Kutsiviwa Kwevaapostora
Tsanangudzo: Dzidziso yokuti vaapostora 12 vane vatsivi vakapiwa chiremera nokugadzwa naMwari. Muchechi yeRoma Katurike, mabhishopu seboka vanonzi vatsivi vevaapostora, uye papa ndiye anonzi mutsivi waPetro. Zvinonzi vanapapa veRoma ndivo vanobva vangotevera vachitora nzvimbo nemabasa aPetro, uyo akanzi akapiwa chiremera chikuru paChechi yose naKristu. Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.
Petro ndiye “dombo” apo chechi yakavakirwa here?
Mat. 16:18, JB: “Zvino ndinoti kwauri: Iwe ndiwe Petro uye ndichavakira Chechi yangu padombo iri. Uyewo magedhi enyika yepasi haangaikundi.” (Ona kuti mashoko akapoteredza [Mt 16 ndima 13, 20] ari kukurukura nezvekuzivikanwa kwaJesu.)
Vaapostora Petro naPauro vakanzwisisa kuti ndiani aiva “dombo,” “dombo repakona”?
Mab. 4:8-11, JB: “Petro, azadzwa noMudzimu Mutsvene, akati kwavari, ‘Vatongi vevanhu, uye vakuru! . . . nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, akamutswa naMwari kubva kuvakafa, nezita iri uye pasina rimwe murume uyu akwanisa kumira akati gwindiri, pano pamberi penyu nhasi. Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rakaratidza kuva dombo rinokosha [“dombo repakona,” NAB].’”
1 Pet. 2:4-8, JB: “Uyai pedyo naye [Ishe Jesu Kristu] kuti imiwo . . . mugova matombo mapenyu anoumba imba yemweya. Sezvinotaura rugwaro kuti: Onai kuisa kwandinoita muZiyoni dombo rinokosha repakona randakasarudza uye munhu anovimba naro haaodzwi mwoyo. Izvi zvinoreva kuti kwamuri imi vatendi, rinokosha; asi kune vasingatendi, dombo rakarambwa nevavaki rakaratidza kuva dombo rinokosha, dombo rinogumbusa, dombo rinowisira vanhu pasi.”
VaEf. 2:20, JB: “Muri chivako chiri panheyo yevaapostora nevaprofita, uye Kristu Jesu pachake ari dombo guru repakona.”
Augustine (uyo aionekwa somusande neChechi yeRoma) aidavirei?
“Munguva imwe cheteyo pandaiva mupristi, ndakanyorawo bhuku rinotsoropodza tsamba yaDonatus . . . Mune imwe ndima mubhuku iri, ndakati nezvomuApostora Petro: ‘Chechi yakavakirwa paari sepadombo.’ . . . Asi ndinoziva kuti kazhinji pave paya, ndakatsanangura zvakataurwa naIshe paakati: ‘Ndiwe Petro, uye padombo iri ndichavaka Chechi yangu,’ kuti zvinzwisiswe sokuti yakavakirwa pana iye akanzi naPetro: ‘Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu,’ saka Petro, uyo akapiwa zita kubva padombo iri, aimiririra munhu weChechi yakavakirwa padombo iri, uye akapiwa ‘kiyi dzoumambo hwokudenga.’ Nokuti zvakanzi kwaari, ‘Ndiwe Petro’ kwete kuti ‘Ndiwe dombo.’ Asi ‘dombo racho raiva Kristu,’ sokubvuma kunoitawo Chechi yose, Simoni aiva Petro.”—The Fathers of the Church—Saint Augustine, the Retractations (Washington, D.C.; 1968), rakashandurwa naMary I. Bogan, Book I, peji 90.
Vamwe vaapostora vaiona Petro seaiva nesimba guru pakati pavo here?
Ruka 22:24-26, JB: “Kukakavadzana kwakamukawo pakati pavo [vaapostora] pamusoro peaiva mukuru pane vose, asi akati kwavari, ‘Pakati pevemamwe marudzi madzimambo anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri. Izvi hazvifaniri kuitika kwamuri.’” (Dai Petro aiva “dombo,” paizova nomubvunzo here kuti ndiani “aiva mukuru pane vose”?)
Sezvo Jesu Kristu, musoro weungano, ari mupenyu, anofanira kuva nevanomutsiva here?
