RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvakazarurwa Newe
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
    • 3, 4. Ko ngirozi inopfuurira kuzivisei Johane, uye vakasarira vakazodzwa vakateerera sei mashoko ayo?

      3 Johane anopfuurira, kuti: “Iyo inondiudzawo, kuti: ‘Usanamira mashoko ouporofita hwouyu mupumburu wamanyoro, nokuti nguva yakagadzwa yava pedyo. Iye ari kuita kusarurama, ngaarambe achiita zvokusarurama; uye une tsvina ngaarambe achisvibiswa, asi wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama, uye mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.’”—Zvakazarurwa 22:10, 11.

  • Zvakazarurwa Newe
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
    • 5. (a) Zvakadiniko kana vanhu vachida havo kufuratira nyevero nezano zviri muna Zvakazarurwa? (b) Chii chinofanira kuva kuita kwavanyoro navakarurama?

      5 Kana vanhu vachida havo kufuratira nyevero nezano zviri muna Zvakazarurwa, eya, ngavaite havo kudaro! “Iye ari kuita kusarurama, ngaarambe achiita kusarurama.” Kana chiri chisarudzo chavo, avo vanoumburuka mutsvina yezera rino ramadiro vanogona kufira mutsvina iyeyo. Nokukurumidza, marutongeso aJehovha achaitwa zvizere, achitanga noruparadziko rweBhabhironi Guru. Vanyoro ngavashingairire kutetekera mashoko ouporofita, anoti: “Tsvakai Jehovha . . . Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe imi mungavanzwa muzuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:3) Kana vari avo vakatozvitsaurira kuna Jehovha, “wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama, uye mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.” Wakachenjera anoziva kuti hakuna chimuko chechinguvana chinobva muchivi chinogona kuenzanisirwa nezvikomborero zvisingaperi zvichafarikanywa naavo vanoronda kururama noutsvene. Bhaibheri rinoti: “Rambai muchiedza kana imi muri mukutenda, rambai muchizvibvumikisa zvamuri imi mumene.” (2 VaKorinte 13:5) Kuchitsamira panzira yaunosarudza ndokugara nayo, uchagamuchira tuso yako.—Pisarema 19:9-11; 58:10, 11.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe