“Ndibetserei Pandinoda Kutenda!”
“Baba vomwana muduku vakanga vachiti: ‘Ndine kutenda! Ndibetserei pandinoda kutenda!’”—MARKO 9:24, NW.
1. Chii chakaparira mumwe baba kuzivisa kuti, “Ndibetserei pandinoda kutenda”?
BABA vomukomana aiva nedhemoni vakamira pamberi paJesu Kristu. Murume iyeyo aishuva sei kuti mwana wake muduku aporeswe! Vadzidzi vaJesu vakanga vashaya kutenda kwakaringanira kudzinga dhemoni, asi baba vacho vakadanidzira, kuti: “Ndine kutenda! Ndibetserei pandinoda kutenda!” Kupfurikidza nesimba rakapiwa naMwari, Jesu ipapo akadzinga dhemoni racho, pasina panikiro achisimbisa kutenda kwababa vomukomana wacho.—Marko 9:14-29, NW.
2. Pamusoro pokutenda, munzirai mbiri umo maKristu asinganyadziswi?
2 Kufanana nababa vomukomana iyeyo vane tariro, mubatiri akavimbika waJehovha haanyadziswi kutaura kuti: “Ndine kutenda!” Vashori vangaramba simba raMwari, uzvokwadi hweShoko rake, uye kunyange kuvapo kwake kumene. Asi maKristu echokwadi anobvuma nokudisa kuti ane kutenda muna Jehovha Mwari. Bva, pakutaura somunhu oga kuna Baba vavo vokudenga mumunyengetero, vanhu vamwe chete ivava vangakumbira, kuti: “Ndibetserei pandinoda kutenda!” Ikoku vanoitawo vasina manyadzi, vachiziva kuti kunyange vaapostora vaJesu Kristu vakakumbira, kuti: “Tiwedzerei kutenda kwedu.”—Ruka 17:5.
3. Chii chinokosha pamusoro pamashandisire akaita Johane shoko rokuti “kutenda” muEvhangeri yake, uye nei ikoku kwakanga kwakafanira?
3 Zvikurukuru Magwaro echiKristu echiGiriki ane zvizhinji zvokutaura pamusoro pokutenda. Kutaura idi, Evhangeri yaJohane inoshandisa mashoko akasiana-siana echiGiriki ane chokuita no“kutenda” kanopfuura kane 40 muzana kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura zvinoita dzimwe Evhangeri nhatu dzakabatanidzwa. Johane akasimbisa kuti kuva nokutenda hakuna kuringana; kukushandisa kunokosha. Achinyora munenge muna 98 N.V., iye akaona pesvedzero dzakaipa dzokuwa pakutenda dzichipararira kuti dzipinze mumusungo maKristu akaneta mukutenda. (Mabasa 20:28-30; 2 Petro 2:1-3; 1 Johane 2:18, 19) Naizvozvo kwakanga kuchikosha kushandisa kutenda, kupa ufakazi hwako kupfurikidza namabasa okuzvipira kwoumwari. Nguva dzakaoma dzakanga dziri mberi.
4. Neiko pasina chisingabviriri avo vane kutenda?
4 Kutenda kunogonesa maKristu kugonana nezvinetso zvipi nezvipi. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti kudai vakanga vane “kutenda kwakaita setsanga yemastardha,” hakuna chaizova chisingavabviriri. (Mateo 17:20) Nenzira iyoyo, iye akasimbisa simba rokutenda, chibereko chomudzimu mutsvene. Jesu nokudaro akasimbisa, kwete izvo vanhu, asi izvo mudzimu waMwari, kana kuti simba rinobata basa, unogona kuita. Avo vanotungamirirwa nawo havaiti kuti mhinganidzo duku nezvinetso zvive zvikuru. Kushandisa uchenjeri uhwo mudzimu waMwari unopa kunovabetsera kuchengeta zvinhu munzvimbo yakafanira. Kunyange zvinetso zvakakomba zvinopera apo zvinoiswa musimba rinotsigira rokutenda.—Mateo 21:21, 22; Marko 11:22-24; Ruka 17:5, 6.
Kunyengetera Kuti Kutenda Kugorega Kukundikana
5-7. (a) Mashokoi enyevero pamusoro pokutenda ayo Jesu akataura apo akatanga Chirangaridzo? (b) Kutenda kwaPetro kwakamugonesa sei kusimbisa hama dzake?
5 Muna 33 N.V., Jesu akachengeta Paseka navadzidzi vake kwenguva yokupedzisira. Ipapo, pashure pokudzinga Judhasi Iskarioti, iye akatanga kuchengetwa kweChirangaridzo, achiti: “Ndinoita sungano nemi [varume], kungofanana naBaba vangu vakaita sungano neni, youmambo . . . Simoni, Simoni, tarira! Satani araira kuti akuzungurei imi sezviyo. Asi ndakakumbirira kuti kutenda kwako kurege kuneta; uye iwe, kana wangodzoka bedzi, simbisa hama dzako.”—Ruka 22:28-32, NW.
6 Jesu akanyengetera kuti kutenda kwaSimoni Petro kurege kuneta. Kunyange zvazvo Petro akaganza nokunyanyozvivimba kuti aisazotongoramba Jesu, chinguvana pashure paikoko akaita saizvozvo katatu. (Ruka 22:33, 34, 54-62) Kutaura idi, nokuurawa kwoMufudzi kwakadeya kutaurwa, makwai akaparadzirwa. (Zekaria 13:7; Marko 14:27) Zvisinei, apo Petro akanaya mukuwira kwake mumusungo worutyo, iye akasimbisa hama dzake dzomudzimu. Iye akamutsa nhau yomutsivi waJudhasi Iskarioti asina kutendeka. Achishanda somutauriri wavaapostora paPentekosta 33 N.V., Petro akashandisa yokutanga ye“kiyi” idzo Jesu akamupa, achizarurira vaJudha nzira yokuva mitezo yoUmambo. (Mateo 16:19; Mabasa 1:15–2:41) Satani akanga araira kuva navaapostora kuti avasefe sezviyo, asi Mwari akaita kuti kutenda kwavo kusakundikane.
7 Fungidzira kuti Petro akanzwa sei apo akanzwa Jesu achiti: “Ndakukumbirira kuti kutenda kwako kurege kuneta.” (NW) Chimbofunga zvako! Ishe wake naTenzi akanga anyengetera kuti kutenda kwaPetro kugorega kukundikana. Uye hakuna kukundikana, kana kuti kuneta. Kutaura idi, pazuva rePentekosta, Petro navamwe vakava vanhu vokutanga vakazodzwa nomudzimu mutsvene kuva vana vomudzimu vaMwari, vadyi venhaka naKristu vanokarirwa mumbiri yokudenga. Nomudzimu mutsvene ipapo uchishanda pavari mumwero wakanga usina kuzivikanwa kare, vaigona kuratidzira chibereko chawo, kubatanidza kutenda, kupfuura nakare kose. Imhinduro inoshamisa zvakadini kuchikumbiro chavo, chokuti: “Tiwedzerei kutenda kwedu”!—Ruka 17:5; VaGaratia 3:2, 22-26; 5:22, 23.
Kutarisana Nemiedzo Iri Mberi Nokutenda
8. Inyeveroi yakakodzera nguva iyo sangano rakatipa pamusoro pokuzadzikwa kwa 1 VaTesaronika 5:3?
8 Mukuzadzika kwouporofita hweBhaibheri, tichakurumidza kunzwa kudanidzira kwokuti “Rugare nechengeteko!” (1 VaTesaronika 5:3, NW) Ikoku kungagona kuedza kutenda kwedu here? Hungu, nokuti tiri mungozi yokubvurirwa nebudiriro iri pachena iyo marudzi angava nayo mukuparira rugare. Asi hatisati tichizogoverana mudzimu wavazivisi vakadaro vorugare kana tikarangarira kuti Jehovha Mwari haasi kushandisa api naapi amasangano enyika ino kudonzo iroro. Iye ane nzira yake amene yokuunza nayo rugare rwechokwadi, uye ikoko kuri bedzi kupfurikidza noUmambo hwake hunodzorwa naJesu Kristu. Nokudaro, budiriro ipi neipi iyo marudzi angava nayo mukutanga rugare, ichava pfupi uye bata kumeso bedzi. Kutibetsera kuramba takangwarira muna ikoku, “muranda akatendeka naakachenjera” achapfuurira kubudisa nyevero dzakakodzera nguva kuti vabatiri vaJehovha vagorega kubvurirwa neziviso yokuzvitutumadza inouya yo“Rugare nechengeteko” inoitwa namarudzi etsika ino yekare yezvinhu.—Mateo 24:45-47, NW.
