-
Jehovha Anonyadzisa Tire Nokuzvikudza KwaroUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
32. Johani akapa nyevero yokuti chii, uye tingaishandisa sei?
32 Pasinei neangave mamiriro edu oupfumi, Umambo hunofanira kuva nenzvimbo yokutanga nguva dzose muupenyu hwedu. Zvinokosha kuti tisambokanganwa mashoko omuapostora Johani okuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari.” (1 Johani 2:15) Chokwadi, tinofanira kushandisa gadziriro dzoupfumi dzenyika kuti tirarame. (2 VaTesaronika 3:10) Saka tino‘shandisa nyika’—asi hatiishandisi “zvizere.” (1 VaKorinde 7:31) Kana tichinyanyoda zvinhu zvenyama—zvinhu zviri munyika—hatichadi Jehovha. Kudzingana no“kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu” hazvienderani nokuita kuda kwaMwari.d Uye kuita kuda kwaMwari ndiko kunotungamirira kuupenyu husingaperi.—1 Johani 2:16, 17.
-
-
Jehovha Anonyadzisa Tire Nokuzvikudza KwaroUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
-
-
d “Kuratidzwa kwokushamisira” kushandurwa kweshoko rechiGiriki rokuti a·la·zo·niʹa, iro rinorondedzerwa so“kufungidzira kusina rukudzo uye kusina chinotsigira kwokuvimba nokugadzikana kwezvinhu zvepano pasi.”—The New Thayer’s Greek-English Lexicon.
-