Ndiani Achapukunyuka “Zuva ra[Jehovha, NW]”?
“Imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva ra[Jehovha, NW].”—2 PETRO 3:11, 12.
1. Ndivanaani vakashanda nomudzimu waEria nesimba?
JEHOVHA MWARI akasarudza kubva pakati porudzi rwomunhu vanhu vachava vadyi venhaka pamwe chete noMwanakomana wake, Jesu Kristu, muUmambo hwokudenga kubva murudzi rwomunhu. (VaRoma 8:16, 17) Pavanenge vachiri pasi pano, vaKristu vakazodzwa vanoshanda nomudzimu waEria nesimba. (Ruka 1:17) Munyaya yapfuura, tacherekedza kufanana kwakati kuri pakati pemibato yavo neiyo yomuporofita Eria. Asi zvakadini nebasa romutsivi waEria, muporofita Erisha?—1 Madzimambo 19:15, 16.
2. (a) Chii chakanga chiri chishamiso chokupedzisira chaEria, uye chokutanga chaErisha? (b) Chibvumikisoi chiripo chokuti Eria haana kuenda kudenga?
2 Chishamiso chokupedzisira chakaitwa naEria chakanga chiri chokuparadzanisa mvura dzoRwizi rwaJoridhani kupfurikidza nokudzirova nenguo yake yebasa. Izvi zvakabvumira Eria naErisha kuyambuka napakaoma. Sezvavaifamba kumabvazuva kworwizi rwacho, chamupupuri chakatakura Eria ndokumuendesa kune imwe nzvimbo papasi. (Ona bhokisi riri papeji 15 rine musoro unoti “Eria Akaenda Kudenga Ripi?”) Nguo yaEria yebasa ndiyo yakasiyiwa. Apo Erisha akaishandisa kurova Joridhani, mvura dzarwo dzakaparadzaniswa zvakare, zvichimugonesa kudzokera achifamba napakaoma. Chishamiso ichi chakajekesa kuti Erisha akanga ava mutsivi waEria mukutsigira kunamata kwechokwadi muna Israeri.—2 Madzimambo 2:6-15.
Mavara aMwari Anokosha
3. Pauro naPetro vakatii pamusoro pokuvapo kwaJesu nokwe“zuva ra[Jehovha, NW]?”
3 Mazana amakore pashure pemazuva aEria naErisha, vaapostora Pauro naPetro vakabatanidza kuuya kwe“zuva ra[Jehovha, NW]” nokuvapo kwaJesu Kristu uye raiva “denga idzva nenyika itsva” zvaizouya. (2 VaTesaronika 2:1, 2; 2 Petro 3:10-13) Kuti tipukunyuke zuva guru raJehovha—apo Mwari anoparadza vavengi vake ndokuponesa vanhu vake—tinofanira kutsvaka Jehovha ndokuratidza unyoro nokururama. (Zefania 2:1-3) Asi mamwe mavara okuwedzera anova pachena sezvatinorangarira zviitiko zvinobatanidza muporofita Erisha.
4. Kushingaira kunoita basai mubasa raJehovha?
4 Kushingairira basa raJehovha kunokosha kana tichizopukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW].” Eria naErisha vakanga vachishingairira basa raJehovha. Nokushingaira kwakafanana, vakasarira vavaKristu vakazodzwa nhasi vanoitira Jehovha basa rinoyera uye vanotungamirira mukuparidza mashoko akanaka.a Kubva pakati pema1930, vakakurudzira vose avo vanogamuchira shoko roUmambo uye vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano kuti vazvitsaurire kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa. (Marko 8:34; 1 Petro 3:21) Mamiriyoni akabvuma kurudziro iyi. Pane imwe nguva yakapfuura vakanga vari murima romudzimu uye vakafira muchivi, asi zvino vakadzidza chokwadi chaMwari, vakagamuchira tariro youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi, uye vanoshingaira mubasa raJehovha. (Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3-5) Kupfurikidza nokushingaira kwavo, kubatira pamwe, mutsa, uye mamwe mabasa akanaka, vanozorodza zvikuru hama dzomudzimu dzaKristu dzichiri pasi pano.—Mateo 25:31-46.
