-
Tenga Ndarama Yakanatswa NomwotoZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
2 Nhasi, ungawana matongo eRaodhikia pedyo neDenizli, anenge makiromita 88 nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAlasehir. Muzana rokutanga ramakore, Raodhikia yakanga iri guta rinobudirira. Rakavakirwa pamharadzano huru yomugwagwa, rakanga riri musimboti mukuru nokuda kwokubhanga mari nenhengeseranwa. Kutengeswa kwomushonga wameso kunosanozivikanwa kwakawedzera pfuma yaro, uye rakangawo rakakurumbira nokuda kwenguvo dzaro dzevara rakakwirira dzaiitwa munzvimbomo namakushe amakwai akaisvonaka matema. Kushaikwa kwemvura, chinetso chikuru nokuda kwegutaro, chakanga chakurirwa kupfurikidza nokuyeredzera mvura nomumukoto unobva muzvitubu zvinopisa zviri padaro rakati riri kure. Nokudaro, mvura yaizongova bedzi inodziya panguva yayaisvika mugutaro.
-
-
Tenga Ndarama Yakanatswa NomwotoZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
6. (a) Ko Jesu anorondedzera sei mugariro womudzimu weungano yomuRaodhikia? (b) Ko maKristu omuRaodhikia akakundikana kutevera muenzanisoi wakaisvonaka waJesu?
6 Jesu ane shokoi nokuda kwavaRaodhikia? Iye haana shoko rerumbidzo. Nomutoo wakajeka, iye anovaudza, kuti: “Ini ndinoziva mabasa ako, kuti iwe hauzati uchitonhora kana kuti zvimwe kupisa. Ndinoshuva kuti kudai waitonhora kana kuti zvimwe kupisa. Naizvozvo, nokuti unodziya uye kuti hauzati uchipisa kana kuti kutonhora, ndichakusvipa mumuromo mangu.” (Zvakazarurwa 3:15, 16) Waizoita sei kushoko rakadaro rinobva kunaShe Jesu Kristu? Hauzati waizomuka here ndokuzvinzvera iwe umene? Zvechokwadi, vaRaodhikia ivavo vanoda kuzvinyandura ivo vamene, nokuti vavasimbe mumudzimu, sezvinooneka vachinyanyova nechokwadi chokuti zvinhu zvakanga zvakanaka. (Enzanisa na2 VaKorinte 6:1.) Jesu, uyo ivo samaKristu vaifanira kudai vakatevedzera, anogaroratidzira rushingairo rune mbavarira nokuda kwaJehovha nebasa rake. (Johane 2:17) Kupfuurirazve, vanyoro vakamuwana kuva anogarova akapfava nomunyoro, saanozorodza somukombe wemvura inotonhora pazuva rinopisa nomutoo unodikitirisa. (Mateo 11:28, 29) Asi maKristu omuRaodhikia haazati achipisa kana kuti kutonhora. Kufanana nemvura dzinoyererera muguta rawo, iwo ava asingapisi, anodziya. Iwo anokodzerwa nokurambwa chose chose naJesu, ‘anosvipwa mumuromo make’! Isu timene nguva dzose ngatigwinyirei norushingairo, sezvakaita Jesu, kugovera kuzorodza kwomudzimu nokuda kwavamwe.—Mateo 9:35-38.
-