-
Ratidza Kuti Unotenda Zvawakaitirwa naJehovha naJesuRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
3. Kana tichitenda zvatakaitirwa tinoratidza nezvatinoita
Ngatitii mumwe munhu akununura wava kunyura mumvura. Ungabva wakanganwa here zvaunenge waitirwa nemunhu iyeye? Handiti ungatotsvaga nzira dzekuti uratidze kuti unotenda zvaakakuitira here?
Jehovha ndiye akatipa upenyu hwatiinahwo. Verengai 1 Johani 4:8-10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Nei chibayiro chaJesu chiri chipo chinokosha zvikuru?
Unonzwa sei nezvawakaitirwa naJehovha naJesu?
Tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa naJehovha naJesu? Verengai 2 VaKorinde 5:15 uye 1 Johani 4:11; 5:3. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Tichishandisa zvataurwa nerugwaro urwu tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa?
-
-
Nei Uchifanira Kuzvitsaurira Wobhabhatidzwa?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
1. Chii chinoita kuti munhu asarudze kuzvitsaurira?
Rudo ndirwo rwunopa munhu shungu dzekuzozvitsaurira kuna Jehovha. (1 Johani 4:10, 19) Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.” (Mako 12:30) Tinoratidza kuti tinoda Mwari nezvatinotaura uye nezvatinoita. Kana mukomana nemusikana vachidanana zvechokwadi vanoroorana, saka kana tichidawo Jehovha tinozvitsaurira kwaari tobhabhatidzwa.
-