Ganhuro 44
Zvakazarurwa Newe
1. (a) Ko ngirozi inopa Johane kusimbisiraizve pamusoro pezvipikirwa zvose zvinoshamisa zviri muna Zvakazarurwa? (b) Ndiani uyo anotaura kuti, “Ini ndinokurumidza kuuya,” uye uku “kuuya” kuri rini?
PAKURAVA rondedzerwo inofadza yeJerusarema Idzva, ungava anosundwa kubvunza, kuti: ‘Ko chimwe chinhu chinoshamisa zvikuru kudai zvamazvirokwazvo chingavapo here?’ Johane anopindura mubvunzo iwowo kupfurikidza nokushuma mashoko anotevera engirozi, kuti: “Zvino iyo yakati kwandiri: ‘Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi; hungu, Jehovha Mwari wemidzimu yakafuridzirwa yavaaporofita akatuma ngirozi yake kundoratidzira varanda vake zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza. Uye, tarira! ini ndinokurumidza kuuya. Anofara ndiye munhu upi noupi anochengeta mashoko ouporofita hwouyu mupumburu wamanyoro.’” (Zvakazarurwa 22:6, 7) Zvipikirwa zvose zvinoshamisa zvaZvakazarurwa zvichazadzika zvamazvirokwazvo! Ichitaura muzita raJesu, ngirozi inozivisa kuti Jesu anouya nokuchimbidza, “nokukurumidza.” Ikoku kunofanira kuva kuuya kwaJesu “sembavha” kuzoparadza vavengi vaJehovha ndokupinza mugumo wakaisvonaka nounofadza waZvakazarurwa. (Zvakazarurwa 16:15, 16) Naizvozvo, isu tinofanira kuwiriranisa upenyu hwedu namashoko o“uyu mupumburu wamanyoro,” Zvakazarurwa, kuti tigonzi tinofara panguva iyeyo.
2. (a) Ko Johane anoita sei pakuwadzanyurwa zvikuru kwazvakazarurwa, uye ngirozi inomuudzei? (b) Chii chatinodzidza mumashoko engirozi okuti, “Una ngwarira!” uye, “Namata Mwari”?
2 Pashure pokuwadzanyurwa zvikuru kwakadaro kwaZvakazarurwa, kunonzwisisika kuti Johane akanzwa aororwa: “Eya, ini Johane, ndini ndakanga ndiri kunzwa uye ndichiona zvinhu izvi. Zvino apo ini ndakanga ndanzwa uye ndaona, ndakawira pasi kunamata pamberi patsoka dzengirozi yakanga yave ichindiratidzira zvinhu izvozvi. Asi iyo inondiudza, kuti: ‘Unangwarira! Rega kudaro! Ini ndinongovawo zvangu muranda biyako nowehama dzako dziri vaporofita nowaavo vanochengeta mashoko ouyu mupumburu wamanyoro. Namata Mwari.’” (Zvakazarurwa 22:8, 9; enzanisa naZvakazarurwa 19:10.) Iyi nyevero yakataurwa kaviri yokusanamata ngirozi yakanga yakakodzera musi muzuva raJohane, apo vamwe sezvinooneka vaironda kunamatwa kwakadaro kana kuti vaitaura kuti vaiwana zvakazarurwa chaizvo zvinobva kungirozi. (1 VaKorinte 13:1; VaGaratia 1:8; VaKorose 2:18) Nhasi, inosimbisa idi rokuti isu tinofanira kunamata Mwari woga bedzi. (Mateo 4:10) Hatifaniri kushatsa kunamata kwakachena kupfurikidza nokunamatwa kwomunhu upi noupi kana kuti chinhu chipi nechipiwo zvacho.—Isaya 42:5, 8.
3, 4. Ko ngirozi inopfuurira kuzivisei Johane, uye vakasarira vakazodzwa vakateerera sei mashoko ayo?
3 Johane anopfuurira, kuti: “Iyo inondiudzawo, kuti: ‘Usanamira mashoko ouporofita hwouyu mupumburu wamanyoro, nokuti nguva yakagadzwa yava pedyo. Iye ari kuita kusarurama, ngaarambe achiita zvokusarurama; uye une tsvina ngaarambe achisvibiswa, asi wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama, uye mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.’”—Zvakazarurwa 22:10, 11.
4 Vakasarira vakazodzwa nhasi vakateerera mashoko engirozi. Ivo havana kunama mashoko ouporofita. Chokwadika, chinyorwa chimene chokutanga cheZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence (July 1879) chakaronga tsinhiro pamusoro pendima dzakawanda dzaZvakazarurwa. Sezvatakaona muganhuro yedu yokutanga, Zvapupu zvaJehovha kwamakore zvakabudisa mamwe mabhuku anojekesa bhuku raZvakazarurwa. Zvino tinorereudzirazve ngwariro yavatsvaki vezvokwadi vose kuuporofita hune simba hwaZvakazarurwa nokuzadzika kwahwo.
5. (a) Zvakadiniko kana vanhu vachida havo kufuratira nyevero nezano zviri muna Zvakazarurwa? (b) Chii chinofanira kuva kuita kwavanyoro navakarurama?
5 Kana vanhu vachida havo kufuratira nyevero nezano zviri muna Zvakazarurwa, eya, ngavaite havo kudaro! “Iye ari kuita kusarurama, ngaarambe achiita kusarurama.” Kana chiri chisarudzo chavo, avo vanoumburuka mutsvina yezera rino ramadiro vanogona kufira mutsvina iyeyo. Nokukurumidza, marutongeso aJehovha achaitwa zvizere, achitanga noruparadziko rweBhabhironi Guru. Vanyoro ngavashingairire kutetekera mashoko ouporofita, anoti: “Tsvakai Jehovha . . . Tsvakai kururama, tsvakai unyoro. Zvimwe imi mungavanzwa muzuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:3) Kana vari avo vakatozvitsaurira kuna Jehovha, “wakarurama ngaarambe achiita zvakarurama, uye mutsvene ngaarambe achiitwa mutsvene.” Wakachenjera anoziva kuti hakuna chimuko chechinguvana chinobva muchivi chinogona kuenzanisirwa nezvikomborero zvisingaperi zvichafarikanywa naavo vanoronda kururama noutsvene. Bhaibheri rinoti: “Rambai muchiedza kana imi muri mukutenda, rambai muchizvibvumikisa zvamuri imi mumene.” (2 VaKorinte 13:5) Kuchitsamira panzira yaunosarudza ndokugara nayo, uchagamuchira tuso yako.—Pisarema 19:9-11; 58:10, 11.
6. Ko Jehovha anotii sezvaanotaura kuvaravi vaZvakazarurwa kwenguva yokupedzisira muuporofita?
6 Jehovha, Mambo wokusingagumi, zvino anotaura kuvaravi vaZvakazarurwa kwenguva yokupedzisira muuporofita, achiti: “Tarirai! ini ndinokurumidza kuuya, uye tuso yandinopa ineni, yokupa munhu mumwe nomumwe sezviri basa rake. Ndini Arfa neOmega, wokutanga nowokupedzisira, mavambo nomugumo. Vanofara ndaavo vanosuka nguvo dzavo, kuti chiremera chokuenda kumiti youpenyu chigova chavo uye kuti vagowana kupinda muguta napamasuo aro. Kunze ndiko kune imbwa naavo vanoshandisa uroyi nezvifeve nemhondi navanamati vemifananidzo nomunhu ari wose anopfuurira kureva nhema.”—Zvakazarurwa 22:12-15.
7. (a) Ko Jehovha ano“kurumidza kuuya” nokuda kwei? (b) Neiko vafundisi vechiKristudhomu vasina mugove muJerusarema Idzva?
7 Zvakare, Jehovha Mwari anosimbisa uchangamire hwake nokusingagumi neidi rokuti izvo iye akaita donzo pakutanga achaita pakupedzisira. Iye “anokurumidza kuuya” kuzoita rutongeso uye achatusa avo vanomutsvakisisa. (VaHebheru 11:6) Mipimo yake inosarudza avo vachava vanotuswa naavo vachava vanorambwa. Vafundisi vechiKristudhomu vakaita se“imbwa dzisingatauri,” vachibwairira zvakashata izvo Jehovha anorondedzera pano. (Isaya 56:10-12; onawo Dheuteronomio 23:18, New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.) Ivo va‘kada uye vakapfuurira’ nedzidziso nezvitendero zvenhema uye vakafuratira chose chose zano raJesu rokuungano nomwe. Nokuda kwechikonzero ichecho, havana mugove muJerusarema Idzva.
8. (a) Ndivanaani bedzi vano“enda kumiti youpenyu,” uye ikoko kunorevei? (b) Ko boka guru raka“suka nguvo dzaro” sei, uye iro rinochengeta sei chimiro chakachena?
8 MaKristu akazodzwa iwawo bedzi awo “anosuka nguvo dzavo” zvamazvirokwazvo kuti agova akachena pameso paJehovha akaropafadzwa ku“enda kumiti youpenyu.” Ndiko kuti, ivo vanowana maruramiro nezita rechiratidzo zvoupenyu husingafi munzvimbo yawo yokudenga. (Enzanisa naGenesi 3:22-24; Zvakazarurwa 2:7; 3:4, 5.) Pashure porufu rwawo savanhu, iwo anopinda muJerusarema Idzva kupfurikidza norumuko. Ngirozi 12 dzinoapinza, dzichingunodzivisa upi noupi anoshandisa nhema kana kuti kusachena kunyange zvazvo achikambira kuva netariro yokudenga. Boka guru pasi pano raka‘sukawo nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana uye rinodikanirwa kuchengeta chimiro chawo chakachena. Ikoku vanogona kukuita kupfurikidza nokudzivisa zvakashata izvo Jehovha pano anonyevera pamusoro pazvo, uyewo kupfurikidza nokufungisisa zano raJesu riri mumashoko ake manomwe okuungano.—Zvakazarurwa 7:14; maganhuro 2 ne 3.
9. Ko Jesu anotaura mashokoi, uye Zvakazarurwa zvose zvakanangidzirwa kuna vanaani zvikurukuru?
9 Pashure paJehovha, Jesu anotaura. Iye anotaura mashoko ekurudziro kuvane mwoyo yakarurama avo vanorava Zvakazarurwa, achiti: “Ini, Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuzokupupurirai imi vanhu nezvezvinhu izvi nokuda ungano. Ndini mudzi nomwana waDhavhidhi, uye nyeredzi inopenya yamangwanani.” (Zvakazarurwa 22:16) Hungu, mashoko iwawo nde“eungano zvikurukuru.” Iri ishoko, kutanga, ndereungano yamaKristu akazodzwa pasi pano. Chinhu chiri chose chiri muna Zvakazarurwa pakutanga chinotaurirwa kumaKristu akazodzwa, achagara muJerusarema Idzva. Kupfurikidza neungano iyeyo, boka guru rinoropafadzwawo kuwana nzwisiso yeidzi zvokwadi dzinokosha dzouporofita.—Johane 17:18-21.
10. Neiko Jesu akazviidza amene (a) kuti “mudzi nomwana waDhavhidhi”? (b) “nyeredzi inopenya yamangwanani”?
10 Jesu Kristu akaronzeswa kupa Zvakazarurwa kuna Johane uye kupfurikidza naye kuungano. Jesu ari zvose zviri zviviri “mudzi nomwana waDhavhidhi.” Iye akabva kuna Dhavhidhi mukuwirirana nenyama uye anokwaniriswa kuva Mambo woUmambo hwaJehovha. Iye achavawo “Baba Vokusingagumi” vaDhavhidhi, uye nokudaro “mudzi” waDhavhidhi. (Isaya 9:6; 11:1, 10) Iye ndiMambo wechigarire, asingafi mumutsara waDhavhidhi, anozadzika sungano yaJehovha naDhavhidhi, uye “nyeredzi inopenya yamangwanani” yakadeya kuziviswa muzuva raMosesi. (Numeri 24:17; Pisarema 89:34-37) Iye i“nyeredzi yamasikati” inobuda, ichiparira zuva kuvira. (2 Petro 1:19) Nyengedzo dzose dzomuvengi mukuru Bhabhironi Guru dzakanga dzisingakwanisi kudzivisa uku kubuda kune mbiri.
Vanoti: “Uya!”
11. Ko Johane zvino anopa kokeroi yavose, uye ndivanaani vangadavidza kwairi?
11 Zvino rava jana raJohane amene rokutaura. Kubva mumwoyo uzere nokuonga ndokuda kweizvo akaona ndokunzwa, iye anokuwa, kuti: “Uye mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa nyota ngaauye; munhu upi noupi anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) Betsero dzechibairo chorudzikinuro chaJesu hadzizati dzichizoganhurirwa kuvane 144 000, nokuti pane kokero yavose. Mudzimu unogombedzera waJehovha unoshanda kupfurikidza neboka romwenga, kuti shoko rigopfuurira kuva rinoziviswa nokujeka kwose: “Torai mvura youpenyu pachena.” (Onawo Isaya 55:1; 59:21.) Munhu upi noupi ari kunzwa nyota nokuda kwokururama anokokwa ku“uya” ndokugamuchira tuso yaJehovha. (Mateo 5:3, 6) Haiwa vakaropafadza sei vose veboka rinokarirwa rapasi vanodavidza kuiyi kokero yeboka rakazodzwa raJohane!