9. Neiko ruparadziko rweBhabhironi Guru rucharaira kushinga nokutenda kwatiri?
9 Danidziro yokuti “Rugare nechengeteko!” ichava chiratidzo cho“ruparadziko rwakamwe kamwe” ruchauya paBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 17:1-6; 18:4, 5, NW) Ikokuwo kuchaedza kutenda kwechiKristu. Norudzidziso rwenhema runowa muruparadziko, Zvapupu zvaJehovha zvicharamba zvakasimba mukutenda here? Chokwadika zvichadaro. Ichi chinoitika—chisingakarirwi uye chisinganzwisisiki nokuda kwavanhu vazhinjisa—hachisati chichizova chinoitwa nomunhu. Vanhu vanofanira kuziva kuti chaizvoizvo rutongeso rwaJehovha, mukutsveneswa kwezita iro rudzidziso rwenhema rwakatuka kwenguva refu. Asi vanhu vangaziva sei kutoti mumwe munhu akanga avaudza? Uye ndivanaani kunze kweZvapupu zvaJehovha vangagona kukarirwa kuvaudza kudaro?—Enzanisa naEzekieri 35:14, 15; VaRoma 10:13-15.
10. Denho yaGogi pavanhu vaJehovha ichavawo sei muedzo wokutenda?
10 Zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha navasonganiri vazvo vane tariro yapasi zvakava nokushinga kwaidikanwa kuudza vamwe pamusoro pokuitwa kwava pedyo kworutongeso rwaJehovha mukurwisana neBhabhironi Guru netsika yose yezvinhu yaSatani yasara. (2 VaKorinte 4:4) Mubasa rake saGogi waMagogi, kuratidzira nzvimbo yake yakashata yazvino, Satani achaunganidza masimba ake apasi nokuda kwedenho yachose chose pavanhu vaMwari. Kutenda mumasimba oumwari anodzivirira nokuda kweZvapupu zvaJehovha kuchaedzwa. Asi tinogona kuva nokutenda kwokuti sokudeya kutaura kwakaita Shoko raMwari, Jehovha achanunura vanhu vake.—Ezekieri 38:16; 39:18-23.
11, 12. (a) Chii chakaita kuti ruponeso rwaNoa nemhuri yake ruve rwechokwadi mukati maMafashamo? (b) Hatisati tichizofanira kunetseka pamusoro pechii mukati medambudziko guru?
11 Nhasi, hatizivi chaizvoizvo kuti Jehovha achadzivirira sei vanhu vake mukati me“dambudziko guru,” asi ikoku hakusi chikonzero chokupanikira kuti iye achaita saizvozvo. (Mateo 24:21, 22, NW) Mugariro wavabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno uchava wakafanana nouyo umo Noa nemhuri yake vakazviwana vamene vari mukati maMafashamo. Vapfigirwa mukati meareka nemvura dzinovinduka dzoruparadziko dzakavapoteredza, sezvingabvira vakatyiswa neratidzirwo iyoyi yesimba roumwari uye vanofanira kuva vakanyengetera zvapachokwadi. Hakuna ratidziro yapaMagwaro yokuti vakanetseka ndokuzvibvunza vamene, kuti: ‘Areka yakasimba zvomenemene zvakaringanira kupukunyuka masimba anoparadza here? Tine zvokudya zvakaringanira kutozosvikira Mafashamo apera here? Tichakwanisa kugonana nemigariro yakachinja pasi pano pashure here?’ Zvinoitika zvapashure zvakabvumikisa kuti kunetseka kwakadaro kungadai kusina kuva nehwaro.
12 Kuti vave nechokwadi choruponeso rwavo, Noa nemhuri yake vaifanira kushandisa kutenda. Ikoku kwakareva kutevera mirairidzo nenhungamiro zvomudzimu mutsvene waMwari. Mukati medambudziko guru, kuchava kuri madikanwa zvakafanana kuti titevere nhungamiro dzomudzimu mutsvene ndokuteerera mirairidzo yaJehovha kupfurikidza nesangano rake. Ipapo hatisati tichizova nechikonzero chokunetseka ndokubvunza, kuti: ‘Zvinodikanwa zvedu zvomudzimu nezvokunyama zvichagutswa sei? Igadziriroi ichaitwa nokuda kwavanhu vakura kana kuti nokuda kwaavo vanoda tarisiro chaiyo yokurapa kana kuti kurapwa? Jehovha achakuita sei kuti kutibvirire kupukunyukira munyika itsva?’ Nokutenda kwakasimba, vose vavabatiri vakavimbika vaJehovha vachasiya chinhu chiri chose mumaoko ake anokwanisa.—Enzanisa naMateo 6:25-33.
13. Apo dambudziko guru rinovamba bedzi, neiko tichizoda kutenda kwakafanana nokwaAbrahama?
13 Apo dambudziko guru rinenge rangotanga bedzi, pasina panikiro kutenda kwedu muna Mwari kuchasimbiswa zvikuru. Pashure pokurangarira zvose, tichaona kuti Jehovha ari kuita zvaakataura kuti aizoita. Tichave tichiona kuita kwake rutongeso nameso edu timene! Asi somunhu oga tichava nokutenda kwakakwana kudavira kuti paanenge achiparadza vakaipa, Mwari achachengeta vanhu vake here? Tichava vakafanana naAbrahama here, uyo aiva nokutenda kwokuti ‘Mutongi wapasi pose achaita zvakarurama,’ kwete kuparadza vakarurama pamwe chete navakaipa?—Genesi 18:23, 25.
14. Mibvunzoi inofanira kutiparira kukamuranisa kutenda kwedu ndokushanda zvakaoma kukusimbisa?
14 Kunokosha sei kuti zvino tivake kutenda kwedu! Nomugumo wetsika ino yezvinhu yakaipa waswedera pedyo kwazvo, ngatibvumirei mudzimu waMwari kutisundira ku“mabasa matsvene omufambiro nezviito zvokuzvipira kwoumwari.” (2 Petro 3:11-14, NW) Ipapo hatisati tichizotambudzwa mukati medambudziko guru nemifungo inoshungushidza yakadai seiyi: ‘Ndakafanirwa nokugamuchira dziviriro yaJehovha here? Ndingagona kuve ndakaita zvakawanda mubasa rake here? Ndakashanda chaizvoizvo zvakaoma zvakakwana kupfeka “hunhu hutsva” here? Ndiri rudzi rwomunhu urwo Jehovha anoda munyika itsva here?’ Mibvunzo yakakomba yakadaro inofanira kutiparira kukamuranisa kutenda kwedu uye kushanda zvakaoma kukusimbisa iko zvino!—VaKorose 3:8-10.
Kutenda Kunotiponesa
15. Jesu Kristu pane dzimwe nguva akaudzei avo iye akaporesa, asi neiko ikoku kusingatsigiri kuporesa kwokutenda kwomuzuva razvino?
15 Jesu haana kuganhurira mabasa ake okuporesa mumuviri kuvanhu vane kutenda. (Johane 5:5-9, 13) Naizvozvo mubato wake hautsigiri dzidziso isiri yapamagwaro yokuporesa kwokutenda. Chokwadi, Jesu pane dzimwe nguva akaudza vaakaporesa, kuti: “Kutenda kwako kwakuponesa.” (Mateo 9:22; Marko 5:34; 10:52; Ruka 8:48; 17:19; 18:42) Asi kupfurikidza nokutaura izvozvi, iye akanga achingoonesa zvokwadi iri pachena: Kudai vaitambudzika ivavo vakanga vasina kutenda musimba raJesu rokuporesa, vangadai vasina kuuya kwaari nokuda kwokuporeswa.
16. Igadziriroi yokuporesa iyo Jesu ari kutungamirira nhasi?
16 Nhasi, Jesu Kristu ari kutungamirira gadziriro yokuporesa kwomudzimu, uye vanhu vanopfuura 4 000 000 vakazviisa vamene munzvimbo yokubetserwa nayo. SeZvapupu zvaJehovha, vari kufarikanya utano hwomudzimu pasinei hapo noundonda hupi nohupi hwomuviri hwavangave vanahwo. MaKristu akazodzwa ari pakati pavo ane tariro yokudenga, uye ‘anochengeta meso awo pazvinhu zvisingaperi zvisingaoneki.’ (2 VaKorinte 4:16-18; 5:6, 7) Uye maKristu ane tariro yapasi anotarira mberi kumabasa anoshamisa okuporesa munyama kuchaitika munyika itsva yaMwari.
17, 18. Igadziriroi yaJehovha inorondedzerwa pana Zvakazarurwa 22:1, 2, uye kutenda kunodikanwa sei kuti tibetserwe nayo?
17 Muapostora Johane akanongedzera kugadziriro dzaMwari dzoupenyu husingagumi muaya mashoko ari pana Zvakazarurwa 22:1, 2: “Zvino akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro cho[umambo, NW] chaMwari necheGwaiana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kune muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri; uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.” “Mvura youpenyu” inobatanidza Shoko raMwari rezvokwadi neimwe gadziriro iri yose yaJehovha yokubvisa vanhu vanoteerera muchivi norufu uye kuvapa upenyu husingagumi pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu. (VaEfeso 5:26; 1 Johane 2:1, 2) Vachiri pasi pano, vateveri vakazodzwa vaJesu vane 144 000 vanonwa gadziriro yaMwari youpenyu kupfurikidza naKristu uye vanodanwa kuti “miti mikuru yokururama.” (Isaya 61:1-3, NW; Zvakazarurwa 14:1-5) Vakabereka zvibereko zvizhinji zvomudzimu pasi pano. Savakamutswa vari mudenga, mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu, vachagoverana mukuparadzira gadziriro dzorudzikinuro idzo dzichabatira nokuda kwoku“poresa marudzi” (NW) muchivi norufu.
