Ganhuro 41
Zuva raMwari Rorutongeso—Muuyo Waro Unofadza!
Chiono 15—Zvakazarurwa 20:11–21:8
Musoro: Rumuko rwavose, Zuva roRutongeso, nezvikomborero zvamatenga matsva napasi idzva
Nguva yezadziko: Kutonga Kwamakore Ane Chiuru
1. (a) Ko vanhu vakarashikirwa nechii apo Adhama naEvha vakaita chivi? (b) Idonzoi raMwari risina kuchinja, uye tinoziva seiko?
SAVANHU, isu takasikirwa kurarama nokusingaperi. Kudai Adhama naEvha vakanga vateerera mirairo yaMwari, vaizodai vasina kutongofa. (Genesi 1:28; 2:8, 16, 17; Muparidzi 3:10, 11) Asi apo ivo vakaita chivi, vakarashikirwa nokukwana noupenyu zvavose vari vaviri ivo vamene navana vavo, uye rufu rwakazotonga pamusoro pavanhu somuvengi asingateri. (VaRoma 5:12, 14; 1 VaKorinte 15:26) Hunyanguvezvo, donzo raMwari rokuva navanhu vakakwana vanorarama nokusingaperi paparadhiso yapasi harina kuchinja. Nokuda kworudo rwake rukuru nokuda kwavanhu, iye akatumira kupasi Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga bedzi, Jesu, uyo akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu sorudzikinuro nokuda kwa“vazhinji” vavana vaAdhama. (Mateo 20:28; Johane 3:16) Jesu zvino anogona kushandisa uhu hukoshi hwapamutemo hwechibairo chake kudzorera vanhu vanodavira kuupenyu mukukwana paparadhiso yapasi. (1 Petro 3:18; 1 Johane 2:2) Haiwa chikonzero chakaisvonaka sei nokuda kwavanhu ku“va vanofara navanofarisisa”!—Isaya 25:8, 9.
2. Ko Johane anoshumei pana Zvakazarurwa 20:11, uye chii chiri “chigaro choumambo chikuru chichena”?
2 Kana Satani apfigirwa mugomba rakadzika-dzika, Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kune mbiri kwaJesu kunovamba. Zvino rava “zuva” umo Mwari ano“ita donzo kutonga pasi rinogarwa mukururama kupfurikidza nomunhu waakagadza.” (Mabasa 17:31; 2 Petro 3:8) Johane anozivisa, kuti: “Ipapo ini ndakaona chigaro choumambo chikuru chichena, nouyo agere pachiri. Pasi nedenga zvakatiza pamberi pake, uye hapana nzvimbo yakawanwa nokuda kwazvo.” (Zvakazarurwa 20:11) Chii chiri ichi “chigaro choumambo chikuru chichena”? Hachingagoni kuva chimwe kunze kwechigaro chorutongeso choumambo cha“Mwari Mutongi wavose.” (VaHebheru 12:23) Zvino iye achatonga vanhu pamusoro pokuti ndiani achabetserekana nechibairo chorudzikinuro chaJesu.—Marko 10:45.
3. (a) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti chigaro choumambo chaMwari chinotaurwa kuva “chikuru” uye “chichena”? (b) Ndiani achaita kutonga paZuva roRutongeso uye pahwaroi?
3 Chigaro choumambo chaMwari “chikuru,” kusimbisa ukomba hwaJehovha saChangamire Ishe, uye icho “chichena,” kuzivisa ururami hwake hwakakwana. Iye ndiye Mutongi wokupedzisira wavanhu. (Pisarema 19:7-11; Isaya 33:22; 51:5, 8) Zvisinei, iye akapa basa rokutonga kuna Jesu Kristu: “Baba havatongotongi munhu, asi ivo vakapa kutonga kwose kuMwanakomana.” (Johane 5:22) Vari pamwe chete naJesu ndivo vasonganiri vake vane 144 000, avo “simba rokutonga rakapiwa . . . kwamakore ane chiuru” kwavari. (Zvakazarurwa 20:4) Kunyange zvazvo zvakadaro, ndiyo mipimo yaJehovha inosarudza zvichaitika kumunhu mumwe nomumwe mukati meZuva roRutongeso.
4. Ko kuti “pasi nedenga zvakatiza” kunorevei?
4 Kunodaro sei kuti “pasi nedenga zvakatiza”? Irori ndiro denga rimwe chetero riya rakabva somupumburu pakuzarurwa kwechisimbiso chechitanhatu—masimba anobata ushe ohunhu ayo ano“chengeterwa mwoto uye ari kuchengeterwa zuva rorutongeso neroruparadziko rwavanhu vasingadi Mwari.” (Zvakazarurwa 6:14; 2 Petro 3:7) Pasi ndiro tsika yezvinhu yakarongwa iyo iripo pasi poubati ushe huno. (Zvakazarurwa 8:7) Ruparadziko rwechikara namadzimambo apasi navavengi vawo, pamwe chete naavo vakagamuchira chiratidzo chechikara naavo vanonamata mufananidzo wechikara, runoratidzira kutiza kweiri denga napasi. (Zvakazarurwa 19:19-21) Rutongeso ruchinge rwaitwa papasi nedenga zvaSatani, Mutongi Mukuru anozivisa rimwe Zuva roRutongeso.
Zuva Rorutongeso Ramakore Ane Chiuru
5. Pashure pokunge pasi rekare nedenga rekare zvatiza, ndivanaani vanosarira kutongwa?
5 Ndivanaani vanosarira kutongwa pashure pokunge pasi rekare nedenga rekare zvatiza? Handi vakasarira vakazodzwa vevane 144 000, nokuti ivava vakatongwa ndokuiswa chisimbiso. Kana paine vakazodzwa vanenge vachiri vapenyu pasi pano pashure peArmagedhoni vanofanira kufa nokukurumidza pashure pacho ndokuwana tuso yavo yokudenga kupfurikidza norumuko. (1 Petro 4:17; Zvakazarurwa 7:2-4) Zvisinei, mamiriyoni eboka guru avo zvino vakabuda mudambudziko guru vamire nomutoo wakachachamara “pamberi pechigaro choumambo.” Ivava vakatonzi vakarurama nokuda kworupukunyuko nokuda kwokutenda kwavo muropa rakateurwa raJesu, asika kutongwa kwavo kunofanira kupfuurira nomumakore ane chiuru sezvo Jesu anopfuurira kuvatungamirira ku“matsime emvura dzoupenyu.” Ipapo, vachinge vadzorerwa kukukwana kwohunhu uye pashure pacho vaedzwa, ivo vachaziviswa kuva vakarurama mupfungwa izere zvikurusa. (Zvakazarurwa 7:9, 10, 14, 17) Vana vanopukunyuka dambudziko guru uye vana vapi navapi vanoberekwa neboka guru mukati maMakore Ane Gumi Ramazana nomutoo wakafanana vachadikanirwa kuva vanotongwa mukati mamakore ane chiuru.—Enzanisa naGenesi 1:28; 9:7; 1 VaKorinte 7:14.
6. (a) Ko Johane anoona bokai, uye chii chinoratidzirwa namashoko okuti “vakuru navaduku”? (b) Ko mamiriyoni asingaverengeki ari muyeuko yaMwari pasina panikiro achamutswa sei?
6 Zvisinei, Johane anocherekedza boka ravazhinji-zhinji zvikuru kwazvo rinopfuura boka guru rinorarama. Richasvika chiverengero chine zviuru zvamamiriyoni! “Zvino ini ndakaona vakafa, vakuru navaduku, vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yamanyoro yakazarurwa.” (Zvakazarurwa 20:12a) “Vakuru navaduku” vanobatanidza vakatanhamara uyewo vasina kutanhamara vavanhu vaya vakararama ndokufa papasi rino mukati mamakore 6 000 akapfuura. MuEvhangeri iyo muapostora Johane akanyora nokukurumidza pashure paZvakazarurwa, Jesu akataura nezvaBaba, kuti: “Ivo vakamupa [Jesu] chiremera chokutonga, nokuti iye Mwanakomana womunhu. Musashamiswa naikoku, nokuti awa inouya muiyo avo vose vari muhwiro hweyeuko vachanzwa inzwi rake ndokubuda.” (Johane 5:27-29) Haiwa ibasa rakakura sei—kuparadzwa kwenzufu nokuvigwa munhau yose! Pasina panikiro mamiriyoni iwawo asingaverengeki ari muyeuko yaMwari achamutswa pashoma napashoma kuti boka guru—vashomanene zvikuru mukuenzanisirwa—rizove richikwanisa kubata nezvinetso zvingamuka nokuti vanomutswa vangakombamira pakutanga kukutevera mararamire avo ekare, noutera hwavo hwenyama nezvimiro zvendangariro.