12. Ko boka guru rinodavidza sei kukokero yaZvakazarurwa 22:17?
12 Kubvira mukuvamba mama1930, chiverengero chinowedzera cheboka guru chave “chichinzwa”—chichiteerera kokero. Savaranda biyavo vakazodzwa, ivo vakasvika kuchimiro chakachena pamberi paJehovha. Ivo vanopanga nguva apo Jerusarema Idzva richaburuka richibva kudenga kuzoyereredza zvikomborero kuvanhu. Zvarakanzwa shoko rinonyandura raZvakazarurwa, boka guru harizati richingoti bedzi “Uya!” asi nomutoo wokushingaira rinounganidzira vamwe kusangano raJehovha, richirovedza ivavowo kuzivisa, kuti: “Munhu upi noupi unonzwa nyota ngaauye.” Naizvozvo chiverengero cheboka guru chinopfuurira kuwedzera, sezvo vanopfuura 6 000 000 vari munyika 235 pasi rose vanogoverana navari pasi zvikuru pe9 000 veboka rakazodzwa romwenga mukutambanudzira kokero yo“kuzotora mvura youpenyu pachena.”
13. Ko Jesu anobudisa nyeveroi?
13 Tevere, ndiJesu anotaura zvakare, achiti: “Ini ndinopupurira munhu ari wose anonzwa mashoko ouporofita hwouyu mupumburu wamanyoro: Kana munhu upi noupi akaita wedzero kuzvinhu izvi, Mwari achawedzera kwaari madambudziko akanyorwa muuyu mupumburu wamanyoro; uye kana munhu upi noupi akabvisa chinhu chipi nechipi mumashoko omupumburu wamanyoro wouhwu uporofita, Mwari uchabvisa mugove wake pamiti youpenyu nomuguta dzvene, zvinhu zvakanyorwa pamusoro pouyu mupumburu wamanyoro.”—Zvakazarurwa 22:18, 19.
14. Ko boka raJohane rinorangarira sei “uporofita” hwaZvakazarurwa?
14 Avo veboka raJohane vanofanira kurereudzira ngwariro ku“uporofita” hwaZvakazarurwa. Havafaniri kuuvanza kana kuti kuuwedzera. Shoko rawo rinofanira kuparidzirwa pamhene, “pamusoro pedzimba.” (Mateo 10:27) Zvakazarurwa zvakafuridzirwa naMwari. Ndiani hake angatsunga kuchinja shoko reizvo Mwari iye amene akataura uye akatumira kupfurikidza nouyo zvino ari Mambo anotonga, Jesu Kristu? Zvamazvirokwazvo, munhu akadaro angafanirwa nokurashikirwa mukuronda nokuda kwao upenyu ndokutambura madambudziko anofanira kuwira Bhabhironi Guru napanyika yose.
15. Chii chiri revo yamashoko aJesu okuti iye “anopupurira zvinhu izvozvi” uye “ini ndinokurumidza kuuya”?
15 Jesu zvino anowedzera shoko rokupedzisira rekurudziro: “Iye anopupurira zvinhu izvozvi anoti, ‘Hungu; ini ndinokurumidza kuuya.’” (Zvakazarurwa 22:20a) Jesu ndiye “chapupu chakatendeka nechechokwadi.” (Zvakazarurwa 3:14) Kana iye achipupurira zviono zvaZvakazarurwa, izvo zvinofanira kuva zvechokwadi. Vose vari vaviri iye naJehovha Mwari vakadzokorora vadzokororazve kusimbisa idi rokuti ivo vanouya “nokukurumidza,” kana kuti nokuchimbidza, Jesu pano achitaura ikoku kwenguva yechishanu. (Zvakazarurwa 2:16; 3:11; 22:7, 12, 20) “Kuuya” kwacho ndokwokuzoita rutongeso pahure guru, “madzimambo” ezvamatongerwe enyika navamwe vose vanoshora “umambo hwaShe wedu [Jehovha] nohwaKristu wake.”—Zvakazarurwa 11:15; 16:14, 16; 17:1, 12-14.
