Mwari Haanonoki Pamusoro Pezvaakapikira
“HAIWA, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi?” Ayo mashoko emuprofita wechiHebheru Habhakuki, uyo akararama muzana remakore rechinomwe B.C.E. Asi akajairika, haana here? Ndekwomusikirwo kuda kuva nezvinhu zvatinoda zvikuru pakarepo kana kuti nokukurumidza sezvinobvira. Uye izvozvi ndezvechokwadi zvikurukuru muzera redu regutsikano yapakarepo.—Habhakuki 1:2.
Muzana rokutanga remakore, kwaiva navamwe sezviri pachena vaifunga kuti Mwari aifanira kuita zvaakapikira nokukurumidza. Vakava vasingashiviriri zvokuti vakatofunga kuti Mwari anonoka kana kuti haakurumidzi. Panhau iyi, muapostora Petro aifanira kuvayeuchidza kuti kuona nguva kwaMwari kwakanyatsosiyana nokwedu. Petro akanyora kuti: “Vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe.”—2 Petro 3:8.
Maererano nenzira iyi yokufunga nezvenguva, munhu ane makore 80 ararama bedzi anenge maawa maviri, uye nhau yavanhu yose yangova neanenge mazuva matanhatu bedzi. Patinotarira zvinhu nemafungire aya, zvinova nyore zvikuru kuti tinzwisise nzira iyo Mwari anotibata nayo.
Zvisinei, hakusi kuti Mwari haana basa nenguva. Kutosiyana naizvozvo, anoziva kwazvo nguva. (Mabasa 1:7) Naizvozvo, Petro, anopfuurira kuti: “Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti: Hunonoka; asi ane mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Kusafanana navanhu, Mwari haanzwi achimanikidzirwa kuita zvinhu sokunge kuti nguva iri kumuperera. Sa“Ishe usingaperi,” anoona zvinhu zvose zvakanyatsonaka uye anogona kusarudza kuti ndirini mukufamba kwenguva apo zviito zvake zvichaita zvakanakisisa kuna vose vanobatanidzwa.—1 Timotio 1:17.
Pashure pokutsanangura chikonzero chekunganzi kunonoka kwaMwari, Petro anoyambira kuti: “Zuva raShe richauya sembavha.” Ndiko kuti, zuva rokutonga richauya apo vanhu vanenge vasingamboritarisiri. Ipapo, mundima dzinotevera, Petro anoonesa tariro inoshamisa kuna avo vanoratidza “mufambire . . . mutsvene nokunamata Mwari,” ndiko kuti vapukunyuke ndokupinda “mudenga idzva nenyika itsva” zvakapikirwa naMwari.—2 Petro 3:10-13.
Izvi zvinofanira kutiita kuti tionge zvikuru kuti rutongeso rwaMwari harusati rwasvika. Mwoyo murefu wake wakaita kuti tigone kusvika pakuziva chinangwa chake uye kuti tigadziridze upenyu hwedu kuitira kuti tigowana chikomborero chaakapikira. Hatifaniri kuona “mwoyo murefu waShe wedu [so]ruponeso,” sezvinotaurwa naPetro here? (2 Petro 3:15) Zvisinei, kune chimwe chinhu mumwoyo murefu waMwari.
Mwero Wokusarurama Unoda Kuzadziswa
Patinodzidza nezvekubata kwaMwari navanhu kare, tinoona kuti aiwanzorega kuvatonga kusvikira tariro yose yekuzvigadzirisa yapfuura. Somuenzaniso, maererano nokutonga kwakaita Mwari vaKanani, akafanoonesa zvivi zvavo kuna Abrahama pachine nguva. Asi nguva yokutonga kwake yakanga isati yasvika. Nei? Bhaibheri rinoti: “Nokuti kusarurama kwevaAmori [vaKanani] kuchigere kuzara,” kana kuti sokunyora kunoita shanduro yeKnox kuti: “Uipi hwavaAmori [hwakanga] husati hwazara.”—Genesi 15:16.a
Zvisinei, anenge makore 400 gare gare, kutonga kwaMwari kwakasvika, uye vazukuru vaAbrahama, vaIsraeri, vakatora nyika iyoyo. Vashoma vevaKanani, saRakabhi nevaGibheoni, vakaponeswa nemhaka yezvavakanga vari uye zviito zvavo, asi vazhinji vavo, vakanga vasvika pamwero mukuru zvikuru wokusachena, sezvinooneswa nevanochera matongo vazvino uno. Vainamata chirema, vachiita unzenza patemberi, uye vaibayira vana. Halley’s Bible Handbook rinoti: “Nyanzvi dzinochera mumatongo emaguta eKanani dzinoshamiswa kuti Mwari haana kuaparadza nokukurumidza kupfuura zvaakaita.” Pakupedzisira, ‘mwero wechivi wavaKanani waiva wazara’; uipi hwavo hwaiva “hwazara.” Hapana aigona kupomera Mwari nomazvo kuva asina kururama paakarega pasi richicheneswa asi achiponesa avo vakanga varatidza mafungiro akanaka.
Tinowana chinhu chakafanana muzuva raNoa. Pasinei zvapo nokuti pashure peMafashamo vanhu vakanga vakaipa, Mwari nenzira yengoni akasarudza kuti nguva yavo yaizopfuurira kwamamwe makore 120. Mune imwe yenguva iyoyo, Noa akashanda se“muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Nekufamba kwenguva, uipi hwavo sezviri pachena hwakaibva. “Mwari akaona nyika kuti yakaora; nokuti vanhu vose vakanga vaodza mufambire wavo panyika.” (Genesi 6:3, 12) ‘Mwero wavo wechivi wakanga wazara’; kufamba kwenguva kwakasvitsa mafungire avo akaipa kumwero mukurusa. Mwari paakaita chiito akapembedzwa zvizere. Vanhu vasere bedzi ndivo vakaratidza kuva vakarurama mumaziso aMwari, uye akavaponesa.