Ndivanaani Vanomutswa Navanotongwa?
7, 8. (a) Mupumburui wamanyoro unozarurwa, uye chii chinoitika pashure pacho? (b) Ko hakuzati kuchizova norumuko nokuda kwavanaani?
7 Johane anowedzera, kuti: “Asi mumwe mupumburu wamanyoro wakazarurwa: iwo mupumburu wamanyoro woupenyu. Ipapo vakafa vakatongwa nokuda kwezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu yamanyoro mukuwirirana namabasa avo. Zvino gungwa rakabudisa avo vakafa vaiva mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa avo vakafa vaiva mazviri, uye ivo vakatongwa somunhu mumwe nomumwe mukuwirirana namabasa avo.” (Zvakazarurwa 20:12b, 13) Haiwa chiono chinopedza mate sei mukanwa zvamazvirokwazvo! ‘Gungwa, rufu, uye Hadhesi’ chimwe nechimwe chinoita rutivi, asi cherekedza kuti mashoko awa haazati ari asingawirirani.a Jona, apo aiva mudumbu rehove uye nokudaro ari pakati pegungwa, akataura nezvake amene saari muSheori, kana kuti Hadhesi. (Jona 2:2) Kana munhu akabatwa mukubatwa kworufu rwaAdhama, ipapo sezvinobvira iye ariwo muHadhesi. Aya mashoko ouporofita anopa simbisiro yakasimba yokuti hakuna munhu achava anofuratirwa.
8 Chokwadika, kune chiverengero chavasingazivikanwi vasati vachizomutswa. Pakati paivava pachava navanyori navaFarise vasingapfidzi avo vakaramba Jesu navaapostora, “munhu wokusateerera mutemo” worudzidziso, uye maKristu akazodzwa “awo akatsauka.” (2 VaTesaronika 2:3; VaHebheru 6:4-6; Mateo 23:29-33) Jesu akataurawo nezvavanhu vakaita sembudzi pamugumo wenyika avo vanopinda “mumwoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhorosi nengirozi dzake,” ndiko kuti, “kugurwa kusingaperi.” (Mateo 25:41, 46) Hakuna rumuko nokuda kwaivava!
9. Ko muapostora Pauro anoratidzira sei kuti vamwe vachaitirwa ngoni zvikurukuru murumuko, uye ivava vanobatanidza vanaani?
9 Namamwe mashoko, vamwe vachaitirwa nyasha zvikurukuru murumuko. Muapostora Pauro akaratidzira ikoku apo iye akati: “Ini ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Pamusoro porumuko rwapasi, “vakarurama” vachabatanidza varume navakadzi vakatendeka vekare—Abrahama, Rahabhi, navamwe vazhinji—avo vakanzi vakarurama pamusoro poushamwari naMwari. (Jakobho 2:21, 23, 25) Mune iri boka rimwe chetero muchava namamwe makwai aya akarurama akafa akatendeka kuna Jehovha munguva dzazvino uno. Sezvinobvira, vachengeti vose vakadaro veperero vachamutswa pasi pano muKutonga kwaMakore Ane Gumi Ramazana kwaJesu. (Jobho 14:13-15; 27:5; Dhanieri 12:13; VaHebheru 11:35, 39, 40) Pasina panikiro vazhinji vaava vakarurama vanomutswa vachagoverwa ropafadzo chaidzo mukutarisira basa guru redzorerwo muParadhiso.—Pisarema 45:16; enzanisa naIsaya 32:1, 16-18; 61:5; 65:21-23.