18 Kana kutenda kwedu kwakasimba zvikuru muidzi gadziriro dzaMwari, kudisa kwedu kutevera nhungamiro dzomudzimu wake kuti tidzidye kuchava kukuru zvikuru. Kukwana kwomuviri sezviri pachena kuchauya sezvo munhu anoshandisa kutenda muna Kristu uye anoita fambiro mberi yomudzimu. Kunyange zvazvo munhu achave aporeswa nenenji pakuremara kukuru, iye achaunzwa pedyo zvikuru nokukwana sezvaanoshandisa chiri chakarurama. Nguva dzose achave achidya gadziriro yaMwari yokuporesa kupfurikidza nechibairo chaKristu. Naizvozvo kutenda kuchapesvedzera kuva kwedu tinoporeswa ndokukwaniswa nenzira yokunyama.
“Kuponeswa Kupfurikidza Nokutenda”
19. Neiko kuchikosha kuramba takasimba mukutenda?
19 Kusvikira mavambo enyika itsva yaMwari adzinga nokusingaperi rima renyika iripo yakaipa, kunokosha sei kuti vabatiri vaJehovha varambe vakasimba mukutenda! Vanhu “vasina kutenda” vachakandirwa mu“dziva romwoto nesurferi,” rufu rwechipiri. Nokukurumidza, ikoku kuchaitika pashure pomuedzo wokupedzisira pamugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu. (Zvakazarurwa 20:6-10; 21:8) Mugariro waavo vanopfuurira kushandisa kutenda ndokupukunyuka kuti vafarikanye nguva yemberi isingagumi wakakomborerwa sei!
20. Ko 1 VaKorinte 13:13 ichava sei nerevo chaiyo pamugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu?
20 Ipapo aya mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 13:13 achava nerevo chaiyo: “Zvino kutenda, netariro, norudo, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.” Hatisati tichizotongodazve kushandisa kutenda kuti chipikirwa chouporofita chiri pana Genesi 3:15 chichava chaichoicho kana kuti kukarira kuti chichazadzikwa. Ikoko kuchave kwaitika. Savachengeti veperero, tichapfuurira kuvimba naJehovha, kuva nokutenda maari noMwanakomana wake, uye kuvada saavo vakaparira kuzadzikwa kwouporofita uhu. Uyezve, rudo rukuru nokuonga kwechokwadi nokuda kworuponeso rwedu zvichatibatanidza naMwari mukuzvipira kusingaputsiki nokusingagumi kose.—1 Petro 1:8, 9.
21. Chii icho isu nhasi tinofanira kuita kuti ti“poneswe kupfurikidza nokutenda”?
21 Kupfurikidza nesangano rake rinooneka, Jehovha akaita gadziriro dzinoshamisa dzokusimbisa kutenda. Shandisa dzose zvakazara. Pinda ndokutora rutivi nguva dzose mumisangano yavanhu vaMwari. (VaHebheru 10:24, 25) Funda Shoko rake nezvinyorwa zvechiKristu nokushingaira. Kumbira Jehovha nokuda kwomudzimu mutsvene wake. (Ruka 11:13) Tevedzera kutenda kwaavo vari kutungamirira nokuzvininipisa muungano. (VaHebheru 13:7) Dzivisa miedzo yenyika. (Mateo 6:9, 13) Hungu, uye kudza ukama hwako hwomunhu oga naJehovha munzira iri yose inobvira. Kupfuura zvose, pfuurira kushandisa kutenda. Ipapo unogona kuva pakati paavo vanofadza Jehovha ndokuwana ruponeso, nokuti Pauro akati: “Nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari.”—VaEfeso 2:8.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Miedzoi yokutenda iri zvakananga pamberi pedu apa?
◻ Kutenda kwedu kunogona kutiponesa munzirai mbiri?
◻ Mukuwirirana na 1 Petro 1:9, tinofanira kuchengeta kutenda kwenguva yakareba sei?
◻ Igadziriroi dzatinadzo dzokusimbisa kutenda kwedu?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kufanana nababa ane mwanakomana akaporeswa naJesu, unonzwa kudikanwa kwomunhu oga kwokutenda kwakawanda here?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kutenda kwakafanana nouko kwaNoa nemhuri yake kuchadikanwa kuti tipukunyuke “dambudziko guru”