-
Kandira Funganyo Yako Yose Pana JehovhaNharireyomurindi—1994 | November 15
-
-
8, 9. Inyaradzoi inogona kuwanwa muna 1 Petro 5:6-11?
8 Petro akawedzera, kuti: “Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai. Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.”—1 Petro 5:6-11.
-
-
Kandira Funganyo Yako Yose Pana JehovhaNharireyomurindi—1994 | November 15
-
-
10. Petro Wokutanga 5:6, 7 rinonongedzera kumavarai matatu anogona kutibetsera kuderedza funganyo?
10 Petro Wokutanga 5:6, 7 rinonongedzera kumavara matatu anogona kutibetsera kugonana nefunganyo. Rimwe kuzvidukupisa, kana kuti “kuzvininipisa.” 1Pe 5 Ndima 6 inoguma nokutaura, kuti “nenguva yakafanira,” kuchikarakadza kudikanwa kwokushivira. 1Pe 5 Ndima 7 inoratidza kuti tinogona nenzira ine chivimbo kukandira funganyo yedu yose pana Mwari ‘nokuti anotiitira hanya,’ uye mashoko iwaya anokurudzira chivimbo chakakwana muna Jehovha. Naizvozvo ngationei kuti kuzvininipisa, kushivira, uye chivimbo chakakwana muna Mwari zvinogona sei kubetsera kuderedza funganyo.
Nzira Iyo KuzvininipisaKunogona Kubetsera Nayo
11. Kuzvininipisa kungatibetsera sei kugonana nefunganyo?
11 Kana tichizvininipisa, tichabvuma kuti mifungo yaMwari yakakwirira zvikuru kune yedu timene. (Isaya 55:8, 9) Kuzvininipisa kunotibetsera kuziva tambanuko yendangariro yedu yakaganhurwa mukuenzaniswa nomurangariro waJehovha unobatanidza zvose. Iye anoona zvinhu zvatisinganzwisisi, sezvakaratidzwa muchakaitika chomurume akarurama Jobho. (Jobho 1:7-12; 2:1-6) Kupfurikidza nokuzvininipisa timene mu“ruoko rune simba rwaMwari,” tiri kubvuma nzvimbo yedu yakaderera mukuenzaniswa naChangamire Mukurusa. Uyewo, ikoku kunotibetsera kugonana namamiriro ezvinhu aanobvumidza. Mwoyo yedu ingashuva rusununguko rwapakarepo, asi sezvo mavara aJehovha achidzikamiswa zvakakwana, anoziva nenzira chaiyoiyo kuti ndirini uye sei paachatiitira chimwe chinhu. Savana vaduku, ipapo, nokuzvininipisa ngativimbei noruoko rwaJehovha rune simba, tichivimba kuti achatibetsera kugonana nefunganyo dzedu.—Isaya 41:8-13.
12. Funganyo pamusoro pechengeteko yokunyama ingatapurwa sei kana tikashandisa nokuzvininipisa mashoko aVaHebheru 13:5?
12 Kuzvininipisa kunobatanidza kudisa kushandisa zano rinobva muShoko raMwari, rinowanzogona kuderedza funganyo. Somuenzaniso, kana funganyo yedu yakabva mukubatanidzwa zvikuru mukuronda zvokunyama, tingasanorangarira zano raPauro, rokuti: “Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye [Mwari] amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” (VaHebheru 13:5) Kupfurikidza nokushandisa nokuzvininipisa zano rakadaro, vakawanda vakazvisunungura vamene pafunganyo huru pamusoro pechengeteko yokunyama. Nepo mumiriro wavo wezvinhu wemari ungave usina kuvandudzika, haudzori mifungo yavo kusvikira kukuvadziko yavo yomudzimu.
Basa Rokushivira
13, 14. (a) Nokutsungirira kwokushivira, muenzanisoi wakagoverwa nomunhu Jobho? (b) Kumirira Jehovha nokushivira kunogona kutiitirei?
13 Kutaura kwokuti, “nenguva yakafanira” kuri pana 1 Petro 5:6 kunokarakadza kudikanwa kwokutsungirira kwokushivira. Pane dzimwe nguva chinetso chinopfuurira kwenguva refu, uye ikoko kunogona kuwedzera funganyo. Zvikurukuru ipapo tinofanira kusiyira zvinhu mumaoko aJehovha. Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Jobho akatambura kuparadzwa kwefuma, akafirwa navana gumi, akatambura hosha inosemesa, uye nenzira isakarurama akashurikidzwa navanyaradzi venhema. Inenge funganyo yakati yaizova yomuzvarirwo mumamiriro ezvinhu akadaro.
14 Zvisinei hazvo, Jobho akanga ari womuenzaniso mukutsungirira kwokushivira. Kana tiri kutambura muedzo wakakomba wokutenda, tingafanira kumirira rusununguko, kunyange sezvaakaita. Asi Mwari akaita chiito nokuda kwake, pakupedzisira achipedzera Jobho kutambura kwake nokumutusa nezvakawanda. (Jobho 42:10-17) Kumirira Jehovha nenzira yokushivira kunokudziridza kutsungirira kwedu uye kunoratidza ukuru hwokuzvipira kwedu kwaari.—Jakobho 1:2-4.
-