-
Kubatisisa Zita raJesuZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
14. (a) Kubvira mumazuva apakuvamba, ungano yechiKristu yaitofanira kurwisana navanaani, uye muapostora Pauro akavarondedzera sei? (b) Mashokoi aJesu anofanirwa kutetekerwa noupi noupi angave akava akarerekera kukutevera boka rakatsauka?
14 Kubvira mumazuva apakuvamba, ungano yechiKristu yaitofanira kurwisana navatsauki pakutenda vanodada, avo kupfurikidza nokutaura kwakanaka, kunonyengedza vano“parira misiano nenhambo dzokugumbura kunopesana nedzidziso” yakagoverwa kupfurikidza nomukoto waJehovha. (VaRoma 16:17, 18) Muapostora Pauro akanyevera nezveiyi tyisidziro mudzinenge tsamba dzake dzose.a Munguva dzazvino uno, apo Jesu akadzorera ungano yechokwadi kurucheno rwayo rwechiKristu nechinzwano, ngozi yedzidziso yesekete ichiripo. Nokuda kwechikonzero ichocho, upi noupi angava akakombamira kukutevera boka rakatsauka, nokudaro ndokuumba sekete, anofanira kutetekera mashoko anotevera aJesu, anoti: “Naizvozvo pfidza. Kana iwe usingaiti, ndiri kuuya kwauri nokukurumidza, uye ini ndicharwisana navo nomunondo murefu womuromo wangu.”—Zvakazarurwa 2:16.
-
-
Kubatisisa Zita raJesuZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
16. (a) Neiko avo vanozengurira nokuda kwepesvedzero yokutsauka pakutenda vachifanira kukurumidza kupfidza? (b) Chii chichaitika kuna avo vanoramba kupfidza?
16 Upi noupi anozengurira nokuda kwepesvedzero yavatsauki pakutenda anofanira kukurumidza kutetekera danidziro yaJesu yokupfidza! Paradziro yavatsauki pakutenda inofanira kurambwa somuchetura wairi! Hwaro hwayo ndohweshanje noruvengo, mukusiyana nezvokwadi dzakarurama, dzakachena, dzinodikanwa idzo Jesu anodyisa ungano yake. (Ruka 12:42; VaFiripi 1:15, 16; 4:8, 9) Kana vari vaya vanoramba kupfidza, Ishe Jesu zvamazvirokwazvo ano“rwa navo nomunondo murefu womuromo” wake. Iye ari kusefa vanhu vake kuti achengete chinzwano icho iye akanyengeterera mukati mamadekanwa ake okupedzisira aina vadzidzi vake pasi pano. (Johane 17:20-23, 26) Vatsauki pakutenda zvavanoramba zano rorudo nebetsero zvinogoverwa nenyeredzi dziri muruoko rwake rworudyi, Jesu anovatonga uye anovaranga “noukombi hukurusa,” achivaisa ku“rima riri kunze.” Ivo vanodzingwa, kuti varege kuzoitazve sembiriso pakati pavanhu vaMwari.—Mateo 24:48-51; 25:30; 1 VaKorinte 5:6, 9, 13; Zvakazarurwa 1:16.
-