-
Jesu Anouya NekurudziroZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
1. Ko Johane zvino anonyorera vanaani, uye ndivanaani nhasi vanofanira kuwana shoko rake kuva refariro inofadza?
CHINOTEVERA chinofanira kuva chefariro inofadza kumunhu ari wose akabatana neungano dzavanhu vaMwari nhasi. Heino nhevedzano yamashoko. Iwo ane kushanda kwakati kuti sezvo “nguva yakagadzwa” inoswedera pedyo. (Zvakazarurwa 1:3) Kuri nokuda kwebetserwo yedu isingaperi kuti titetekere zvirevo izvozvo. Chinyorwa chinorava, kuti: “Johane kuungano nomwe dziri muruwa rweAsia: Ivai netsitsi dzakakomba norugare zvinobva kuno ‘Uyo aripo nowakanga aripo nounouya,’ nokumidzimu minomwe iri pamberi pechigaro choumambo chake, nokuna Jesu Kristu.”—Zvakazarurwa 1:4, 5a.
-
-
Jesu Anouya NekurudziroZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
3. (a) Mukwaziso yaJohane, ko “tsitsi dzakakomba norugare” zvinobva kuna ani? (b) Kutaurai kwomuapostora Pauro kuri kwakafanana nekwaziso yaJohane?
3 “Tsitsi dzakakomba norugare”—haiwa zvinoshuviwa sei izvozvi uye zvikurukuru patinonzwisisa manyuko azvo! “Uyo” wazvinobva kwaari ndiye Changamire Ishe Jehovha iye amene, “Mambo wokusingagumi,” uyo anorarama “kubvira kunguva isingazivikanwi kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (1 Timotio 1:17; Pisarema 90:2) Inobatanidzwawo pano, ndiyo “midzimu minomwe,” riri shoko rinoratidzira kuzara kwokushanda kwesimba rinobate basa raMwari, kana kuti mudzimu mutsvene, sezvaunovigira nzwisiso nechikomborero kuna vose vanocherekedza uporofita. Uyewo ane basa gurusa ndi“Jesu Kristu,” uyo Johane akanyora nezvake gare gare, kuti: “Iye akanga azere netsitsi dzakakomba nezvokwadi.” (Johane 1:14) Nokudaro, kwaziso yaJohane ine zvinhu zvimwe chetezvo izvo muapostora Pauro akadudza mukupfiga tsamba yake yechipiri yokuungano yeKorinte: “Tsitsi dzakakomba dzaShe Jesu Kristu norudo rwaMwari nokugoverana mumudzimu mutsvene ngazvive nemi mose.” (2 VaKorinte 13:14) Mashoko iwawo ngaashandewo kuno munhu ari wose wedu anoda zvokwadi nhasi!—Pisarema 119:97.
“Chapupu Chakatendeka”
4. Ko Johane anopfuurira sei kurondedzera Jesu Kristu, uye neiko aya mashoko anorondedzera akakodzera zvikuru?
4 Pashure paJehovha, Jesu munhu ane mbiri zvikurusa muchisiko chapose pose, sokuziva kunoita Johane, achimurondedzera se“‘Chapupu Chakatendeka,’ ‘Dangwe muna vakafa,’ no‘Mubati ushe wamadzimambo apasi.’” (Zvakazarurwa 1:5b) Somwedzi uri mumatenga, iye akasimbiswa zvakatsiga seChapupu chikuru kune zvose kuhuMwari hwaJehovha. (Pisarema 89:37) Pashure pokunge achengeta perero kusvikira kurufu rwechibairo, iye akava wokutanga anobva pakati pavanhu kuva anomutsirwa kuupenyu husingafi hwomudzimu. (VaKorose 1:18) Zvino ari pamberi paJehovha, iye akakwidziridzirwa zvikuru pamusoro pamadzimambo ose apasi, zvaakapiwa “chiremera chose . . . mudenga napasi pano.” (Mateo 28:18; Pisarema 89:27; 1 Timotio 6:15) Muna 1914 iye akagadzwa saMambo kuti abate ushe pakati pamarudzi apasi.—Pisarema 2:6-9.
5. (a) Ko Johane anopfuurira sei kuratidzira kuonga nokuda kwaShe Jesu Kristu? (b) Ndivanaani vanobetserekana nechipo chaJesu choupenyu hwake hwakakwana hwohunhu, uye maKristu akazodzwa akagoverana sei muchikomborero chaicho?
5 Johane anopfuurira kuratidzira kuonga nokuda kwaShe Jesu Kristu naawa mashoko anofadza, anoti: “Kuna iye akatida naakatisunungura pazvivi zvedu kupfurikidza neropa rake amene—uye iye akatiita tive umambo, vaprista kuna Mwari naBaba vake—hungu, kubwinya nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.” (Zvakazarurwa 1:5c, 6) Jesu akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu kuti avo venyika yavanhu vanomutenda vagodzorerwa kuupenyu hwakakwana. Iwe, muravi anodiwa, unogona kubatanidzwa muna ikoku! (Johane 3:16) Asi rufu rwechibairo rwaJesu rwakazarurira nzira chikomborero chaicho nokuda kwaavo vanova maKristu akazodzwa saJohane. Ivava vakanzi vakarurama pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu. Vachiramba tariro dzose dzoupenyu hwapasi, sezvakaita Jesu, vaya veboka duku vakaberekwa nomudzimu waMwari, vane kariro yokumutswa kuti vabatire samadzimambo navaprista pamwe naJesu Kristu muUmambo hwake. (Ruka 12:32; VaRoma 8:18; 1 Petro 2:5; Zvakazarurwa 20:6) Haiwa iropafadzo yakaisvonaka sei! Hakuzatiwo kuchishamisa kuti Johane akakuwa nomutoo wokubvuma kwazvo kuti mbiri nesimba ndezvaJesu!
-