CHIDZIDZO 18
Ungaziva Sei vaKristu Vechokwadi?
Kune zviuru nezviuru zvevanhu vanozviti vaKristu. Asi zvavanotenda hazviwirirane uye panyaya yekuzvibata nemararamiro, vanoita mazvake-mazvake. Saka tingaziva sei vaKristu chaivo?
1. Chii chinonzi muKristu?
VaKristu vadzidzi, kana kuti vateveri vaJesu Kristu. (Verengai Mabasa 11:26.) Vanozviratidza sei kuti vadzidzi vaJesu? Iye akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo.” (Johani 8:31) Izvi zvinoreva kuti vaKristu chaivo vanofanira kuteerera zvakadzidziswa naJesu. Jesu aitsigira zvaaidzidzisa neMagwaro, saka vaKristu vechokwadi vanotora zvavanotenda muBhaibheri.—Verengai Ruka 24:27.
2. VaKristu vechokwadi vanoratidza sei rudo?
Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Mudanane sekuda kwandakakuitai.” (Johani 15:12) Jesu akaratidza sei kuti aida vadzidzi vake? Aitandara navo, aivakurudzira uye aivabatsira. Akatozvipira kuvafira. (1 Johani 3:16) Saka vaKristu vechokwadi havangogumiri pakutaura nemuromo kuti vanodanana. Vanozviratidza nemashoko nezviito.
3. Ibasa ripi rinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi?
Jesu ane basa raakapa vadzidzi vake. “Akavatuma kunoparidza nezveUmambo hwaMwari.” (Ruka 9:2) VaKristu vekutanga vaisangoparidza mavainamatira chete asi vaiendawo kunzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda uye mumisha. (Verengai Mabasa 5:42; 17:17.) Mazuva anowo vaKristu chaivo vanoparidza chokwadi chiri muBhaibheri kwese kunowanika vanhu. Vanoda vavakidzani vavo, saka vanofara kushandisa simba ravo nenguva yavo kuti vaparidze mashoko anonyaradza uye anopa tariro ari muBhaibheri.—Mako 12:31.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza musiyano uri pakati pevaKristu vechokwadi nevanhu vasingatevedzeri zvaiitwa naJesu uye zvaakadzidzisa.
4. Vanotsvaga chokwadi chiri muBhaibheri
Havasi vese vanozviti vaKristu vanokoshesa chokwadi chiri muBhaibheri. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.
Machechi anozviti ndeechiKristu akakundikana sei kudzidzisa zvakadzidziswa naJesu?
Jesu akadzidzisa chokwadi chiri muShoko raMwari. Verengai Johani 18:37, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Jesu akati tinoziva sei vaKristu vari “kudivi rechokwadi”?
5. Vanoparidza chokwadi chiri muBhaibheri
Asati adzokera kudenga, Jesu akasiya apa vateveri vake basa richiri kuenderera mberi nanhasi. Verengai Mateu 28:19, 20 uye Mabasa 1:8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Basa rekuparidza raizoitwa zvakadii?
6. Vanorarama zvinoenderana nezvavanodzidzisa
Chii chakaita kuti murume anonzi Tom abvume kuti ainge awana chiKristu chechokwadi? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.
Chii chakaita kuti Tom apedzisire asisafariri zvechitendero?
Chii chakaita kuti Tom abvume kuti ainge awana chokwadi?
Kunamata kunoonekwa nezvatinoita kwete zvatinotaura chete. Verengai Mateu 7:21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Jesu anokoshesa zvatinotaura kuti ndizvo zvatinotenda here kana kuti anokoshesa zviito zvedu?
7. Vanodanana
Zvingaitika here zvechokwadi kuti muKristu asarudze kuisa upenyu hwake mungozi achidzivirira vaanonamata navo? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.
Chii chakaita kuti Lloyd aise upenyu hwake pangozi achidzivirira Hama Johansson?
Unofunga kuti zvaakaita ndizvo zvinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi here?
Verengai Johani 13:34, 35, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Vadzidzi vaJesu kana kuti vaKristu vechokwadi vanofanira kubata sei vanhu verumwe rudzi kana kuti vekune imwe nyika?
Zvinooneka sei kana kuine hondo?
VAMWE VANOTI: “Pane zvinhu zvakashata zvakawanda zvakaitwa nevaKristu, saka vanganzi sei kunamata kwavo ndiko kwechokwadi?”
Ungashandisa rugwaro rwupi kuti ubatsire mumwe munhu kuziva vaKristu vechokwadi?
PFUPISO
VaKristu vechokwadi vanoteerera zvinodzidziswa neBhaibheri, vanoratidzana rudo rwechokwadi uye vanoparidza chokwadi chiri muBhaibheri.
Kudzokorora
VaKristu vechokwadi vanotora pai zvavanotenda?
VaKristu vechokwadi vanobata sei vamwe vavo?
Ibasa ripi rinoitwa nevaKristu vechokwadi?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzidza zvakawanda nezvevanhu vanoita zvese zvavanogona kuti vatevedzere zvakaitwa naJesu Kristu uye zvaakadzidzisa.
Verenga unzwe kuti mumwe mukadzi ainge akapikira muchechi yeRoma akawana sei vaKristu vechokwadi.
“Vaipindura Mibvunzo Yose Vachishandisa Bhaibheri!” (Nharireyomurindi, April 1, 2014)
Ona kuti vaKristu vechokwadi vanoratidza sei rudo kune vavanonamata navo panoitika njodzi.
Kubatsira Vatinonamata Navo Panoitika Njodzi—Chidimbu (3:57)
Verenga unzwe kuti vaKristu vechokwadi mazuva ano vanoita sei zvaiitwa nevaKristu vekare zvakanzi naJesu ndizvo zvinofanira kuitwa nevateveri vake.
“Tingaziva Sei vaKristu Vechokwadi?” (Nharireyomurindi, March 1, 2012)