Kandira Funganyo Yako Yose Pana Jehovha
“Zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzeinenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyukwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:6, 7.
1. Funganyo inogona kutitapura sei, uye ikoku kungaenzanisirwa sei?
FUNGANYO inogona kutapura upenyu hwedu zvikuru. Inogona kufananidzwa negetsi iro pane dzimwe nguva rinodzongonyedza rwiyo rwakaisvonaka runonzwiwa muredhiyo. Kana pasina dzongonyedzo namasaisai eredhiyo, nziyo dzinofadza dzinogona kufarikanywa uye dzinogona kuparira mamiriro ezvinhu okuterama. Zvisinei, ruzha rwegetsi runozhorozhota runogona kukanganisa kunyange rwiyo rwakaisvonakisisa, ruchitiparira kushatiriswa nokuvhiringidzwa. Funganyo inogona kuva netapuro yakafanana paruteramo rwedu. Inogona kutiremera zvikuru kwazvo zvokuti hatigoni kutarisira zvinhu zvinokosha. Zvirokwazvo, “kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza.”—Zvirevo 12:25.
2. Jesu Kristu akatii pamusoro po“kufunganya . . . zvoupenyu”?
2 Jesu Kristu akataura nezvengozi yokutsauswa nefunganyo yakanyanya. Muuporofita hwake pamusoro pamazuva okupedzisira, iye akakurudzira kuti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose. Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Sezvo kunyanyodyisa nokunyanyonwisa kuchigona kuparira mugariro wendangariro wakaneta, naizvozvo kuva anoremerwa no“kufunganya . . . zvoupenyu” kunogona kutiparira kurasikirwa nomurangariro wechokwadi, nemigumisiro ine ngwavaira.
Icho Chiri Funganyo
3. “Funganyo” yakarondedzerwa sei, uye ndezvipi zvezvimwe zvezvisakiso zvayo?
3 “Funganyo” inorondedzerwa so“kusagadzikana kunorwadza kana kuti kwokutya kwendangariro kunowanzovapo pamusoro penhamo iri kuswedera kana kuti inokarirwa.” Iyo i“itiro hanya yokutya kana kuti yefariro” pamwe chete no“mufungo usiri wenguva dzose unokurira wokutya norutyo unowanzoratidzirwa nezviratidzo zvomuviri (sokudikitira, kunyanduka, uye kurova kwemwoyo kwakawedzerwa), kupfurikidza nokupokana pamusoro pezvomene norudzi rwetyisidziro yacho, uye nokuzvipokanidza umene pamusoro pesimba rako rokugonana nayo.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Naizvozvo funganyo inogona kuva chinetso chakaoma kunzwisisa. Pakati pezvinoiparira zvayo zvakawanda pane kurwara, kukwegura, kutya utsotsi, kurasikirwa nebasa, uye itiro hanya yegarikano yemhuri yako.
4. (a) Chii chakanaka kuyeuka pamusoro pavanhu nefunganyo dzavo? (b) Kana tiri kutambura funganyo, chii chinogona kuitwa?
4 Nenzira yakajeka, pane mwero yefunganyo, sezvakunongovawo namamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kana kuti migariro inogona kuiparira. Havasi vanhu vose vanoita chinhu kumamiriro ezvinhu nenzira imwe cheteyo. Nokudaro, tinodikanirwa kuziva kuti kunyange kana chimwe chinhu chisingatitambudzi, chingave chisakiso chefunganyo yakakomba kuna vamwe vavanamati biyedu vaJehovha. Chii chinogona kuitwa kana funganyo ikasvika pfundo rakadaro zvokuti hatigoni kunangidzira ngwariro pazvokwadi dzinotsinhirana nedzinofadza dzeShoko raMwari? Zvakadiniko kana tikava vanotambudzika kwazvo nefunganyo zvokuti hatikwanisi kuchengeta kunangidzira ngwariro panhau dzouchangamire hwaJehovha neperero yechiKristu? Tingasakwanisa kushandura mamiriro edu ezvinhu. Panzvimbo pezvo, tinodikanirwa kutsvaka mapfundo apaMagwaro achatibetsera kugonana nefunganyo isakafanira inoparirwa nezvinetso zvakaoma zvoupenyu.
Betsero Inowanika
5. Tingaita sei mutsinhirano nePisarema 55:22?
5 Apo vaKristu vanoda rubatsiro rwomudzimu uye vakaremerwa nefunganyo, vanogona kuwana nyaradzo muShoko raMwari. Rinogovera nhungamiro yakavimbika uye rinotipa vimbiso dzakawanda dzokuti hatisi toga savabatiri vakavimbika vaJehovha. Somuenzaniso, wezvamapisarema Dhavhidhi akaimba, kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Tinogona sei kuita mutsinhirano naaya mashoko? Kupfurikidza nokukandira funganyo dzedu dzose, kunetseka, rutyo, uye kuora mwoyo pana Baba vedu vane rudo vokudenga. Ikoku kuchatibetsera kutipa kunzwa kwechengeteko nokuterama kwomwoyo.
6. Mukuwirirana naVaFiripi 4:6, 7, munyengetero unogona kutiitirei?
6 Munyengetero wemwoyo wose wenguva dzose unokosha kana tichizokandira mutoro wedu, kubatanidza funganyo yedu yose, pana Jehovha. Ikoku kuchatiunzira rugare rwomukati, nokuti muapostora Pauro akanyora, kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) “Rugare rwaMwari” rusingaenzaniswi runyararo rusiri rwenguva dzose runofarikanywa navabatiri vaJehovha vakazvitsaurira kunyange mumamiriro ezvinhu anotambudza zvikurusa. Runobva muukama hwedu hwapedyo hwomunhu oga naMwari. Sezvatinonyengeterera mudzimu mutsvene ndokuurega uchitisunda, hatisunungurwi pazvinetso zvose zvoupenyu, asi tinofarikanya zvibereko zvomudzimu worugare. (Ruka 11:13; VaGaratia 5:22, 23) Hatikurirwi nefunganyo, nokuti tinoziva kuti Jehovha ano“garisa pakasimba” vose vavanhu vake vakatendeka uye haazoregi chinhu chichiitika chichatiparira kuvadziko yechigarire.—Pisarema 4:8.
7. Vakuru vechiKristu vanogona kuita basai mukutibetsera kugonana nefunganyo?
7 Bva, zvakadiniko kana funganyo yedu ikapfuurira, kunyange zvazvo tiri kufungisisa paMagwaro uye tichiramba tichinyengetera? (VaRoma 12:12) Vakuru vakagadzwa vari muungano igadzirirowo yaJehovha yokutibetsera mumudzimu. Vanogona kutinyaradza nokutibatsira kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari uye kupfurikidza nokunyengetera nesu uye nokuda kwedu. (Jakobho 5:13-16) Muapostora Petro akakurudzira vakuru biyake kuti vafudze boka raMwari nenzira yokuda, nenzira yokudisa, uye nenzira yomuenzaniso. (1 Petro 5:1-4) Ava varume vane fariro yedu yakanakisisa pamwoyo uye vanoda kuti vabetsere. Chokwadika, kubetserwa zvizere nebetsero yavakuru uye kuita zvakanaka mumudzimu muungano, tose zvedu tinofanira kushandisa zano raPetro, rokuti: “Imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kune mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.”—1 Petro 5:5.
8, 9. Inyaradzoi inogona kuwanwa muna 1 Petro 5:6-11?
8 Petro akawedzera, kuti: “Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira; kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai. Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiyabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda, muchiziva kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. Zvino Mwari wenyasha dzose, iye wakakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, kana mambotambudzika kanguva kaduku, uchakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.”—1 Petro 5:6-11.
9 Kunonyaradza sei kuziva kuti tinogona ku‘kandira funganyo yedu yose pana Mwari nemhaka yokuti iye anotiitira hanya’! Uye kana imwe yefunganyo yedu ichibva mukuedza kwaDhiyabhorosi kuparadza ukama hwedu naJehovha kupfurikidza nokuunza chitambudzo nokumwe kutambura patiri, hakufadzi here kuziva kuti chinhu chiri chose chichaguma zvakanaka nokuda kwavachengeti veperero? Hungu, pashure pokunge tatambura kwechinguvana, Mwari womutsa wose usakafanirwa uchapedzisa rovedzo yedu uye uchatiita vakatsiga navakasimba.
10. Petro Wokutanga 5:6, 7 rinonongedzera kumavarai matatu anogona kutibetsera kuderedza funganyo?
10 Petro Wokutanga 5:6, 7 rinonongedzera kumavara matatu anogona kutibetsera kugonana nefunganyo. Rimwe kuzvidukupisa, kana kuti “kuzvininipisa.” 1Pe 5 Ndima 6 inoguma nokutaura, kuti “nenguva yakafanira,” kuchikarakadza kudikanwa kwokushivira. 1Pe 5 Ndima 7 inoratidza kuti tinogona nenzira ine chivimbo kukandira funganyo yedu yose pana Mwari ‘nokuti anotiitira hanya,’ uye mashoko iwaya anokurudzira chivimbo chakakwana muna Jehovha. Naizvozvo ngationei kuti kuzvininipisa, kushivira, uye chivimbo chakakwana muna Mwari zvinogona sei kubetsera kuderedza funganyo.
Nzira Iyo KuzvininipisaKunogona Kubetsera Nayo
11. Kuzvininipisa kungatibetsera sei kugonana nefunganyo?
11 Kana tichizvininipisa, tichabvuma kuti mifungo yaMwari yakakwirira zvikuru kune yedu timene. (Isaya 55:8, 9) Kuzvininipisa kunotibetsera kuziva tambanuko yendangariro yedu yakaganhurwa mukuenzaniswa nomurangariro waJehovha unobatanidza zvose. Iye anoona zvinhu zvatisinganzwisisi, sezvakaratidzwa muchakaitika chomurume akarurama Jobho. (Jobho 1:7-12; 2:1-6) Kupfurikidza nokuzvininipisa timene mu“ruoko rune simba rwaMwari,” tiri kubvuma nzvimbo yedu yakaderera mukuenzaniswa naChangamire Mukurusa. Uyewo, ikoku kunotibetsera kugonana namamiriro ezvinhu aanobvumidza. Mwoyo yedu ingashuva rusununguko rwapakarepo, asi sezvo mavara aJehovha achidzikamiswa zvakakwana, anoziva nenzira chaiyoiyo kuti ndirini uye sei paachatiitira chimwe chinhu. Savana vaduku, ipapo, nokuzvininipisa ngativimbei noruoko rwaJehovha rune simba, tichivimba kuti achatibetsera kugonana nefunganyo dzedu.—Isaya 41:8-13.
12. Funganyo pamusoro pechengeteko yokunyama ingatapurwa sei kana tikashandisa nokuzvininipisa mashoko aVaHebheru 13:5?
12 Kuzvininipisa kunobatanidza kudisa kushandisa zano rinobva muShoko raMwari, rinowanzogona kuderedza funganyo. Somuenzaniso, kana funganyo yedu yakabva mukubatanidzwa zvikuru mukuronda zvokunyama, tingasanorangarira zano raPauro, rokuti: “Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye [Mwari] amene wakati: Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” (VaHebheru 13:5) Kupfurikidza nokushandisa nokuzvininipisa zano rakadaro, vakawanda vakazvisunungura vamene pafunganyo huru pamusoro pechengeteko yokunyama. Nepo mumiriro wavo wezvinhu wemari ungave usina kuvandudzika, haudzori mifungo yavo kusvikira kukuvadziko yavo yomudzimu.
Basa Rokushivira
13, 14. (a) Nokutsungirira kwokushivira, muenzanisoi wakagoverwa nomunhu Jobho? (b) Kumirira Jehovha nokushivira kunogona kutiitirei?
13 Kutaura kwokuti, “nenguva yakafanira” kuri pana 1 Petro 5:6 kunokarakadza kudikanwa kwokutsungirira kwokushivira. Pane dzimwe nguva chinetso chinopfuurira kwenguva refu, uye ikoko kunogona kuwedzera funganyo. Zvikurukuru ipapo tinofanira kusiyira zvinhu mumaoko aJehovha. Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Jobho akatambura kuparadzwa kwefuma, akafirwa navana gumi, akatambura hosha inosemesa, uye nenzira isakarurama akashurikidzwa navanyaradzi venhema. Inenge funganyo yakati yaizova yomuzvarirwo mumamiriro ezvinhu akadaro.
14 Zvisinei hazvo, Jobho akanga ari womuenzaniso mukutsungirira kwokushivira. Kana tiri kutambura muedzo wakakomba wokutenda, tingafanira kumirira rusununguko, kunyange sezvaakaita. Asi Mwari akaita chiito nokuda kwake, pakupedzisira achipedzera Jobho kutambura kwake nokumutusa nezvakawanda. (Jobho 42:10-17) Kumirira Jehovha nenzira yokushivira kunokudziridza kutsungirira kwedu uye kunoratidza ukuru hwokuzvipira kwedu kwaari.—Jakobho 1:2-4.
Vimba naJehovha
15. Neiko tichifanira kuvimba naJehovha zvakakwana?
15 Petro akakurudzira vatendi biyake ku‘kandira funganyo yavo yose pana Mwari nemhaka yokuti iye anovaitira hanya.’ (1 Petro 5:7) Naizvozvo tinogona uye tinofanira kuva nechivimbo chakakwana muna Jehovha. Zvirevo 3:5, 6 inoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Nemhaka yoruzivo rwokuzviwanira rwomunguva yakapfuura, vamwe avo vanozadzwa nefunganyo vanokuwana kwakaoma kuvimba navamwe vanhu. Asi tine chikonzero chiri chose chokuvimba noMusiki wedu, Manyuko amene noMutsigiri woupenyu. Kunyange kana tisingavimbi nokuita kwedu timene munhau yakati, nguva dzose tinogona kuvimba naJehovha kuti atinunure mungwavaira dzedu.—Pisarema 34:18, 19; 36:9; 56:3, 4.
16. Jesu Kristu akatii pamusoro pefunganyo yezvinhu zvokunyama?
16 Kuvimba naMwari kunobatanidza kuteerera Mwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo akadzidzisa zvaakadzidza kuna Baba vake. (Johane 7:16) Jesu akakurudzira vadzidzi vake ku‘chengeta fuma mudenga’ kupfurikidza nokubatira Jehovha. Asi zvakadiniko nezvinodikanwa zvokunyama zvinobatanidza zvokudya, mbatya, uye pokugara? “Regai kufunganya,” Jesu akapa zano. Iye akaonesa kuti Mwari anodyisa shiri. Anopfekedza maruva zvakaisvonaka. Vabatiri vaMwari vavanhu havakoshi kupfuura izvozvi here? Chokwadika vanodaro. Nokudaro, Jesu akakurudzira, kuti: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwa[Mwari]; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Jesu akapfuurira, kuti: “Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo yaro.” (Mateo 6:20, 25-34) Hungu, tinoda chokudya, chokunwa, chokupfeka, uye pokugara, asi kana tikavimba naJehovha, hatisati tichizofunganya nenzira isakafanira pamusoro pezvinhu izvozvi.
17. Tingaenzanisira sei dikanwo yokutanga kutsvaka Umambo?
17 Kuti titange kutsvaka Umambo, tinofanira kuvimba naMwari ndokuchengeta zvinotanga zvedu munhevedzano yakafanira. Munhu anoita chamunyurududu asina chokufemesa angapuvira pasi pemvura achitsvaka rwamba rwune parera mukati marwo. Uyu ndiwo mutoo wake wokugovera mhuri yake. Ndichinotanga chakakwirira, zvirokwazvo! Asi chii chinokosha zvikuru? Mhepo! Anofanira kubuda nguva dzose kuti azadzezve mapapu ake. Mhepo ndichinotanga chakakwirira zvikuru. Nenzira yakafanana, tingafanira kuva vanoti batanidzwei mutsika ino yezvinhu kuti tiwane zvinodikanwa zvoupenyu. Zvisinei, zvinhu zvomudzimu zvinofanira kuuya pokutanga nemhaka yokuti upenyu humene hwemhuri yedu hunotsamira pazvinhu izvozvi. Kuti tidzivise funganyo isina kufanira pamusoro pezvinodikanwa zvokunyama, tinofanira kuvimba zvakakwana naMwari. Uyezve, ‘tichiva nezvakawanda zvokuita mubasa raIshe’ kungabetsera kuderedza funganyo nemhaka yokuti “mufaro waJehovha” unobvumikisa kuva nhare yedu.—1 VaKorinte 15:58; Nehemia 8:10.
Ramba UchikandiraFunganyo Yako Pana Jehovha
18. Ufakazii huripo hwokuti kukandira funganyo yedu yose pana Jehovha kunogona kutibetsera chaizvoizvo?
18 Kuti tirambe takanangidzira ngwariro zvakajeka nenzira yomudzimu, tinofanira kuramba tichikandira funganyo yedu yose pana Jehovha. Nguva dzose yeuka kuti iye anoitira hanya chaizvoizvo vabatiri vake. Kuenzanisira: Nemhaka yokusatendeka kwomurume wake kwaari, funganyo yomumwe mukadzi wechiKristu yakawedzera kusvika papfundo rokuti kwakanga kusingamubviriri kurara. (Enzanisa nePisarema 119:28.) Ari pauvato, zvisinei, aikandira funganyo yake yose pana Jehovha. Aidururira mwoyo wake kuna Mwari, achimuudza nezvokurwadza uko iye notuvanasikana twake tuviri vaitambura. Pashure pokuchemera kusunungurwa mumunyengetero une simba, nguva dzose aikwanisa kubatwa nehope, nokuti akavimba kuti Jehovha aizomutarisira iye navana vake. Uyu mukadzi akachatanura zvapaMagwaro zvino akachata nenzira inofadza nomukuru.
19, 20. (a) Ndedzipi dzimwe nzira dzatinogona kugonana nadzo nefunganyo? (b) Chii chatinofanira kuramba tichiita nefunganyo yedu yose?
19 Savanhu vaJehovha, tine nzira dzakasiyana-siyana dzokugonana nadzo nefunganyo. Kushandisa Shoko raMwari kunobetsera zvikuru. Tine zvokudya zvomudzimu zvakafuma zvinogoverwa naMwari kupfurikidza no“muranda wakatendeka, wakangwara,” kubatanidza nyaya dzinobetsera uye dzinozorodza dzinoburitswa muNharireyomurindi neMukai! (Mateo 24:45-47) Tine rubatsiro rwomudzimu mutsvene waMwari. Munyengetero wenguva dzose noune simba unotibetsera zvikuru. Vakuru vechiKristu vakagadzwa vakagadzirira uye vanodisa kugovera betsero yomudzimu nenyaradzo.
20 Kuzvininipisa kwedu timene nokushivira zvinobetsera zvikuru mukubata nefunganyo ingatinetsa. Chinokosha zvikuru chivimbo chakakwana muna Jehovha, nokuti kutenda kwedu kunovakwa sezvatinowana betsero yake nenhungamiro. Uyewo, kutenda Mwari kunogona kutidzivisa pakuva vanotambudzika zvisina kufanira. (Johane 14:1) Kutenda kunotisunda kutanga kutsvaka Umambo nokuramba takabatikana mubasa raShe rinofadza, rinogona kutibetsera kugonana nefunganyo. Mubato wakadaro unotiita tinzwe takachengeteka pakati paavo vachaimba rumbidzo dzaMwari nokusingagumi kwose. (Pisarema 104:33) Naizvozvo ngatirambe tichikandira funganyo yedu yose pana Jehovha.
Waizopindura Sei?
◻ Funganyo ingarondedzerwa sei?
◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzatinogona kugonana nadzo nefunganyo?
◻ Kuzvininipisa nokushivira zvinogona sei kubetsera kuderedza funganyo?
◻ Mukugonana nefunganyo, neiko kuchikosha kuvimba zvakakwana naJehovha?
◻ Neiko tichifanira kuramba tichikandira funganyo yedu yose pana Jehovha?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Unoziva chikonzeronei Jesu akati, “Regaikufunganya,” here?