10. Pana avo vanomutswa, ndivanaani vari “vasina kururama”?
10 Kunyange zvazvo zvakadaro, ndivanaani vari “vasina kururama” vanodudzwa pana Mabasa 24:15? Ivava vangabatanidza vazhinji-zhinji zvikuru vavanhu vakafa munhau yose, zvikurukuru avo vakararama mu‘nguva dzokusaziva.’ (Mabasa 17:30) Ivava, nemhaka youko ivo vakaberekerwa kana kuti panguva apo ivo vairarama, vakanga vasina banza rokudzidza kuteerera kuda kwaJehovha. Mukuwedzera, kungava navamwe vakanzwa havo shoko roruponeso asi avo vasina kudavidza zvizere panguva iyeyo kana kuti avo vakafa ivo vasati vaita enderero mberi kutsauriro norubhapatidzo. Murumuko vakadarowo vachatofanirazve kuita dzimwe gadziridzo mukufunga kwavo nomunzira youpenyu kana ivo vachizobetserekana neiri banza nokuda kwokuwana upenyu husingaperi.
Mupumburu Wamanyoro Woupenyu
11. (a) Chii chiri “mupumburu wamanyoro woupenyu,” uye mazita avanaani anonyorwa muno uyu mupumburu wamanyoro? (b) Neiko mupumburu wamanyoro woupenyu uchizozarurwa mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru?
11 Johane anotaura nezvo“mupumburu wamanyoro woupenyu.” Ichi ndicho chinyorwa chaavo vagadzirira kuwana upenyu husingaperi hunobva kuna Jehovha. Mazita ehama dzakazodzwa dzaJesu, eboka guru, uye avanhu vakatendeka vekare, vakadai saMosesi, akanyorwa mune uyu mupumburu wamanyoro. (Eksodho 32:32, 33; Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 3:5) Kusvikira zvino, hapana navamwe vaava vanhu vakamutswa “vasina kururama” vana mazita avo ari mumupumburu wamanyoro woupenyu. Naizvozvo mupumburu wamanyoro woupenyu uchazarurwa mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru kubvumidza kunyorwa kwamazita avamwe vanosvika pakukwaniriswa. Avo vana mazita asinganyorwi mumupumburu wamanyoro, kana kuti bhuku, roupenyu vano“kandirwa mudziva romwoto.”—Zvakazarurwa 20:15; enzanisa naVaHebheru 3:19.
12. Chii chichasarudza kana munhu achizoita kuti zita rake rinyorwe mumupumburu wamanyoro woupenyu wakazarurwa, uye Mutongi akagadzwa waJehovha akagadza sei muenzaniso?
12 Ko zvino, chii chichasarudza kana munhu achiita kuti zita rake rinyorwe mumupumburu wamanyoro woupenyu wakazarurwa panguva iyeyo? Chinhu chikurusa chichava chimwe chetecho sezvachakanga chakaita mumazuva aAdhama naEvha: teerero kuna Jehovha. Sokunyorera kwakaita muapostora Johane maKristu biyake anodikanwa, kuti: “Nyika inopfuura uye saizvozvowo ruchiva rwayo, asi iye anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johane 2:4-7; 17) Munhau yeteerero, Mutongi wakagadzwa waJehovha akagadza muenzaniso: “Kunyange zvazvo [Jesu] akanga ari Mwanakomana, iye akadzidza teerero kubva muzvinhu zvaakatambura; uye pashure pokunge iye aitwa akakwana iye akava ano mutoro nokuda kworuponeso rusingaperi kuna avo vose vanomuteerera.”—VaHebheru 5:8, 9.
Kuzarura Mimwe Mipumburu Yamanyoro
13. Ko vanomutswa vanofanira kuratidzira sei teerero yavo, uye vanofanira kutevera nheyoi?
13 Ko ava vanomutswa vanofanira kuratidzira sei teerero yavo? Jesu iye amene akaratidza mirairo miviri mikuru, achiti: “Wokutanga ndouyu, ‘Inzwa, Haiwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe bedzi, uye iwe unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu, ‘Iwe unofanira kuda muvakidzani wako sokuzvida kwaunoita iwe umene.’” (Marko 12:29-31) Uyewo kune nheyo dzakasanosimbiswa dzaJehovha idzo ivo vanofanira kutevera, dzakadai sokurega kuba, kureva nhema, kuponda, uye utere.—1 Timotio 1:8-11; Zvakazarurwa 21:8.