16. Uchiziva kuti Jehovha Mwari naJesu vanokurumidza kuuya, chiitoi chokutsunga chaunofanira kuita?
16 Kuziva kwako kuti Jehovha Mwari naJesu vanokurumidza kuuya kunofanira kukukurudzira ku“sanorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.” (2 Petro 3:12) Ipi neipi inoratidzika kuva gadzikano yepasi yetsika yezvinhu yaSatani inyengedzo. Rupi norupi runoratidzika kuva rubudiriro urwo matenga avabati ushe venyika vanodzorwa naSatani vangawana ndorwechinguvana. Zvinhu izvozvi zvinopfuura. (Zvakazarurwa 21:1) Hwechigarire bedzi huchawanwa muna Jehovha, Umambo hwake hunodzorwa naJesu Kristu, nenyika itsva yake yakapikirwa. Usatongorashikirwa nechiono chaikoko.—1 Johane 2:15-17.
17. Ko kushandisa kwako utsvene hwaJehovha kunokutapura sei?
17 Iwe, ipapoka, bvumira zvawakadzidza mufundo yako yaZvakazarurwa kupesvedzera upenyu hwako zvikurukuru. Ko kumbonera kwako kuvapo kwokudenga kwaJehovha hakuna kuroverera mauri mbiri noutsvene zvisingaenzanisirwi zvoMusiki wedu here? (Zvakazarurwa 4:1–5:14) Haiwa iropafadzo yakadini kubatira Mwari wakadaro! Kuonga kwako nokuda kwoutsvene hwake ngazvikusunde kufungisisa zvikuru zano raJesu rokuungano nomwe ndokudzivisa zvinhu zvakadai sokudisa zvinhu zvokunyama, kunamata zvifananidzo, utere, kudziya, masekete avatsauki pakutenda, kana kuti chinhu chipi nechipiwo zvacho chingagona kuita kuti basa rako rive risingagamuchiriki kuna Jehovha. (Zvakazarurwa 2:1–3:22) Mashoko omuapostora Petro kuboka raJohane anoshandawo munheyo kuboka guru: “Mukuwirirana noMutsvene akakudanai, imiwo ivai vatsvene mumufambiro wenyu wose.”—1 Petro 1:15, 16.
18. Ko iwe unofanira kuita rutivi zvizere sezvingabvira muchii, uye neiko iri basa riri rokukurumidzira nhasi?
18 Mukuwedzera, ungasundirwa kurushingairo rwakamutsidzirwa sezvaunozivisa “gore refariro yaJehovha nezuva ramatsive raMwari wedu.” (Isaya 35:4; 61:2) Kunyange uri weboka duku kana kuti weboka guru, iva negoverano izere zvikuru inobvira mukuzivisa kudururwa kwendiro nomwe dzokutsamwa kwaJehovha, uchinozivisa nezvamarutongeso aMwari panyika yaSatani. Panguva imwe cheteyo, ipa inzwi rako kukuparidzirwa kuno mufaro kwamashoko akanaka asingaperi pamusoro poUmambo hwakagadzwa hwaJehovha naKristu wake. (Zvakazarurwa 11:15; 14:6, 7) Ita iri basa nokukurumidza. Uye kuzivikanwa kwokuti tava muzuva raShe ngakusunde vazhinji vachigere kubatira Jehovha kukumbanira mubasa rokuparidzira mashoko akanaka. Ivavawo ngavaenderere mberi kukutsaurira upenyu hwavo kuna Mwari vachirangarira rubhapatidzo. Yeuka, “nguva yakagadzwa yava pedyo”!—Zvakazarurwa 1:3.
19. Ndaapi ari mashoko okupfiga omuapostora akwegura Johane, uye iwe unodavidza sei kwaari?
19 Nokudaro, pamwe chete naJohane, nomutoo wokushingaira tinonyengetera, kuti: “Ameni! Uyai, Ishe Jesu.” Uye Johane, muapostora akwegura, anowedzera, kuti: “Tsitsi dzakakomba dzaShe Jesu Kristu ngadzive navatsvene.” (Zvakazarurwa 22:20b, 21) Ngadzivewo nemi mose munorava ichi chinyorwa. Iva nokutenda kwokuti mugumo wakaisvonaka waZvakazarurwa wava pedyo, kuti iwewo ugone kutikumbanira muna “Ameni!” womwoyo wose.
[Mufananidzo uri papeji 314]
“Kunze ndiko kune imbwa . . . ”
[Mufananidzo uri papeji 315]
“Vanofara ndaavo . . . vanopinda muguta napamasuo aro”