RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Gayo Akabatsira Sei Hama Dzake?
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | May
    • KUBATSIRWA PADAMBUDZIKO RAKAKURA

      Chikonzero chakaita kuti Johani anyorere Gayo chaisangova chekumutenda. Johani aidawo kumubatsira kugadzirisa dambudziko rakakura. Hatizivi kuti nei mumwe muKristu ainzi Dhiyotrefesi aisada kugamuchira vaKristu vaiva parwendo. Aitoedzawo kurambidza vamwe kugamuchira vaeni.​—3 Joh. 9, 10.

      Hapana mubvunzo kuti vaKristu vakatendeka havaizomboda kugara kumba kwaDhiyotrefesi kunyange pazvaiita. Aida kuva nenzvimbo yekutanga muungano, aisaremekedza chero chii zvacho chaibva kuna Johani uye aiparadzira mashoko akaipa nezvemuapostora wacho nevamwe. Kunyange zvazvo Johani asina kutaura kuti aiva mudzidzisi wenhema, Dhiyotrefesi aisaremekedza muapostora Johani. Aida mukurumbira uye aiva nemafungiro asiri echiKristu zvichiratidza kuti ainge asina kuvimbika. Nyaya yaDhiyotrefesi inoratidza kuti vanhu vanoda zvinzvimbo uye vanozvikudza vanogona kuita kuti ungano ive nemapoka. Ndosaka Johani akaudza Gayo uye mumwe nemumwe wedu kuti: “Usava mutevedzeri wezvinhu zvakaipa.”​—3 Joh. 11.

  • Gayo Akabatsira Sei Hama Dzake?
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2017 | May
    • Chechipiri, hatifaniri kushamisika kuti dzimwe nguva vamwe vanogona kusaremekedza vaya vari kutungamirira muungano mazuva ano. Pane vamwe vasina kuremekedza simba raJohani uye vamwe vaisaremekedza simba remuapostora Pauro. (2 VaK. 10:7-12; 12:11-13) Saka tinofanira kuitei kana tikaona zvinhu zvakadaro zvichiitika muungano? Pauro akapa Timoti zano rekuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva norupfave kuna vose, anokwanisa kudzidzisa, anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa, achirayiridza nounyoro vaya vasingadi.” Kana tikaramba tiine unyoro kunyange patinenge tagumburwa, vamwe vane tsika yekutsoropodza vakuru vanogona kupedzisira vachinja maonero avo. Uyewo Jehovha, anogona ‘kuvapa rupfidzo, runoita kuti vawane zivo yakarurama pamusoro pechokwadi.’​—2 Tim. 2:24, 25.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe