinodikanirwa kuzvininipisa pamberi paani, uye neiko? (b) Kana takadaro, tichaita sei kuzano?
8 Muapostora Petro gare gare akanyorera maKristu biyake, kuti: “Imi mose zvisungei nokuzvidukupisa kwendangariro kuno mumwe nomumwe, nokuti Mwari anoshora vanozvitutumadza, asi iye anopa tsitsi dzakakomba kuna vanozvininipisa.” (1 Pet. 5:5) Tinoziva kuti isu tinodikanirwa kuva vanozvininipisa pamberi paMwari, asi urwu rugwaro rwuri kuti tinodikanirwa kuva vanozvininipisa, kana kuti vanozvidukupisa mundangariro, uyewo muukama hwedu navadaviri biyedu. Kana takadaro, hatizati tichizoitira pfundepfunde noufuza zvikarakadzo zvavangatipa. Tichava vanodisa kudzidza kuno mumwe nomumwe. (Zvir. 12:15) Uye kana hama dzedu dzikakuwana kuri madikanwa kutipa zano rokururamisa, ipapo, tichiziva kuti Jehovha nomutoo worudo anoshandisa uyu mutoo kutiumba, hatizati tichizoriramba.—Pis. 141:5.
9. (a) Ivarai rinokosha rakasanobatana nokuzvininipisa? (b) Neiko tichifanira kuva vanoitira hanya pamsoro pomuuyo womufambiro wedu pana vamwe?
9 Rimwe vara, rakasanobatana nokuzvininipisa, ndiko kuitira hanya chaikoiko garikano yavamwe. Hatingagoni kunzvenga idi rokuti zvatinoita zvinotapura vamwe vanhu. Muapostora Pauro akapa zano maKristu apakuvamba omuKorinte neRoma kuratidzira kuitira hanya hana yavamwe. Iye akanga asiri kutaura kuti iwo aitofanira kutsaura zvisarudzo zvawo amene, asi iye akaakuchidzira kusaita chinhu chipi nechipi chingakurudzira mumwe munhu kuita icho hana yake yaimuudza kuti chakanga chisina kururama, nenzira iyeyo ndokuparira kuvadziko yake yomudzimu. Achisanoratidzira nheyo, Pauro akanyora, kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaapfuurire kutsvaka, chisati chiri chimuko chake amene bedzi, asi icho chomumwe munhu. . . . Naizvozvo, kunyange muchidya kana kuti muchinwa kana kuti muchiita chimwe chinhu chipi nechipiwo zvacho, itai zvinhu zvose nokuda kwokukudzwa kwaMwari. Regai kuva zvisakiso zvokugumbura vaJudha uyewo vaGiriki neungano yaMwari.”—1 VaKorinte 10:24-33; 8:4-13; VaR. 14:13-23.
10. Chii chingaratidzira kana isu tichiita muitiro wokushandisa zano irero rapaMagwaro?
10 Ko iwe uri munhu anokuita muitiro kuisa garikano yavamwe vanhu mberi kwechisarudzo chako umene here? Kune nzira zhinji idzo ikoku kunogona kuitwa nomadziri, asika rangarira muenzaniso: Kungotaurawo zvako, kupfeka nokugadzirwa kwevhudzi dzinongovawo hadzo nhau dzokusarudza kwomunhu amene, chero bedzi tiri vano mwero, vakatsvinda navakachena. Asi kudai waizoziva kuti, nokuda kwomugariro wavanhu munzanga yokwenyu, mupfekero wako kana kuti magadzirirwe evhudzi aidzivisa vamwe kuteerera shoko roUmambo, waizoita gadziridzo here? Ko upenyu hwomumwe munhu hunokosha zvikuru kwauri kupinda kuzvifadza umene here?
11. Chii chinoratidzira kuti kunokosha kukudziridza mavara aya kana tichida zvomenemene kuva maKristu?
11 Apo mavara arondedzerwa pamusoro apa anova rutivi rwohunhu hwedu, ikoku kunopa hufakazi hwokuti tava kuvamba kuva nendangariro yaKristu. Mukuva vanozvininipisa, Jesu akagadza muenzaniso wakakwana. (Johane 13:12-15; VaF. 2:5-8) Mukuratidzira kuitira hanya vamwe, panzvimbo pokungozvifadza hake iye amene, iye akatigadzira muenzaniso wokutevera.—VaR. 15:2, 3.
Usaramba Chirango chaJehovha
12. (a) Ichinjoiko dzatinodikanirwa kuita isu tose kuti tigova nohunhu huri hunofadza kuna Mwari? (b) Chii chichatibetsera?
12 Nemhaka yokuti isu tose tiri vaiti vezvivi, kuchinja muchimiro chedu chendangariro, kutaura kwedu nomufambiro wedu zvinodikanwa kuti isu tiratidzire hunhu hwaMwari wedu. Tinodikanirwa kupfeka “hunhu hutsva.” (VaK. 3:5-14; Tito 2:11-14) Zano nechirango zvinobetsera kutsauranisa nharaunda umo gadziridzo dzinodikanwa dzokonokei kwava kuona maitirwe aidzodzi.
13. (a) Ko Jehovha akagovera zano nechirango nokuda kwedu tose kupfurikidza nechii? (b) Chii chatinofanira kuita nawo?
13 Manyuko makuru omurairidzo iwowo ndiro Bhaibheri rimene. (2 Tim. 3:16, 17) Tevere kupfurikidza namabhuku anorondedzera Bhaibheri nemisangano inogoverwa nesangano rinooneka raJehovha iye anotibetsera kuona mashandisirwe awo. Ko tichaziva nomutoo wokuzvininipisa kuuda kwedu isu timene here—kunyange kana takaunzwa kare—ndokupfuurira kutsvaka kuita vandudziko?
14. Ko Jehovha anotigovera imwezve betseroi savanhu?
14 Jehovha haazati achitisia kuti tiparapatike tiri toga nezvinhu zvingava chinetso kwatiri. Kupfurikidza nokuitira hanya kworudo, iye anoita gadziriro nokuda kwokubetserwa kwedu timene. Mamirioni avanhu akabetserekana nebetsero yakadaro kupfurikidza nefundo dzapamusha dzeBhaibheri. Vabereki vano mutoro chaiwo wokuranga vana vavo nokuda kwokuvataviridzira pamufambiro ungaparira kusuruvara kukuru gare gare muupenyu. (Zvir. 6:20-35; 15:5) Mukati meunganowo, avo vane zvikwaniriso zvomudzimu vane mutoro wokushandisa Magwaro kugadziridza vamwe apo ivo vanocherekedza kudikanwa, asi vanoita kudaro nomudzimu wounyoro. (VaG. 6:1, 2) Jehovha anotipa zano uye anotiranga munzira idzi kuti tigomunamata savanhu vakabatana.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Ko Jehovha anotibetsera sei norudo kuona apo isu pachedu tinodikanirwa kuita gadziridzo?
● Neiko vanhu vazhinji vachiva nechinetso mukugamuchira zano? Ko ikoku kwakakomba sei?
● Mavaraiko anoisvokosha achatibetsera kuva vanogamuchira zano? Ko Jesu akagadza sei muenzaniso muna iwawa?