Pasi
Tsanangudzo: Shoko rokuti nyika ratiri kuti “pasi” rinoshandiswa kanopfuura kamwe chete muMagwaro. Kazhinji tinofunga nezvaro serinoreva denderedzwa racho pacharo, iro Jehovha akapa kuti vanhu vararame vari mariri kuitira kuti tigutsikane zvikuru noupenyu. Zvisinei, tinofanira kuziva kuti shoko rokuti “pasi” ringashandiswawo nenzira yokufananidzira, somuenzaniso, kureva vanhu vanogara pasi pano kana kuti boka revanhu vane unhu hwakati.
Pasi richaparadzwa muhondo yenyukireya here?
Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei?
Mat. 6:10: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”
Pis. 37:29: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”
Onawo Muparidzi 1:4; Pisarema 104:5.
Sezvo marudzi asina basa nechinangwa chaMwari, zvingaita here kuti aparadze zvachose pasi zvokusazogarwa?
Isa. 55:8-11: “[Jehovha anoti:] Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvowo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu. . . . Shoko rangu . . . harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi richaita zvandinofarira, uye richabudirira pane zvandinoritumira.”
Isa. 40:15, 26: “Tarirai! [Mukuona kwaJehovha Mwari] Marudzi akaita sedonhwe remvura riri mumugomo; uye anoonekwa seguruva shomanana riri pachikero. . . . ‘Tarirai kumusoro muone [zuva, mwedzi, nemabhiriyoni enyeredzi]. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo. Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.’” (Vanhu vanotya simba renyukireya riri kugadzirwa nemarudzi. Asi mabhiriyoni enyeredzi anoshandisa simba renyukireya rakawanda zvikuru zvatisingakwanisi kunzwisisa. Ndiani akasika uye anodzora zvinhu izvozvo zviri kudenga? Angatadza here kuita kuti marudzi asashandisa zvombo izvozvo zvenyukireya nenzira inokanganisa chinangwa chake? Kuparadza kwaakaita uto reIjipiti, Farao paaida kuvhiringidza kununurwa kwevaIsraeri kunoratidza kuti Mwari anogona kuzviita.—Eks. 14:5-31.
Zvak. 11:17, 18: “Tinokuongai, Jehovha Mwari, Wemasimbaose, Imi muripo uye makanga muripo, nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga samambo. Asi marudzi akava nehasha, hasha dzenyu dzakauya, uye nguva yakatarwa . . . kuti muparadze vaya vanoparadza nyika.”
Mwari pachake achaparadza pasi nemoto here?
Ko 2 Petro 3:7, 10 (BD) inotsigira pfungwa iyoyo here? “Denga nenyika zviripo nhasi zvakachengetedzwa neshoko iroro, zvakamirira kuti zvigoparadzwa nomoto apo pachapararawo vaya vasingadi Mwari. . . . Zuva raShe richasvika sembavha pasina anoziva. Nezuva iroro, denga richaparara nokutinhira kukuru. Zvose zvokudenga nezvose zviri panyika zvichaparadzwa nemoto zvonyangarika [“zvichapiswa,” BUS; “zvichaoneka,” NAB; “zvichaiswa pachena,” NE; “zvichava pachena,” NW].” (Ona kuti: Codex Sinaiticus neVatican MS 1209, ose omuzana remakore rechina C.E., anoti “zvichava pachena.” Zvimwe zvakazonyorwa pava paya, Codex Alexandrinus yomuzana remakore rechishanu uye Vulgate yakashandurwazve naClementine muzana remakore rechi16 dzinoti “zvichapiswa.”)
Zvakazarurwa 21:1 (BUS) inoratidza here kuti pasi redu richaparadzwa? “Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo.”
Kuti ive yakarurama, tsanangudzo yendima idzi inofanira kupindirana nemashoko akapoteredza uye neBhaibheri rose
Kana magwaro aya (2 Petro 3:7, 10 uye Zvakazarurwa 21:1) achireva kuti Pasi richapiswa nemoto, saka matenga chaiwo (nyeredzi nezvimwe zvinhu zvokudenga) anofanirawo kuparadzwa nemoto. Zvisinei, maonero akadaro anopesana nezvinovimbiswa mumagwaro akadai saMateu 6:10, Pisarema 37:29 uye Pis 104:5, uyewo Zvirevo 2:21, 22. Uyezve, moto ungaitei pazvinhu zvagara zvichitopisa zvikuru sezuva nenyeredzi? Saka shoko rokuti “nyika” riri mumagwaro ari pamusoro apa rinofanira kunzwisiswa neimwe nzira.
Pana Genesisi 11:1, 1 Madzimambo 2:1, 2, 1 Makoronike 16:31, Pisarema 96:1, nemamwewo, shoko rokuti “nyika” rinoshandiswa mupfungwa yokufananidzira, kureva vanhu. Izvi ndizvo zvinorehwa na2 Petro 3:7, 10 uye Zvakazarurwa 21:1 here?