5. Nei zvichikosha zvikuru kuitira “hama” dzaJesu zvinhu zvakanaka, uye tine muenzaniso upi womuzuva raErisha?
5 Avo vanoitira “hama” dzaJesu zvinhu zvakanaka nemhaka yokuti ava vakazodzwa vateveri vake vane tariro yokupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW].” Vamwe varoorani vaigara mumusha weShunemi vakakomborerwa zvikuru nokuda kwokuva vanogamuchira vaeni uye vane mutsa kuna Erisha nomuranda wake. Varoorani ava vakanga vasina mwanakomana, uye murume wacho akanga akwegura. Asi Erisha akavimbisa mukadzi wokuShunemi kuti aizobereka mwanakomana, uye izvozvi zvakaitika. Apo uyu mwanakomana mumwe bedzi akafa makore akati gare gare, Erisha akaenda kuShunemi ndokumumutsa. (2 Madzimambo 4:8-17, 32-37) Mibayiro yakanaka zvakadini nokuda kwokuratidza mutsa kuna Erisha!
6, 7. Naamani akagadza muenzaniso wei, uye izvozvi zvinorevei pamusoro pokupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]”?
6 Kuzvininipisa kunodikanwa kuitira kuti tigamuchire nhungamiro yakavakirwa paBhaibheri inobva ku“hama” dzaKristu netariro yokupukunyuka zuva raJehovha. Mukuru mukuru weuto reSiria aiva nemaperembudzi Naamani aifanira kuratidza kuzvininipisa kuti atevere chikarakadzo chomusikana wechiIsraeri aiva nhapwa ndokutsvaka kurapwa kupfurikidza nokuenda kuna Israeri kunotsvaka Erisha. Panzvimbo pokubuda mumba make kuti azochingamidza Naamani, Erisha akamutumira shoko iri: “Enda, undoshamba kanomwe muna Joridhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka.” (2 Madzimambo 5:10) Kudada kwaNaamani kwakadenhwa, uye akatsamwa, asi pashure akaenda nenzira yokuzvininipisa ndokuzvinyudza muna Joridhani kanomwe, “nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.” (2 Madzimambo 5:14) Asati adzokera kumba, Naamani akafamba nzira yose kudzokera kuSamaria kunoonga muporofita waJehovha. Asarudza kusawana chimuko chokunyama mumasimba akapiwa naMwari, Erisha akabuda kuzochingura Naamani asi akanga asingazogamuchiri zvipo zvipi nezvipi. Naamani akaudza Erisha nenzira yokuzvininipisa kuti: “Muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.”—2 Madzimambo 5:17.
7 Kupfurikidza nokutevera zano raMagwaro ravakazodzwa nenzira yokuzvininipisa, mamiriyoni ari kukomborerwa zvikuru nhasi. Uyezve, kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu, ava vane mwoyo yakatendeseka vakacheneswa mumudzimu. Zvino vanofarikanya ropafadzo yokuva shamwari dzaJehovha Mwari naJesu Kristu. (Pisarema 15:1, 2; Ruka 16:9) Uye kuzvipira kwavo kuna Mwari nebasa rake kuchatuswa pavachaponeswa mukuparadzwa kusingagumi kwava kuda kuwira vatadzi vanodada, vasingapfidzi mu“zuva ra[Jehovha, NW]” riri kusvika nokukurumidza.—Ruka 13:24; 1 Johane 1:7.
“Ndianiko Unonzwana Neni? Ndianiko?”
8. (a) Avo vachapukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]” vane chimiro chipi chendangariro pakuita kuda kwaMwari? (b) Jehu akapiwa basai? (c) Chii chaifanira kuitika kuna Jezebheri?
8 Avo vanokarira kupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]” vanofanirawo kuva vakatsunga kuita kuda kwaMwari. Eria nenzira youshingi akafanotaura nezvokuparadzwa kwemhuri ine utsinye yaMambo Ahabhi, yainamata Bhaari. (1 Madzimambo 21:17-26) Kuuraya uku kusati kwaitwa, zvisinei, mutsivi waEria Erisha aifanira kupedza rimwe basa rakanga risati rapedzwa. (1 Madzimambo 19:15-17) Apo nguva yakafanira yaJehovha yakasvika, Erisha akarayira murindiri kuenda kunozodza mukuru-mukuru weuto Jehu samambo mutsva waIsraeri. Pashure pokudira mafuta mumusoro waJehu, nhume yacho yakamutaurira kuti: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: Ndakuzodza uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsraeri. Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vangu vaporofita, neropa ravaranda vose vaJehovha kuna [Jezebheri, NW]. Nokuti vose veimba yaAhabi vachaparadzwa.” Mambokadzi akaipa Jezebheri aizokandirwa kumbwa uye akanga asingazovigwi zvakanaka.—2 Madzimambo 9:1-10.