14. Ndeipi mimwe mipumburu yamanyoro inozarurwa, uye iyo inei?
14 Zvisinei, Johane achangobva kududza mimwe mipumburu yamanyoro iyo ichazarurwa mukati moKutonga kweMakore Ane Gumi Ramazana. (Zvakazarurwa 20:12) Iyoyi ichaveiko? Padzimwe nguva, Jehovha akapa miraidzo chaiyo nokuda kwemigariro yakati kuti. Somuenzaniso, muzuva raMosesi iye akagovera nhevedzano dzine mashoko ose oudzame dzemitemo yaireva upenyu nokuda kwavaIsraeri kana ivo vaizoteerera. (Dheuteronomio 4:40; 32:45-47) Mukati mezana rokutanga ramakore, miraidzo mitsva yakapiwa kubetsera vakatendeka kutevera nheyo dzaJehovha mutsika yezvinhu yechiKristu. (Mateo 28:19, 20; Johane 13:34; 15:9, 10) Zvino Johane anoshuma kuti vakafa vacha“tongwa nokuda kwezvinhu zviya zvakanyorwa mumipumburu yamanyoro mukuwirirana namabasa avo.” Nomutoo wakajeka, ipapoka, kuzarurwa kweiyi mipumburu yamanyoro kuchazivisa zvinodikanwa zvine udzame hwose hwamashoko aJehovha nokuda kwavanhu mukati mamakore ane chiuru. Kupfurikidza nokushandisa muupenyu hwavo mitemo nemirairo yemipumburu yamanyoro iyoyo, vanhu vanoteerera vachava vanokwanisa kurebesa mazuva avo, vachisvika pakupedzisira upenyu husingaperi.
15. Rudzii rwenhimbe yedzidzo ichava inodikanwa mukati morumuko, uye sezvinobvira rumuko ruchapfuurira sei?
15 Haiwa inhimbe yakatambanuka sei yedzidzo youbati ushe hwoumwari ichava inodikanwa! Muna 2005, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakanga zvichiitisa, paavhareji, fundo dzeBhaibheri 6 061 534 munzvimbo dzakasiyana-siyana. Asi mukati morumuko, mamiriyoni asingaverengeki efundo, dzakavakirwa paBhaibheri nemipumburu mitsva yamanyoro, pasina panikiro dzichaitiswa! Vose vavanhu vaMwari vachadikanirwa kuva vadzidzisi uye kuzvishandisa nesimba ivo vamene. Vanomutswa, sezvavanoenderera mberi, pasina panikiro vachagoverana mune iyi purogiramu hurusa yokudzidzisa. Sezvinobvira, rumuko ruchapfuurira munzira yokuti avo vari vapenyu vagova nomufaro wokugamuchira nokurairidza yaichimbova mitezo yemhuri navazivikanwi, avo, mujana ravo, vangagamuchira ndokuraidza vamwe. (Enzanisa 1 VaKorinte 15:19-28, 58.) Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni matanhatu zvinoshingaira mukuparadzira zvokwadi nhasi vari kuvanzarika nheyo yakanaka nokuda kweropafadzo dzavanokarira kuva nadzo murumuko.—Isaya 50:4; 54:13.
16. (a) Mazita avanaani asati achizonyorwa mumupumburu wamanyoro, kana kuti bhuku, roupenyu? (b) Ndivanaani avo vane rumuko ruchabvumikisa kuva urwo “rwoupenyu”?
16 Pamusoro porumuko rwapasi, Jesu akataura kuti ‘avo vakaita zvinhu zvakanaka vachabudira kurumuko rwoupenyu, avo vakaita zvinhu zvakashata kurumuko rworutongeso.’ Pano “upenyu” uye “rutongeso” zvinosiyana, kuratidzira kuti avo vanomutswa va“kaita zvinhu zvakashata” pashure pokunge varaidzwa muMagwaro akafuridzirwa uye mumupumburu wamanyoro vanotongerwa kuva vasina kukodzerwa noupenyu. Mazita avo haazati achizonyorwa mumupumburu wamanyoro, kana kuti bhuku, roupenyu. (Johane 5:29) Ikoku kuchadarowo nezvavapi navapi vaichimbotevera nzira yokutendeka asi avo, nokuda kwechikonzero chakati kuti, vanotsauka mukati moKutonga Kwamakore Ane Chiuru. Mazita anogona kudzimwa. (Eksodho 32:32, 33) Namamwe mashoko, avo vanotevera nomutoo wokuteerera zvinhu zvakanyorwa mumipumburu yamanyoro vachaita kuti mazita avo arambe ari pachinyorwa chakanyorwa, mupumburu wamanyoro woupenyu, ndokupfuurira kurarama. Kwavari, rumuko ruchave rwabvumikisa kuva urwo “rwoupenyu.”
Mugumo Worufu neHadhesi
17. (a) Ko Johane anorondedzera chiitoi chinoshamisa? (b) Ko Hadhesi inokuturwa rini? (c) Ko rufu rwaAdhama rucha“kandirwa mudziva romwoto” rini?
17 Tevere, Johane anorondedzera chimwe chinhu chinoshamisa zvamazvirokwazvo! “Ipapo rufu neHadhesi zvakakandirwa mudziva romwoto. Irworwu rwunoreva rufu rwechipiri, dziva romwoto. Kupfuurirazve, upi kana upi achawanwa asina kunyorwa mubhuku roupenyu achakandirwa mudziva romwoto.” (Zvakazarurwa 20:14, 15) Pakuzosvika pamugumo weZuva roRutongeso ramakore ane gumi ramazana, “rufu neHadhesi” zvabviswa chose chose. Neiko ikoku kuchibatanidza makore ane chiuru? Hadhesi, guva ravose ravanhu vose, rinokuturwa apo munhu wokupedzisira ari muyeuko yaMwari anomutswa. Asi chero bedzi vanhu vapi navapi vakasvibiswa nechivi chakagarwa nhaka, rufu rwaAdhama ruchinavo. Vose avo vanomutswa pasi pano, uyewo boka guru rinopukunyuka Armagedhoni, vachadikanirwa kuteerera zviri zvakanyorwa mumipumburu yamanyoro kutozosvikira ukoshi hworudzikinuro rwaJesu hwashandiswa zvizere mukubvisa chirwere, ukweguru, nohumwe hurema hwakagarwa nhaka. Ipapo rufu rwaAdhama, pamwe chete neHadhesi runo“kandirwa mudziva romwoto.” Zvichave zvaparara nokusingaperi!
18. (a) Ko muapostora Pauro anorondedzera sei rubudiriro rwoubati ushe hwaJesu saMambo? (b) Ko Jesu anoitei nemhuri yohunhu yakwaniswa? (c) Ndizvimwei zvinhu zvinoitika pamugumo wamakore ane chiuru?
18 Nokudaro, purogiramu iyo muapostora Pauro anorondedzera mutsamba yake yokuvaKorinte ichaguma: “Nokuti [Jesu] anofanira kubata ushe samambo kutozosvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake. Somuvengi wokupedzisira, rufu [rwaAdhama] ruchaparadzwa.” Chii chinoitika mukutevera? “Apo zvinhu zvose zvichave zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomana iye amene achazviisawo iye amene pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake.” Namamwe mashoko, Jesu “anogamuchidza umambo kuna Mwari wake naBaba.” (1 VaKorinte 15:24-28) Hungu, Jesu, achinge akunda rufu rwaAdhama kupfurikidza noukoshi hwechibairo chake chorudzikinuro, achagamuchidza mhuri yohunhu yakakwaniswa kuna Baba, vake Jehovha. Nomutoo unooneka ndipo panhambo ino, pamugumo wamakore ane chiuru, apo Satani anosunungurwa uye muedzo wokupedzisira unoitika kusarudza kuti mazita avanaani achasara kwechigarire akanyorwa mumupumburu wamanyoro woupenyu. “Zvishandisei imi mumene nesimba guru” kuti mazita enyu agova pakati pavo!—Ruka 13:24; Zvakazarurwa 20:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Avo vanomutswa mugungwa havazati vachizobatanidza vagari vakashata vakapararira muBoporodzi rezuva raNoa; ruparadziko irworwo rwakanga rwuri rwokugumisira, sezvichaita kuitwa kworutongeso rwaMwari mudambudziko guru.—Mateo 25:41, 46; 2 Petro 3:5-7.
[Mufananidzo uri papeji 298]
Vanomutswa “vasakarurama” vanoteerera manyoro anozarurwa Mukutonga Kwamakore Ane Chiuru vangaita kuti mazita avo anyorwewo mumanyoro oupenyu