-
“Akanga Anyatsofadza Mwari”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 1
-
-
INOKI “AKAPROFITAWO PAMUSORO PAVO”
Sezvo vanhu vairarama panguva yaInoki vakanga vasina kutenda, Inoki anogona kunge aizviona sezambiringa munyemba. Asi Mwari wake Jehovha aimuona here? Ehe. Rimwe zuva, Jehovha akataura nemushumiri wake akavimbika. Akamupa mashoko ekuti audze vanhu. Akabva aita kuti Inoki ave muprofita wake wekutanga kutaurwa muBhaibheri. Chinoita kuti tidaro ndechokuti Mwari akaita kuti Judha munin’ina waJesu anyore mashoko euprofita akanga ataurwa kare kare naInoki.a
Inoki akaprofita kuti kudii? Akati: “Tarirai! Jehovha akauya nemakumi ake ezviuru zvengirozi tsvene, kuti atonge vose, uye kuti ape mhosva vose vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ose okusada Mwari avakaita nenzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinoshamisa kwazvo zvakataurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.” (Judha 14, 15) Waona here kuti Inoki ari kutaura sekunge kuti zvinhu zvacho zvakatoitika? Ndiwo manyorerwo akaitwa uprofita hwakawanda hwakazotevera. Sei hwainyorwa saizvozvo? Muprofita aitaura zvinhu sekunge kuti zvakatoitika nemhaka yekuti zvinhu zvaaitaura zvaitoti zviitike chete!—Isaya 46:10.
Unofunga kuti Inoki ainzwa sei paaiudza vanhu mashoko aya? Akadzokorora ka4 mashoko ane simba airatidza kuti vanhu ava vakanga vasingadi Mwari. Mashoko acho ainyatsofumura mabasa akaipa avaiita. Uprofita hwacho hwairatidza kuti zvinhu zvavakanga vava kuita kubva pakadzingwa Adhamu muEdheni zvakanga zvanyanya kuipa. Jehovha aizoparadza vanhu ivavo paaizouya nemauto “engirozi tsvene.” Inoki haana kutya kuvaudza izvozvo uye akazviita ari oga! Rameki akanga achiri mudiki uye zvimwe aishamiswa neushingi hwaiva nasekuru vake. Kana zviri izvo zvakaitika, hazvingambotishamisi.
Kutenda kwaInoki kunogona kuita kuti mumwe nemumwe wedu azvibvunze kuti maonero aanoita zviri kuitika munyika akafanana here neaMwari. Shoko raiparidzwa naInoki rokuti vanhu vakaipa vachaparadzwa richiri kushandawo nanhasi. Jehovha akaita zvaakanga audza Inoki, achibva ashandisa Mafashamo kuparadza vanhu vakaipa vemunguva yaNoa. Mwari achaparadzazve vanhu vakaipa uye kuparadza kwacho kuchange kwakakura kudarika zvaakaita mumazuva aNoa. (Mateu 24:38, 39; 2 Petro 2:4-6) Sezvaakaita kare ikako, iye zvino Mwari nengirozi dzake vakamirira nguva yekuti vaparadze vanhu vakaipa. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuteerera zvaitaurwa naInoki, ozviudzawo vamwe. Hama neshamwari dzinogona kusatifarira, tobva tatanga kuzviona sezambiringa munyemba. Asi Jehovha haana kumbosiya Inoki uye haasi kuzombosiya vashumiri vake vakavimbika!
-
-
“Akanga Anyatsofadza Mwari”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 1
-
-
a Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinoti zvakanyorwa naJudha akazviwana mubhuku reapokirifa rinonzi Book of Enoch. Bhuku iri rizere nengano uye harizivikanwi kuti rakabvepi uye vamwe vanonyepa vachiti rakanyorwa naInoki. Mashoko euprofita aInoki arimo ndeechokwadi asi hatizivi kuti akaita zvekukopwa here kana kuti wacho akaanyora akaita zvekuudzwa nevamwe. Judha anogona kunge akakopawo kana kuti akaudzwa nevamwe nezvaInoki. Anogonawo kunge akaudzwa naJesu sezvo Jesu akanga ari kudenga achiona zvaiitika muupenyu hwaInoki.
-