Izvozvowo zvinoonekwa mukubata kwaMwari navaIsraeri. Pasinei zvapo nokuva kwavo vakazvibata nenzira yokusatendeseka uye yakashata, Mwari aiva nomwoyo murefu navo kwemazana emakore. Nhau yacho inoti: “Jehovha . . . akatuma . . . nhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake . . . asi . . . vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.” (2 Makoronike 36:15, 16) Vanhu vakanga vasvika panguva yokuti kunyange kuzvigadziridza kwakanga kusingachabviri. Jeremia bedzi nevamwe vashomanene ndivo vaigona kuponeswa. Mwari aisagona kunzi haana kururama pakupedzisira paakatonga vose.
Nguva yaMwari Yokuita Chiito Yasvika
Kubva mumienzaniso iyi tinogona kuona kuti Mwari ari kumboregera kutonga gadziriro yezvinhu iripo zvino kusvikira bedzi nguva yacho yanyatsosvika. Izvi zvinoratidzwa mumurayiro wakapiwa munhu wokufananidzira anoshandiswa naMwari kuuraya wokuti: “Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva. Ipapo mutumwa akakandira jeko rake panyika, akacheka muzambiringa wenyika, akazvikandira muchisviniro chikuru chokutsamwa kwaMwari.” Cherekedza kuti uipi hwavanhu hwakanga hwa“ibva,” ndiko kuti, hwasvika pachinhano chokusagadzirisika. Mwari paachatonga, hapachazovi nokupokana kwokuti kupindira kwake kunopembedzwa.—Zvakazarurwa 14:18, 19.
Tichifunga zviri pamusoro, zviri pachena kuti kutonga kwaMwari nyika ino kunofanira kuva pedyo nokuti nyika yakatora tsika idzo dzakaita kuti Mwari atonge kare. Kwose kwose kwatinotarira, pasi rakazara nechisimba, kungofanana nezvarakanga rakaita Mafashamo emuzuva raNoa asati aitwa. Mafungire evanhu ari kuramba achifanana nezvinotsanangurwa pana Genesi 6:5 kuti: “Ndangariro dzokufunga kwemwoyo ya[vanhu] dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” Kunyange zvivi zvakakomba zvakaita kuti Mwari atonge vaKanani zvinhu zvinozivikanwa chaizvo nhasi.
Zvikurukuru kubvira paHondo Yenyika I, vanhu vakachinja zvinotyisa. Vakaona pasi richizara neropa ramamiriyoni. Hondo, kuparadza rudzi, ugandanga, utsotsi, uye kusateerera mutemo zvakaitika munyika yose. Nzara, hosha, uye unzenza zvakanyangira pasi redu. Uchapupu hwose hunoratidza kuti zvino tiri kurarama pakati perudzi rwuya rwakaipa urwo nezvarwo Jesu akati: “Rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.” (Mateo 24:34) Nyika zvino iri kuzadzisa “mwero wayo wechivi.” “Masumbu emuzambiringa wenyika” ava kuibva kuti akohwewe.
Inguva Yokuti Uite Chiito
Muapostora Johane akataurirwa kuti sezvo nguva yokutonga inoswedera pedyo, kuibva kuviri kuchaitika. Neimwe nzira, “usina kururama ngaarambe achiita zvisakarurama; une tsvina, ngaarambe achisvibiswa.” Asi neimwe nzira, “wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.” (Zvakazarurwa 22:10, 11) Uku kuchinja kwechipiri kuri kuitika kana toreva nezvebasa redzidzo yeBhaibheri renyika yose rinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Chinangwa chebasa iroro ndechokudzidzisa vanhu zvinoda Mwari kwavari kuitira kuti vagone kuverengwa sevakafanirwa nokuwana upenyu husingaperi. Basa iri zvino rava kusvika kunyika 233 richiitwa neungano 87 000.
Mwari haanonoki. Nenzira yokushivirira akabvumira vanhu nguva inodikanwa kuti va“fuke munhu mutsva” kuitira kuti vagova mumutsara nokuda kwezvaakapikira. (VaEfeso 4:24) Nhasi, Mwari achiri kungomirira, pasinei zvapo nemigariro iri kuramba ichiipa munyika. Zvapupu zvaJehovha munyika dzose zviri kuita zvose zvazvinogona kugoverana nevavakidzani vazvo zivo iyo inotungamirira kuupenyu husingaperi. (Johane 17:3, 17) Zvinotofadza zvikuru, gore rimwe nerimwe vanhu vanopfuura 300 000 vari kugamuchira uye chibhabhatidzwa.
Uchifunga nezveupenyu husingaperi, ino inguva, kwete yokumirira, asi yokuita chiito. Nokuti nenguva pfupi, tichaona kuzadzika kwezvakapikira Jesu kuti: “Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi.”—Johane 11:26.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko emuzasi pandima ino muThe Soncino Chumash anoti: “Vakafanirwa nokudzingwa, sezvo Mwari asingarangi rudzi kusvikira mwero wechivi charwo wazara.”
[Mufananidzo uri papeji 6]
Muurayi anoshandiswa naMwari akaudzwa kuti akandire jeko apo mazambiringa enyika akanga aibva
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha munyika yose zviri kubetsera vanhu kuti vauye mumutsara wechikomborero chisingaperi chaMwari