VaH. 7:23-25, JB: “Paimbova nevamwe vapristi vakawanda [muIsraeri], nokuti vose vakafa; asi uyu [Jesu Kristu], nokuti anogara aripo nokusingaperi, upristi hwake hunoramba huripo. Nokudaro simba rake rokuponesa nderechokwadi, sezvo achirarama nokusingaperi kuti areverere vose vanouya kuna Mwari nekwaari.”
VaR. 6:9, JB: “Sokuziva kwatinoita, Kristu zvaakamutswa kubva kuvakafa haachazofi zvakare.”
VaEf. 5:23, JB: “Kristu ndiye musoro weChechi.”
“Kiyi” dzakapiwa Petro dzaiva chii?
Mat. 16:19, JB: “Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga: chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika chichasungwawo kudenga; chinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika chichasunungurwawo kudenga.”
Muna Zvakazarurwa, Jesu akataura nezvekiyi yokufananidzira yaanoshandisa kuzarurira vanhu ropafadzo nemikana
Zvak. 3:7, 8, JB: “Herino shoko romutsvene neakatendeka iye ane kiyi yaDhavhidhi, kuti paanovhura, hapana angavhara, uye paanovhara, hapana anovhura: . . . Ndakuvhurira suo risina anogona kuvhara.”
Petro akashandisa “kiyi” dzaakapiwa kuti avhurire (vaJudha, vaSamariya, Vemamwe Marudzi) mukana wokugamuchira mweya waMwari vaine tariro yokupinda muUmambo hwokudenga
Mab. 2:14-39, JB: “Petro akasimuka aine vane Gumi nemumwe uye akataura kwavari nenzwi guru: ‘Varume veJudhiya, nemi mose munogara muJerusarema . . . Mwari akaita kuti Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa ave Ishe naKristu.’ Vachinzwa izvi, vakabayiwa mwoyo uye vakati kuna Petro nevaapostora, ‘Hama, tinofanira kuitei?’ ‘Munofanira kupfidza,’ Petro akapindura kudaro ‘uye mumwe nomumwe wenyu anofanira kubhabhatidzwa muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, uye muchapiwa chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa chacho ndechenyu nevana venyu, uye chevaya vose vari kure, chevaya vose vachadanwa naIshe Mwari wedu kwaari.’”
Mab. 8:14-17, JB: “Vaapostora muJerusarema pavakanzwa kuti Samariya yakanga yagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohani kwavari, uye vakaenda ikoko, uye vakanyengetera kuti vaSamariya vagamuchire Mweya Mutsvene, nokuti wakanga usati waburukira pana ani naani wavo: vakanga vangobhabhatidzwa chete muzita raIshe Jesu. Vakabva vaisa maoko pavari, uye vakagamuchira Mweya Mutsvene.” (Mab 8 Ndima 20 inoratidza kuti Petro ndiye akanga achitungamirira panguva ino.)
Mab. 10:24-48, JB: “Vakasvika muKesariya mangwana acho, uye Koneriyasi [murume asina kudzingiswa Wemamwe Marudzi] akanga akavamirira. . . . Petro akataura kwavari . . . Petro paakanga achitaura Mweya Mutsvene wakaburukira pane vose vakanga vakateerera.”
Denga rakamirira Petro kuti asarudze zvokuita ndokuzomutevera here?
Mab. 2:4, 14, JB: “Vose vakazadzwa neMweya Mutsvene, uye vakatanga kutaura nendimi dzokumwe sokupiwa kwavaiitwa neMweya chipo chokutaura. . . . Zvadaro [pashure pokunge Kristu, musoro weungano, avapa simba kuburikidza nemweya mutsvene] Petro akasimuka aine vane Gumi nemumwe uye akataura kwavari.” (Ona Mab 2 ndima 33.)
Mab. 10:19, 20, JB: “Mweya waitofanira kumuudza [Petro], ‘Vamwe varume vauya kuzokuona. Kurumidza kuburuka, uye usazengurira kudzokera navo [kumba kwaKoneriyasi Wemamwe Marudzi]; ndini ndavaudza kuti vauye.’”
Enzanisa naMateu 18:18, 19.
Petro ndiye here anotonga kuti ndiani akakodzera kupinda muUmambo?
2 Tim. 4:1, JB: “Kristu Jesu . . . ndiye achatonga vapenyu nevakafa.”
2 Tim. 4:8, JB: “Chichauya zvino ikorona yokururama yandakachengeterwa, iyo Ishe [Jesu Kristu], mutongi akarurama, achandipa paZuva iroro; uye kwete ini chete asi vose vakada Kuratidzwa kwake.”
Petro aiva muRoma here?
Roma inotaurwa nezvayo mundima pfumbamwe dzeMagwaro Matsvene; hapana kana imwe yadzo inoti Petro akanga ari ikoko. Pana 1 Petro 5:13 panoratidza kuti akanga ari muBhabhironi. Uku kwaiva kureva Roma nechibhende here? Kuva kwake muBhabhironi kunoenderana nebasa rake rokuparidzira vaJudha (sezvinoratidzwa pana VaGaratiya 2:9), sezvo muBhabhironi uye munzvimbo dzakanga dzakapoteredza guta racho rekare makanga muine vaJudha vakawanda. Painokurukura nezvokugadzirwa kweBabylonian Talmud, Encyclopaedia Judaica (Jerusalem, 1971, Vol. 15, col. 755) inotaura nezve“zvikoro zvikuru zveBhabhironi” zvechiJudha muNguva Yavose.
Tinogona kuronda vatsivi vose kubva pana Petro kusvika pana vanapapa vemazuva ano here?
John McKenzie muJesuit, paaiva purofesa wezvechitendero paNotre Dame, akanyora kuti: “Hapana uchapupu hwezvakaitika kare hunoratidza kutsivana kwose pachiremera chechechi.”—The Roman Catholic Church (New York, 1969), peji 4.
New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti: “ . . . kushomeka kwezvakanyorwa kunosiya zvakawanda zvisina kujeka kuti boka remabhishopu rakatanga sei . . . ”—(1967), Vol. I, peji 696.
Kukambira kugadzwa naMwari hakurevi chinhu kana vanozviita vasingateereri Mwari naKristu
Mat. 7:21-23, JB: “Havasi vaya vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muumambo hwokudenga, asi munhu anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Kana zuva racho rasvika vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, kudzinga madhimoni muzita renyu, kuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here?’ Ndichabva ndavaudza pachena kuti: Handina kumbobvira ndakuzivai, ibvai pandiri, imi vanhu vakaipa!”
Onawo Jeremiya 7:9-15.
Vanonzi vatsivi vevaapostora vakanyatsotevedzera dzidziso uye zvaigara zvichiitwa naJesu Kristu nevaapostora vake here?
A Catholic Dictionary rinoti: “Chechi yeRoma ndeyeVaapostora, nokuti zvainodzidzisa ndizvo zvakamboziviswa kuVaapostora, izvo zvainochengetedza uye zvainotsanangura isingawedzeri kana kubvisa chinhu pazviri.” (London, 1957, W. E. Addis naT. Arnold, peji 176) Chokwadi chinopindirana neizvi here?
Kuzivikanwa kwaMwari
“Utatu ishoko rinoshandiswa kuratidza dzidziso huru yechiKristu.”—The Catholic Encyclopedia (1912), Vol. XV, peji 47.
“Shoko rokuti Utatu, kana kuti dzidziso yakajeka yakadaro, hazviwaniki muTestamende Itsva . . . Dzidziso yacho yakatanga zvishoma nezvishoma kwemazana emakore anoverengeka uye pashure pemakakatanwa akawanda.”—The New Encyclopædia Britannica (1976), Micropædia, Vol. X, peji 126.
“Vaturikiri uye nyanzvi dzinodzidza zveBhaibheri, kusanganisira vaRoma Katurike vari kuramba vachiwedzera, vanonyatsozviziva kuti munhu haafaniri kutaura nezvedzidziso yoUtatu muTestamende Itsva asina kunyatsokodzera. Vanyori vezvaiitika muchitendero uye nyanzvi dzinoongorora zvitendero vanotaurawo zvakafanana kuti kana munhu akataura nezveUtatu hwakakwana anenge asingatauri zvepanguva yakatanga chiKristu asi kutoti zvepanguva yokupera kwezana remakore rechina.”—New Catholic Encyclopedia (1967), Vol. XIV, peji 295.