9, 10. Shoko raEria rakaitika sei muchiitiko chaJezebheri?
9 Varume vaJehu vakaziva kukosha kwokuzodzwa kwake uye vakamuzivisa samambo mutsva waIsraeri. Achiita noushingi, Jehu akamhanya akananga kuJezreeri kuti atange basa rake rokuuraya vatungamiriri vevakaramba kutenda vainamata Bhaari. Akatanga kuurawa nomuseve waJehu akanga ari mwanakomana waAhabhi, Mambo Jorami. Akabuda muguta racho kuti abvunze kana Jehu akanga auyira rugare. “Rugare rwei! kana ufeve hwamai vako [Jezebheri, NW] nouroyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai!” akapindura kudaro Jehu. Achidaro, museve waJehu wakabaya mwoyo waJorami.—2 Madzimambo 9:22-24.
10 Vakadzi vanoda Mwari vanodzivisa kuva saJezebheri kana kuti vapi navapi vakafanana naye. (Zvakazarurwa 2:18-23) Pakasvika Jehu kuJezreeri, akanga aedza kuzviita anokwezva. Achitarira pasi nepahwindo, akamukwazisa achitsvinya. Akabvunza varindiri vake kuti: “Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko?” Pakarepo, vakuru vakuru vedare vaviri kana kuti vatatu vakatarira pasi. Vakanga vari kurutivi rwaJehu here? “Musundire pasi.” akakurudzira kudaro. Vadaro, vakaita nokushinga, vachikanda Jezebheri akaipa nepahwindo. Akatsikwa, sezvinofungidzirwa nehwanda dzemabhiza. Vanhu pavakauya kuzomuviga, ‘havana kuwana chinhu, asi dehenya rake netsoka nezvanza zvamaoko ake.’ Kuzadzika kunoshamisa zvakadini kweshoko raEria rokuti: “Imbwa dzichadya nyama ya[Jezebheri, NW]”!—2 Madzimambo 9:30-37.
Kutsigira Kunamata Kwechokwadi Nomwoyo Wose
11. Jehonadhabhi akanga ari ani, uye akaratidza sei kutsigira kwake kunamata kwechokwadi?
11 Vaya vanokarira kupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]” ndokurarama nokusingaperi pasi pano vanofanira kutsigira kunamata kwechokwadi nomwoyo wose. Vanofanira kuva saJehonadhabhi, kana kuti Jonadhabhi, munamati waJehovha akanga asiri muIsraeri. Sezvo Jehu akapfuurira kuita basa rake achishingaira, Jehonadhabhi aida kuratidza kutendera kwake nokutsigira. Naizvozvo akabuda kundosangana namambo mutsva waIsraeri, uyo akanga achienda kuSamaria kunouraya vakanga vasara veimba yaAhabhi. Achiona Jehonadhabhi, Jehu akabvunza kuti: “Mwoyo wako wakarurama here, sokururama kwomwoyo wangu kwauri?” Mhinduro yakanaka yaJehonadhabhi yakasunda Jehu kutambanudza ruoko rwake ndokukoka Jehonadhabhi kuti auye mungoro yake, achiti: “Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako.” Asinganonoki, Jehonadhabhi akagamuchira ropafadzo yokuratidza kutsigira kwake muurayi wakazodzwa waJehovha.—2 Madzimambo 10:15-17.
12. Nei Jehovha achirayira kuzvipira kwakazara nenzira yakafanira?
12 Kutsigira kunamata kwechokwadi nomwoyo wose kwakakodzera zvechokwadi, nokuti Jehovha ndiye Musiki naChangamire Wechisiko Chose, uyo anorayira nenzira yakafanira uye akafanirwa nokuzvipira kwedu kwakazara. Akarayira vaIsraeri kuti: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usafugamira izvozvo, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndiri Mwari une godo.” (Eksodho 20:4, 5) Avo vanokarira kupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]” vanofanira kumunamata iye oga, vachidaro “mumweya nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24) Vanofanira kuva vakasimba mukunamata kwechokwadi, saEria, Erisha, uye Jehonadhabhi.
13. Sezvo mwoyo waJehonadhabhi wakanga una Jehu, ndivanaani vanobvuma Mambo Mesiya, uye vanozviratidza sei?
13 Pashure pokuurawa kwemhuri yaAhabhi, Mambo Jehu akaita mamwe matanho okuzivisa vanamati vaBhaari uye okubvisa urwu rudzidziso rwenhema muna Israeri. (2 Madzimambo 10:18-28) Nhasi, Mambo wokudenga Jesu Kristu akagadzwa kuti auraye vavengi vaJehovha uye kuti areverere uchangamire Hwake. Sezvo mwoyo waJehonadhabhi wakanga una Jehu, “boka guru” ra“mamwe makwai” aJesu nhasi rinobvuma Kristu saMambo Mesiya nomwoyo wose uye rinobatira pamwe nehama dzake dzomudzimu pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9, 10, NW; Johane 10:16) Vanopa ufakazi hweizvi kupfurikidza nokushandisa rudzidziso rwechokwadi uye kugoverana nokushingaira muushumiri hwechiKristu, tichinyevera vavengi vaMwari nezve“zuva ra[Jehovha, NW]” riri kusvika nokukurumidza.—Mateo 10:32, 33; VaRoma 10:9, 10.
Zviitiko Zvinoshamisa Zviri Pamberi Apa!
14. Chii chakamirira rudzidziso rwenhema?
14 Jehu akaita chiito kuti agumise kunamatwa kwaBhaari muna Israeri. Muzuva redu, kupfurikidza naJehu Mukuru, Jesu Kristu, Mwari achaunza kuparadzwa kweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Tichakurumidza kuona kuzadzika kwamashoko engirozi kumuapostora Johane okuti: “Nyanga dzine gumi dzawaona, nechikara, ndivo vachavenga mhombwe [Bhabhironi Guru], vachaiparadza, nokuitorera nguo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto. Nokuti Mwari wakaisa mumwoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara ushe hwavo, kusvikira mashoko aMwari aitika.” (Zvakazarurwa 17:16, 17; 18:2-5) “Nyanga dzine gumi” dzinoreva masimba enyika ane zvombo anotonga pasi pano. Kunyange zvazvo zvino achiita upombwe neBhabhironi Guru nenzira yomudzimu, nguva yawo zvino ipfupi. Masangano ezvematongerwe enyika ino achaparadza rudzidziso rwenhema, uye “chikara”—Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose—chichava nebasa guru ne“nyanga dzine gumi” mukurwuparadza.b Ichava nhambo yokurumbidza Jehovha!—Zvakazarurwa 19:1-6.
15. Chii chichaitika apo kuedza kunoitwa kuparadza sangano raMwari rapasi?
15 Pashure pokudenha kwaMambo Jehu mukurwisana nokunamata Bhaari, imba yake youmambo yakatendeudzira ngwariro kuvavengi vaIsraeri vezvematongerwe enyika. Mambo Jesu Kristu achaita chiito chakafanana. Masimba ezvamatongerwe enyika acharamba aripo pashure pokuparadzwa kworudzidziso rwenhema rwakafanana norwaBhaari. Vachipesvedzerwa naSatani Dhiyabhorosi, ava vavengi vouchangamire hwaJehovha vachadenha kwose vachiedza kuparadza sangano raMwari rapasi. (Ezekieri 38:14-16) Asi Jehovha achaita kuti Mambo Jesu Kristu avauraye kupfurikidza nokuvaparadza paHar-magedhoni, hondo ye“zuva iro guru raMwari wamasimba Ose,” achipedza kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-21; Ezekieri 38:18-23.
Kubatira Nokushingaira kwaErisha
16, 17. (a) Tinoziva sei kuti Erisha akanga achishingaira kusvikira afa? (b) Tinofanira kuitei nemiseve yechokwadi?
16 Kusvikira “zuva ra[Jehovha, NW]” ragumisa tsika yose yezvinhu yakaipa yaSatani, vabatiri vaMwari vachava vakashinga uye vanoshingaira saErisha. Kunze kwebasa rake somuranda waEria, Erisha akashanda ari oga somuporofita waJehovha kwamakore anopfuura 50! Uye Erisha akanga achishingaira kusvikira kumugumo chaiwo woupenyu hwake hurefu. Asati afa, akashanyirwa nomuzukuru waJehu, Mambo Jehoashi. Erisha akamuudza kuti apfure museve nepahwindo. Museve wacho wakamhanyira kwawaifanira, uye Erisha akadanidzira kuti: “Museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza.” Achiteerera kukumbira kwaErisha, Jehoashi akapfura pasi nemiseve yake. Asi akazviita asingashingairi, achingopfura bedzi katatu. Ipapo Erisha akataura kuti, somugumisiro, Jehoashi aizokunda Siria katatu bedzi, uye ndizvo zvakaitika. (2 Madzimambo 13:14-19, 25) Mambo Jehoashi haana kuparadza vaSiria zvakazara, “kusvikira mavaparadza.”
17 Neshingairo yakafanana neyaErisha, kunyange zvakadaro, vakasarira vakazodzwa vanoramba vachirwisa kunamata kwenhema. Shamwari dzavo dzine tariro yapasi dziri kuita chinhu chakafanana. Uyezve, vose vanokarira kupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]” vanoita zvakanaka kurangarira mashoko aErisha aishingaira pamusoro pokupfura pasi. Ngatitorei miseve yechokwadi tiipfurise nokushingaira—kakawanda—hungu, kusvikira Jehovha ataura kuti basa redu rapedzwa.
18. Tinofanira kugamuchira sei mashoko a2 Petro 3:11, 12?
18 “Zuva ra[Jehovha, NW]” richakurumidza kugumisa tsika yezvinhu yakaipa iripo. Naizvozvo ngatizvibvumirei kukurudzirwa namashoko omuapostora Petro anobaya mwoyo. “Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo,” akadaro Petro, “imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari!” (2 Petro 3:11, 12) Apo rutivi rwose rwetsika ino rwunoparadzwa nomoto wehasha dzaJehovha dzinoratidzwa kupfurikidza naJesu Kristu, avo bedzi vane chinyorwa chokuva nemufambiro wakanaka nokuzvipira kwoumwari vachapukunyuka. Kuchena mutsika nomumudzimu zvinokosha. Naizvozvo kuda vanhu kunokoshawo, kunoratidzwa nokupindura zvinodikanwa zvavo, zvikurukuru nenzira yomudzimu kupfurikidza noushumiri hwedu hwechiKristu.
19. Tinofanira kuitei kuti tipukunyuke “zuva ra[Jehovha, NW]”?
19 Mashoko ako nezviito zvinokuzivisa somubatiri akatendeka neanoshingaira waMwari here? Kana zvakadaro, unogona kufungidzira tariro yokupukunyuka “zuva ra[Jehovha, NW]” ndokupinda munyika itsva yakapikirwa yaMwari. Hungu, ungapukunyuka kana ukaitira zvakanaka hama dzomudzimu dzaKristu nemhaka yokuti vateveri vake, sokuratidza mutsa kwakaita varoorani veShunemi kuna Erisha. Kuti upukunyuke unofanirawo kuva saNaamani, uyo akagamuchira murayiridzo waMwari nenzira yokuzvininipisa ndokuva munamati waJehovha. Kana uchishuva kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi, unofanira kuratidzira kutsigira kunamata kwechokwadi nomwoyo wose, sezvakaita Jehonadhabhi. Ipapo ungava pakati pavabatiri vakatendeka vaJehovha, vachakurumidza kuona kuitika kwamashoko aJesu okuti: “Huyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.”—Mateo 25:34.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona maganhuro 18 ne19 ebhuku ra“Let Your Name Be Sanctified,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Ona mapeji 254-6 ebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Ungapindura Sei?
◻ Ndeapi mamwe mavara anodikanwa kuti tipukunyuke “zuva ra[Jehovha, NW]”?
◻ Ndoupi muenzaniso wakagadzwa navaroorani veShunemi muzuva raErisha?
◻ Chidzidzo chipi chinogona kudzidzwa kuna Naamani?
◻ Tinogona sei kutevera muenzaniso waJehonadhabhi?
◻ 2 Petro 3:11, 12 inofanira kutitapura sei?