Ona kuti pana 2 Petro 3:5, 6 (uyewo 2Pe 2:5, 9), panotaura zvakafanana nezveMafashamo ezuva raNoa, pakaparadzwa vanhu vakaipa, asi Noa nemhuri yake vakachengetedzwa uyewo pasi harina kuparadzwa. Saizvozvowo, pana 2 Petro 3:7 panoti “vanhu vasingadi Mwari” ndivo vachaparadzwa. Pfungwa iri pano yokuti “nyika” inoreva vanhu vakaipa inonyatsopindirana neBhaibheri rose, sezvinoratidzwa nemagwaro ataurwa pamusoro apa. I“nyika” yokufananidzira kana kuti vanhu vakaipa, ‘vachava pachena’; kureva kuti, Jehovha achapisa nemoto unyengeri hwose, achifumura uipi hwevanhu vasingadi Mwari uye achiratidza kuti vakakodzera kuparadzwa zvachose. Vanhu ivavo vakaipa ndivowo “nyika yokutanga” inotaurwa pana Zvakazarurwa 21:1 (BUS).
Tichifunga zviri pamusoro apa, mashoko aJesu ari pana Ruka 21:33 (“denga nenyika zvichapfuura, asi . . . ”) anogona kunzwisiswa seokufananidzira. Saizvozvowo, Zvakazarurwa 21:1 inotaura nezve“denga idzva nenyika itsva.”—Onawo Mateu 24:35.
Vakarurama vachaendeswa kudenga here vozodzoswa pasi pano pashure pokunge vakaipa vaparadzwa?
Zvakazarurwa 21:2, 3 inotsigira here pfungwa iyoyo? Inoti: “Ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema Idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari, rakagadzirwa somwenga akashongera murume wake. Naizvozvo ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.’” (Chokwadi chokuti Mwari “achagara” nevanhu uye “achava navo” chinoreva kuti achava munhu wenyama here? Izvozvo hazviiti nokuti Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Hakuna munhu angandiona akararama.” [Eks. 33:20] Naizvozvowo, nhengo dzeJerusarema Idzva hadzizodzoki pasi pano sevanhu venyama. Saka Mwari “achava” nevanhu mupfungwa ipi, uye Jerusarema Idzva ‘richaburuka kubva kudenga’ sei? Hapana mubvunzo kuti izvi zvinoratidzwa pana Genesisi 21:1 panoti, Mwari “akashanyira” Sara akamukomborera nemwanakomana akwegura. Eksodho 4:31 inotiudza kuti Mwari “akashanyira” Israeri nokutumira Mosesi somununuri. Ruka 7:16 inoti Mwari “akashanyira” vanhu vake kuburikidza noushumiri hwaJesu. [Ose anobva muBUS uye BR] Dzimwe shanduro dzinoshandisa mashoko okuti Mwari ‘akafunga vanhu vake’ [NW] kana kuti ‘akavaitira hanya’ [NE]. Saka Zvakazarurwa 21:2, 3 inofanira kureva kuti ‘achashanyira’ kana kuti achava nevanhu kuburikidza neJerusarema Idzva rokudenga, richashandiswa kupa zvikomborero kuvanhu vanoteerera.)
Zvir. 2:21, 22, BUS: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana [“vakatendeseka,” BR] vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Ona kuti pano apa hapasi kuti vakatendeseka vachadzoka panyika asi “vacharambirapo.”)
Chinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwenyika chachinja here?
Gen. 1:27, 28: “Mwari akatanga kusika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika munhurume nomunhukadzi. Uyezve, Mwari akavakomborera, Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire, muve nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvisikwa zvose zvipenyu zvinofamba panyika.’” (Saka Mwari akaratidza chinangwa chake chokuti pasi rizare nevana vaAdhamu naEvha vachitarisira paradhiso yenyika yose. Pashure pokunge Mwari anyatsogadzira pasi kuti rigarwe nevanhu, achirisiyanisa nemamwe mapuraneti ose akaongororwa nevanhu vachishandisa materesikopu nezvitundu musere musere, Musiki akarega chinangwa chake here, achichisiya zvachose chisina kuzadzika pamusana pechivi chaAdhamu?)
Isa. 45:18: “Zvanzi naJehovha, Musiki wematenga, Iye Mwari wechokwadi, Muumbi wenyika noMuiti wayo, Iye akaisimbisa kwazvo, asina kungoisikira pasina, akaiumba kuti igarwe: ‘Ndini Jehovha, hakuna mumwezve.’” (Onawo Isaya 55:10, 11.)
Kana pasina munhu achazofa muNyika Itsva yaMwari, vanhu vachakwana sei panyika?
Yeuka kuti Mwari paakataura chinangwa chake nokuda kwepasi akati: “Berekai muwande, muzadze nyika.” (Gen. 1:28) Mwari akaita kuti vanhu vakwanise kubereka vana, uye chinangwa chake pachichazadzika, anogona kuita kuti vanhu vasaberekana.
Mwari achapa upenyu husingaperi kuvanhu vakaita sei?
Zef. 2:3: “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika, imi makaita zvaakatonga. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe mungavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.”
Pis. 37:9, 11: “Vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika. . . . Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”