Kuratidza Rudo Kune Avo Vanoshayiwa
VAKRISTU vane zvose zviri zviviri mutoro neropafadzo yokuratidza rudo kuhama dzavo nehanzvadzi dzinoshayiwa. (1 Johane 3:17, 18) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kuna veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Imwe hama yave ichibatira Jehovha kwaanenge makumi mana amakore nguva pfupi yapfuura yakaona rudo rwehama dzechiKristu mukati mokurwara kwomudzimai wayo zvichiteverwa nokufa. Inonyora kuti:
“Sezvo ndaitarisira mudzimai wangu pamusha mukati mokurwara kwake, handina kukwanisa kushanda basa rokunyama kweinenge mwedzi miviri. Ndakazorodzwa sei apo shamwari dzomuungano dzakadisa kutiyamura! Zvipo zvakawanda zvemari—‘zvokubetsera ndyiko dzomuraudzo,’ sokunyorwa kwaiva kwakaitwa makadhi aitumirwa—zvakaripira zvaida kuripirwa mwedzi nemwedzi, magetsi nemvura, uye dzimwe ndyiko.
“Vhiki mbiri mudzimai wangu asati afa, mutariri wedu wedunhu akatishanyira kuzotikurudzira. Akatoratidza masiraidhi ayo ungano yaizoona pakupera kwevhiki kwacho. Takakwanisa kuteerera misangano parunhare—kubatanidza misangano yebasa romumunda yaiitiswa nomutariri wedunhu. Pane mumwe weiyi misangano, akaita kuti vose vaiva pamusangano webasa romumunda vati ‘mhoroi,’ seboka kumudzimai wangu. Nokudaro, kunyange zvazvo akanga asipo munyama, haana kumbonzwa ari oga.”
“Mukati meawa imwe pashure pokufa kwake, vanenge vakuru vose vakanga vari pamba pangu. Hama nehanzvadzi dzinopfuura zana dzakashanya musi iwoyo chete. Zvokudya zvakaiswa patafura ‘nenzira inoshamisa’ kuitira vose vaivapo. Handigoni kutanga kurondedzera zvipo zvose, kutaura kwokunzwira tsitsi, mashoko anonyaradza, uye minyengetero zvandakaitirwa. Zvakanga zvichisimbisa zvikuru! Pakupedzisira ndaifanira kukumbira hama kuti dzirege kugovera zvokudya nebetsero yokuchenesa mumba!
“Ndokupizve kunze kwesangano raJehovha kwatinogona kuwana kutaura kwakadaro kwetsitsi dzisiri dzoudyire, kuitira hanya, uye rudo? Vanhu vazhinjisa nhasi vanogona kuverenga nhamba yeshamwari dzavanadzo paruoko rumwe. Jehovha akatikomborera nemhuri huru yehama nehanzvadzi dzomudzimu!”—Marko 10:29, 30.