RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jehovha Anonyadzisa Tire Nokuzvikudza Kwaro
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 32. Johani akapa nyevero yokuti chii, uye tingaishandisa sei?

      32 Pasinei neangave mamiriro edu oupfumi, Umambo hunofanira kuva nenzvimbo yokutanga nguva dzose muupenyu hwedu. Zvinokosha kuti tisambokanganwa mashoko omuapostora Johani okuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” (1 Johani 2:15) Chokwadi, tinofanira kushandisa gadziriro dzoupfumi dzenyika kuti tirarame. (2 VaTesaronika 3:10) Saka tino‘shandisa nyika’—asi hatiishandisi “zvizere.” (1 VaKorinde 7:31) Kana tichinyanyoda zvinhu zvenyama—zvinhu zviri munyika—hatichadi Jehovha. Kudzingana no“kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu” hazvienderani nokuita kuda kwaMwari.d Uye kuita kuda kwaMwari ndiko kunotungamirira kuupenyu husingaperi.—1 Johani 2:16, 17.

  • Jehovha Anonyadzisa Tire Nokuzvikudza Kwaro
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • d “Kuratidzwa kwokushamisira” kushandurwa kweshoko rechiGiriki rokuti a·la·zo·niʹa, iro rinorondedzerwa so“kufungidzira kusina rukudzo uye kusina chinotsigira kwokuvimba nokugadzikana kwezvinhu zvepano pasi.”—The New Thayer’s Greek-English Lexicon.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe