Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura
Chikamu 1: 4026-2370 P.N.V.—Kusanzwana Kworudzidziso Matangire Akwakaita
“Munhu Kupfurikidza Nemviromviro Yake Imhuka Yorudzidziso.”—Edmund Burke, muzivi wezvokubatwa kwenyika weIreland womuzana ramakore rechi 18
VANHU vane chinodikanwa chomuzvarirwo chokunamata. The New Encyclopædia Britannica inoreva kuti “pakureva nezvakawanwa navazivi, hakuna kutongova navanhu vapi vapi, kunzvimbo ipi neipi, panguva ipi neipi, avo vakanga vasati vari vorudzidziso mupfungwa ipi neipi.” Kubvira pamavambo chaipo avanhu, murume nomukadzi nomutoo uno mufungo vaitendeukira kuno Musiki wavo murumbidzo. Vaivimba naye seChiremera chokuvagovera nhungamiro nezano. Nokudaro, nokuda kwenharidzano dzose namadonzo, kutangwa pasi pano kworudzidziso kwakaitikira pamawa nokusikwa kwaAdhama. Mukuwirirana nokuverengwa kwenguva kweBhaibheri, imomo maiva mugore ra 4026 P.N.V.
Vamwe vangaramba havo kushandiswa kwamashoko okuti “kusikwa kwaAdhama.” Asi dzidziso isingatenderwi yemhindumupindu pamisi ichangobva kupfuura iyi yakanangana nokusabudirira kwakakomba, kunyange kuvatsigiri vayo vamene. Nokuda kwamashoko ewedzero, ona bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Nhasi, munhu haangagoni kupokanidza mukuru namaidi chaiwoiwo kuti nhauro yeBhaibheri yemviromviro yavose haizati iri yesayenzi. Nyaya ya 1988 Newsweek yakashuma kuti mavara okutodzana zvino anokombamira kukuwirirana kuti munhu wazvino uno akabva muna mai mumwe. Ichinokora mashoko nyanzvi yoruzivo rwezvisarira zvekare yapaHarvard S. J. Gould saanoti “vanhu vose, pasinei hapo nemisiano muchitarisiko chokunze, mitezo chaiyoiyo yemhuri imwe yakava nemviromviro yazvino uno zvikuru mune imwe nzvimbo.” Iye anowedzera, kuti: “Kuno rudzi rwoukama hwokuberekana rwakadzama zvikuru runopfuura rwatati tamboziva.”
Aya maidi anoreva nokuda kwokururama kweBhaibheri. Ikoku kunoratidzira kuti hakuna chikonzero chokuti isu tipanikire tsananguro yokuti rwisano yorudzidziso yakavamba sei.
Mavire Akaita Rudzidziso Rumwe Maviri
The Encyclopedia of Religion rinoti anenge marudzidziso ose anozivikanwa ane zvitendero zvakati kuti izvo, kunyange zvichisiana mumashoko oudzame, akafanana nomutoo unokatyamadza. Somuenzaniso, iwo anodavira kuti vanhu vakawa munzvimbo yokutanga yenyasha dzoumwari, kuti rufu haruzati rwuri rwomuzvarirwo, uye kuti chibairo chinodikanwa nokuda kwokuwanazve nyasha dzoumwari. Ihwohwu hufakazi hwakasimba huna mashoko ose oudzame hunoratidzira kuti marudzidziso ose anhasi akava nemviromviro yakafanana.
Bhaibheri rinotsanangura maitikire akaita ikoku. Rinotiudza kuti munhu nomukadzi wokutanga vakaramba nhungamiro yaMwari ndokutendeukira kuna mamwe manyuko nokuda kwenhungamiro nezano. Kunyange zvazvo sezviri pachena vasati vachiziva nezvaSatani nokupandukira kwake Mwari, ivo vakatora nzira yokuzvitonga ndokutevera zano rechisikwa, chaimirirwa nenyoka, panzvimbo poMusiki. Bhaibheri gare gare rakawadzanyura kuti Satani wakanga ari inzwi rechokwadi raitsigira nyoka inotsausa.—Genesi 2:16–3:24; Zvakazarurwa 12:9.
Nokudaro munhu akabva muudzori hwoubati ushe hwoumwari ndokutanga mipimo yake amene pamusoro pechakanaka nechakashata. Kupfurikidza nezviito zvavo zvokuzvitonga, Adhama naEvha vakaisa vanhu panzira iyo yaizoguma namarudzidziso mazhinji akasiana-siana, ose achiita kunamata kwenhema mukusiana nokunamata kwechokwadi kwaiitwa nezvapupu zvakatendeka zvaJehovha kuburukira nomunhau. Nomutoo wakananga kana kuti nomutoo usina kunanga, mwene wokunamata ikoko kwenhema ave ari Muvengi mukuru, Satani. Nokudaro, muapostora Pauro akanga achikwanisa kunyora, kuti: “Zvinhu izvo marudzi anobaira iwo anobaira kumadhemoni, uye kwete kuna Mwari; uye ini handizati ndichida kuti imi muve vagoverani namadhemoni.” Iye akapfuurira kuratidzira kuti kunongova bedzi nezvimiro zviviri zvokunamata, achiti: “Imi hamungagoni kunwa mukombe waJehovha nomukombe wamadhemoni; imi hamungagoni kugoverana pa‘tafura yaJehovha’ napatafura yamadhemoni.”—1 VaKorinte 10:20, 21, NW.
Naizvozvo, rupanduko rwaAdhama rwakavamba chimiro chechipiri chokunamata, uko kwakaisa chisikwa mberi kwoMusiki. Uye mupariri worudzidziso rutsva akanga ari “mwari” mutsva akazvigadza amene, Satani Dhiabhorosi.—2 VaKorinte 4:4; 1 Johane 5:19.
Vakomana vaviri vaAdhama naEvha, Kaini naAbheri, vakapira zvibairo kuMusiki, kuratidzira kuti ivo vose vari vaviri vakanga vakombamira kurudzidziso. Zvisinei, nhevedzano yezvinoitika yakaratidzira kuti ivo vakanga vasina kubatana murudzidziso. Ikoku kwakava pachena mumakore ari pasi pe 130 munhau yavanhu, apo chibairo chakaitwa naAbheri chakagamuchirwa noMusiki, nepo chaKaini chakarambwa. Sezviri pachena, Mwari akanga asingadisi kugamuchira rudzidziso rupi norupiwo zvarwo rwomunhu oga. Iri idi rakatsamwisa Kaini ndokumusunda kuponda munun’una wake.—Genesi 4:1-12; 1 Johane 3:12.
Kwenguva yokutanga munhau yomunhu, ruvengo rworudzidziso rwakashatsa pasi neropa risine mhaka. Haizati yaizova nguva yokupedzisira. Murongi wepepanhau womuzuva razvino uno akacherekedza, kuti: “Inenge hafu kana kuti inopfuura yehondo dzinorwiwa zvino kupote nyika yose ihondo dzorudzidziso dzapamhene kana kuti zvimwe dzinobatanidza kakavadzano dzorudzidziso.”
Mumazuva aEnoshi, mwanakomana womunun’una waKaini naAbheri, “mavambo okudana pazita raJehovha akaitwa.” (Genesi 4:26, NW) Sezvo Abheri pakutanga akanga avamba kudana pazita raMwari mukutenda, uko kwapashure “kudana pazita raJehovha” kunonzwisiswa kureva kuti vanhu vakavamba kushandisa zita nomutoo wokuzvidza kana kuti nenzira yakaderera. Nomutoo wakajeka yakanga iri nhau yenyengedzo yorudzidziso.
Jerusalem Targum yechiJudha, kana kuti pfupikiso, inoti: “Ichocho chakanga chiri chizvarwa icho mumazuva acho ivo vakavamba kukanganisa, nokuzviitira ivo vamene mifananidzo, uye kutumidza mazita vamwari kupfurikidza nezita reShoko raShe.” Kunamata zvifananidzo, kwaiva pamwe chete nenyengedzo yokumirira Mwari, kwakaratidzira rudzidziso rwenhema chifocho.
Pana Judhasi 14, 15, tinorava nezvomuporofita akatendeka Enoki pamusoro pavanhu vanonamata zvifananidzo vomumakore ane gumi ramazana iwawo okutanga. Iye akati: “Tarirai! Jehovha akauya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, kuzoita rutongeso pana vose, uye kuzotonga vasingadi Mwari vose pamusoro pamabasa avo ose asino umwari ayo ivo vakaita munzira yokusada Mwari, uye pamusoro pezvinhu zvose zvinokatyamadza izvo vaiti vezvivi vasina umwari vakataura pamusoro pake.” Uhu uporofita hwakazadzika mumakore ane gumi ramazana echipiri enhau yomunhu, apo rudzidziso rwenhema rwakapararira. Kusada Mwari kungave kwakatobatanidza kunamatwa kwengirozi idzo mukusateerera Mwari dzakanga dzapfeka miviri yohunhu pasi pano ndokuroora “vanasikana vavanhu,” dzichibereka dzinza risati riri romuzvarirwo ra“vane simba vakanga vari vekare, vanhu vomukurumbira.”—Genesi 6:4, NW.
Zvisinei, Noa, “akawana nyasha mumeso aJehovha” nemhaka yokuti iye “akafamba naMwari wechokwadi.” (Genesi 6:8, 9, NW) Iye nemhuri yake, hwerengedzo yavateveri vasere vorudzidziso rwechokwadi, vaikundwa zvikuru nechiverengero chavakaipa. Nokuti rudzidziso rwenhema naavo vairushandisa vaiva vari voruzhinji, “uipi hwomunhu hwakanga hwakawanda mupasi,” uye “pasi rakazadzwa namasimba masimba.” (Genesi 6:5, 11) Mwari akatsunga kuvigira mafashamo okuparadza vanhu vaishandisa rudzidziso rwenhema. Noa bedzi nemhuri yake vakapukunyuka mutaviridziro yaMwari, chikonzero chakavaringanira pashure pacho “kuvakira Jehovha atari” sechiito chokunamata kwechokwadi. (Genesi 8:20) Mafashamo akanga asanoratidzira kuti ndorupi rwamasangano maviri orudzidziso aripo muzuva raNoa rwakanga rwuri rwechokwadi uye kuti ndorwupi rwakanga rwuri rwenhema.
Zviri pamusoro apa zvakavakirwa pahwaro hwokuti chinyorwa cheBhaibheri ndechechokwadi. Asika mukuwedzera kuzvibvumikiso zvadudzwa pakuvamba zvenyaya, nzvera hufakazi hunopinda mubhokisi rinoti “Ko Kwakanga Kuna Mafashamo Emburumbwa Yose Zvomenemene Here?”
Nguva Yemberi Yorudzidziso—Nguva Yemberi Yako
Kuwanwa kwezivo pamusoro penguva yakapfuura yorudzidziso kunokosha nokuti zvikurukuru kunongova namarudzi maviri orudzidziso—urwo rwunogamuchirika kuMusiki wavanhu norumwe rusingagamuchiriki nomutoo wakajeka. Nomutoo uno mufungo, ipapoka, kana munhu achizova netendero yoMusiki, iye anofanira kuva nemirangariro Yake pamusoro porudzidziso. Usakanganwa kuti isu tose tinobatanidzwa nokuti “munhu kupfurikidza nemviromviro yake imhuka yorudzidziso.”
Mukusanotarisisa nguva yakapfuura yorudzidziso, ngatiitei kudaro nendangariro inogamuchira, nomutoo unotoisvokosha zvikuru, nomwoyo unogamuchira. Pari pose apo rudzidziso rwakati runonzverwa, ngatitindikei nguva refu yakaringanira kuzvibvunza isu timene kana dzidziso dzarwo dzichinzwisisika, dzakajeka, uye dzine mufungo. Uye zvakadiniko nezviitwa zvarwo? Ko irwo rwakaswededza mitezo yarwo pedyo zvikuru noMusiki kupfurikidza nokuroverera pairi ukoshi hwokuteerera mirairo yake, kana kuti irwo panzvimbo pakwo rwakaibvumidza kugadza mipimo yayo imene yomufambiro here? Ko rudzidziso rwakadzidzisa vanhu kuvimba naMwari kupedza zvinetso zvenyika here? Kana kuti irwo munzvimbo makwo rwakatoitsausa ndokupinda mukuvimba nomutoo wezvamatongerwe enyika kuita kudaro here? Ko irwo rwakasimudzira chinzwano norugare pakati pavagari vapasi here, kana kuti irwo panzvimbo pakwo rwakaparira kusanzwana ndokutanga hondo?
Iyi nemimwe mibvunzo ichatibetsera kutsauranisa pakati porudzidziso rumwe rwapakuvamba rwakatangwa noMusiki wavanhu namarudzi mazhinji enyengedzo akasumwa nomuvengi wake.
Ko rudzidziso runobatanidzwa mukuputsika kwazvino uno kwetsika dzokuzvibata here? Nyaya inotevera icharondedzera nokupfupikisa mubvunzo iwowo.
[Bhokisi riri papeji 7]
Ko Kwakanga Kuna Mafashamo Emburumbwa Yose Zvomenemene Here?
“Kure nokuva kwaMafashamo aGenesi chinoitika chinopanikirika munguva dzazvino uno dzoruzivo rwomugariro wapasi anokodzerana zvikuru kwazvo munhambo yakadaro . . . Kureva idi yakanga iri nhamo inoisvobvira nokuda kworuparadziko rwakadaro runokurumidza nerwamasimba masimba.”—The Flood Reconsidered.
“Vezvoruzivo rwokucherwa kwamatongo vakafukunyurawo dzimwe shanduro dzenhau ya[Genesi] yeBoporodzi . . . Fanano dzinokatyamadza zvikuru kupfuura misiano.”—Digging Up the Bible Lands.
“Ngwavaira yenyika muiri pasi rakanyudzwa kana kuti rakanzvaidzwa nemvura mufungo unowanwa muinenge ngano iri yose munyika. . . . Mungano yomuInca yakaparirwa namwari mukuru, Viracocha, uyo akanga asingagutsikani navanhu vokutanga ndokusarudza kuvaparadza.”—Funk and Wagnalls Standard Dictionary of Folklore, Mythology and Legend.
“Kunyange fanano huru zvikuru dzenhauro dzaGenesi dziripo mune imwe nhetembwa yeBhabhironi ine kamuri rayo ine zita rinonzi Gilgamesh. . . . Sezvinobvira zvikurusa yakavamba munenge mukuvamba mamakore ane gumi ramazana rechipiri. . . . [Hwendefa romunyakwe XI] rinenge risina kumeduka, nokudaro rinogovera shanduro yakakwana zvikurusa yenhauro yeboporodzi mumanyoro akanyorwa nomutoo wekinyunifomu.”—Encyclopædia Judaica.
“SavaHebheru, vaBhabhironi, vaGiriki, vaNorsemen, nedzimwe ndudzi dzeNyika Yekare, ndudzi zhinji dzeIndia dzeAmerica yoKuchamhembe naMaodzanyemba dzakanga dzine magamuchidzanwa eBoporodzi. . . . ‘Apo vafundisi vapakutangatanga vakasvika’ . . . , Mufundisi Myron Eells akashuma muna 1878, kuti, ‘ivo vakawana kuti vaIndia ivavo vakanga vane magamuchidzanwa avo amafashamo, uye kuti murume mumwe nomudzimai wake vakaponeswa paigwa ramatanda.’”—Indian Legends of the Pacific Northwest.