Kusaroora kwevafundisi
Mutsamba yake yakanzi Sacerdotalis Caelibatus (Priestly Celibacy, 1967), Pope Paul VI, akataura zvakasimba kuti vafundisi havafaniri kuroora, asi akabvuma kuti “Testamende Itsva ine dzidziso yaKristu uye Vaapostora . . . haitauri zviri pachena kuti vashumiri vatsvene havafaniri kuroora . . . Jesu pachake haana kutsvaka izvozvo pakusarudza vane Gumi nevaviri, kana Vaapostora pakusarudza vaitungamirira vaKristu vepakutanga.”—The Papal Encyclicals 1958-1981 (Falls Church, Va.; 1981), peji 204.
1 VaK. 9:5, NAB: “Hatina kodzero yokuroora mukadzi anotenda sezvinongoita vamwe vaapostora vose uye hama dzaIshe naKefasi here?” (“Kefasi” ndiro zita rechiAramaiki rakapiwa Petro; ona Johani 1:42. Onawo Mako 1:29-31, panotaurwa nezvaambuya vaSimoni, kana kuti Petro.)
1 Tim. 3:2, Dy: “Nokudaro, bhishopu anofanira kuva . . . murume womudzimai mumwe [“akaroora kamwe chete bedzi,” NAB].”
ChiKristu chisati chavapo, chiBhudha chaida kuti vapristi vacho nemamongi vasaroora. (History of Sacerdotal Celibacy in the Christian Church, London, 1932, fourth ed., rakadzokororwa, Henry C. Lea, peji 6) Kunyange pakutanga-tanga, vakuru vakuru voupristi hwechiBhabhironi vaisafanira kuroora, maererano neThe Two Babylons rakanyorwa naA. Hislop.—(New York, 1943), peji 219.
1 Tim. 4:1-3, JB: “Mweya wakataura pachena kuti munguva dzokupedzisira pachava nevamwe vachasiya kutenda vosarudza kuteerera mweya inonyengera nedzidziso dzinobva kumadhimoni; . . . vachati kuroorana kunorambidzwa.”
Kuparadzana nenyika
Paaitaura kuUnited Nations muna 1965, Pope Paul VI, akati: “Vanhu vepanyika vanotarisa kuUnited Nations setariro yokupedzisira yokuwirirana norugare; Pano tinopa rumbidzo yavo, pamwe chete neYedu pachedu, yerukudzo netariro.”—The Pope’s Visit (New York, 1965), Time-Life Special Report, peji 26.
Joh. 15:19, JB: “[Jesu Kristu akati:] Dai maiva venyika, nyika yaizokudai somuri vayo; asi nokuti hamusi venyika, nokuti ndakakusarudzai kubva munyika, naizvozvo nyika inokuvengai.”
Jak. 4:4, JB: “Hamuzivi here kuti kuita nyika shamwari yenyu ndiko kuita Mwari muvengi wenyu?”
Kushandisa zvombo zvehondo
Munyori wezvakaitika kare wechechi yeRoma E. I. Watkin anoti: “Kunyange zvichirwadza kubvuma, pamusana pokuda kubatsirika kusiri iko kana kuti kuvimbika kwokunyepera hatigoni kuramba kana kupira gotsi chokwadi chokuti maBhishopu agara achitsigira hondo dzose dzakarwiwa nehurumende dzenyika dzavo. Handina pandinoziva apo boka revafundisi rakatsoropodza hondo chero ipi zvayo seisina kururama . . . Pasinei nezvinodzidziswa muchechi, munguva yehondo maBhishopu eRoma ave achiita maererano nokutaura kwokuti ‘nyika yangu yakarurama nguva dzose.’”—Morals and Missiles (London, 1959), rakapepetwa naCharles S. Thompson, mapeji 57, 58.
Mat. 26:52, JB: “Jesu akabva ati, ‘Dzorera bakatwa rako, nokuti vose vanoshandisa bakatwa vachafa nebakatwa.’”
1 Joh. 3:10-12, JB: “Nenzira iyi tinosiyanisa vana vaMwari nevana vadhiyabhorosi: ani naani . . . asingadi hama yake haasi mwana waMwari. . . . Tinofanira kudanana; kwete kuita saKaini, aibva kune Akaipa uye akacheka huro yomunun’una wake.”
Tichifunga zviri pamusoro apa, vaya vanozviti vatsivi vevaapostora vaidzidzisa uye vaigara vachiita zvaiitwa naKristu nevaapostora vake here?